Ko munoziva here kuti kuna vamwe vanhu
vanodziviswa kutenda kuna Jesu Kristu?
Kunotova nedzimwe nyika dzine hurumende
dzisingafariri chiKristu.
Ko munoziva here kuti vaKristu vomunyika idzodzo
vanotambudzwa zvikuru vachinzi varandure chiKristu.
Kana vachirambira pachiKristu vanosungwa vachiiswa
mumajere vachitambudzwa kwazvo imomo.
Bhuku iri rakanyorwa nomumwe muKristu
wakapedza makore ane gumi namana ari mujere. Saka
anoti, "lni ndaitambudzwa munyika idzodzo asi Mwari
wakandibetsera ndikapukunyuka ndiri mupenyu. Zvino
herino shoko randauya naro, ndichizokumbirira hama
dzangu dziriko. Ndivo vakandituma kuti ndiuye neshoko
iri ".
Kana pane chamunoda kutinyorera pamusoro pamashoko
ari mubhuku iri, mungatinyorera muchiisa kero iyi
Christian Mission to the Communist World,
P.O. Box 7830,
Johannesburg 2000,
South Africa.
VAKATAMBURIRA KUTENDA KWAVO
rakanyorwa
naRichard Wurmbrand
Translated into Shona and published on behalf of
Mor,aenster Mission, P.O. Morgcnster.
F0395
Tortured For Christ
Shona Edition
Copyright 2015 Voice Media
[email protected] Web home: www.VM1.global
All rights reserved. No part of the publication may be reproduced, distributed or transmitted in any form or by any means, including photocopying, recording, or other electronic, or mechanical methods, without the prior written permission of the publisher, except in the case of brief quotations embodied in critical reviews and certain other noncommercial uses permitted by copyright law. For permission requests, email the publisher, addressed “Attention: Permission Coordinator,” at the address above.
This publication may not be sold, and is for free distribution only.
MUNYORI WEBHUKU
Bh uku rino rakanyorwa na VaRichard Wurm brand. lye wakanga ari mufundisi munyika yeRumania maakaberekerwa. Wakambosungwa navakomunist, akagara mujere ravo makore ane gumi namana. Mufundisi Wurmbrand wakanga ari munhu wakakurumbira zvikuru munyika yeRumania nokuti waiva mufundisi wekereke uye wakanyorawo mabhuku mazhinji echiKristu. akasimbisawo basa rezvikoro zvavana.
Vakomunist vakatanga kubata nyika yeRumania mugore ra1945. Vakarambawo vachipinda 1mme zvekereke zvishoma nezvishoma kudzamara vapamba kereke chose vachida kuti va-: gogona kudzima kutenda kwechiKristu. �papo Wurmbrand \.'.akatanga kubata pakavanda achiparidzira vanhu vake Vhangeri yaKri�tu, kunyange vak<inga vobatwa navakumunist vanoti hakuna Mwari. Wurmbrand wakaita izvi achida kuti vanhu vake vagonzwa Shoko raMwari. Waidawo kuti varwi. vavaRussia, vaya vakapinda munyika yeRumania, vaparidzirwe Shoko raMwari. Wakagona kui(a izvozvi zvose.
Asi mufundisi uyu wakazosungwa mugore ra1940 panhu pamwe nomudzimai wake Sabine. Mudzimai wake wakatumwa kuchibharo kwaakandogara makore matatu. lye mufundisi Wurmbrand wakapinzwa mu_jere akaiswa muchiimba chake oga maakagara asingatenderwi kuonana navamwe vanhu asi varindi voga vavakomunist vaigara vachimutambudza. Makore matatu apera, wakaiswa muimba hum panhu pamwe navamwe vasungwa. vose, asi wakangoramba achitambudzwa saizvozvo kwamakore mashanu aakagara panhu pamwe navamwe vasungwa.
Mufundisi Wurmbrand wakazikanwa kunyange mun� dzimwe nyika saka vamwe vakazobvunza vakomunist veRumania vachiti, Ko Wurmbrand aripi? Ko achiri mupenyu here? Ipapo vakomunist vakati, Wurmbrand wakatiza, haasati achiri munyika ino yeRumania. .Mumwe musi mapurisa avakomunist aka·cnda kumudzimai wake vakandomunyengera vachiti, Isn taiva mujere panhu pamwe nomurume wenyu. Zvino takazobuda hedu asi tauya kuzokuudzai kuti murume wenyu wakafira mujere, isu vasungwa tikamuvigamo. Ipapo hama dzake dzose dzaimomo muRumania neshamwari dzake dzomudzimwe nyika dzakaudzwa kuti Wurmbrand hakuchina, wakashayika.
Makore masere apera, Wurmbrand wakaregedzwa akatangazve kubata mukereke iya inoshumira Mwari pakavanda. K wakangopera makore maviri oga asunungurwa, ipapo ndokusun_gwazve akatongerwa makore ana makumi maviri namasham,.1 mujere.
Mugore ra1964, vamwe vasungwa vazhinji vakaregedzwa, na Wurmbrand akaregedzwawo. Pakarepo wakadzokera kubasa rake rokuparidzira vamwe Shoko raMwari. Zvino vamwe vaKristu vomunyika yeNorway vakatya kuti angasungwazve saka vakakumbira hurumende yeRumania vachiti, Wurmbrand haangatenderwi here kubuda munyika yake? Pamazuva iwawo, hurumende yakanga yatotara kuti vaya vakambosungirwa kuramba chikomunist, kana vachida kubva munyika yeRumania vangabva havo kana varipa mari inoita $1600,00 pamunhu mumwe. Asi zvino hurumende yakazoti kana Wurmbrand achida kubuda munyika ino angatenderwa hake kana achinge abvisa mari inoita $5000,00. Wurmbrand wakazogona kubva munyika yeRumania mari iyeyo yaripwa.
Wurmbrand ari Amerika, wakambokumbirwa neimwe 1-'omiti yeSenate, vachida kumubvunza pamusoro pezviito zvavakomunist. Zvino iye wakabvisa hembe yake akavaratidza mavanga ane gumi namasere aiva pamuviri wake. Mavanga iwawa ndiwo aakakuvadzwa navakomunist vachimutambudza nokumurova mujere. lpapo rondedzero yake pamusoro pezvaakaitirwa, yakanyorwa mumapepanhau mazhinji omunyika dzeAmerika neEurope nyange neAsiawo. Mumwedzi waSeptember, 1966, wakaudzwa kuti hurumende yeRumania yakati, kana akangoramba achitaura pamusoro pezvaakaitirwa nesu, akasanyarara, tichatuma vanhu kuzomuuraya ikoko kwaari. Nyange zvakadaro haana kunyarara asi wakaramba achitaurira vanhu. Vaya vakamunzwa vakati Wurmbrand ndiye muromo wekcreke iya inobata pakavauda munyika dzavakomunist.
SHOKO ROKUV AMBA
(Shoko iri rakanyorwa naMufundisi W. Stuart Harris F.R.G.S., mutungamiriri weEuropean Christian Mission)
Ini .ndakapinda munyika yeRumania mumwedzi waDecember, 1964. Panhambo iyeyo ndakanga ndangosarirwa nenyika mbiri dzoga dzeEurope, kubvira Albania neRumania. Asi ndakanzwa Mwari achiti ndiende Rumania, saka ndakaendako panhu pamwe namufundisi John Mosley.
Tichisvikako, takaona pakarepo kuti zvino tava munyika yavakomunist nokuti vairinda zvose zvataiita. Kunyange zvakadero vaKristu vakatigamuchira nomufaro mukuru. Takapinda Svondo mukereke yeBaptist, muguta ravo guru rinonzi Bucharest. VaKristu vakatikumbira kuti tivataurire zvatakanga tatumirwa Rumania nekereke yedu uye vakatikumbirawo kuti tivavaraidze neShoko reVhangeri. Tabuda Svondo, vamwe vaKristu vakauya kuzoita nyaya nesu. Pavari pakanga pano mumwe murume murefu waiva nechiso chinoratidza kushinga kukuru. Mumme uyu ndiye mufundisi Richard Wurmbrand. lye wakakumbira kutaura nesu akati, mungauyawo here kumba kwangu, ini hundityi kusungwa. Madekwana iwawo, takaenda kumba kwake. Chaiva chiimba chomudurikidzwa chidokodoko. Ndimo maaigara nomudzimai wake nomwana wake womukomana wainzi Mihai.
Ndakanga ndambonzwa zvomufundisi Wurmbrand ndisati ndauya Rumania, asi zvino ndakazosangana naye pachake ndikanzwa zvose zvaakarondedzera pamusoro pezvaakaitirwa pamakore aya ane gumi namana aakagara mujere ravakomunist. Mudzimai wake wakabuda panze ruzhinji achindotarira kana pasina mapurisa avakomunist akavavandira. Wakazodzoka achiti, Mapurisa avakomunists atokomba imba yedu nyange motokari yavo iripowo. Mihai wakabudawo akadzoka achitaura saizvozvo. VaWurmbrand vakarondedzera zvose zva-
I
vaida kutiudza, tikanyengetera panhu pamwe tichikumbira Mwari kuti achengete varanda vake vose vari munyika iyeyo. Handikanganwi minyengetero yousiku ihwohwo. Kubva ipapo nda-kaziva njodzi dzavanhu vaMwari vari munyika dzinotongwa navakomunist. Asi ndakaona kuti vanokudza Mwari kunyange vari munjodzi idzodzo, vanoda Mwari nezvirokwazvo uye vanodawo vamwe nomwoyo wose.
Paya pandakatanga kusangana naVaWurmbrand nemhuri yavo, ndakasimbiswa zvikuru naMwari pakutenda kwangu. Zvino · ndakazofara zvikuru zvavakandikumbira kuti ndinyore mashoko ano okuvamba pabhuku ravo. Ndinoti Mwari ngaazarure mwoyo yavaKristu vagorangarira dziya hama dzavo dziri munyika dzinotongwa navakomunist. Ngativabetst�rewo patinogona napo nokuti vanotambudzika kwazvo nokuda kwezitu raJesu Kristu.
SHOKO ROMUNYORJ WEBHUKU RJNO
Ini ndakanyora bhuku rino nokuti ndakatumwa nekereke iya inobata pakavanda munyika dzinotongwa navakomunist.
Ndaiva mutungamiriri wekereke makore mazhinji munyika iyoyo. VaKristu vakashuva chose kuti ndipukunyuke ndigoenda kunyika dzichakasununguka, dzisati dzabatwa navakomunist, ndigotaurira kereke pamusoro pavo. Mubhuku rino muchaverenga mumene mugozvionera pachenyu kuti raiva nenji raMwari kuti · ndirarame kusvikira nhasi. Ndiyo mhaka ndisina kufira mujere mandaivari. Ndakazogona kubva munyika yangu ndikasvika munyika dziya dzichakasununguka. Zvino shoko ran<lakatumwa naro mucharinzwa mubhuku rino. Ndakatumwa nekereke iya yakatendeka pana Mwari asi inotambudzwa zvikuru navakomunist, vaKristu vachidziviswa kupira Mwari panhu parnwe. Saka tichiti kereke iyeyo ikereke inobata pakavanda. Ndichatanga kumborondedzera zvangu ini pachangu, ndigozokundzaiwo zvekereke iyeyo.
1
. CHITSAUKO 1
Kupinduka kwomunhu waiti hakuna Mwari
Ndiri muJ uda wakaberekerwa munyika yeRumania. Baba namai vakafa ndichiri rnuduku. Saka ndakaona nha
mo ndichi mwana rnuduku pamakore aya ehondo yokutanga yakarwiwa namarudzi ose. Pakanga pasina munhu wainamata mumba mandakaberekerwa. Handina kudzidziswa kunamata Mwari chose, saka ndichisvjka pamakore ane gumi namana ezero ndakatenda chose kuti hakuna Mwari, sezvinoita vakomunist nhasi vanoramba Mwari. Ndakaverenga rnabhuku ana mashoko anoramba Mwad. Saka iniwo handina kungoramba Mwari kwoga, asi ndakatendawo kuti kuvimba naMwari kunokanganisa njere dzomunhu. Awa ndiwo makurire andakaita.
Asi kwapera makore mazhinji ndakaona kuti Mwari wakandiitira nyasha achindjsarudza kuti ndive paboka ravaya vanoponeswa. Handizivi kuti wakandisarudza nemhaka yej? Haana kundisarudza nokuda kwomufambire wangu nokuti wakanga wakaipa zvikuru.
Kunyange ndairamba Mwari, asi ndaifarira kuona kereke. Chero pakereke pandakasvika, ndakanzwa rnumwoyo mangu muchitj, pinda uone zvirimo. Asi handina kuziva kuti crui chaiitwamo. Dzimwe nhambo ndakanzwa mharidzo mukereke imomo asi hadzina kundih�tsera nokuti ndakaramba ndichingoti ndinoziva kuti zvirokwazvo hakuna Mwari.
Kunyange mashoko andakanzwa pavamwe haana kundibetsera nokuti ndakanzwa sokuti Mwari Zitenzi zjguru rinoda kuti ringotererwa chete. Saka ndaivenga Mwari nokuda kwamashoko aya akaipa andakanzwa. Deno ndaiziva kuti Mwari ndiye muridzi wezvinhu zvose ano rudo zvikuru, ndaidai ndaifara kwazvo, nokuti ndakashayiwa mufaro norudo ndichiri mwana. Ndaisishuva kuti deno kuno mumw� munhu panyika angandidawo zvikuru nezvirokwazvo.
Kunyange ndaiti hakuna Mwari, ndaishuva kuti, deno kwaiva naMwari ano rudo. Ndichitarnbura kudai, rnurnwe rnusi ndakapinda Svondo yeRoma, ndikaona kuti vanhu vose vogwadarna vachitaura panhu parnwe. Ndakati, regai ndigwadamewo ndigonzwa zvavanoreva, ndigorevawo rnashoko avanoreva, zvirnwe angandibetsera. Vakanga vachitaura namai vaJesu vachiti, "Kwaziwa
2
Maria mai vaJesu iwe uzere grasia." Ndakareva mashoko iwawo ndikaadzokorora, asi bapana chanclakanzwa, saka ndakashayiwa mufaro chose.
Mumwe musi, ndichasingoramba Mwari kudai ndakada kutaura naye ndikati, Mwari, ndinoziva kuti haupo. Kunyange maivapo, handizaitenda kwamuri, nokuti imi ndimi mungadai maitanga kutaura neni. Kunyange ndakanga ndichiramba Mwari saizvozvi, handina kuwana mufaro.
Pamazuva iwawo pano mumwe musha waiva kure nesu mumakomo makanga muno mumwe mutana waiva muvezi. lye wakakumbira Mwari achiti, Mwari wangu ndinokushumirai nomwoyo wose asi ndinokumbira kuti mundipe muJ uda mumwe oga hake wandingabetsera kuti atende kuna Jesu Kristu, muno munyika yeRumania. Asi doonaiwo kuti ndakwegura uye ndinorwarawo. Saka handingagoni kundotsvaka muJ uda wakadai. Muno mumusha medu hamuna vaJ uda. Saka dotumai muJ uda wamunoda kuti abetserwe kutenda kuna Jesu ndigotaura naye." Asi ini ndakanga ndisingazivi zvinhu izvozvi zvose.
Munyika yeRumania mune misha ine zviuru zvine gumi nezviviri. Asi ndakanzwa mumwoyo mangu muchiti ndiende kumusha iwoyo.
Ndakaenda hangu kunyange ndakanga ndisina chandaibatako. Ndichisvikako, mutana uya wakanzwa kuti kwauya muJ uda, iye akandigamuchira nomufaro, akandiitirawo zvakanaka kunge mukomana anonyenga musikana, nokuti wakati zvino Mwari wazopindura munyengetero wangu. Wakandipa Bhaibheri ndikaverenga. Ndakanga ndakamboverenga Bhaibheri ndichiti ndinzwewo zvirimo, sezvo richireva zvorudzi rwangu rwavaJ uda. Asi Bhaibheri iri raakandipa rakasiyana namamwe maBhaibheri ose andakanga ndamborava.
Wakazondiudza kuti iye nomudzimai wake vakanyengetera zvikuru kuti Mwari anditendeuse ini panhu pamwe nomudzimai wangu. Saka ndinoti Bhaibheri irero rakasiyana namamwe nokuti mashoko andakaverengamo akandibaya ndikachema, nokuti ndakaverenga pamusoro paJesu ndikaona kuti upenyu hwangu hwakaipa zvikuru. Ndakaona kuti Jesu mutsvene asi ini ndiri mutadzi. Iyo ano rudo asi ini ndino ruvengo. Ndaka uya kuna J esu akandigamuchira.
3
Mudzimai wangu wakatendeukawo, akabetserawo vamwe kuti vatendeuke, naivavowo vakauya navamwe kuna Jesu kusvika munyika yeRumania mazomuka chiunga chitsva cheLutheran. Ini ndini ndaiva mutungamiriri wekereke iyoyi tsva nyange ndakanga ndisati ndadzidzira basa roufundisi. Saka ndini ndaironga mabasa ose ekereke.
Tichiri kugadziridza basa rekereke tsva iyoyo, maGermani akauya akatora nyika yedu. Vamwe vedu vakavateverawo. Zvino maGermani akatambudza dzimwe kereke dzose dzaiva munyika yeRumania, vakatambudzawo vaJ uda nokuti ivo vaingotenda kereke yeRoma neyeOrthodox nokuti dzakafanana. Ini nomudzimai wangu takambosungwa tikarohwa navatongi vaitenda zvamaGermani. Isu vaKristu vedzimwe kereke takatambura zvikuru pamazuva iwawo, asi matambudziko edu akanga ari maduku pana aya akazouya.
Nyange zvakadaro matambudziko okutanga awa akatibatsira kwazvo. Takaona kuti kunyange munhu akarohwa nokutambudzwa angasimbiswa naMwari akarambira pakutenda. Takadzidzawo kubata basa rekereke pakavanda. Zvinhu zvatakadzidza pamazuva iwayo zvakazotibetsera zvikuru.
Vanhu veRussia
Kubva pakutendeuka kwangu ndakashuva kuudza vaRussia zvaJesu. Mazuva ano vaRussia vanodzidziswa kuramba Mwari vachiri vaduku. Zvino panhambo iya yatakabatwa navaGermani vamwe vaRussia vakabatwa muhondo vakatumwa munyika yedu yeRumania. Saka ndakagona kusangana navo ndikavaudza zvaJesu.
Handingatongokanganwi mumwe muRussia wandakatanga kusangana naye. Wakati ini ndiri engineer. Ipapo ndakati: "Ko munotenda kuna Mwari here?" Deno aiti kwete, ndaidai ndainzwis1sa. Asi wakangonditarisa somunhu asina kumbonzwa chandaimubvunza. Wakati, "Vakuru vehondo havana kumbonditaurira kuti nditende izvozvo zvamabvunza. Deno vakandirayira kuti nditende kuna Mwari ndingadai ndaitenda haugu."
Zvino ini ndakabatwa neshungu ndikachema, ndichiona kuti munhu uyu wakanga asina chaaigona kufunga amene pachake. Wakangotenda zvinhu zvose zvaakarayirwa. Veduwee� munhu uyu wakarasikirwa nechinhu chikuru kwazvo. Wakabvisirwa kufunga kwake akasara ongoita zvokurayirwa zvoga. Ndakash�miswa zvikuru ndichiona kuti munhu wakagara achitungamirirwa
4
navakomunist wakadini. Ipapo ndakati: "Zvino Mwari wangu, ndinozvipa kwamuri. Ndinoda kubetsera vanhu ava vakarasikirwa nezivo yavo. Ndinoda kuvabetsera kuti vagone kufunga kwazvo vagotendawo kuna Jesu Kristu."
Saka ndakagona kuparidzira vaRussia ava Vhangeri kunyange ndakanga ndisina kuenda kunyika ya vo.
