chidzidzo 4 cha chikunguru 27, 2019mapisarema 101 vatungamiri venyika vane chekuita here nekutonga...
Post on 26-Mar-2020
2 Views
Preview:
TRANSCRIPT
Chidzidzo 4 cha Chikunguru 27, 2019
Mapisarema 9. Tariro mukutongwa
Mapisarema 82. Kutonga kwakarurama
Mapisarema 101. Vatungamiri vakarurama
Mapisarema 146. Mwari ane tsitsi
Zvirevo. Tsitsi nekururamisira
Mapisarema na Zvirevo magwaro maviri akanyatsoitirwa pazvinetso pamusoropekurarama wakatendeka paunenge uri pakati pezviitiko zvemuupenyu ne miedzo.
Ese magwaro ari maviri anopa njere dzawo pane pfungwa dza Mwari pamusoropemagarisaniro evanhu uye hanya Dzake dzakakosha pamusoro pevarombonevanotsikirirwa pakushandiswa.
Kuchema kwaMapisarema uye njere dzaZvirevo zvinoratidza kuti Mwari anoonauye anopindira kuti achengetedze avovanoshairwa hanya nevamwe kana vanotsikirirwa pakushandiswa.
Kana zvirizvo zviri Mwari pamusoropazvo,tinofanirwa kuvawo.
Mapisarema 9
Kutonga kusakarurama mupasi rino rechitemakunokonzera kutambura. Zvinogonawo kupedzisirakuupenyu hweurombo ne kuiswa kunze.
Mwari i "nhare yakasimba panguvayekutambudzika" (Mapisarema 9:9) kune varombonevari kutambura.
Pamusoro pazvo, tine tariro kuti Mwari uchatongazvakarurama: "Ucatoŋga nyika nokururama, Ucatoŋga ʋanhu ɀakafanira." (Mapisarema 9:8).
Avo vasiri kutongwa zvakarurama mupasi rino vane vimbo yekuti kutonga kwakarurama kuchavuya.
Panguva iyo, uyo chete Mutongi oga anotongazvakarurama achapa munhu wese mubayiro kana murango wake.
Mapisarema 82
Mwari akaita mirairo yakarurama yairangakutsikirira vamwe nekusaenzaniswakwevanhu.
Ndiye Mutongi mukuru, uye akapa masimbaake ekutonga kuvanhu vanofanirwa kutongavachitevera mutemo wake wakarurama. Akavadana “vamwari” (v. 1, 6).
Kana vakasa “sunungura varombonevashaiwi … kubva muruwokorwowakaipa" (v. 4), havasi kutongazvakarurama. Zvinozokonzera kuti pave nekugarisana kusina kururama, uye Mwariachada tsanangudzo (v. 7).
Tinogona kutambura nekuda kwekutongakwakanganiswa, asi tinogona kuisa nyaya iyizvekare kuti Mutongi ari pamusoropevatongi vose aongorore uye atongezvekare (v. 8).
Mapisarema 101
Vatungamiri venyika vane chekuitahere nekutonga kusakaruramakurimo?
Dhavhidha akanzwisisa matusoekutonga kusakarurama kana kutongapasina zvinotsigira kwevatongivenyika (Sauro nevatungamiri vake).
Apo akangogadzwa,akazvikomberedza nevanhuvakarurama,akarasa vanozvikudza uye avo vanoitiravokwavo makuhwa,vanonyengera,vanoreva nhemakana vanoita chero zvipi zvakaipa (v. 5, 7, 8).
Kururama netsitsi zvakakoshera vatungamiri vakanaka: "Handiŋgaʋaʋariri cinhu cakaipa." (v. 3)
Mapisarema 146
Mapisarema 146:6-9 inotikurudzira kuti tirumbidze MwariMusiki wedu, uye tivimbe naye nekuti…
Akatendekanokusingaperi
Anomiririrazvinodiwa
nevakadzvinyirirwa
Anopazvekudya
vane nzara
Anosunungura vasungwa
Anosvinudzamapofu
Anosimudzaavo
vakakotamiswa pasi
Anodavakarurama
Anorindavatorwa
Anoriritiranherera
nechirikadzi
Anokonesanzira
dzevakaipa
Nzira yakanakisisa iyo tinogona kunamata Mwari nayo kuita semaitiro ake, nepatinogonesesa napo.
“Zvinhu zvese zvakasikwa
zvinoratidza kutenda kwazvo
kuMubati Mukuru nekuita nepese
pazvinokwanisa kunakisa nyika uye
kumiririra kururama kwa
Mwari,nekudaro vanhu vanofanirwa
kushingaira kuti vamiririre
kuperera kwa Mwari,
vachimubvumira kuti ashande
kubudikidza mavari donzo rake
rekururamisira,tsitsi uye kunaka.”
E.G.W. (Child Guidance, cp. 7, p. 54)
Proverbs
• Usaite usimbe,ukadaro uchava murombo10:4
• Bata nemazvo zvaunazvo nemazvo,nyangwepo zviri zvishoma13:23
• Iva chapupu chezvokwadi. Iva wakatendeka14:5, 25
• Usatsikirira varombo,vaitire tsitsi14:31
• Fara nezva uinazvo15:15-16
• Usazviwanira nenzira isakarurama16:8
• Shandisa zviyero zvakarurama nguva dzose16:11-13
• Usapembedza ane mhosva.Usapomera asina mhaka17:15
• Ukapa varombo,urikupa kuna Jehovha19:17
• Usatorera varombo,usamanikidza vanoshayiwa.Mwariuchavarwira pamhaka yavo22:22-23
28:14-16
• Usasiya Mwari, zvisina basa kuti uri mupfumi kana murombozvakadini30:7-9
Mashoko ehungwaru kubva muna Zvirevo pakurarama kwedu kwe zuva ne zuva:
“Chero chipi chekururamisira,tsitsi uye
kusungunura chinoitisa kuimba kudenga.Baba vari
pachigaro chavo vanoona avo vanoita mabasa aya
emutsa,uye vanovaverenga pamwe nepfuma yavo
yakakosha. 'Vachava vangu,” ndizvo zvinotaura
Jehovha Wamasimba Ose, “pazuva
randichaunganidza pfuma yangu inokosha.' Basa
rese remutsa kune
vanoshaiwa,vanotambura,rinotorwa sekunge
raitirwa Jesu.Apo munosimbisa varombo panguva
yavo yekumanikidzwa,mukanzwira
varikutambura nevakatsikirirwa uye mukava
shamwari kunherera,munosimbisa hukama
hwenyu na Jesu.”
E.G.W. (Testimonies for the Church, vol. 2, cp. 2, p. 25)
top related