VaGermani vachitanga kukundiwa, vaRussia vakapinda munyika yedu yeRumania nomusi wa23 August, 1944. Kwakauya varwi vanosvika mirioni imwe. · lpapo vakomunist vomunyika yeRumania vakabata ushe vakatonga nyika yedu yose. Ndipo pakatanga matambudziko makuru kwazvo. Takazoona kuti kutambura kwataiva nako panharnbo yavaGermani kwaiva kudoko l(Wazvo pakutambura kwatakazova nako, vakomunist vachibata nyika y-�du.
Panhambo iyoyo vanhu vose veRumania vakanga vachi kwana mamirioni ane gumi namasere. Pavanhu ivava vose vakomunist vaikwana zviuru zvine gumi zvoga.
Zvino kwakauya rimwe gota reRussia rainzi Vishinsky akamanikidza mambo wedu Michael kuti ape vakomunist mabasa makuru ehurumende. Van.vi vedu narnapurisa edu vakanga vasina zvombo zvokurwa nazvo, saka vakornunist vakagona kutonga nyika vachibetserwa navaya varwi vakabva Russia. Vakun. veEngland noveAmerika zvavaibetserana navaRussia panhambo iyoyo yehondo vakangobvumira izvi zvose zvakaitwa naveRussia.
Saka ini ndinoti vaKristu veEngland noveAmerika ngavarangarire kuti vane mhosva pazvinhu izvozvi. Nokuti zvavaibetserana navaRussia pamazuva iwayo, vakatendawo kuti mamwe marudzi anotevera vaRussia abatwe navakomunist. Chavangaita zvino ndechokuti, vabetsere vanhu ivavo vakasungwa kuti vaon� chiedza chaKristu.
Rudo rwokunyengera
Vakomunist vabata nyika yeRumania, vakatanga kunyenga kereke vachitaura zvinhu zvakanaka zvikuru. Zvakafanana nomukomana achida kuroora musikana anoti, ndinokuda. Uya munhu anoda kuita zvakaipa nomusikana anotiwo, ndinokuda. Ndiyo rnhaka J.�su akati. tisatenda vanhu vose nokuti kungava navamwe vanouya kunge makwai izvo vari mapumhi. Saka tisateerera mashoko anotaura vanhu bedzi, titarirewo zvavari.
5
Asi pakupinda kwavakomunist munyika yedu, vamwe vatungamiriri navafundisi vazhinji havana kuziva vavariro yavakomunist ivavo. Vakangoterera mashoko aitaurwa navakornunist kwoga.
Vakornunist vakatanga vachikoka kereke dzose nesungano dzechiKristu dzose vakaungana panhu pamwe navo. Kwakauya vafundisi navatungarniriri vekereke dzose vakasvika zviuru zvina zvavanhu. Vakabvama kuti Josef Stalin mutungamiriri weRussia ave mukuru wornusangano wavo kunyange akanga asipo, pamusangano uyu. Nyange zvakadaro, Stalin ndiye waiva rnutungamiriri wavanhu vairamba Mwari. Wakatendawo kuti vaKristu vazhinji vaurawe. Zvino pamusangano uyu vafundisi vazhinji vakabvuma kuti chikomunist nechiKristu zvakafanana, saka zvingabata panhu pamwe. Vakavonga vakomunist vachiti iP i munobata hurumende zvino, isu vekereke tichakubetserai tichikutsigirai kwazvo.
Ini nomudzimai wangu takanga tiri pamusangano uyu. Takaterera mashoko aitaurwa navafundisi, ipapo mudzimai wangu wakati, "Richard, simuka urambe kushoorwa kunoitwa Kristu pano nhasi. Hauoni here vafundisi ava vanoshoora Kristu va.chimupfira mate?" Zvino ndakati, "Kana ndikaita izvozvi ucharasikirwa nomurume wako." lye akati, "Zvingava nani kuti ndigare ndisina murume pakuva nomurume dera."
Zvino ini ndakasimuka ndikataura. Handina kurumbidza vaya vakauraya vaKristu asi ndakarumbidza Kristu amene ndichiti ngatimutevere kupfuura zvinhu · zvose. Mashoko ose omusangano uyu asisvitswa munyika yedu yose neradhio. Saka ndakafara zvikuru ndichiziva kuti vanhu vomunyika yedu vachagona kunzwa mashoko iwawo okurumbidza Kristu. Asi ndakarohwawo nehana ndikati, nhasi zvangu, ndichaona pfumvu nokuda kwamashoko awa.
Vatungamiriri vekereke huru zhinji vakabvumira zvaiitwa navakomunist. Mumwe Bishop wekereke yeGreek Orthodox wakmamira pahazu dzake mufananidzo wenyundo nesikiri, nokuti ichi ndicho chiga chavakomunist. Wakarambawo kunzi, 'Baba' sezvavaiita mukereke yavo akasarudza kunzi 'shamwari' sezvinoita vakomunist. Mumwe musi ndakaenda kumusangano wekereke yeBaptist muguta reResta. Vakaungana vambosimudza
6
mureza mutsvuku wavakomunist vakasimuka vose vachiimba rwiyo rwokurumbidza nyika yeRussia. Zvino mugari wechigaro wekereke yeBaptist wakati, Stalin mutungamiriri weRussia wakaita zvinodikanwa naMwari, achiita zviri muBhaibheri.
Vamwewo vapristi vekereke yeOrthodox vanaPatrasin naRosiana vakabetserana namapurisa avakomunist. Mumwe bishop wekereke yeLutheran waidzidzisa muchikoro chavafundisi wakarevawo pachena achitl, Mwari wakaonekwa rutatu. Rwokutanga Mwari wakatuma Mosesi akamupa mirayiro yake, rwechipiri wakatuma Jesu Kristu, asi rwechitatu wakanyanya kuonekwa paakatuma Stalin, mutungamiriri weRussia.
Vakomunist vakazowanawo simba mukereke yeBaptist, vakashara vatungamiriri vavaida ivo vakomunist. Mitezo yekereke yakashayiwa chokuita kusvikira vangozotendawo izvozvo. Asi havazati vari vaBaptist vose vakatenda zvavakomunist. Kuna vamwe vakaramba vakanamatira pana Kristu kunyange vakatambudzwa havo.
Vaya vatungamiriri vekereke vaishamwaridzana navakomunist vakatanga kuramba mimwe mitezo yekereke yakanga isingateveri dzidziso dzechikomunist.
Muya munyika yeRussia, makamuka chikomunist, vaKristu vakazovamba kereke inoungana uye ichibatira Jesuwo pakavanda. Munyika yedu yeRumania takazodarowo vakomunist vabata nyika yedu. Kereke iyi inoungana pakavanda ndiyo yakaramba ichiparidzira vanhu Vhangeri nokukokera vanhu kuti vatendeuke, nokudzidzisa vana zvaJesu. Ndizvo zvinhu zvakarambidzwa navakomunist, iya kereke inotenderwa navakomunist ikabva yatenda kurega kuita mabasa awa.
Nyange neniwo ndakabetserana navamwe tikatara mabasa ekereke aizoitwa pakavanda. Ndakanga ndina mabasa maviri aizikanwa nehurumende yavakomunist vomuRumania. Ndakanga ndiri mufundisi weMission yeNowergian Lutheran uye ndaibata muWorld Council of Churches. Pakutanga hatina kuziva kuti kutsirano iyi yeWorld Council of Churches ingazobata panhu pamwe navakomunist. Nokuti vakatanga vachingobetsera vaya vaitambura kwoga.
Zvino vehurumende vakanga vachingoziva mabasa iwawa maviri oga andaiita, asi vasingazivi basa randaiita pakavanda. Paya pabasa randaiita pakavanda taiita zvinhu zviviri:
Basa rokutanga raiva rokuti varwi vavaRussia vakanga vatumwa munyika yedu vanzwe zvaKristu.
7
Basa repm raiva rokuparidzira vanhu vedu vomuRumania vakanga vakasungwa nechikomunist kuti vagorizwa zvorupuneso rwatakapiwa naJesu.
VaRusma vanonrzwawo zvaJesu
Ini ndainyanya kuparidzira vaRussia zvaJesu. Kunyange ndakasimboparidzira vanhu. vamarudzi mazhinji Vhangeri, handina kumboona vanhu vanoigamuchira nomufaro kudarika vaRussia.
Mumwe musi mumwe mufundisi wandainzwanana naye wakandiridzira runhare achiti, mumwe mukuru wavarwi veRussia wakauya kwandiri achida kuzozvirevurura zvivi zvake, asi ini handinzwi chiRussia, saka ndati auye kwamuri. Chifumi chamangwana rnuRussia iyeye wakasvika kwandiri. Waida Mwari zvikuru asi wakanga asina kumboona Bhaibheri. Haana kumbopinda Svondo munyika yeRussia, nokuti munongova nekereke shomanene dzakasara. Haana kudzidziswa chiKristu achiri mwana muduku. Asi waida Mwari kunyange akanga asingazivi zvaMwari.
Ndakamuverengera mharidzo yaJesu pagomo (Mateo 5 kusvikira 7). Ndakamuverengerawo mifananidzo yakarehwa naJesu. Zvino achizvinzwa, wakadzana akapembera, achiti, "Hamuchionazve hamuchionazve! Aa, hinga ndakagara makore ose ndisingazivi Kristu uyu!" Handina kumboona munhu wakafarira Kristu kudai.
Ipapo ndakamuverengera mashoko okutambudzika nokustmgwa kwaJesu kusvikira paya paakaurawa pamuchinjikwa. Zvino iyeye murwi wakavhunduswa zvikuru achinzwa zvokurohwa nokuurawa kwakaitwa Jesu saka murwi uyu wakatanga kuchema. Zvaakanga atenda kuMuponesi wakazochema zvikuru achinzwa kuti Muponesi uyu wakakundwa akaurawa!
Ndakasvoda zvikuru ndichiona shungu dzake. Nokuti ini mufundisi handina kumborwadziwa kudai nokutambura kwaJesu. Ndakarangarira zvavanaMaria Magadarena vakachena vachiona Jesu achifa pamuchinjikwa.
Zvino ini ndakati, kwaari, chidonzwai ndikuverengerei zvokumuka kwaJesu. Achizvinzwa wakapembera achiti: "Jesu Mupenyu! Jesu Muponesi Mupenyu!"
8
lpapo ndakati kwaari: ''Uyai tinamate'' Wakanga asina kumbonzwa munhu achinamata kana kuziva mashoko angataurwa pakunamata. Zvino takagwadama panhu pamwe iyc ndokunamata achingotaura sezvinoita varwi achiti: "Iwe Mwari, uri munhu kwaye. Kana ndirini, ndingadai ndisina kukanganwira zvivi zvornunhu wakaipa kudai asi iwe hako unogona kukanganwira. Haiwa zvirokwazvo uri munhu kwaye. Ndinokuda chaizvo."
Ndinot-�nda kuti vatumwa vokudenga vakarega kubata ma· basa avo vachiteerera munyengetero womurwi uyu. Nokuti wa katenda kuna J esu nomwoyo wose.
Mumwe musi ndichipinda rnuchitoro kundotenga zvimwe ndakawana muno mumwe murwi mukuru wavaRussia ano mumwe murwi weRussia wechinhukadzi. Vaida kutenga asi mutengesi wakanga asinganzwi chiRussia. Saka ndakavabetsera n:lichiturikira. Ndakazoti, handei kumba kwangu mugod_va panhu pamwe nesu. Tisati tadya ndakati, Imba ino ndeyavaKristu saka tine tsika yokumbovonga tisati tadya. Ndakanyengetera nechiRussia, ivo vakabva vakanganwa zvezvokudya vakandibvunza mibvunzo mizhinji pamusoro paMwari. naKristu neBhaibh�ri nokuti vakanga vasina chavaiziva.
Havana kunzwisisa kamwe kamwe. Ndakatanga kuvaudz:1 mufananidzo womunhu waiva namakwai ane zana akarasikirwa nerimwe. Zvavasina kunzwisisa vakati: Ko r.rnnhu uyu waigona kugara namakwai ane zana sei? Nemhaka yei vakomunist vasina kumutorera makwai ake? Pamwezve ndakadudzira ndichiti, Jesu ndimambo. Ipapo vakati, "Madzimambo os·e zvavari vanhu vanomanikidza varnwe, handiti naJesuwo waiva munhu wakashata anotambudza vanhu here? Pandakavaudza mufananidzo womunda wernizambiringa navarimi vakaipa, vakati, "Vanhu ava vakaita zvakanaka zvavakamukira mwene womunda. Ko ive wakanga achiitei nomunda iwoyu?" Vakabvunza kudero nokL1ti patsika dzavakornunist rnunhu haangavi nomunda wake pachake.
Zvinhu zvose zvomuBhaibheri zvaiva zvitsva pavari. Ndichivaudza zvokuponiwa kwaJesu, vakati. "Handiti Maria waiva mukadzi waMwari here?" Ndakaona kuti kana tichida kutaurira vaRussia zveBhaibheri, hatingangorevi mashoko omuBhaibheri bedzi nokuti kuna mashoko mazhinji avasingazivi, zvavakagara makore mazhinji vachidzidziswa dzirnwe tsika dzakasiyana nezvi ri muBhaibheri.
9
Ndakarangarira kuti vaya vakaenda Afrika kundoparidza Shoko raMwari vakatambura neshoko riri muna Isaya rinoti: "Kunyange zvivi zvenyu zvikaita somucheka mutsvuku zvichachena sechando." Nokuti mune dzimwe nyika muAfrika dzinopisa zvikuru hamuna chando chinochena. Saka vakawana rimwe shoko rinoratidza kuchena, vakariisa pachinhambo cheshoko rinoti chando.
Nesuwo takatsvaka mashoko angazikanwa navakomunist tichitorawo mamwe mashoko akarehwa naMarx uya wakatanga kudzidzisa zvechikomunist nesimba. Ndinotenda kuti Mwari Mweya Mutsvene wakatitm1gamirira pana izvozvi.
Varwi ivavo vaviri vakanga vauya kumba kwangu vakatendeuka vose vari vaviri nezuva iroro, vakazotibetsera zvikuru kubata basa redu rataiita pakavanda tichiparidzira vaRussia zvaJesu.
Takanyora zvibhuku zvechiKristu nezvipandi zveBhaibheri muchiRussia tikapa varwi vatakasangana navo. Vaya vakatendeuka takavapa maBhaibheri kana zvipande zveBhaibheri kuti pakudzokera kwavo Russia vaende nazvo nokuti Russia hakutenderwi kuti maBhaibheri atengeswe.
Kune chimwe chinhu chatakaitawo kuti tipe varwi ava maBhaibheri. Takaona kuti vamwe vakatumwa munyika yeRumania vachisiya madzimai navana kumisha yavo Russia. Vamwezve vakanga vagara makore vasingaoni mhuri dzavo, saka vaifarira vana vedu zvikuru. Saka takapa Mihai mwana wangu navamwe vana vadoko zvipande zveBhaibheri nezvimwe zvibhuku zvechiKristu kuti vaende nazvo paya paigara varwi vavaRussia. Varwi ava vakapa \'ana zviwitsi, ivo ndokuvapawo zviya zvibhuk,1 zvatakanga tavapa, varwi vakazvigamuchira, vakazviverenga. Saka kuna varwi vazhinji vakanzwa Shoko raMwari nomutoo uyu.
Takaparidza mudzimba dzavarwi vavaRussia
Takapindawo mudzimba dzavarwi ava tichiita setinoda kutenga wachi. Nokuti varwi ivavo vavaRussia vakanga vatorera vanhu vedu wachi dzavo vakadzitengesazve. VaRussia vakatorera vanhu vedu wachi nokuti kwavo kwaiva newachi shoma chose. Takavaona vakasungira wachi zhinji pamaoko ose ari maviri. Vamwe varwi vechikadzi vaifamba vakasungirira wachi huru yapatafura muhuro. Saka isu takagara tisina wachi asi kana tichinge tandotengazve wachi dzedu kuvaRussia mudzimba
10
dzavo mavaigara. Zvino isu vekereke inobata pakavanda ta1gonawo kuenda tichiti tinoda kutenga wachi.
Ndakatanga kuenda kwavari nomusi wezuva rokurangarira Petrosi naPauro mukereke yeOrthodox inova ndiyo yaiva kereke huru muRussia. Ndakandopinda mumba yavarwi ndikandoti ndinoda wachi. Varwi vakandikomberedza vakanditaridza wachi. Asi ini ndakaramba wachi dzavakandiratidza ndichiti, ihuru kana kuti handidi doko yakadai, kana kuti inodhura. Zvino ndakavabvunza ndichiti, 'Ko pano pana vamwe vanonzi Petrosi kana Pauro here?" Ivo vakati, "Hon'o." J;ni ndikati, "Ko, munoziva here kuti nhasi izuva rokurangarira vanaPetrosi naPauro mukereke yenyu yeOrthodox?" Zvino vamwe vakanga vava vanhu vangapei vakati, "Tinozviziva." Ini ndikati, "Ko munoziva here kuti vanaPetrosi naPauro ndivanaani?" Hakuna waiziva. Saka ndakabvunzazve zvaPetrosi naPauro. Mumwe mukuru akati ndinoona kuti hauna kuuya pano kuzotenga wachi asi wauya pano kuzotiparidzira zvaMwari. Chigara hako pasi utitaurire zvawavinga pamusoro paMwari asi ungware. Isu vari pano zvino hatina chatingakuitira. Asi kuna vamwe vangakubata kana vakanzwa uchitaura zvokutenda. Zvino chinzwa, kana ukanzwa ndakukwenya uchirega kutaura zvokutenda, asi utaure zvewachi. Takagara pasi neboka iroro. Ndikavataurira zvavanaPetrosi naPauro naKristu wakafira vanaPetrosi naPauro. Zvino kwaiti kana pachinge pasvika mumwe murwi wavasingatendi mukuru uyu waindikwenya ipapo ini ndotanga kutaura zvewachi. Asi kana abva ndodzokerazve ·panyaya yaKristu. Ndakazogona kuuya ruzhinji, ndichibatsirwa navarwi vaiva vaKristu. Saka vamwe varwi vazhinji vakatendeuka. Takagona kupa varwi vazhinji zvipepa zvinoreva pamusoro paKristu nezvipande zveBhaibheri.
Vamwe vaKristu vekereke inobata pakavanda vakabatwa vachiita izvozvi vakarohwa kwazvo, asi havana kureva kuti kuna vamwewo vanoita izvozvi.
Paya patakaparidzira varwi veRussia Shoko raMwari, takasangana navamwe vaKristu vekereke inobata pakavanda munyika yeRussia. Vakanatsodudzira zvinoitwa kwavo ikoko. Ivo vakambodzidziswa chikomunist makore mazhinji, vamwe vakadzidza mumayuniversiti avakomunist, kunyange zvakadaro havana kutevera dzidzo dzavakomunist. Ivo vakanga vakaita sebwe riri mumvura asi nyange zvakadero mukati maro makaoma. Vatendi veRussia vakanga vakasimba zvikuru. lvo vakati, "Chiratidzo ichi chechikomunist chatinacho pahanzu dzedu, kubvira nyundo
11
nesikiri, tinoziva kuti ndicho chiratidzo chaAnti-Kristu.'' VaKristu ivava vakabetserana nesu kuparidzira vamwe varwi vavaRussia zvaKristu.
Zvinhu zvose zvinorehwa muBhaibheri kuti ndizvo zvinoonekwa pavaKristu, ndakazvionawo pavaKristu ivavo veRussia. Asi kwoga kuti havana mufaro. Vakangowana mufaro musi wavakatendeuka. Kubva ipapo havana kuzowanazve mufaro. Mumwe musi ndakabvunza mumwe muRussia waiva mutendi weBaptist ndichiti, "Ko nemhaka yei musina mufaro?" lye ndokuti, "Ndingagofara seiko kana ndisingagoni kutaura nyange nomufundisi wangu zvakadzika zvechiKristu. lye mufundisi wedu mushori wamapurisa avakomunist. Ndiye anotirevera kwavari kana tisingabvumiri dzidziso dzechikomunist. lsu, tinongofara mumwoyo medu pakadzika, asi hatigoni kuratidza mufaro wedu pachena."
VaKristu vaya veRussia vakatiwo, imi vaKristu venyika ctzakasununguka, kana mawana munhu anotendeuka munhu iyeye anozogara nomufaro norugare. Asi isu venyika dzavakomunist kana tawana munhu anotendeuka tinoziva kuti zvimwe angasungwa akaiswa mujere, vana vake vakasara dzava nherera. Saka kana vanhu vachitendeuka uno kwedu pano mufaro asi pano kusuwawo."
Ndiko kutanga kwedu kusangana norudzi rutsva rwavaKristu, kubvira vaya vekereke inobata pakavanda munyika dzavakomunist.
Munyika dzakasununguka muna vamwe vanoti tiri vaKristu asi izvo vasiri vaKristu. Saizvozvowo munyika dzavakomunist muna vamwe vanoti hatidi Mwari asi vachimuda.
Mumwe musi ndakasangana navamwe vaRussia vaviri, murume nomudzimai wake vaiita basa rokuumba zvifananidzo. Ndaka vataurira zvaMwari vakati, "Tinoziva kuti hakuna Mwari nokuti tiri veboka riya rinoti hakuna Mwari. Asi tinoda kukuudzai chimwe chinhu chatakaona."
lpapo vakati, "Mumwe musi tichiumba zvifananidzo, mudzimai wangu wakati, 'Nhai murume wangu, ko tina makunwe pamaoko edu nemhaka yei? Tarira uone kuti mimwe minwe inobata iri divi rimwe asi gunwe roga richibata rakatarisana nemimwe minwe yose. Ndiyo mhaka tichigona kubata chero chatinoda. Deno minwe yedu yakafanana nezvigunwe zvetsoka tingadai taikoniwa kubata nyundo kana bhuku kana zvokudya. Ko ndianiko wakaita gunwe? lsu takadzidza dzidzo dzaMarx
12
navamwe vakomunist vakuru, tinotenda kuti denga nenyika zvakangovapo hazvo hazvina wakazvisika. Saka hatingati Mwari ndiye wakasika zvinhu izvozvi. Asi kunyange Mwari asati ari iye wakasika denga nenyika, deno akangosika gunwe roga, handiti aikwanisa kurumbidzwa here?
Ko, hinga wani tinorumbidza Edison wakatanga kuita mwenje wamagetsi naBell wakaita runhare runoridzwa naStephenson wakaita chitima chokutanga? Ko tinoregerei kurumbidzawo uya wakaita gunwe romunhu? Deno vanaEdison vasina makunwe vangadai vasina chavakagona kuita. Saka ngatirumbidze Mwari wakasika makunwe omunhu."
Ipapo murume wakatsamwa nokuti ndizvo zvinoita varume dzimwe nhambo kana mudzimai ataura shoko rezvokwadi. Saka murume wakaramba achiti, "Nyarara! Handidi kunzwa zvoupenzi zvakadaro! Hauna kudzidza here kuti hakuna Mwari! Kunyange ikozvino pangava navamwe vanoteerera zvatinotaura pano, tikakwirirwa tikaiswa munjodzi huru mujere. Tenda chose kuti hakuna Mwari. Kudenga kwakashama, hakuna anogarako!"
Mudzimai akati, "Zvaunotaura izvozvi zvinondishamisa. Nokuti kana kudenga kusina Mwari, tingagowanepi makunwe? Asi kana Mwari aripo sezvatakaudzwa mukereke kare, ndinganzwisisa kuti ndiye wakasika zvinhu izvozvo zvose. Kana kusina Mwari kudenga ini hangu ndinotoda kushumira 'iyeye asipo' wakasika makunwe."
Saka vose vari vaviri vakatanga kushumira 'iyeye asipo' Kutenda kwavo kwakasimbiswa vakaona kuti 'iyeye asipo' haana kusika gunwe roga asi ndiye wakasikawo nyeredzi namaruva navanhu nezvinhu zvose zvakanaka zvatinoona.
Vakanga vakafanana navanhu vaya vakasangana naPauro paAtene kare vaipira Mwari asingaonekwi, uye asingazikanwi.
Zvino vanhu vaviri ava vakafara vachinzwa kuti kutenda kwavo nokufembera kwavo ndokwezvokwadi. Zvino ndakavaudza kuti 'iyeye asipo' wavakatenda kuti ndiye wakasika zvinhu zvose ndiye Mwari ari Mweya ano rudo nenjere anoda vanhu zvikuru. Mwari wakatuma mwana wake mumwe woga kuti auye panyika kuzofira vanhu pamuchinjikwa agovadzikinura pamhosva dzavo.
Kunyange ava vakanga vachitenda kuna Mwari vakanga vasingazivi kuti chatinotenda chii. Saka ndakagona kuvabetsera ndichivaudza zvoruponeso rwatakagadzirirwa naMwari, vakatenda kuna Jesu Kristu.
13
Mumwe musi ndakasangana nomumwe murwi munhukadzi weRussia achifamba mune rimwe guta. Ndakati kwaari: "Pamusoroi amai, ndinoziva kuti hazvina kunaka kungotaura nomunhukadzi saizvozvi, asi ini ndiri mufundisi. Saka ndinoda kutaura nemi pamusoro paKristu."
Zvino iye wakati, "Aa, heya munoda Kristu?" Ini ndikati, "Ee, ndinomuda chose nomwoyo wose." lpapo
mukadzi uyu wakandimbunda akandikisa. Ndakashamiswa kwazvo, ndikasaziva chokuita. Saka ndakati, "Uyai kumba kwangu tigozokurukurirana." Wakauya tikagara pasi tikakurukurirana tikaona kuti pakanga pasina chaaiziva pamusoro paJesu Kristu, asi waingoziva zita rake roga. Nyange zvakadero wakati, "Ndinomuda hangu.'' Wakanga asingazivi kuti ndiye Muponesi wavanhu kana kuti chinonzi ruponeso chii. Wakanga asingazivi kuti J esu wakaberekwa sei. Zvino ini ndakati, Ko munhu angada mumwe sei achingoziva zita roga bedzi?
lpapo takamubvunza, iye akati, "Muchikoro mandakadzidza hakuna chinhu chatakadzidziswa tisina kuratidzwawo mifananidzo. Takadzidziswawo kuti basa redu nderokurwira chikomunist asi ipapo pana izvozvi hatina kuratidzwa mufananildzo. Pakarepo ini ndikati, hapana chinhu chakanaka chingashaya mufananidzo wacho. Zvino ndakarangarira kuti ndichiri mwana mudoko ndaisiona mbuya vangu vano mufananidzo wavaiti ndowaKristu. Ndaida zita iroro nokuti raindifadza. Ndaifara zvikuru kana ndadana zita iroro. ''
Ndichinzwa mashoko awa ndakarangarira kuti pavaFiripi pakanyorwa shoko rinoti mumwe musi vanhu vose vachagwa-dama vachidana zita raKristu.
Takamutaurira zvaKristu akatenda akazofara achiziva kuti zvino Kristu anogara mumwoyo mangu.
Kwaiva nomumwe mudzimai mutezo wekereke yedu waisipa vanhu zvibhuku zvechiKristu pazviteshe zvezvitima. Mumwe musi wakasangana nomumwe murwi weRussia waida kubvunza zvimwe pamusoro pokupira. Mudzimai uyu wakamupa kero yangu, iye a kazouya kumba kwangu.
Ini ndakati kwaari, "Ko, ndingakubetserai nei?" lye akati, "Ndinoda kuziva zvaMwari." Ndakatanga kumuverengera mamwe mashoko makuru mu
Bhaibheri. lye akati, chimboregai, nokuti handidi kunyengedzerwa. Rangarirai kuti rudzi rwangu haruzivi zvaMwari. Ko iri shoko ramandiverengera ikozvino ndiro Shoko raMwari ri· mene here?
14
Ipapo ndakati, "Hon'o, ndiro rimene." Zvino wakateerera nhambo refu ndichiverenga, akazozvipa kuna Kristu.
Kana zviri zvokupira vaRussia havaiti zvishoma zvishoma kana paduku paduku. Vanoita nomwoyo wose. Asi kana vachiramba zvokupira vanoitawo nomwoyo wose. Kana vachitenda voita nomwoyo wosewo. Saka vaKristu vezvirokwazvo vari muRussia havaregi kutsvaka vamwe vavangatendeusa. Hakuna imwe nyika pano pasi ina vanhu vanogamuchira Vhangeri nomwoyo wose saizvozvo. Kana tikatsunga tichivapa Vhangeri zvinhu zvizhinji zvingashanduka pano pasi.
Nyika yeRussia ndiyo ina vanhu vazhinji vane nzara yeShoko raMwari, asi isu tinongogara zvedu tisine hanya tichiti hazvichabetseri chinhu, nokuti hazvibviri kuvaparidzira.
Mumwe musi, ndichifamba nechitima, ndakagara panhu pamwe nomumwe murwi muRussia. Ndakatanga kutaura naye zvaKristu, asi iye wakaramba nesimba rose akandiudza mashoko mazhinji akanyorwa navamwe vanyori vanoramba Mwari vanoti Marx naStalin na Voltaire naDarwin. Wakataura nhambo hum asingadi kuti ini nditaurewo. Apedza kutaura ini ndakati, "Zvaunoti hakuna Mwari, Ko imi munonamata ani kana mawirwa nenjodzi?" Zvino wakavhundub kwazvo akati, "Ndiani wakakuudza kuti ini ndinonamata ?" Handina kumupindura ipapo paakabvunza, asi ndakati, "Ko kana pasina Mwari nemhaka yei muchinyengetera ?"
Zvino wakakotamisa musoro wake akati, "Mumwe musi tiri muhondo takakombwa navaGermani, ipapo takanamata tose! Takanga tisingazivi kunamata saka takati, 'Mwari uye rudo rwamai.'" Mwari zvaari iye anoona mwoyo yavanhu ndiye anozivawo kuti munyengetero wakadai unobvirei?
Ndinorangarirawo mumwe murwi wainzi, Piotr, kubvira Petrosi. Wakazofira mujere reRussia, asi hatizivi kuti ripi. Wakanga achiri jaya rina makore makumi maviri oga okube1elwa. Wakauyawo munyika yeRumania pakuuya kwakaita varwi vavaRussia. Wakatendeuka apinda munyengetero wakaitwa pakavanda, ipapo wakandikumbira kuti ndimubhapatidze.
Ndamubhapatidza ndakamubvunza ndima yeBhaibheri yakanga yamubaya zvikuru ikamumanikidza kuti auye kuna Jesu.
Wakati, "Mumwe musi muchipinza munamato pakavanda, makativerengera Ruka 24 paya panorehwa kuti Jesu wakafamba navamwe varume vaviri vaienda Emmaus. Vasvika pamusha Jesu wakaita sooda kupfuura."
15
Zvino ini ndakati, "Ko Jesu wakadarirei? Handiti waida kugara navo here? Saka wakati ndopfuura hangu. Zvino ini ndakafunga kuti Jesu wakadero nokuti waiva munhu kwaye, achida kuti vamudane. Pavakati handei kwedu wakaenda navo nomufaro. Vakomunist havane tsika kwadzo. Vanotimanikidza, vachitipinganidza kunyange zvatinofunga mumwoyo medu. Tinogombedzerwa kuti titerere zvavanoreva, usiku namasikati. Vanoparidza dzidziso dzavo muzvikoro, naparadhio nomumapepanhau nomumabhaisikopu nomumisangano yokuramba zvaMwari. Vanongoita izvi kwose kwose kunyange munhu asingadi kuteerera hake. Asi J esu haana kudero. Anogogodza pamwoyo womunhu. Saka ini ndakabayiwa zvikuru netsika idzodzo dzaJesu."
Vamwe vaRussia vakanditaurirawo shoko irori asi ini handina kumborifunga, kunyange ndiri mufundisi zvangu.
Piotr atendeuka kudai, wakashinga kwazvo akabetsera kereke inobata pakavanda muRussia. Wakawana maBhaibheri munyika yeRumania akaatuma Russia. Wakaramba achidaro kusvikira abatwa akaiswa mujere. Mugore ra 1959 wakanga ari mnjere. Asi handizivi paari zvino, Mwari oga ndiye anoziva.
Kuna vaRussia vazhinji vakanga vakaitawo saiye. Havana kungotendeuka kwoga asi vakashinga vakashumira Kristu, vakauya wo navamwe kwaari. Vakashinga zvikuru kunyange vaiziva kuti vangabatwa vakaiswa mujere.
Basa rakaitwa pamdzi nvedu
Chimwe chinhu chataiita ndechokupa vanhu vedu veRumania Shoko raMwari.
Nyange vakomunist vakatanga kutaura zvakanaka navekereke, havana kuramba vachidaro kwenhambo refu. Vaingoda kuti vanyengedzere vatungamiriri vekereke. Gare gare vakaratidza tsika dzavo chaidzo. Vakatanga kusunga zviuru nezviuru zvavanhu ndokuvapfigira mujere. Zvakanga zvichirema kwazvo kutaura nomunhu pamusoro paKristu saka magariro ose akangofanana noomunyika yeRussia.
Ini ndakazogara mujere panhu pamwe navanhu vandakanga ndaparidzira zvaKristu vakatendeuka. Ndakagara panhu pamwe nomumwe murume wakasungwa nokuda kwokutenda kwake akasiya mudzimai wake navana vatanhatu vachitambura. Wakanga asingazivi kuti achazogona kuvaonazve here? Zvino ini ndakamubvunza ndichiti, "Ko haundivengi here, zvandakakupari-
16
dzira zvaJesu ukatendeuka asi ukazotambura panhu pamwe nemhuri yako?" lye akati, "Handigoni kumuvongai zvakaringana. Makandisanganisa noMu.ponesi anodarika zvinhu zvose. Saka handichemi pamusoro pezvinhu izvi zvakaitika asi ndinovonga kwazvo."
Takaona kuti hazvina kureruka kuparidza Vhangeri pakavanda. Vakomunist vaitarira mabhuku ose vozotenda kuti atsikiswe asi nyange zvakadaro takagona kutsikisa mamwe mabhuku echiKristu. Pamabhuku ose iwawa pakaiswa mufananidzo waMarx iye muvambi wechikomunist. Zita rebhuku iri rainzi: "Kupira ndiko kunyengedzera vanhu." namamwe mashoko akadai. Zvino takatanga kunyora mamwe mashoko akamborehwa navanaMarx naLenin naStalin, vakuru vavakomunist, tikazonyora mashoko echiKristu. Zvino vaya vakapiwa basa rokutarira mabhuku vakati, mabhuku enyu anodudzirawo chikomunist, saka vakatenda kuti atsikiswe nokutengeswa.
�ereke iya yatakati inobata pakavanda haibati pakavanda poga. Dzimwe nhambo takaenda kumisangano yavakomunist tina mabhuku edu aya tichiatengesa. Saka vamwe vakaatenga vachifunga kuti ndeechikomunist. Zvino vachizorava ndokuwana mashoko echiKristu imomo isu tatobva zvedu tava kure.
Zvakanga zvichigozha kuti tiparidze shoko · raMwari pamazuva iwawo. Nokuti vanhu vaitambudzwa zvikuru, vachitorerwa zvinhu zvavo navakomunist. Varimi vakatorerwa minda yavo nezvipfuwo zvavo. Vaya vakanga vane zvitoro vakatorerwa zvitcro zvavo. Varombo vakatambudzwawo. Pamhuri zhinji paiva nomumwe wakasungwa akaiswa mujere. Vazhinji vakashayiwa zvokudya. Vanhu vakati, "Kana Mwari ano rudo, angagotendera sei kuti kukasharara kwakadai kuvepo?"
Kugozherwa uku kwakanga kwakafanana nokwa vadzidzi vaJesu musi uya waakaroverwa pamuchinjikwa akachema achiti: Mwari wangu, Mwari wangu, Mandisiireiko?
Ko munofunga kuti zvaireruka here kuti vadzidzi ivava vaJesu vaparidze Shoko raMwari musi iwowo? Ndizvo zvakanga zvakait<;1, vaKristu paya pakatanga vakomunist kubata nyika ye!1umama. Ku?yange zvakadaro, takagona kuparidza pamazuva 1wawo okumamkidzwa kukuru kwakadai. Kutenda kwechiKristu hakuperi kunyange panhambo dzokutambudzika kukuru, munh� anozojairira matambudziko.
17
Jesu wakatiudza zvaRazaro uya murombo, waitambudzika zvikuru nenzara, nokurwara, ana maronda ainanzvwa nembwa. Asi wakatorwa akandogara pakanaka zvikuru.
Kereke iya inobata pakavanda, pamwe inobatawo pachena
Kereke iyi inobata pakavanda yaiungana mudzimba dzavanhu nomudondo, chero pose payaigona napo. Ichiungana kudai yakarongawo mamwe mabasa ayaizogona kubata pachena. Vakornunist vabata hurumende takaronga kundoparidza rnumaguta pamigwagwa. Ipapo takasvitsa Shoko reVhangeri kuna vamwe vangadai vaikona kurinzwa. Mudzimai wangu waitungamirira basa iri. Chavaiita ndechichi: Vamwe vatendi vaindomira kumucheto kwomugwagwa muguta irero. Zvino voimba nziyo dzaMwari. Vanhu vaizomira kuti vanzwe kuimba. Ipapo mudzimai wangu oparidza zvishoma, pakarepo orega. Mumwe musi ini ndakabatika kumwe, mudzimai wangu akandoparidza saizvozvo pasuo, pafakitori guru rinonzi Malaxa, muguta reBucharest. Vanhu vaibata mufakitori vanosvika zviuru nezviuru vakaterera kwazvo. Chifumi chamangwana vamwe vavo vakafurwa nepfuti nokuti vakanga varamba zvimwe zvavaiitirwa navakomunist. Saka isu takati vakangonzwa havo shoko roruponeso ndokusvika parufu.
Kunyange taibata pakavanda, takataurawo navakuru namadzishe sezvakaitawo J ohane Mubhapatidzi.
Mumwe musi vaKristu vaviri vakapasanura vanhu vakasvika pana Prime Minister wainzi Dej, ari pamukova wokupinda muimba yeParamende. Vakagona kutaura naye chinhambo chidoko vachimuudza zvaKristu vachitiwo arege zvivi zvake nokutambudza vaKristu kwaaiita. Prime Minister wakatsamwa akati varume ava vavm ngavasungwe vaiswe mujere. Kwapera makore mazhinji, Prime Minister Dej wakarwara zvikuru. Ndipo paakarangarira mashoko aya aakambotaurirwa navarume vaya vaviri. Nokuti "Shoko raMwari ibenyu rine simba uye rinopinza kukunda bakatwa." Mashoko iwawo akamubaya akakurumidza kugamuchira Kristu. Wakazvireurura zvivi zvake akatenda kuMuponesi, akatanga kumushumira kunyange airwara hake. Wakangopedza chinhambo ndokufa. Tinotenda kuti wakaenda kuMuponesi wake nokuda kwezvaakaitirwa navarume vaya vaviri vakashinga kumutaurira Shoko raMwari ktmyange vakazotambura nokuda kwaizvozvi.
18
Saka kereke iyoyi inobata pakavanda haina kuzoramba yakavanda asi yakabatawo pachena ichiparidzira vanhu zvechiKristu. Nanhasi vanongodaro. Vanoziva kuti basa irori rinovasvitsa pakutambudzika kukuru asi vanotenda kuitirwa izvozvi zvose vachibatira Tenzi wavo.
Takanetswa zvikuru namapurisa avakomunist nokuti vakazoona kuti, kereke iya inobata pakavanda ndiyo yoga inoramba chikomunist. Vakaonawo kuti kereke iyoyi ine simba ringavakanganisa kudzidzisa vanhu kuti varambe Mwari. Ndiyo mhaka vakanga vasingatenderi kuti kereke inobata pakavanda ivepo. Vakaziva kuti munhu anotenda kuna Kristu nezvirokwazvo haangatendi mashoko avo okumhura Mwari. Vakazivawo kuti kunyange vakaisa vanhu mujere, vanhu havangarashi kutenda kwavo asi kana munhu pachake arasha kutenda kwake. Saka vakaedza pavakagona napo kuti vanhu varashe kutenda kwavo.
Asi kunyange muhurumende yavakomunist mumene kunyange mukati mamapurisa avakomunist kwaiva navamwe vashoma vaibetserana nekereke iya inobata pakavanda, vari mitezo yayowo.
Takarayirawo vaKristu kuti vamwe vaite mapurisa avakomunist kuti vagogona kutiudza mazano amapurisa avakomunist. Saka vamwe vaKristu vakaita mapurisa vakavengwa zvikuru nokuzvidzwa nehama dzavo nokuda kwebasa ravo. Nokmi mapurisa iwawo avakomunist anovengwa navanhu, Saka· dzimwe hama dzedu dzakatenda kupfeka yunifomu idzodzo, dzinovengwa zvikuru, vachitsvaka kubetsera kereke yaJesu Kristu.
Mumwe musi ndakavandirwa munzira ndikasungwa asi hakuna wakaziva kuti ndiripi. Ndakagara mujere nhambo refu pasina munhu waiziva pandiri. Zvino mumwe dhokotera waiva muKristu, wakandopinda upurisa hwechikomunist achida kuti azive kwandakanga ndiri. Rama dzake dzose dzakamuvenga dzichiti wava mukomunist. Asi zvaakapinda pabasa iri wakatenderwa kupinda mujere kuti aone vasungwa.
Dhokotera uyu wakazondiwana ndiri mujere muchiimba chidukuduku chine rima mumugodhi. Ndakagara mujere makore masere ane hafu pakusungwa kwangu kwokutanga. Hakuna ·mumwe wehama dzangu wandakaona ndirimo asi iyeye dhokotera oga. Ndiyeyewo wakagona kundoudza vamwe kuti ndakasungwa uye ndiri mujere ndiri mupenyu. Mugore ra 1956, Eisenhower, mukuru weAmerika naKruschev mukuru weRussia vakasangana vakataurirana. Ipapo vamwe vasungwa vakasunungurwa.
19
Zvino vanhu vazhinji vakandikumbirira ndikasunungurwa, ndikabuda hangu kunyange ndakazosungwazve.
Deno dhokotera iyeye asina kupinda upurisa hwavakomunist, ndingadai ndisina kubuda nanhasi kwosr, zvimwe ndingadai ndakatofa kare.
VaKristu ivava vekerek;e inobata pakavanda vakandopinda upurisa vaitibetsera zviktiru nokuti vaitinyevera pamusoro pezvinhu zvinenge zvoda kuitwa. Nanhasi kereke iyoyo khina vanhu vari mumabasa iwawo vanonyevera vaKristu kana nJodzi youya. Kuna vamwe vakadai vakatopinda mumabasa makuru, vasingaratidzi zvokutenda kwavo ikoko kubasa. Kunyange vachishandira Kristu pakavanda zvichazozikanwa hazvo pachena kudenga.
Kwaivawo nemimwe mitezo yekereke inobata pakavanda yakabatwa ikasungwa, nokuti mukereke iyoyo maipindawo vamwe vakaita saJudasi. Vakapinda panhu pamwe navaKristu asi vachindoudza mapurisa kuti vari mukereke ndivanaani. Va-: komunist vakafarira vanhu vakadai vaivaudza zvavamwe. Vakamanikidza vanhu kwazvo kuti vareve zvomukereke inobata pakavanda. Pamwe vakavarova, pamwezve vakavapa mushonga unodhaka vachida kuti vareve zvinoitwa mukereke.
Chitsauko 2
Ndakanga ndiri mufundisi vakomunist vachizviziva, asi ndaitungamirirawo iya kereke inobata pakavanda kusvika pamusi wa 29 February 1948. Wakanga uri musi weSvondo. Panze pakati dii kunyarara. Zvino ini ndakabuda kuti ndiende kuSvondo, ndakabatwa namapurisa avakomunist ndichifamba kudaro.
Ndingati vakandiba nokuti ndiwo mutoo wavaiita panhambo iyoyo. Vakabata vanhu vazhinji vachivavandira kudaL kuti kurege kuva navanhu vanozviziva. Ndichifamba panzira saizvozvi ndakaona motokari yamapurisa avakomunist ichimiswa mberi kwangu. Pakarepo varume vana vakakwakuka vachiburuka vakandibata ndokundikandira mumotokari yavo, vakatiza neni. Kwakanga kusina munhu mumwe waiziva kuti ndiripi, vakangofembera kuti zvimwe ndakasungwa ndiri mujere. Ndakagara kudai makore masere ivo vasingazivi k;wandiri. Zvino kwakauya
20
vamwe vanhu kumudzimai wangu, vakati, "Isu takanga takasungwa tiri mujere panhu pamwe nomurume wenyu. Tauya kuzokuudzai kuti murume wenyu wakafa akavigwa imomo mujere, isu tichizviona." Vanhu ava vainyepa nokuti vaiva mapurisa avakomunist. Zvino mudzimai wangu wakachema zvikuru.
Pamazuva iwawo vaKristu vane zviuru nezviuru zvamazana vekereke dzakasiyana vakasungwa. Havazati vari vafundisi voga vakasungwa, asi nyange navamwe vanhuwo zvavo, vasingakudzikari zvikuru, vakomana navasikanawo. Chern ani nani waiudza vamwe zvokutenda kwake waisungwa saizvozvo. Majere akanga azere navanhu. Havana kungoiswa mujere kwoga asi vakatambudzwawo zvikuru nokuti nyika yeRumania yakatevedzera dzimwe nyika dzinouswa navakomunist dzinoitawo izvozvi. Vanhu vakanetswa vakashungurudzwa nemitoo mizhinji inotyisa kwazvo. Kuri nani kuti ndirege kududzira zvinhu izvozvo zvatakaitirwa nokuti dzimwe nhambo kana ndazvirangarira ndinoshayiwa hope chose. Ndakanyora rimwe bhuku mandakadudzira zvimwe izvozvo zvatakaitirwa navakomunist mujere.
Kutambudzwa kukuru
Kwaiva nomumwe mufundisi wainzi Florescu wakapiswa namatare akanga aiswa mumwoto. Vakamucheka-cheka namapanga vakamurovawo kwazvo. Vaita izvozvi vakapinza makonzo ainzwa nzara zvikuru mumba maaivari napambombi huru. Ipapo mufundisi uyu wakakoniwa kuvata usiku hwose, akavata amire achingorwa namakonzo iwawo. Paya paakati ndomboti kwati, zvishomanana makonzo akamuvinga akamuruma. Pakanga pasina chaaigona kuita asi kungoramba amire usiku namasikati, kwevhiki mbiri. Vakomunist vakamuitira izvi vachida kuti avaudze kuti vamwe vaKristu ndivanaani, asi iye wakaramba kuvaudza. lye aramba kutaura vakatora mwana wake womukomana vakauya naye mujere, wakanga ava wezero ramakore ane gumi namana. Vakatanga kumurova zvikuru baba vake vakangotarira. Zvino vakati, ticharamba tichirova mwana wako dzamara iwe watiudza zvatinokuvhunza. Mufundisi wakambotsunga asi wakazokoniwa kuramba akatarira mwana wake achirohwa kudai. Akazoti: "Mwanangu, rega ndivaudze :z:vavanondivhunza. Handichagoni kuona uchirohwa kudai." Asi mwana wakati, "Baba, donzwai, ini handidi kuti mugonzi muri mhandu. Musataura chinhu! Nyange vachindiuraya, ndafawo
21
zvangu asi ndicharamba ndichingoti: 'Jesu wangu, nenyika yechibarirwe changu!' " Vakomunist vakatsamwa kwazvo, vakamurova kudzamara afa, ropa rake rikachambwadzira madziro eimba. Wakafa achirumbidza Mwari. Mufundisi iyeye wakazopenga akakoniwa kukanganwa zvaakaona zvichiitirwa mwana wake.
Takasungwa namakechemo akanga ane zvipikiri mukati zvaibaya kwazvo. Pataiti tigare tisingaiti chinhu, hatina kunzwa zvipikiri izvozvo zvikuru asi zvataigara mudzimba dzinotonhora zvikuru panhambo yechando, taigara tichihuta, maoko edu achingoparwa-parwa nezvipikiri izvozvo, kusvikira ropa rabuda. Pamwe vaKristu vakasungirirwa, namakumbo, musoro uchirembera pasi. Vasungwa kudero vakarohwa kwazvo, kusvika muviri wose wazara ropa. Vamwe vaKristu vakaiswa muzvitokisi zvine chando chakachena pamadziro. Ini ndimene ndakaiswawo muchitokisi chakadai, ndine hanzu dzisingadziyi. Vanadhokotera vomo mujere vakagara vakatitarira napawindi. Zvino kana vachiona kuti toda kufa nechando, vakaudza vatariri vejere, ivo ndokuuya nokuchimbidzika, vakatiisa panodziya. Zvino tichiti totanga kudziirwa vakatidzoserazve. Vakaramba vachidaro. Nanhasi kana ndichizarura firiji dzimwe nhambo ndinohuta kana ndangorangarira chando bedzi.
Dzimwe nhambo isu vaKristu takaiswa mubhokisi rakangodarika munhu pakureba zvishoma. Kana munhu aiswamo, waikoniwa kuzununguka. Saka waingomira akati tasa nokuti kumadziro kwaro kwakanga kwakaroverwa zvi pikiri nechokunze zvichibuda nomukati. Zvino kana munhu aneta, akada kusendarna kumadziro obayiwa nezvipikiri zviya. Kunyange akasimudza ruoko waibayiwawo.
Zvimwe zvinhu zvakaitirwa vaKristu navakomunist, hazvinganzwisiswi nomunhu.
Dzimwe nhambo ndakaona vachitambudza vaKristu vachivarova, vakafara vachiseka, vachiti, tisu Satani.
Saka ndakaona kuti hatirwi navanhu chaivo asi namasimba erima. Ndakaona kuti chikomunist hachibvi pavanhu, asi pana Satani. Chine simba rinotyisa chose. Simba iroro ringakllndwa nesimba roMweya Mutsvene waMwari.
Dzimwe nhambo ndakavavhunza ndichiti, "Ko imi hamunzwiri vanhu urombo seiko?" Vaiwanza kushandura vachireva imwe shumo yakarehwa naLenin, mumwe mukuru wavakomunist, inoti, "Munhu haangadyi mazai asingamenyi mateko." Imwe shumo yavairevazve inoti, "Munhu haangatemi huni, zvimvari
22
zvikasawira pasi." Ipapo ini ndakabva ndoti, "Hon'o, ndinoziva hangu kuti Lenin wakadero, asi handiti munhu wakasiyana nomuti here? Kana ukatema muti haunzwi kurwadza asi kana ukarova munhu ungati haarwadziwi here? Pamunotambudza vanhu vanonzwa kurwadziwa, uye ura hwamadzimai avo hunorira." Asi mashoko angu ose haana kuvabatsira chinhu, nokuti havanei nezvomwoyo womunhu. Vanongorangarira zvinhu zvinoonekwa, vachiita sokuti munhu wakangofanana nomuti unotemwa. Ndiyo mhaka vachigona kutambudza vanhu nemitoo inotyisa kudai.
Vanhu vaya vanoti hakuna Mwari, vane mwoyo mikukutu zvirokwazvo. Kana munhu asingarangariri kuti kutongwa kuripo kunotimirira, anobva angoita madiro nokuti hapachina ch�nhu chinomudzora patsika dzakaipa dziri maari. Dzimwe nhambo vaya vaitirova vaisiti, ''Hakuna Mwari uye hakuna kwatinoemla kana tafa, uye kutongwa kwezvakaipa, hapana. Saka tingaita hedu madiro. "Ndakanzwa mumwe wairova vasungwa achiti, "Ndinovonga Mwari kunyange asipo nokuti ndasvika pazuva ranhasi pandinogona kuita zvakaipa zvose zvandinonzwa mumwoyo mangu." Ipapo wakatambudza vanhu zvaityisa zvikuru.
Kana ngwena ikadya munhu zvinonzwisa urombo chose, asi hapana chaungataura nengwena. Zvairi ngwena, haina chainoziva. Vakomunist vanoderowo. Havana hana inorova kana vachiita chinhu chakaipa. Vakati, isu tinofara nokuti hatinzwiri vanhu urombo.
Kune zvimwe zvinhu zvandakadzidza pavari. Ndakaona kuti ivo zvavasingadi chinhu chakanaka mumwoyo mavo, neniwo handidi chinhu chakaipa mumwoyo mangu3 handidi kuti Satani agare mumwoyo mangu kunyange napaduku pose.
Dzimwe nhambo ndiri Amerika ndakakumbirwa kuti ndiende kune imwe komisi yeSenate ine basa rokunzvera zvinhu zvakadai. Vakandibvunza zvinhu zvose zvatakaitirwa. Ndikavaudza zvimwe zvinotyisa zvokuti vaKristu vaisungirirwa pamichinjikwa mazuva mana. Michinjikwa iyoyo yairadzikwa vaya vakasungirirwa pairi vakaita manhede. Zvino vamwe vasungwa vazhinji vakamanikidzwa kuti vavaindire nokuvateurira mvura kumcso napamuvm wose. Ipapo michinjikwa yaimiswazve vakomunist vachiseka vachiti: "Hoyo Kristu wenyu dotarisai muone kunaka kwaakaita. Donzwai hwema hwakanaka hwaanahwo achibva kudenga!''
23
Zvino ndakaudzawo veSenate kuti mumwe mupristi wakambotambudzwa kusvika oda kupenga. Vakamumanikidza kuti atore mvura yomunhu nesvina yake agoreva mashoko echirayiro chaShe achipa vamwe vaKristu. Izvozvi zvakaitika munyika yeRumania mujere rinonzi Pitesti. Ndakazobvunza mupristi uyu ndichiti, "Ko wakagotenderei kuita chinhu chakadaro?" lye akati: "Hama yangu, usandipomera mhosva. Ini ndingatoti ndakatambudzwa kupfuura Kristu amene:·· Kana ndichinzwa zviya zviri muBhaibheri zvinodudzira kutambura kuchaita vanhu mugomba romwoto, ini ndingatoti, zviya zvinoitwa navakomunist mumajere avo, zvinopfuura kutambura kuchauya.
Zvinhu zvandareva zvinongova zvidokodoko pane zvimwe zvaisiitwa nomusi weSvondo, mujere iroro rePitesti, nokuti vaiwanza kuita izvozvo nomusi weSvondo. Handigoni kureva zvose, nokuti ndinosvoda. Asi izvi ndizvo zvakaitirwa hama dzako muna Kristu uve ndizvo zvinoitirwa vamwe nanhasi kwose.
Mumwe inuKristu wakaratidza kutsunga mujere imomo ndimufundisi Milan Haimovichi. Mujere makanga muna vanhu vakawanda zvikuru, saka varindi havana kuziva vanhu vose kana kuziva mazita avo. Vaingodanidzira vachiti: ''Vaya vaka tongerwa kurohwa shamhu dzina makumi ma viri neshanu ngavauye!" Ruzhinji vanhu vairohwa shamu idzodzo vadarika mumwe murayiro womujere. Zvino dzimwe nhambo mufundisi Milan Haimovicbi vakasimuka vakaenda kundorohwa pachinhambo chomumwe. Vakagona kuita izvi nokuti varindi vakanga vasingazivi kuti munhu wakanzi arohwe ndiani. Saka mufundisi uyu wakakudzwa zvikuru navamwe vasungwa pamusoro paizvozvi zvaakaita uye vasungwa vakakudzawo Kristu.
Handingarondedzeri zvinhu zvose zvakaitirwa vanhu mumajere avakomunist. Asi ndingagonawo kurondedzera zvinhu zvakawanda zvavaKristu vakaratidza kutsunga pakutenda kwavo kunyange vairohwa nokutambudzwa. Vamwe vatendi vekereke iya inobata pakavanda vakasimbiswa zvikuru vachinzwa zvokutsunga kwakaratidzwa navaya vaKristu vakasungwa.
Mumwe mutezo wedu wekereke inobata pakavanda waiva musikana. Mapurisa avakomunist akanzwa kuti iye anopa vana zvipande zveShoko raMwari kuti vaverenge achivadzidzisawo zvaKristu. Zvino vakatenderana kuti vamusunge, asi vakati, ngatimirire kusvika musi waanowanikwa, tigomubata kuti zvigonyanya kumurwadza. Zvino nomusi wokuchata kwake, waka-
24
pfeka nhumbi dzokuchata, zvarmro zuva guru paupenyu hwomunhukadzi. Zvino asati aenda kukereke, mapurisa avakomunist akasvika. Musikana uyu zvaaiziva kuti ndiye wavavinga, wakavapa maoko ake kuti vamusunge. Ivo vakamubata vakamusunga maoko ake. Zvino musikana uyu ndokuwoneka hama dzake nomurume wake, achiti, "Ndinovonga Mudiwa wangu wokudenga kuti wakandiitira chinhu chinokosha kudai pazuva rokuchata kwangu. Anoda kuti nditambure nokuda kwake." Vakaenda naye, hama dzake nomurume wake vakasara vachichema vose, nokuti vaiziva kuti vasikana vanoitirwei mujere navarindi vavakomunist. Musikana uyu wakazosunun�urwa kwapera makore mashanu. Achibuda mujere wakanga achiratidza kuva ruchembere rwakasakara nokuda kwokurwadziwa mwoyo nokuti waitambudzwa zvikuru navarindi vaya vavakomunist. Asi murume wake wakanga achimumirira, asingadi kuwana mumwe mukadzi. Zvino mudzimai akati, "Mumme wangu zvinhu izvi zvandakaitirwa ndingati zvidoko hazvo nokuti ndakazviitirwa nokuda kwaKristu." Tinowana vatendi vazhinji vakadai mukereke inobata pakavanda.
Kutsausa ndangariro
Vanhu vari munyika dzisati dziri pedo navakomunist, vanonzwa havo shoko rokuti vakomunist vanotsausa ndangariro dzomunhu wavanenge vabata. Vanoda kuti akanganwe zvinhu zviya zvaaisimbotenda agobvumira zvinhu zvavanomudzidzisa. Ini ndimene ndakaitirwawo zvinhu izvozvi. Ndakaona kut1 khichiri chinhu chakaipa zvikuru. Takagara makore mazhinji tichinzwa mashoko awa achingopamhidzwa nokupamhidzwa zuva rose, kubva mambakwedza kusvika ruvhunzavaeni, mashoko aingorehwa mwene separadhio. Mashoko aiti:
Chikomunist chakanaka!
Chikomunist chakanaka!
Chikomunist chakanaka !
Chikomunist chakanaka!
ChiKristu upenzi!
ChiKristu upenzi!
ChiKristu upenzi!
Chiregei!
Chiregei!
Chiregei!
25
Takagara tichiitirwa izvozvi makore mazhinji tichinzwa mashoko iwawa muswere wose. Vamwe vakandibvunza vachiti: Makatsunga sei imi muchiitirwa izvozvi? Zvino ini ndinositi kwavari, kunongova nenzira imwe y"oga -yokukunda pakutsauswa ndangariro navakomunist. Nzira iyoyo ndiyo yokuti munhu apiwe ndangariro tsva naKristu. Kana munhu anatswa ndangariro dzake naKristu akazadzwawo norudo rwaKristu mwoyo wake uchada Kristu zvirokwazvo. Munhu wakadai kunyange akaitirwa zvakashata zvikadini ungatsunga.
Munhu angangosimbiswa norudo chairwo kana ari munjodzi yakadai. Rudo rwakasimba rwatinoziva tose ndirwo rudo rwamai nomwana wavo. Kana isu tichida Jesu sezvakaita mai vake ari mucheche, tichagona kutsungawo kunyange tichiitirwa zvinhu zvakasbata zvakadai.
Kana tichisvika pamatambudziko akadai, Mwari haatariri kutsunga kwedu, asi anotarira rudo rwedu. Ndinogona kutaura zvavaKristu vari mumajere avakomunist kuti vaiva norudo rwezvirokwazvo. Vaida Mwari vachidawo vanhu.
Ndaisiitirwa zvinhu zvinorwadza kudai, ndisingazorori. Pandaiita sendafa ndarasikirwa nendangariro dzangu ndikakoniwa kudavidza zvavaindibvunza, ndakadzoserwazve mumba mangu mandaigara. Ndaingovata ndiri ndoga mumba imomo mandaigara.
Ndaiti kana ndikawanazve simba rokuita chinhu voenda neni kundonditambudza. Kuna vamwe vakafa nemhaka yokugara vachiitirwa izvozvo, asi Mwari wakandirwira ndikararama. Pamakore iwayo ose handina kugara mujere rimwe roga. Mumajere ose iwayo ndakasangana namatambudziko akadai. Ndakavhunwa mafupa mana omumusana ndichirohwa uye ndakavhunwawo mamwe mafupa. Ndakachekwawo kudarika rune gumi. Ndakabayiwa ndikapiswa nomwoto mavanga ane gumi namasere.
26
Madhokotera eOslo munyika yaNorway akazonditarira vakaona mavanga iwawa ose, panhu pamwe nechirwere ·chorukosoro chandainzwa vakati, Zvauri mupenyu kusvikira nhasi inenji, nokuti mabhuku edu anotiratidza kuti munhu wakaita sewe haangararami. Neniwo ndinotenda kuti ndizvozvo, nokuti Mwari anogona kuita manenji.
Nd.inotenda kuti Mwari wakandibetsera kuti imi mose mugone kunzwa mashoko angu awa andinokuudzai pamusoro pekereke iri pakavanda munyika dzavakomunist. Mwari wakanditendera kuti ndiuye uno kwamuri kwandakatumwa nehama dzangu dziya dzinotambura kusvikira zvino.
Ndakasunuogurwa ndokusungwazve
Mugore ra 1956 ndakanga ndatopedza makore masere ane hafu ndiri mujere. Ndakaonda zvikuru nokuti vaindinyima zvokudya, nokundituka, muviri wangu wakanga uzere mavanga. Ndakatukwa zvikuru ndikabvunzururwa kwazvo. Vakaita izvi vachida kuti ndibvume mhosva yangu ndigovaudza vaya vandakatenderana navo kumukira hurumende yavakomunist. Ndakaramba kubvuma izvozvo nokuti handina kunge ndazviita. Chimwe chinhu chaivanetsawo ndechokuti vanhu vedzimwe nyika vakaramba vachibvunza kuti "Ko Wurmbrand wakasungirweiko?" Saka vakaneta vakandisunungura.
Ndakadzokera kubasa rangu roufundisi ndikapedza vhiki imwe yoga ndichiriita. Ndakangoparidza ruviri rwoga, ipapo ndokudanwa namapurisa avakomunist. Zvikanzi, "we Wurmbrand, hauchatenderwi kuparidza kana kuita rimwe basa rechiKristu kubva zvino. Zvino ini ndakati, "Ko ndakatadzei?" Ivo vakati, "Wakatadza uchikurudzira vanhu vekereke kuti vatsunge. Pawakaita izvi waibvira kuti vatsunge kusvika Amerika ichizovarwira! Uye paya pawakati zvinhu zvinoshanduka, hand.iti waibvira kuti vakomunist havangabati nyika ino nokusingaperi. here?"
Vakada kundityityidzira vachifunga kuti ndichatya kubata pakavanda. Asi ndakaita izvi ndichibetserwa nomudzima1 wangu nomwana wangu.
Ndichibvako ndakaenda kundosangana navaya vaiungana pakavanda vachiita mapoka mapoka. Ndakavakurudzira kuti vatsunge varege kutenda nhema dzavakomunist vaiti
27
kusatenda kuna Mwari ndiko kunobetsera munhu zvikuru. Ndakaronga basa rekereke iya inobata pakavanda. ndikagadza vaparidzi vaigona kuparidzira vanhu shoko raMwari. Asi vakomunist havana kuziva izvozvo.
Kunyange ndakanga ndasunungurwa mapurisa haana kurega kunditeverera. Vakazondibatazve vakandisunga kwapera makore matatu. Asi rwendo runo vakarega mudzimai wangu nomwana wangu. Kuda vakatya kuti nyaya yangu inonyanya kuzikanwa navanhu vose. Saka ndakagara mujere makore masere ane hafu, ndikazosunungurwa kwamakore matatu oga 11dokusungwazve kwamakore mashanu ane hafu.
Ndingati kugara kwangu kwechipiri mujere kwakanga kwakaipa kudarika kwokutanga. Muviri wangu wakakasira kushayiwa simba. Asi hatina kurega kubatira Mwari, kunyange mujere. Kereke iya inobata pakavanda yakabatawo pakavanda mujere.
Chitenderano chedu
Mujere makanga muno murayiro wakasimba zvikuru wokuti kuparidza hakutenderwi. Taiziva tose kuti kana munhu akawanikwa achiparidza, anorohwa kwazvo. Asi isu takati ngatiparidze hedu nyange tichirohwa. Saka takaita chitenderano. Isu takaramba tichiparidza, ivo vachitirova kana vachinge vatiwana tichiparidza. Takafara kuti takagona kuparidz�, ivo vakafarawo kuti vakagona kutirova kwazvo. Saka isu navakomunist takafara tose.
Izvozvi zvakaitwa ruzhinji. Mumwe musi mumwe muKristu achiparidza varindi vakauya vakamubata ndokuinda naye kuimba iya yavanorovera vanhu. Zvino vamurova kwazvo. vakadzoka naye vakamukanda matakanga tiri, muviri wake wakazvimba uye uchisina ropa kwose kwose. Zvino iye wakasimukazve achigomera nokurwadziwa kwake, akati, "Ko ndanga ndasvika papi zviya zvavandibata?" ndokuenda mberi nemharidzo yake.
Zvirokwazvo ndakaona simba raMwari mujere. Havazati vari vafundisi voga vaiparidza kudai. Asi vamwe
vaKristu vakaparidzawo vachitungamirirwa noMweya Mutsvene.
28
Zvakanga zvichigozha kuti munhu aparidze panotyisa kudai. Nokuti vaya vose vaiparidza hakuna asina kurohwa zvikuru.
Kwaiva nomumwe musungwa muKristu wainzi Grecu mujere reGerla. lye wakatongerwa rufu, zvichinzi ngaaurawe achirohwa. Asi vakanga vasingadi kumuuraya kamwe kamwe saka vakapedza vhiki zhinji vachingomurova. Vaiti kana vamurova kamwe vomborega kwechinguva vachizorovazve. Vakamurova wo pamakandi.
Paanenge oziya nokuda kwokurohwa, dhokotera vaimubaya jekiseni kuti apepukezve. Vakamupawo zvokudya zvakanaka kuti ave nesimba pamuviri arege kufa kamwe kamwe. Wakadzamara akafa achirohwa kudai. Pakurohwa kwake mutungamiriri wavakomunist waivapo ndiReck, waiva wekomiti huru yeParty yavakomunist munyika yeRumania.
Reck achiona, muKristu uyu achirohwa wakaramba achipamhidza mamwe mashoko andakanzwa vamwe vakomunist vachirevawo. Waiti: "Ini ndini Mwari, ndini ndine simba rokukuuraya kana kukusunungura, ugorarama. Uya ari kudenga haana chaangakubetsera. Pano panyika ndini ndoga ndine simba rokuita pandinoda napo newe. Ndingakubetsera kana kukuuraya. Ndini Mwari!" Wakareva mashoko iwawa achidadira vaKristu.
Reck achidada kudero, wakapiwa mhinduro nomuKristu uya anonzi Grecu. Ndakazoudzwa mhinduro iyoyo naReck amene. Hinzi Grecu wakati: "Mareva shoko guru kwazvo musingazlVl. Mati munonzi Mwari imi? Chero gonye rimwe nerimwe ringazoita susupetu rakanaka nokuti ndicho chisikirwe charo. Imi hamuna kusikwa naMwari kuti muuraye vanhu muchivatambudza kudai. Asi Mwari wakakusikai achida kuti mufanane naye. Ishe Jesu vakaudza vaJuda kare vachiti: Imi muri vamwari. Upenyu hwamakapiwa naMwari huri mumwoyo · menyu. Kwaiva navamwe vakatambudzawo vanhu vachivauraya sezvakaita mupositori Pauro pakutanga, akazoona kuti anoita zvinhu zvakashata zvisingabetseri, saka akazotendeuka akafanana naMwari. Nemiwo vaReck, hamuna kusikirwa izvozvi zvamunoita ikozvino. Makasikirwa kuti mufanane naMwa-ri."
Asi pabasa irori, Reck haana kuda kuteerera mashoko iwawa sezvakaita Pauro ari paya pakaurawa Stefano, asine hanya namashoko aitaurwa naStefano. Nyange zvakadaro mashoko
29
awa akagara mundangariro dzaReck akazonzwisisa vavariro yaMwari paupenyu hwake.
Kune chimwe chinhu chatakadzidza tichatambudzwa nokurohwa kudai. Takaona kuti mweya womunhu unotungamirira muviri wake. Tichirohwa kudai, takanzwa kurwadza hedu asi chakanga chiri chinhu chiri kure nesu, mweya yedu yakachengetwa ikasimbiswa naKristu.
Taipiwa muto wakasviba mazuva ose, asi kamwe p.evhiki taipiwa chimedu chechingwa. Isu vaKristu taiti tinoda kupa Mwari chegumi nyange tiri mujere imomo. Saka taiti kana kwapera vhiki dzine gumi totora chimedu chedu chechingwa tochipa mumwe wakanga asina simba tichiti ndicho chegumi chedu chatinacho chatingapa Mwari.
Mumwe mutendi wakatongerwa kufa. Asati aurawa mudzimai wake wakatenderwa kuuya kuzowonekana naye. Zvino wakati kumudzimai wake: "Rangarirai kuti ndinofa ndichida vaurayi vangu nokuti havazivi chavanoita.
Saka ndinokumbira kuti iwe uvadewo, usavavenga kunyange vachiuraya mudiwa wako. Tichasangana hedu kudenga. Mupurisa wakanzi avarinde vachitaurirana wakabayiwa zvikuru namashoko awa. lye ndiye wakazondiudza mashoko iwawa amene nokuti wakapinduka akava muKristu ndokuzosungwawo, akaiswa mujere.
Mujere reTirgu-Ocna kwaiva nomumwe musungwa wainzi Matchevici. Wakasungwa ane :zero ramakore ane gumi namasere. Ari mujere wakarwara zvikuru achinzwa chirwere chorukosoro. Rama dzake dzakazvinzwa dzikamutumira mushonga unonzi, Streptomycin unova ndiwo waigona kumubetsera pachirwere chake ichi, kuti aregofa. Zvino mumwe mubati wejere wakamudana akamuratidza mushonga iwoyo akati: "Hoyu mushonga unogona kukupodza pachirwere chako, asi hautenderwi kupiwa mushonga nehama dzako. Zvino ini ndinoda kukubetsera, nokuti uchiri muduku chose, handidi kuti ufire muno mujere. Zvino chaungaita ndechichi: Kana ukatenda kutiudza pamusoro pavamwe vasungwa uchireva zvakaipa zvavanoita, ndichakupa mushonga uyu ndichiti kuvakuru, wakatibetsera saka takubetserawo tichikupa mushonga."
Asi jaya iri rakapindura pakarepo richiti: Handidi kugara ndichisvoda kana ndotarira muchionioni ndichiona chiso chc:P.1unhu wakapandukira vamwe vaKristu. Saka handidi kuita izvozvo. Kufa kurinani." Zvino uya mukuru ndokuti, "Rega ndikupe-
30
zve rimwe zano. Kuna vamwe vasungwa vanotenda kuudzira vamwe. Ivo vanoti vari vakomunist vachitiudza zvamunoita mu. Asi hatine zvokwadi pamusoro pavo nokuti vanoda kufadza mativi ose. Tinoda kuziva kuti zvinhu zvavanotiudza izvokwadi here? Vakatokupandukirai, vakakuitira zvinhu zvakashata chose. Tinonzwisisa kana uchiti haudi kuudzisira vamwe vasungwa. Asi ivo vanokuvenga vachikuudzisira, saka tiudzewo pamusoro pavo tigokupa mushonga uyu."
Asi jaya iri rakati, "lni ndinoshumira Kristu iye wakatidzidzisa kuti tide kunyange vanotivenga. Vanhu ava vamunoreva vahti1tira zvinhu zvakaipa kwazvo asi ini handidi kuvatsiva nezvakashata. lni handinei nezvenyu imi vakomunist." Zvino jaya iri rakadzokera kumba kwaro, ndiko kwandaigarawo ini. Wakazofa hake ini ndichimo mujere. Wakafa achirumbidza Mwari, achitendawo kufa asingadi kurarama nomutoo usiwo.
Ini handirwadziwi mwoyo nokugara mujere makore mazhinji kwandakaita. Nokuti ndakaona zvinhu zvinoshamisa kwazvo. Pana vamwe vaKristu vaiva mujere imomo ini ndingati ndaiva muduku pavari, nokuti vaKristu ivavo vakanga vakasimba zvikuru pakutenda kwavo. Vakanga vakafanana navaKristu vekare vakaurawa nokuda kwokutenda kwavo. Ivavo vandakanga ndinavo vakatendawo kufa nokuda kwokutenda kwavo. Handingapedzi kurondedzera zvesimba ravo nokutsungirira kwavo.
Zvinhu izvi zvandinoreva pano hazvina kuitwa mujere rimwe roga. Nokuti kuna vaKristu vazhinji mukereke inobata pakavanda vane simba rakadai. Mukereke iyoyo inobata pakavanda npimo makaonekwawo rudo ruya runonzi muBhaibheri "rudo rwokutanga."
Ndisati ndapinda mujere ndaida Kristu zvirokwazvo. Asi ndava mujere ndakazoona mwenga waKristu kubvira iya kereke inonzi ndiyo muviri waKristu. Zvino ndinoti ndinodawo kereke iyeyo inobata pakavanda sezvandinodawo Kristu e.okuti ndakaona rudo rwayo nezviito zvayo.
Mudzimai wangu nomwana wangu
Zviya zvandakasungwa ndikaiswa mujere ndakagara ndisingazivi kuti mudzimai wangu nomwana wangu varipi. Ndakazonzwa kuti mudzimai wakazosungwawo kwapera makore mazhinji. Vanhukadzi ndivo vanotambura kudarika vanhurume
31
mujere ravakomunist. Vasikana vaitadzirwa navarindi vejere, vachidadirwa nokusekwa. Mujere rakaiswa mudzimai wangu vasungwa vakapiwa basa rokuchera mugero mukuru kwazvo. Basa iri rakanga rakaenzana neraipiwa varume. Vainzi vafoshore ivhu mumugero iwoyu kunyange panhambo yechando. Zvino panharnbo yachando munyika idzodzo ivhu rinooma kunge bwe nernhaka yechando.
Vasungwa ava vaitarirwa nedzimwe pfambi dzaiva mujere imomo. Ndivo vakanyanya kutambudza vaKristti. Dzimwe nhambo mudzimai wangu wakafura bundo sen'ombe kuti arege kufa nenzara. Pabasa irori rokuchera migero vasungwa vaisidya makonzo nenyoka dzimwe nguva. Nomusi weSvondo varindi vaisitambudza mamwe madzimai vachiabata nokuakandira murwizi rukuru runonzi Danube nokuanyukurazve. Nyange nomudzimai wangu wakakandwawo murwizi saizvoz\10.
Mwana wangu Mihai wakasiyiwa pamba arioga, nokuti ini namai takanga tasungwa tose. Waifarira kushumira Mwari achiri mwana muduku. Asi achizosvika pamakore mapfumbamwe ezero wakatambura zvikuru nokuti ini baba vake namai vake takanga tasungwa tose. Ndipo paakatanga kuramba chiKristu nokusatenda zvinhu zviya zvaakadzidziswa. Waitambudzika chose kuti awane zvokudya nezvokufuka.
Vamwe vanhu vakanga vasingatenderwi kurnubetsera kana kubetsera rnhuri dzavaKristu vapi navapi vari mujere. Kwaivawo namamwe madzimai maviri vaiva vaKristu akabetsera mwana wangu. Ivo vakazosungwa vakarohwa zvikuru. Nanhasi madzimai awa anokamhina kunyange kwapera makore ane gumi namashanu.
Kwaivazve nomumwe mudzirnaiwo wakatora mwana wangu akandomuchengeta kumba kwake. Mudzimai uyu wakatongerwa makore masere mujere achinzi wakabetsera mhuri dzavasungwa. Ava mujerc wakapfurwa parnuromo meno ose akabva, mamwe mapfupa ake akavhunika. Naiyewo haachagoni kuzobatazve basa rake. Mudzimai uyu achagara ari chirema paupenyu hwake hwose.
"Mwanangu vimba naJesu"
Mwana wangu Mihai achitambura kudai, wakazowana basa ava namakore ane gumi nerimwe. Nokuda kwokutambura kwaakaita, wakazoramba kutenda chiKristu. Akazotenderwa ku-
32
ndotaura namai vake vatogara mujere makore maviri. Wakaenda kujere akandoona mai vake vakamaniwa namatanda aya esimbi anoiswa pamawindi ejere. Haana kugona kutenda kuti ndivo mai vake zvirokwazvo. Nokuti vakanga vane svina, vakaonda zvikuru vana maronda pamaoko, vakapfeka nhumbi dzomujere. Ipapo mai vake vakati: "Mihai mwanangu, vimba naJesu!" Ipapo varindi vakatsamwa zvikuru vakabata mai ava nokuvadzosera kwakare. Mihai wakachema achiona mai vake vachitambura kudai. Ndipo paakatendeukawo akazvipa kuna Jesu Kristu nezvirokwazvo, achiti kana mai vangu vachigona kuvimba naKristu kudai, ini ndingati Kristu ndiye Muponesi wangu nezvirokwazvo. Akazoti, "Kunyange pasina zvimwe zvinhu zvakanditaridza kuti chiKristu ichokwadi, kutenda kwamai vangu kwakandiringana.
Wakatambura zvikuru muchikoro. Wakadzidza zvakanaka akapiwa tayi tsvuku zvichinzi ndiko kutaridza kuti zvino wava nhengo yeboka ravakomunist vaduku. Ipapo Mihai wakati: "Handingatongosungi tayi yavanhu vakaisa baba vangu namai vangu mujere". Akabva adzingwa chikoro. Wakagara gore rose ndokupindazve chikoro asingaudzi vanhu kuti baba namai vake vakasungirwa chiKristu.
Mumwe musi vakapiwa basa rokunyora mashoko okuratidza kuti Bhaibheri harirevi chokwadi. Zvino iye wakanyora achiti, Mashoko atinopiwa okuratidza kuti Bhaibheri harirevi chokwadi, haane basa zvikuru. Zvimwe zvinhu zvinopomerwa Bhaibheri hazvizati zviri izvo. Izvi zvinongotaridza kuti mudzidzisi wedu haana kumborava Bhaibheri. Bhaibheri rinoreva chokwadi uye rinowirirana noruzivo rwamazuva ano." Ipapo Mihai wakadzingwazve pachikoro, akagara makore maviri. . . Kunyange akatambura, wakazogona kupinda chikoro cha
vafundisi. Pano wakadzidziswa dzidziso dzaMarx, mukuru wokutanga wavakomunist, zvichinzi ndiko kudzidza zvaMwari. Zvino_ Mihai wakaramba pachena. Vamwe vadzidzi vakabvumawo- zvaakareva saka iye wakadzingwa chikoro akakoniw:i kupedza dzidzo dzoufundisi.
Mumwe musi, achiri pachikoro mudzidzisi wakataura achida kutsigira shoko rokuti hakuna Mwari, ipapo mwana wangu ndokusimuka akati: Mudzidzisi, ko munoziva here kuti munopara mhosva: huru chose zvamunotsausa vana vechikoro?'' Jpapo vana vose vakabvuma shoko rakarehwa nomwana wangu. Vakangotya kutanga kutaura. Asi iye achitanga kutaura vose
33
vakabvuma. Pakudzidza kwake kwose haana kuudza vanhu kuti iye, ari mwana wa Wurmbrand uya wakasungwa nokuda kwokutenda kwake. Nokuti kana aizikanwa waidzingwa pachikoro.·
Mihai wakatambura zvikuru achishayiwa chokudya. Mhuri dzavaKristu vakasungwa dzaigara dzichifa nenzara. Nokuti chero munhu waiidza kudzibetsera wainzi ane mhosvawo.
Ndingamuudzai zveimwe mhuri yandinoziva yakatarubura kudai. Baba vakasungwa vakaiswa mujere nokuti vaibata pakereke iya inobata pakavanda. Vakasiya mudzimai wavo navana vatanhatu. Vana vaviri vokutanga vakanga vari vasikana, vakandotsvaka basa nokuti mai vairwara. Munyika dzavakomunist mabasa ose ndeehurumende, saka haapiwi hama dzavaKristu vakasungwa. Vakazova pfambi vari vaviri vose kuti vawane mari yokuchengeta mai vavo nehanzvadzi dzavo duku. Mungavapa henyu mhosva asi ndizvo zvavakaita nyange vaiva vaKristu. Hanzvadzi yavo yaiva namakore ane gumi namana yakaona izvozvi ikapenga ndokuiswa panhu pamwe navaya vanopenga. Kwapera makore, baba ndokubudiswa mujere, vakaona zvakaitwa mumba mavo vakakumbira Mwari kuti vadzoserwezve mujere kuti varege kuona izvozvi. Vakazosungwazve nokuti havana kurega kuparidza zvechiKristu. Vana vaya vaviri vakazorega zvoupfambi. Vakawana basa pamapurisa avakomunist vachinzi zvavari vana vomuKristu wakasungwa vanenge vanoziva vamwe vaKristu. Saka vakapiwa basa rokundoudzira mapurisa zvose zvinoitwa nokutaurwa navaKristu. Apazve, mungavapa henyu mhosva nokuti vane mhosvawo zvirokwazvo, asi imi munogara mune dzimwe nyika, ko munoitei kuti mubetsere vaKristu ivavo? Ko hamunawo mhosva here, ivava zvavanowira mumiidzo yakadai?
CHITSAUKO 3.
Ndakapedza makore ane gumi namana ndiri mujere. Pamakore ose awa handina kumboona Bhaibheri nyange, rimwe bhukuwo. Zvokunyorwa ndakanga ndatokanganwa hangu. Ndakakanganwawo zvinhu zvizhinji zvomuBhaibheri nokuda kwokugara ndichirwara nokunetswa navakomunist. Asi musi wandakapedza makore ane gumi namana ndima yeBhaibheri yakamuka
34
mundangariro dzangu ndeiya inoti, "J akobo akamubatira makore manomwe pamusoro paRakeri, asi akava samazuva mashoma kwaari, nokuti wakanga achimuda."
Panhambo iyoyo vasungwa vazhinji vakasunungurwa munyika yedu nokuti vanhu veAmerika vakanga vakanyuny uta zvikuru. Saka neniwo ndakasunungurwa panhambo iyoyo.
Ndakasanganazve nomudzimai wangu, iye wakanga akangondimirira makore iwawa ose.
Takatangazve tisina chinhu, nokuti ikoko kwedu, kana munhu asungwa anotorerwa zvose zvaanazvo, zviri pamu&ha pake.
Vafundisi vakasunungurwa panhambo iyoyo, vakapiwa zviunga zvidoko. Ini ndikanzi ndiende kuchitmga cheOrsova. Asi vehurumende vakandirayira kuti, "Chenjera! nokuti pachiunga ichocho pane mitezo ina makumi matatu navashanu. Hatidi kuona kuti pawedzerwa kunyange munhu mumwe pachiunga ichochi." Ndakanziwo ndibetsere mapurisa avakomunist ndichivaudza zvinoitwa navaKristu mukereke, uyezve ndakanzi ndisatendera vana namajaya kuti vauye kukereke. Ndizvo zvinoitwa panyika dzinouswa navakomunist.
Ndakaziva kuti kana ndikangoparidza kamwe mukereke iyi, vanhu vazhinji vachauya ipapo mitezo yekereke ikawedzerwa. Saka handina kuenda kuchiunga chiya chandakapiwa. Ndakandobatazve mukereke iya inobata pakavanda, ndikasangana navo pamufaro wavo napanjodzi dzavo.
Mumwe musi ndiri mumba nomumwe muKristu mune dmwe guta, ndichizorora ndakadanwa zvichinzi, Uno kune hama dzabva kune imwe nyika." Ndakaenda ndikandosangana navo, ndakaona kuti zvirokwazvo munyika yeAmerika neyeEurope muna vaKristu vanotirangarira. Vamwe vakanga vatotanga kutuma zvinhu zvingabetsera mhuri dzavaKristu vakasungwa nokuda kwokutenda kwavo. Vakatumawo mabhuku echiKristu pakavanda.
Ndakapinda mumba mavaivari ndokuona varume vatanhatu. Takataurirana navarume ava nhambo refu. Zvino ivo vakati, takanzwa kuti mumba muno muno munhu wakagara mujere makore ane gumi namana, saka tati handei tindomuona. Ini ndikati, Ee, ndini iyeye murume wamunotsvaka. Ivo vakati, "Aa, ndimi! Hatingatendi kuti ndimi makagara mujere kudai nokuti muno mufaro uye munoseka musingashuwi." Asi vakazotenda havo kuti ndini wavakanzwa zvake. Zvino ini ndakati: Ndinofara zvikuru nokuti imi hamuna kutikanganwa.'' Nyaya iyi
35
ndiyo yakamutsa mwoyo yavaKristu vedzimwe nyika, vakatanga kutsigira kereke iya inobata pakavanda. Vakatitumira maBhaibheri pakavanda panhu pamwe namamwe mabhuku echiKristu, uye mari yokubetsera vaya vakasungirwa kutenda kwavo.
Havana kutipa shoko raMwari roga. Asi vakatiratidza kuti vanotidawo. Izvozvi zvakatisimbisa kwazvo.
Zviya zvatakagara mujere vachiedza kukanganisa ndangariro dzedu vaiti, "Hakuchina anokudai, hakuchina anokudai.'' Zvino takazoona vaKristu veEngland noveAmerika vachiuya kuzotibetsera, kunyange pamwe vaigona kubatwa vakawira munjodzi huru kwazvo. Isu takavapa mazano tichivaratidza mi. too yavangaita nayo basa iri pakavanda, mapurisa avakomunist asingazivi.
Takavavonga zvikuru pamusoro pamaBhaibheri avakatipa. Vamwe vanhu vanogara munyika dzina maBhaibheri mazhinji havanganzwisisi kuti kugara usine Bhaibheri chose kwakadini?
Ini nemhuri yangu takabetserwawo zvikuru navo. Dai vasati vari ivo, tingadai tisina kurarama. Kuna vamwe vafundisi vazhinji navaKristu vanotambudzwa vakabetserwa neimwc Mission iri muEngland inoita basa iri. Isu taiti vanhu ivava vakafanana navatumwa vaMwari vanouya kuzotibetsera.
Zvandaibatazve mukereke yakavanda ndingadai ndaisungwazve. Asi kune Mission mbiri dzakaripa mari yokuti nditenderwe kubuda munyika yeRumania, Mission idzodzo ndedzidzi dzinoti, "Norwegian Mission to the Jews" uye 'Hebrew Christian Alliance.' lvo vakabvisa $5,000. Ipapo ndakatenderwa kuti ndibve munyika yangu.
Ndakabva munyika yeRumania
Ini pachangu ndakanga ndisingadi kubva munyika yangu, kunyange ndaigona kusungwazve. Asi vatungamiriri vekereke iya inobata pakavanda vakandikumbira kuti ndiende ndindoudza vamwe pamusoro pekereke iyoyi inobata pakavanda, ndigondova munyai wavo. Vakada kuti ndindotsanangurira vamwe zvenjodzi dzavo nokutambudzika kwavo. Ndakabva hangu nokuti ndakanga ndatumwa kundoita basa. Nyange ndakaenda mwoyo wangu uriko. Ndinovashuva zvikuru. Nokuti dai risiri basa irori randakatumwa, ndingadai ndaigarako. Asi zvandakapiwa basa, ndiri kuno hangu.
36
Ndisati ndabvako, mapurisa avakomunist akandidana ruviri. Vakati mari yokuti uende yakabviswa hayo. Rumania haina mari chose nokuda kwokutonga kwavakomunist rnka ichitengesa vamwe vanhu vayo kudai. Mapurisa avakomunist akati: "Mungaenda henyu kunyika dzokumavirira mugondoparidza zvaKristu asi musataura chinhu pamusoro !)'°..du. Kana mukandoudza vanhu zvatinoita kuno muchaona! Tinokuudzai zvose zvatichaita. Nokuti kana tikabvisa $1,000 tingatuma munhu akauyako kuzokuurayai pakavanda. Kana tisingaiti izvi, tingatuma vanhu vangazomubata vakauya nemi uno." (Ini ndimene ndakagara ndiri mujere nomumwe mukuru wekereke wainzi, Vasile Leul, munhu womunyika yeRumania wakandobatwa munyika yeAustria akadzoserwa mujere. Nzara dzake dzose dzakadzurwa, kuti arwadziwe zvikuru. Ndakaonawo vamwe vakabatwa Berlin munyika yeGermani, vakadzoserwazve Rumania. Mazuva ano vamwe vanhu veRumania vakabatwawo munyika yeFrance neltaly, vakadzoserwazve kwakare.)
Mapurisa avakomunist akatiwo, "Chimwe chinhu chati· ngaita ndechokumupomedzera nhema. Vanhu veAmerika havatani kungotenda chero nyaya yavanzwa. Tingavaudza kuti imi makatadza navakadzi muri uno kana kuti makaba, kana kungoreva chimwe chinhu chamakatadza muchiri uno."
Mapurisa avakomunist akandityityidzira kwazvo, ndokuzoti, chienda hako. Vakatenda kuti ndichatya ndikarega kundoreva zvavanoita. Kuna vamwe vakakanganiswa ndangariro dzavo navakomunist. Vanhu ivava vakatambudzwa zvikuru sezvandakaitirwa saka havana chavanotaura nokuda kwokutya. Kuna vamwe vakadai vanogara vachireva zvakanaka pamusoro pavakomunist nokuda kwokutya kunyange ivo vamene vakatamhudzwa navo saizvozvo. Zvino vakomunist vakafunga kuti neniwo ndichandonyarara saizvozvo.
Ndakabva munyika yangu yeRumania muna December 1965.
Ndisati ndabvako ndakaenda kuguva romukuru uya wamapurisa avakomunist wakati ndisungwe ndigorohwa nokutan,budzwa. Ndakandoisa maruva pamusoro peguva rake. Ndakaita izvi ndichida kuratidza kuti ndakazvipa chose kuna Mwari kuti ndigovigira vakomunist fuma yomufaro waKristu wandinawo ini asi ivo vasina.
Ndinovenga chikomunist asi ndinoda vakomunist nyange vachiitira vamwe zvinhu zvakashata klldai. Ndinovenga chita-
37
dzo ichocho, asi ndinoda vatadzi ivavo. Ndingati, ndinoda vakomunist nomwoyo wangu wose. Kunyange vakauraya havo vaKristu asi havangagoni kudzima rudo rwavaKristu, nokuti vaKristu vanoda kunyange vaya vanovauraya. Handivengi vakomunist napaduku pose. Kunyange vaya vakandirova nokunditambudza handivavengi asi ndinovada.
CHITSAUKO 4
VaJuda vano rungano runoti musi uya wakabva madziteteguru avo Egipita, vakaambuka Gungwa Dzvuku. Asi vaEgipita vakabitirirwa. Ipapo valsraeri vakapururudza vakaimba rwiyo rwokurumbidza Mwari. Zvino vatumwa vokudenga vakabvumirawo rwiyo irworwo rwokurumbidza Mwari. Asi Mwari wakati, Nhai imi vatumwa vangu, Ko munofarireiko pamusoro pokufa kwavaEgipita? Regai valsraeri vaimbe havo voga n,)kuti ivo vanhu. Asi imi vatumwa vangu hamungaimbi. Ko vaEgipita havazati vari vanhu vandakasika here? Ko handivadiwo sezvandinoita vai�sraeri here'?
Joshua achisvika J eriko wakaona mumwe murume am ire akatarisana naye akabata bakatwa muruoko rwake. Ipapo Joshua wakamubvunza achiti, "Ko muri wedu here kana muri muvengi wedu?" Deno murume uyu aiva munhu angadai aiti, "Ndinokurwirai imi." kana kuti. "Ndiri muvengi wenyu: i kana kutizve, "Handina boka randinomiririra." Munhu angadai aipindura hake achidai. Asi murume uyu wakasangana na.Toshua wakapindura zvinogozha kunzwisiswa nokuti wakangoti, "Kwete." Ko waibvirei?
Munhu uyu wakabva pana Mwari. Zvino rangarirai kuti ndangariro dzaMwari dzakasiyana nedzavanhu. Mwari anonzwira vanhu vose tsitsi, achidawo vanhu vose. Saka murume uyu akapindura saizvozvo.
Kana tirisu vanhu tingadai taiti ngatirwe nechikomunist nomwoyo wose, tichirwawo navakomunist ivavo, nokuti ndivo vanotsigira zvinhu zvose zvakashata zvisingadikanwi.
Asi isu vaKristu hatizati tichingova vanhu chete. Tiri vana vaMwari. Saka tinonziwo tifanane naMwari.
38
Kunyange ini ndakagara mujere ravakomunist ndichitambudzwa navo handivengi vakomunist. Nokuti naivo vanhu ,akasikwa naMwari. Ndinongovada. Ndingagovavengerei? Izvi handirevi kuti ndinonzwanana navo, kwete. Nokuti shamwari dzinowirirana kwazvo. Ini handiwirirani navanhu vanovenga Mwari, nokuti ini ndinomuda zvikuru.
Kana ndichibvunzwa kuti: Ko munorwisana navakomunist here kana kuti munovarwira, bandingapinduri neshoko rimwe. Ndingati chikomunist chinhu chakaipa zvikuru, ndinorwisana nacho, ndichida kuti chikundwe kwazvo. Asi pamwezve mwoyo wangu unogara kudenga kuna Jesu Kristu. Nokuti ikoko kudenga vakomunist vanodikanwa nyange vakatadza havo chose. Kudenga kunongova nevavariro imwe yoga yokuti vakomunist vazivewo Kristu, vagofanana naye. Saka ndinoda kuti vanzwe zvaKristu vagogamuchira upenyu husingaperi.
Kristu Tenzi wangu anoda vakomunist. Nokuti wakati, ndinoda vanhu vose. Wakatiwo zviri nani kusiya makwai aya ana makumi mapfumbamwe namapfumbamwe ari mudanga mufudzi achindotsvaka gwai rimwe rakarasika. Ndizvo zvinoramba zvichingoonekwa navana vake vatsvene kubva kare kusvikira nhasi. Mumwe muKristu wainzi Macary wakati, kunyange munhu akada vanhu vose nomwoyo wose achingosiya mumwe oga waanoti, handimudi, munhu anodero haanganzi muKristu nokuti rudo harushari. Saka rudo rwake haruna kukwana. Mumwezve wainzi Augustino wakati deno vanhu vose vaiva vakarurama kuchingova nomutadzi mumwe chete, Kristu aidai aingouya kuzofira mutadzi iyeye mumwe pamuchinjikwa, 11okuti Kristu anoda munhu upi noupi. Saka chiKristu chinoratidza zviri pachena pano. Vakomunist vanhuwo saka Kristu anovada. Saka vanhu vose vanotevera Kristu nezvirokwazvo vanodawo vakomunist. Tinoda vatadzi kunyange tichivenga zvitadzo zvavo zvavanoita.
Ndakasangana navaKristu mujere ravakomunist vaka.sungwa makumbo namaziketani asingabviri nokusimudza kwose. Vakasivavaidzwa nesimbi dzinopfaa, vachihwidzwa munyu muzhinji vasingazopiwi mvura kuti vanyause pahuro. Vakanyimwa zvokudya, vakarohwa kwazvo vakaiswa pachando. Nyange zvakadaro vakanyengeterera vakomunist nomwoyo wose. Zvinhu zvakadai hazvinganzwisiswi nomunhu. Asi ndirwo rudo rwaKristu ruri mumwoyo mavo.
39
Dzimwe nhambo vaya vaimbotitambudza kudai vakazosungwawo vakaiswa mujere panhu pamwe nesu. Nokuti kana vakomunist vachitonga nyika havazi vanhu vaya vanoramba chikomunist voga vanoiswa mujere. Asi vakomunist vamene, kunyange vatungamiriri vamene vanoiswawo mujere. Ipapo vaya vaimbotambudza vamwe navaya vaitambudzwa vakazogara panhu pamwe. Zvino vasungwa vose vakanga vasati vari vaKristu vakavenga vaya vakambovatambudza vakanga vasungwa zvino. Saka vakavarova chaizvo vachiti, "Toko waro!" Asi vasungwa vaiva vaKristu vakabetsera vatambudzi vavo kunyange vamwe vasungwa vakada kuvarova dzimwe nhambo, vachiti, Asi imi vaKristu moda kurwira vakomunist kanhi? Ndakaona muKristu achitora chimedu chake chechingwa nomushonga waigona kumubetsera akapa mukomunist wairwara. Mukomunist uyu wakambomurova asi akazosungwa panhu pamwe naye. Panhambo iyoyo taingopiwa chimedu chechingwa chimwe choga pavhiki yose.
Mumwe Prime Minister weRumania wainzi Maniu, waiva muKristu akazosungwa akandofira mujere. Asati afa wakati, kana vakomunist vakazokundwa muno munyika yedu, muKristu mumwe nomumwe ngaavabetsere nokuti vangaurawa navanhu vavakagara vachitambudza zvikuru.
Zviya zvandakatendeuka ndakatambura nezvandakanzwa mumwoyo mangu. Pandakafamba munzira ndaifunga zvomunhu mumwe nomumwe wandakaona, ndichiti, ko uya wakaponeswa here? Kana pachinge paiva nomumwe wekereke wakatadza, ndakachema zvikuru. Nanhasi ndinoshuva saizvozvo kuti vanhu vose vaponeswe nyange navakomunistwo.
Dzimwe nhambo mujere paya paipfigirwa munhu ari oga asingaoni vamwe takakoniwa kunyengetera sezvataisiita misi yose. Nokuti takafa nenzara, tikapiwa mushonga wokudziyanisa ndangariro dzedu, saka takaita samapenzi. Takanga tisisine simba chose. Kunyange munyengetero waShe takawana kuti wakareba chose tikakona kupedza kuunyengetera wose. Asi munyengetero woga wandakaramba ndichipamhidza ndowokuti, "Jesu ndinokudai!"
Mumwe musi, Mwari wakandipindura munyengetero wangu iwoyu achiti, "Unondida here? Rega ndikuratidze kuti neni ndinokudawo." Ipapo ndakanzwa mwoyo wangu uchipisa nokupisa kwakaita sokwezuva. Vaya varume vaviri vaienda Emausi J esu akafamba navo, vakazoti
1 Ko mwoyo yedu yanga
40
isingapisi matiri here, zviya zvaanga achitaura nesu munzira. Ini ndakanzwawo izvozvi. Ndakanzwa rudo rwaJesu wakatifira parnuchinjikwa. Rudo irworwo runodawo vakomunist kunyange zvitadzo zvavo zvakakura zvakadini.
Vakomunist vakaita zvinhu zvakaipa zvinotyisa zvikuru nazvino vanongozviita. Asi Bhaibheri rinotaura pamusoro · porudo richiti, "Mvura zhinji haigoni kudzima rudo. Nzizi hadzingarubitirisi. Nokuti rudo rune simba sorufu, godo rinokuvadza seguva." Guva rinoda kugamuchira vanhu vose vose_vafumi navarombo, vakuru navadoko, vanhu varnarudzi ose ose, vakanaka navakaipa. Saizvozvowo rudo runoda kugamuchira vanhu vose. Kristu anova ndiye rudo, haangaregi kuda vanhu kusvikira vakomunist vauyawo kwaari.
Mumwe musi ndiri mujer0 mumwe mufundisi wakaknndwa mumba mandakanga ndiri. Chiso chake nomuviri wake zvakanga zvichierera ropa. Wakanga arohwa kwazvo zvino isu takamugezesa. Ipapo mumwe musungwa wakatuka vakomunist. Asi iye mufundisi wakataura achigomera akati, "Usavatuka nokuti ndinoda kuvanyengeterera."
Taiva nomufaro nyange mujere
Kana ndichirangarira makore ane gumi namana andaiva mujere ndinorangarirawo mufaro wedu. Dzimwe nhambo vamwe vasungwa, kunyange navarindiwo, vakashamiswa vachiona mufaro wedu tiri pakutambudzika kwedu. Taiimba nziyo kunyange vakatirova nokuda kwokuimba kwedu. Ndakaona vaKristu vari mujere vachidzana nomufaro mukuru. Ko vakafara sei vari pakutambudzika kwakadai?
Ndakarangarira mashoko aJ esu aakataura navadzidzi vake achiti, "Meso akakomborerwa anoona zvamunoona imi." Jesu wakataura mashoko iwawo vadzidzi vake vachangodzoka kwaakanga avatuma kundoparidza munyika yeParastina.
Parwendo rwavo vakasangana nezvinhu zvisina kunaka nokuti nyika iyoyo yakanga ichitambudzika pamazuva iwawo. Vakaona vanhu vaitambudzika namatenda avo nenzara nokuchema. Pamwe vanhu vakaiswa mujere, hama dzavo dzichiona dzikachema. Izvi zvose zvakanga zvisingafadzi. Nyange zvakadero Jesu wakati, "Meso akakomborerwa anoona zvamunoona imi." Wakataura kudero nokuti vadzidzi vake havana kuona njodzi idzodzo dzoga. Asi vakaonawo Muponesi wavanhu anova ndiye mukundi ana masimba ose. Saka vakagona kufara.
41
Makonye anofamba pamashizha angafarawo nokuti anoziva kuti anozoshanduka masusupetu akanaka zvikuru. Naizvozvo nesuwo taigona kufara hedu mujere.
Ndaigara navanhu vakafanana naJ obo, kwoga kuti varnwe vakatambura kudarika J obo. Asi ndakarangarira mugumo waJ obo, kuti iye wakazowana zvinhu zvikawanda kudarika zviya zvaakarasikirwa nazvo. Ndaigara navanhu vakafanana nomurombo Razaro vachifa nenzara, vana mamota asina kurapwa. Asi ndakazivawo kuti naivo vachasimudzwa navatumwa vokudenga vachindoiswa pana Abrahama, mumufaro. Ndakarangarira kuti vachazodini mberi ikoko kunouya. Vakanga vasina. simba mumuviri wavo uye vakanga vakapfeka mamvemve, vane tsvina, asi ndakaziva kuti vachazogara muushe hwaMwari vane mbiri.
Asi ndichitarira vasungwa ava kudai, ndakarangarira kuti Pauro wakambotambudza vaKristu akazoshanduka akashumira Mwari. Saka ndakati vaya vaititambudza vangagona kushandukawo saizvozvo nenyasha dzaMwari. Vamwe vakashanduka saizvozvo. Mamwe mapurisa akanzwa vaKristu vakanga v'1kasungwa vachitaura pamusoro pokutenda kwavo vakatendeuka vakazogarawo mujere vachitambura nokuda kwokutenda kwavo. Varindi vedu vachitirova takarangarira murindi uya wejcr� reFiripi wakarova vanaPauro akazotendeuka. Takati naivowo vangangozoti, "Ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?" Dzimwe nhambo vaKristu vakasungirirwa pamichinjikwa vambomhamhirwa muviri nesvina yavamwe. Zvino vanhu vangaseka asi isu takarangarira vanhu vaya vakamira pamuchinjikwa paGorokota vachiseka vakazobvapo vachifunga kuti kuda tatadza.
Mujere ndimo matakaona kuti vakomunist vangatendeukawo. Takanzwawo kuti tine basa ratakapiwa pamusoro pavo ratisingagoni kurega. Nokuti takadzidza kuda vakomunist, nyange vaitirova zvikuru.
Vamwe vangu vakaurawa, asi munhu iyeye wakavauraya wakazotendeukira kumba kwangu. Handiti ndimo maakanga akakwanirwa nokutendeukira here? Saka mujere ravakomunist ndimo matakatanga zano rokuvamba basa rokusvitsa shoko revhangeri kuvakomunist.
Zivo yomunhu sezvayakasiyana zvikuru nezivo yesvosve, saizvozvo zivo yaMwari yakasiyana zvikuru nezivo yomunhu. Isu vanhu tinoti chinhu chinonyanyisa kutyisa kuti munhu asungirirwe pamuchinjikwa ambomhamhirwa muviri wose nesvina yavamwe.
42
Asi Bhaibheri rinoti awa anongova matambudziko akareruka. Makore ane gumi namana andakagara mujere ndakafunga kuti inhambo refu zvikuru asi Bhaibheri rinoti "chinongova chinguva chiduku." Nokuti kutambudzika uku kunotivigira kubwinya kusingaperi. Mamwe mabasa a vakomunist akaipa kwazvo, isu tingatoti haangakanganwirwi. Asi kuda Mwari anoti haana kunyanyoipa. Vakomunist vakambova nesin1ba mune dzimwe nyika kwamakore ana makumi mashanu, asi pana Mwari chinongova chinguva chiduku hacho, nokuti pana Mwari, zviuru zvamakore zvakangofanana nezuva rimwe. Saka ivavo vanoita rnabasa akaipa zvikuru vangagona kudzokera kwaari vakaponeswa.
Hatingati vakomunist vanotendeuka vanodziviswa kupinda mukudenga, nokuti nzira inoinda kuna Mwari igere kudzivirwa. Vanogona kutendeuka sezvinoita vanhu vose. Saka ngativakokere tichiti, Nemiwo uyai kuruponeso.
Vakomunist vangatendeuka kana vachiona rudo rwedu. Kana ndichireva kudai, handibviri vaya vatungamiriri vekereke vanotya vanongobvuma zvose zvinotaurwa navakomunist.
Isu takatenderana kuti tichaita basa reMission tigokunda vakomunist tichivaparidzira shoko raMwari norudo.
Saka takatanga kurangarira vakuru vavakomunist. Dzimwe nhambo vatungamiriri vemission havarangarin zvi
nhu zvakamboitika mukereke kare. Ko nyika yeNorway yakagamuchira chiKristu sei? Handiti zviya zvakatendeuka mambo wavo Olaf, ndipo pakazotendeukawo vamwe vanhu here? Nyika yeRussia yakatanga kugamuchira Vhangeri kubva musi wakatendeuka mambo Vladimir . .Nyika yePoland yakaitawo saizvozvo. Nyika yeHungary yakagamuchira Vhangeri pakutendeuka kwamambo Stephen. Kunyange muAfrikawo dzimwe nhambo ishe wakatanga kutendeuka kukazotevera vanhu vake vose. Asi ruzhinji vanhu vatinonyanya kuparidzira Vhangeri havasati vari vatungamiriri.
Chinodikanwa ndechokuti vakuru vakuru vatendeuke, nvkuti ndivo vanotungamirira vamwe vanhu, ipapo vaya vavanotlingamirira voz�zererawo. Kana vatungamiriri vakatendeuka vaya vanovatevera vachatendeukawo.
Chimwe chinhu chingatibetsera pavakomunist ndechokuti mutungamiriri wavo mukuru ane simba guru kwazvo. Nhasi kana President weAmerika akaenda kune imwe kereke vanhu veAmerika havangamuteveriko. Asi kana Mao-Tse-tung, mukuru weChaina kana Breshnev mukuru weRussia kana Ceaushescu,
43
mukuru weRumania akatendeuka vanhu vake vose vangam11tevera vakagamuchirawo Vhangeri. Ndizvo zvinoita chikomunist, kuti vatungamiriri vanopiwa simba guru.
Ko, zvingabvira here kuti mutungamiriri iye mukuru wavakomunist ,ltendeuke? Hon'o, zvinobvira, zvirokwazvo a!Jgatendeuka. Nokuti kunyange ivavo vakuruwo vanogara vachitya vasina rugare nomufaro mumwoyo. Pavatungamiriri veRussia vazhinji vakaiswa mujere kana kufurwa navamwe vakomunist. Munyika yeChaina makaitwa saizvozvowo. Kana kuri muRussia kunyange aya makurukota aiva nesimba zvikuru vanaTagoda na Y ezhor naBeria vakafurwa vakaurawa, sezvakaitirwa vamwe vanhu. Saizvozvowo Shelepin, gurukota reRussia naRankovic, gurukota reYugoslavia vakadzingwa pamabasa avo pasina chavakaita.
Tingarwa nechikomunist nomutoo upi?
Hapana munhu anowana mufaro pachikomunist, kunyange vaya vanochishingairira. Kunyange ivavo vakuru vanogara vachitya vachiti rimwe zuva ndingabatwa namapurisa kana vamwe vasati vachanditenda.
Kuna '\akuru vavakomunist vandinoziva, vandaisisangana navo, ndichiona kuti vanoremerwa zvikuru nemhaka yokufunganya, vasina rugare mumwoyo mavo. Jesu Kristu ndiye oga angavapa rugare.
Kana vatungamiriri vavakomunist vakatendeuka; kuda nyika yose ingapukunyuka pakuparadzwa namabhambu aya anonzi, "Atomic bombs." Ipapowo vanhu havangazofi nenzara mari zhinji ichiperera pakutenga zvombo zvokurwa nazvo. Kana vakuru vavakomunist vakatendeuka kuda kusanzwanana kwamarudzi avanhu kuchapera. Ipapo Kristu navatumwa vokudenga vachafara zvikuru kana vakomunist vatendeuka saizvozvi. Kereke yaJ esu ichakunda zvirokwazvo, vaKristu vachiwana simba rokusvitsa Vhangeri kunyika dziya dzisati dzainzwa zvakaringana.
Ndinoziva vanhu vazhinji vakanga vari vakomunist asi vakazotendeuka. Ini ndimene ndiri jaya, ndaiti, Mwari hakuna. Saka tingati vakomunist vaya vaimboramba Mwari kare, kana vazotendeuka vanoda Kristu zvikuru nokuti vakambotadzawo zvikuru.
Pabasa rokusvitsa Vhangeri kuvanhu panodikanwa kuti pafungwe kwazvo. Kana tichirangarira kukosha kwoupenyu hwo-
44
munhu tingati vanhu vose vanotendeuka vakaenzana. Asi kana tichif unga zvingazoitwa nomunhu wakatendeuka hatingati v anhu vose vakaenzana. Kana tikagona kutendeusa munhu angazogona kutungamirira vamwe vakatendeukawo tingati taita basa guru. Saka zviri nani kutendeusa munhu wakadai pakutanga kutendeusa munhu anogara ari oga, asina vamwe vaangazobet5era kuti vatendeukewo. Jesu haana kufira vanhu pakavanda, asi wakavafira J erusarema, mumuzinda. Saizvozvowo Pauro wakashuva zvikuru kusvika Roma rinova ndiro raiva guta guru pano pasi pose pamazuva iwawo.
Bhaibheri rinoti, vana vomukadzi vachapwanya musoro wenyoka asi isu hatisati tasvika pamusoro wenyoka chaiwo. Musoro wayo uri muMoscow, muzinda wavaRussia kana Peking, muzinda wavaChaina. Deno vatungamiriri vekereke dzose vairangarira kuita basa iroro rokupwanya musoro wenyoka iyi.
Ngatirege kungoita basa riya ratinoita mazuva ose. Asi kereke ngairwe nechikomunist chaizvo.
Ngatishandure mabatiro atinoita mukereke, tirwe nechikomunist. Vanhu vanoda kukunda ndivo voga vanorwa navavengi vavo. Asi vaya vanongogara kwoga vasingarwi, havangakundi. Zvino pane zvechikomunist, tinoona kuti kereke mongotarira hayo ichingoona nyika zhinji dzichitorwa nokubatwa navakomunist, asi kereke isina chainoita.
PaMapisarema pane shoko rinoti, Mwari ane simba rokupwanya runzowa. Saka kunyange vakomunist vakaita savanhu vakazvikomberedza namadziro esimbi kuti vamwe vanhu varege kuziva zvavanoita munyika dzavo, Mwari ndiye angapwanya madziro iwawo.
Kereke yokutanga yaibata pakavanda kunyange yakanga isingatenderwi nemirayiro yavaRoma yaivapo pamakore iwawo. Isu vekereke tingabatawo saizvozvo munyika dzavakomunist kunyange vachiidza kuparadza kereke pakavanda.
Ndisati ndasangana navakomunist, handina kuziva kuti nemhaka yei muTestamente Itsva vanhu vachidanwa namazita okunemera sokuti Simion wainzi Niger naJ ohane wainzi Marko namamwe akadaro. Asi ndazogara navo ndakanzwisisa hangu, nokuti nhasi isu vaKristu vari munyika dzavakomunist tina mazita akadaiwo.
Musi uya Jesu achituma vadzidzi vake kundogadzirira imba yokudyira paseka yokupedzisira haana kuvapa nhamba yeimba kana kureva zita romwene wayo. Kare handina kuziva kuti
45
J esu wakaregerei kuvaudza izvozvo. Asi wakangoti, endai muchaona munhu wakatakura chirongo chemvura. Nhasi ndinonzwisisa izvozvi zvose. Nokuti nesuwo tinobata saizvozvi mukereke iya iri pakavanda tichingopana zviratidzo zvakadai.
Kana tiri munyika dzavakomunist tikatenda kuti tichabata basa nomutoo uyu tichidzokera pane zviya zvakaitwa nekereke yokutanga ndipo patichagona kuita basa rekereke yaKristu.
Asi ndichiuya kunyika dzokumavirira ndakawana kuti vamwe vatungamiriri vekereke vakafanana navakomunist pakudzidzisa kwavo. Havana rudo navakomunist asi vanototsigira zvimwe zvinhu zvinoitwa navakomunist, havavanzwiri tsitsi vachiti ngavapiwe Vhangeri.
Mashoko aya atinoreva panhu pamwe mukereke anonzi ndiko kutenda kwedu, hatingati ndizvo zvatinotenda nezvirokwazvo. Asi zvinhu zviya zvatinoita tisingazviregi kunyange tichiurawa nokuda kwazvo, nd izvo zvatinotenda.
VaKristu vekereke inobata pakavanda vanoratidza kuti anotenda mashoko aya avanorevawo nezvirokwazvo nokuti vamwe vanourawa nokuda kwokutenda kwavo. Ini pachangu, basa randinoita zvino ringandisungisa kana ndiri munyika dzavakomunist, ndingaurawa nokuti ndinotungamirira mission inobata pakavanda munyika idzodzo. Saka ndingati ndinotenda zvinhu izvozvi zvandinonyora pano.
Zvino ndinobvunza ndichiti, Ko vaya vatungamiriri vekereke dzeAmerika zvavanosharuwaridzana navakomunist, vanotendawo here kuurawa nokuda kwokutenda kwavo? Ko vanoregerei kurega basa ravanoita zvino munyika dzokumavirira vakandogara munyika dzavakomunist vachishamwaridzana navo ikoko? Hapana nomumwe pavari wakamboratidza kuti ,rnotenda nezvirokwazvo zvinhu zviya zvaanoreva.
Kare vanhu vaisitaurirana vachivhima panhu pamwe nokuredza panhu pamwe vachibatawo basa panhu pamwe. Vaisiudza vamwe zvinhu zvavaiziva. Asi kana tasvika pane zvaMwari hakuna munhu anogona kutsanangura izvozvi nomutoo kwawo.
Saizvozvowo kana tasvika pautsvinye noukasha hwavanhu, hakuna munhu angawana mashoko anoringana okutsanangura izvozvo. Ko iwe ungagonawo here kureva zviya zvakanzwikwa nomunhu mumwoyo make oda kukandwa mumwoto navaNazi vaya vaitonga nyika yeGermani? Ndiani angagona kureva zvinhu zvakanzwikwa mumwoyo womunhu wakaona mwana wake achikandwa mumwoto iwoyo?
46
Saka neniwo handigoni kut5anangura zviya zvose zvi1in:Lwikwa mumwoyo navaKristu vanotambudzwa navakomunist.
Ndakagara mujere panhu pamwe naLucretiu Patrascanu waitungamirira vakomunist kusvika vabata nyika yedu yeR umania. Zvino mubayiro waakapiwa navamwe vakomunist ndowokuti wakasungwa akaiswa mujere. Wakanga ane pfungwa kwadzo, asi vakamuisa mumba munoiswa vanhu vanopenga kusvika iye apengawo. Mumwe wakanzerwowo ndiAnna Pauker waiva gurukota rehurumende yavakomunist. Dzimwe- nhambo vaKristu vanoitirwa izvozvowo vachipiswa namagetsi sezvinoitwa vanhu vanopenga. Vanosungwa maoko kuti vakoniwe kubata.
Vanhu vakashamiswa zvikuru vachinzwa zvokutyisidzirwa kwakaitwa vaKristu vomumaguta eChaina namapurisa avakomunist. Zvino dofungai kuti vaKristu vari mumajere omun)·ika yeChaina vangaitirwei pasina munhu anoona.
Rimwe shoko reChaina ratakazonzwa nderokuti mumwe muKristu anozikanwa kwazvo wakambonyorawo mabhuku echiKristu wakakwaurwa nzeve akagurwa rurimi rwake namakumbo ake nokuti wakanga aramba kurandura kutenda kwake k.una Kristu.
Zvino chinhu chakaipa zvikuru chinoitwa navakomunist hakuzi kuya kungorova nokuuraya vanhu kwavanoita. Asi vano- · kanganisawo ndangariro dzavanhu vachitsausa vana namajaya nemhandara. Vakaisa vatungamiriri mukereke kuti vatsause vaKristu nokuparadza kereke. Kana vachidzidzisa vana havati regai kutenda kuna Mwari naKristu asi vanodzidzisa kuti vavenge nyange kunzwa mazita iwawa.
Dombofungaiwo shungu dzinonzwikwa navaya vakagara mujere makore nokuda kwokutenda kwavo asi vachidzokera kumusha wanei, zvino vosekwa nokudadirwa navana vakasara vachidzidziswa kuti vavenge vaKristu.
Saka ini ndingati bhuku iri harina kunyorwa neingi, asi ·· ·- · rakaflyorwa_ peropa ravaKristu vakaitirwa zvinhu zvakadai.
Tinorava muBhaibheri kuti dziya shamwari dzaDanieri nhatu dzakakandwa mumwoto dzikaponeswa naMwari dzakabvapo pasina kunyange nomunhuhwi womwoto pavari. Saizvozvo vaKristu vakabva mumajere avakomunist havana kunyangc rusvii svii rwokuvenga vakomunist.
47
Kuna mamwe maruva anonhuhwira anoti kana akatsikwa anonyanya kunhuhwira. Saizvozvo vaKristu kana vachitambudzwa navakomunist, vanonyanya kuda vaya vanovatambudza. Kunyange varindi vedu vctisititambudza mujere takabetsera vamwe vakatendawo kuna Kristu.
Chishuwo chedu chikuru ndechokuti tipe vakomunist vanotitambudza chinhu chakanaka zvikuru kubvira ruponeso runowanikwa pana Kristu.
Ini handma kufira mujere sezvakaita vamwe vangu. Ndakabudiswa ndikabva munyika yangu yeRumania ndikaenda kunyika dzokumavirira dzisina kumbokundwa navakomunist. Zvino nd ichiuya kuno ndakashamiswa kuona kuti vatungamiriri vazhinji vekereke dzouno vakasiyana navaKristu vari munyika dzinobatwa navakomunist. Vamwe vaKristu vazhinji vokuno havana hanya navakomunist, nokuti havana chavanoita kuti vakomunist vaponeswe. Vane mission dzokusvitsa Vhangeri kuvaJuda nava· Mahamati navaBudda. Vamwe vanoshingairira zvikuru vachikwezva nokunyengerawo mitezo yedzimwe kereke kuti iuye k ukereke yavo. Asi havana chavanoita kuti Vhangeri iparidzirwe vakomunist. Saka ndichiti havana rudo navakomunist. Deno vaivada, vangadai vaiwana mutoo wokuvaparidzira Vhangeri, sczvakaitwa kare naCarey wakaenda kundoparidzira vanhu velndia, uye Taylor wakandoparidzira vanhu veChaina.
Asi hakuzi kusava norudo navakomunist kwoga kana kusava nehanya yokuti vapiwe Vhangeri. Vamwe vatungamiriri vekereke vomuno vanotosimbisa vakomunist pakusatenda kwavo. Vanobetsera vakomunist kuti vapinze dzidziso dzavo mune dzimwe kereke. Vatungamiriri ivavo havaratidzi vaKristu kuti chikomunist chiri chinhu chakaipa zvikuru.
Vanoti, zvatisingatenderwi kuparidza munyika dzavakomunist hatina chatingaita. VaKristu vokutanga-tanga vaya vakatambudzwa navaRoma havana kundokumbira tendero pavaRoma yokuti vaparidzire vanhu Vhangeri. Asi vakangoparidza zvavo. Kana tikasasvitsa vakomunist pakutenda kuna Kristu vachazokunda nyika dzeEurope neAmerika vachirwisa kuparadza chiKristu.
Ko tinokangauwa zviya zvakaitwa kare here?
Pamakore okutanga kwekereke, kwaiva nekereke yakakura muAfrika, padivi rokumusoro. Mukereke iyoyo maiva navatµ-
48
ngamiriri vakakurumbira zvikuru vanorangarirwa nazvino vanoti, Augustino naSiprianu naAtanasiu naTertulia. Asi ivavo vaKristu veAfrika vane rimwe basa ravasina kuita, _ kuparidzira vaMahamati vakazouya Vhangeri yaKristu. Saka vaMahamati vakabata divi rose rokumusoro kweAfrika vakadzima chiKristu chose, Nanhasi vaMahamati vanogara kudivi iroro reAfrika. VaMahamati ivava vakavangarara zvikuru saka vachinzi havagoni kutendeuswa nomunhu.
Saka �su ngatidzidze hedu panyaya iyoyi, kuti kana tisingashingiriri kusvitsa Vhangeri kuvanhu vakadai, ndivo vangazotitambudza, pakutenda kwedu.
Dzimwe nhambo zvimwe zvinhu zvinoitwa nekereke zvingabetserawo vatongi venyika. Pamazuva okuvandudzwa kwekereke kuya kunonzi Reformation, kwaiva navatungamiriri, vanaLuther, naCalvin naHuss vakati, hatidi kutongwa napapa weRoma. Asi pamazuva iwawowo kwaiva navamwe vatongi vedzimwe nyika vakashuvawo izvozvo, vachiti, hatidi kuti nyika dzedu dzitongwe napapa. Nanhasiwo chishuwo chekereke iri pakavanda munyika dzavakomunist ndechokuti deno vakomunist vapiwa Shoko reVhangeri. Basa iri richabetserawo vanhu vari munyika dzisati dzabatwa navakomunist kuti vagare vakasununguka.
Nhasi nyika dzavakomunist hadzingakundwi nehondo kana nomumwe mutoo. Nokuti vakomunist vana mazibhambu angaparadza vanhu vazhinji kwazvo. Saka pahondo yakadai pangaurawa vanhu vakawandisa. Kuna vamwe vatongi vedzimwe nyika dzichakasununguka vasingadi kurwa navakomunist. Vanorwa nezvimwe zvinhu zvinogona kuuraya vanhu munyika dzavo zvinoti zvirwere namatsotsi nenzara nezvimwe zvakadai. Asi havadi kurwa nechikomunist, chinova ndicho chakauraya vanhu vakawanda kudarika vanhu vakaurawa nezvinhu izvozvi zvose.
Mumwe munyori womuRussia anonzi, Ilya Ehrenburg wakati, deno Stalin uya mutungamiriri wavakomunist veRussia airega kubata mabasa mamwe ose akangonyora mazita avanhu vaakauraya vasine mhosva, haazati aipedza kuanyora kunyange aianyora upenyu hwake hwose. Mutungamiriri wakazotevera Stalin wainzi Kruschev wakarevawo shoko iri pachena. Pane imwe ungano hum yeboka ravakomunist Kruschev wakati: "Stalin wakauraya vakomunist vasine mhosva vane zviuru nezvjuru zvamazana muno munyika yeRussia. Pane imwe komisi huru yavakomunist yomuRussia paiva navanhu 139. Pavari 98 vakabatwa vakafurwa nepfuti."
49
Zvino kana Stalin akaitira vakomunist saizvozvi, ko vaKristu vakaitirwei?
Kruschev wakati: Stalin haana kuita zvakanaka, asi iye Kruschev amene haana kusiyana naStalin. Pakereke dzose dzomuRussia dzakanga dzichipindwa navanhu pamazuva aStalin, hafu yadzo yakazopfigwa pamazuva aKruschev vanhu vasingatenderwi kupindamo.
Munyika yeChaina vakomunist vakanyanya kuitira vaKristu zvinhu zvakaipa kudarika zviya zvakaitirwa vaKristu veRussia naStalin. MuChaina hamuchina kereke ingapindwa pachena. MuRussia nomuRumania takazonzwa kuti vaKristu vanogarosungwa.
Munyika idzodzo vana vose vanodzidziswa kuti vavenge nyika dzokumavirira, kubvira nyika dzeEurope neAmerika, uye vanodzidziswa kuvenga chiKristu.
MuRussia muna vabati vavakomunist vanorinda kereke. Kana vakaona vana vachida kupindamo, vanovarova nokuvadzinga. Saka vana vanodzidza kuva noruvengo vachiri vaduku.
Kunongova nesimba rimwe roga ringakunda chikomunist. Simba iri ndiro riya rakanga riripo kare paya pakatanga kusvika chiKristu chikakunda kupira kwekare kwaivapo munyika. idzodzo. Ndiro simbawo riri mukereke dziya dzinobata pakavanda munyika dzavak:omunist.
Ko isu tingabetserawo kereke idzodzo here? Ee, chose. Tingavabetsera nemitoo mizhinji nokuti ihama dzedu pakutenda saka hatingaregi kuvanzwira tsitsi. Asi izvi ndizvo zvichabetserawo nyika yedu nekereke dzedu pamakore anouya. Deno vanhu vose vasati vasungwa nechikomunist vaibetserana nekereke idzodzo.
Kereke dziya dzinobata pakavanda dzakatogona kusvitsa vamwe vatungamiriri vavak:omunist pakutenda kuna Kristu. Dej, Prime Minister weRumania wakafa atendeuka nokuchema zvivi zvake, achiratidza kuti wakashanduka nezvirokwazvo. Munyika dzavakomunist mungava navamwe vakomunist vanobatira hurumende asi ivo vari vaKristu, asi vasingaratidzi kutenda kwavo pachena. Kana vakazowanda, kuda pangazova nokushanduka kwezvinhu munyika idzodzo. Handirevi kushanduka kuya kwakauya munyika yeYugoslavia, Tito ari mutungamiriri kana kushanduka kuya kwakauya munyika yePoland, Gomulka ari mutungamiriri, asi ndinoreva shanduko chaiyo inobatanidza kunyange navatungamiriri vamene. Nokuti kunyange kukauya vatu-
50
ngamiriri vatsva. chikomunist chingaramba chiripo vanhu vakaramba vakasungwa nacho.
Mazuva ano vamwe vakomunist vangada kurega zviya zvavaitenda. Vamwe vakomunist vanoramba vakanamatira pakutenda kwavo ikoko nesimba rose sezvinoita vaKristu vachinamatira pachiKristu chavo. Asi mazuva ano vakomunist vakatosvika pakukahadzika.
Vaisitenda kuti chik:omunist ndicho choga chingaunza ukama hwakasimba. Asi zvino voona kuti munyika dzavakomunist muno kukaka vadzana kukuruwo.
Vaifunga kuti hakuna Paradiso kudenga, kuchazogara vanhu panhu pamwe vachifara. Ivo vaiti chikomunist ndicho chingavavigira Paradiso pano pasi. Asi zvino vanhu vomunyika dzavakomunist vane nzarawo saka dzimwe nhambo vatungamiriri vavo vanotsvaka pavangatenga zvokudya mune dzimwe nyika dzisati dziri Jzavakomunist.
Vakomunist veRussia vaitenda kuti vatungamiriri vavo vanhu kwavo chose. Asi vakazonzwa kuti Stalin waiva mharadzi yakauraya vanhu vazhinji, uye kuti Kruschev ibenzi. Mashoko a.wa vakazoawana mumapepanhau anonyorwa navakomunist vamene. Yaiva navanhu vavaisikudza vanoti Rakosi, naGero naAnna Pauker naRankovichi. Asi vose ivava vakazonzi havana maturo Saka zvino havachazivi wavangatenda. Havachatendi kuti vatungamiriri vavo havaposhi. Pamazuva ano vakomunist vakaita savanhu vakarasikirwa nechinhu chik:uru. Asi ndinoti pavakarasikirwa nezvimwe ngavawane havo Kristu. Mwoyo womunhu unogarotsvaka Mwari, usingazorori kudzamara Kristu apindamo. Vakomunist vakaita saizvozvo. Mumwoyo mavo munoshayikwa zvimwe kusvikira vatenda kuna Jesu Kristu. Riya simba rorudo rinorehwa pa Vhangeri ringavafadzawo. Ini ndakazviona ndimene saka ndinoziva kuti ndizvozvowo.
Kuna vaKristu vazhinji vakatambudzwa vakadadirwa navakomunist asi vakakanganwa zvinhu izvi zvose zvavakaitirwa panhu pamwe nemhuri dzavo. Vakakanganwirawo vatambudzi vavo. V akabva vashingaira, pavangagona napo kuti vabetsere vakomunist vagoona ushoma hwuri mumwoyo mavo. Isu ngatibetsere vaKristu ivavo pabasa iri, tichiratidzawo rudo rweck.
J esu wakati, Mwari anotipa zuva rinobuda richivhenekera vanhu vose, vakanaka navakaipa. Rudo rwavaKristu rwdkadarowo.
. _,
... � .......
I
( SPNH
-"'--
·� '
AFlll(A
'FltAIICE
/(USS/A
51
Kuna vamw� vatungamiriri vekereke vanoti ngatide vakomunist nokuti J esu wakati idai vavengi venyu. Ee, ndizvowo, asi J esu haana kuti tide vavengi vedu voga tichikanganwa hama dzedu.
Chinoitwa navatungamiriri ava ndechokuti vanokumbidzana navakomunist vanova ndivo vakauraya vaKristu vazhinji, asi vachikanganwa kuvaudza zveVhangeri yaKristu, vanokanganwawo vaKristu vanotambudzwa navakomunist. Zvino ivavo vaKristu vanotambudzika kudai vangangorashwa here?
Dzimwe kereke dzinoita basa guru dzichibetsera vanhu ava vanenzara. Kereke dzomunyika yeGermani dzakatopa mari inodarika mirioni yamadhora, kuti vanhu vakadai vabetserwe. Kereke dzeArnerika dzinopawo mari inodarika iyoyi.
Basa irori rakanaka zvikuru, asi kana ndirini handizivi vanhu vane nzara kudarika vaKristu vaya vanotambudzwa navakomunist. Ko handiti ndivo vangadai vaitanga kupiwa betsero here? Kereke dziya dzinobvisa mari yokubetsera vanhu vanotambura ngadzitange kubetsera 'vaKristu vanotambudzwa munyika dzavakomunist ipapo vagozobetsera havo vamwe vanhu.
Asi izvi ndizvo zvinoitwa mazuva ano here? Ini pachangu ndakadzikinurwa munyika yangu yavakomu
nist nemari yakaripwa navaKristu vomune dzimwe nyika. Izvi zvinoratidza kuti vaKristu vangadzikinurwa havo vachibva munyika dzavakomunist. Kunyange zvakadaro, ini ndini ndoga ndakadzikinurwa munyika yangu. Saka vaKristu vomunyika dzichakasununguka vangava nemhosva kana vasingaedzi kudzikinura vamwe vaKristu vari mumajere avakomunist.
VaKristu vekereke yokutanga vaisinetswa neshoko rokuti Ko kereke ndeyavaJuda voga here kana kuti ndeyavanhu vamamwe marudziwo? Vakazodavidza vachiti, ndeyavanhu vamarudzi ose. Isu nhasi tinonetswawo nomubvunzo uyu. Asi nhasi tingabvunza tichiti, Ko Kristu anongova wenyika dziya dzakasununguka dzinoti England neAmerika nedzimwe dzakadai here? Paya pakaroverwa J esu pamuchinjikwa, rumwe ruoko rwake rwakatambanudzwa rwakatendeka kumabvazuva, rumwe rwakatendeka kumavirira. Jesu haadi kunzi mambo wavaJuda bedzi, asi anoda kunzi mambo wamarudzi ose. Ndiye mambo \Vavakomunist panhu pamwe navamwe vanhu vose. Nokuti wakati, Endai munyika yose muparidzire zvisikwa zvose Vhangeri.
Ropa rake rakaerera nokuda kwavanhu vose, saka van.bu vose ngavanzwe vagoitendawo.
52
Chinotikurudzira kuti tiparidzire vanhu vomunyika dzavakomunist Vhangeri ndechokuti vaya vanotendeukako vazere norudo nesimba. Ini handina kumbosangana nomuRussia ari muKristu wakangozvikumikidza kuna Mwari zvishoma. _Kunyange majaya aya akadzidziswa chikomunist vangava vaKristu vakasimba zvikuru.
Kristu anoda vakomunist uye anovashuva kuti vabve pachikomunist, nokuti anoda kuti vatadzi vose vasunungurwe pazvitadzo zvavo. Asi vamwe vatungamiriri vekereke havana vavariro iyoyi. Havane mhaka nechikomunist saka ndivo vanotsigira mabasa anoitwa navakomunist. Havabetseri kusvitsa Vha.Ggeri kuvakomunist, nyange kuna vaya vanotambudzwa navakomunist.
Chandakaona ndasunungurwa
Ndichibva mujere ravakomunist, mudzimai wangu wakandibvunza achiti: "Ko zvino iwe uchaitei?" Ini ndikati: "Ndinoda kundogara kumwe ndichishumira Mwari, ndisingaparidzi kana kubata basa rinoonekwa navanhu." Ipapo mudzimai wangu wakati: "Neniwo ndizvo zvandakambofunga."
Ndichiri jaya ndakanga ndisingagari pasi. Asi ndakazoshanduka ndiri mujere, zvikuru paya pandakapfigirwa ndiri mumba mangu ndoga ndisingatenderwi kuonana navamwe vasungwa. Ndipo pandakazodzidza kugara nomwoyo wakagadzikana.
Kunyange kuipa kwechikomunist hakuna chakwakandiita. Zvandakanga ndino ukama naKristu, ndakagona kunyengcterera vanhu vose ndisina wandaivenga. Ndakanga ndisingafungi kuti ndingazosunungurwazve, asi ndaingoti hangu, deno ndaibuda pano ndingadai ndaindogara ndoga ndichingoshamwaridzana naKristu.
Mwari ndowechokwadi. Tinoudzwa izvi pamusoro pakc muBhaibheri. Kuna mamwe mabhuku mazhinjiwo anoreva zvake. Tingati iyi ndiyo chokwadi inorehwa pamusoro paiye anova ndiye wechokwadi. Asi tichiri mujere imomo, takanga tisina_ mabhuku okuverenga, takarohwa tine nzara, tikakanganwa zvinhu zvinjinji zvakanyorwa pamusoro pake. Asi takagara naiye Mwari amene tichinzwanana naye. MuBhaibheri mune shoko rinoti: "Mwanakomana womunhu anouya nenguva yamusingamutariri." Takatambura zvikuru kudzamara takonwa kufunga. Ndipo pakauya Mwanakomana waMwari kwetiri. Madziro iwawo ejere ndokupenya kwazvo. Kurwadziwa kuya kwataiva nako, hatina
53
kuzokunzwa. Kwakaita sokuti kwava kure nesu. Zvino mutaro iwoyo wokunzwanana naKristu, ndiwo wakatisimbisa panhamo idzodzo. Takati, tine ropa rakanaka kudarika vaya vagere mudzimba dzamadzimambo.
Takanga tisingadi kupesana nomunhu kunyange navaya vakatiitira zvakaipa tisine mhosva. Ndiyo mhaka ndakati, kana ndabuda ndinondogara ndoga ndakazvinyararira zvangu.
Asi kubva pamusi wandakabuda mujere ndakasangana nokuipa kwechikomunist kudarika zviya zvandaiva mujere. Ndakaona vafundisi navatungamiriri vekereke namabishop vaichema vachindiudza kuti zvino totenda kuti tichabetsera mapurisa aya anobata pakavanda tichivaudza zvinoitwa nemitezo yezviunga zvedu. Ini ndikati: Ko hamungaregi here kubetsera mapurisa, kunyange mukasungwa mukaiswa mujere. Ivo vakati, hatityi jere, asi chatinotya ndechokuti, kana tikarega kuvabetsera kereke dzedu dzingapfigwa navakomunist. J;'papo vakandi11dza zvimwe zvakasara zvichlitwa navakomunist ini ndava mujere. Chimwe chinhu chavakaita chechokuti chero mufundisi wakarega kubetsera mapurisa kereke yake yakapfigwa.
Munyika yedu yeRumania mapurisa avakomunist anoisa munhu wavo muguta rimwe nerimwe, kuti acherekedze zvokupira kupi nokupi. Munhu uyu angadaidza mufundisi upi noupi achimubvunza kuti vanouya kusvondo vasingarovhi ndivanaani? Ko vanosiuya kuChirayiro ndivanaani? Ko vanoedza kutendeusa vamwe vanhu ndivanaani? Ko mitezo yekereke kana ichiuya kuzotaura nomufundisi, inoreurura zvitadzo zvipi? Zvino kana mufundisi akaramba kuudza mapurisa izvozvi, vanomubvisa pabasa ndokuisa mumwe mufundisi angatenda kubetserana namapurisa. Kana pashayikwa mufundisi wakadai, ipapo kereke yopfigwa.
Kuna vafundisi vazhinji vakamanikidzwa saizvozvo kuti vabetsere mapurisa avakomunist. Vaniwe vakaita izvozvi vachirwadziwa zvikuru asi vamwe vakanga vasina hanya vakangobetsera mapurisa.
Vamwe vaKristu vak:aurawa navakomunist, vamwe vanhu vakatora vana vavo vakavachengeta. Ndakanzwa vamwe vana vakadai vachiti, takatambudzwa namapurisa achiti, Nemhaka yei vanhu ava vakakutorai vakakuchengetai vachikunzwirai tsitsi. Zvino tinoda kuti mugare muchitiudza zvose zvinoitwa navanhu ivava vakakuchengetai. Kana mukasadero hamungatenderwi kupinda chikoro.
54
Ndakamboenda kune imwe ungano yekereke dzeBaptist. Nhume dzakagara muungano dzakatimika mureza mutsvuku wavakomunist. Vatungamiriri veungano iyoyo vakanga vakasharwa neungano, nyange zvakadaro vakomunist ndivo vakanga varatidza kuti vangasharwa ndivanaani. Ndaisinzwa kuti kereke dziya dzinotenderwa kubata pachena munyika dzavakomunist, vatungamiriri vadzo vanosharwa navakomunist. Asi ndichipinda kuungano iyoyo ndipo pandakatanga kuzviona nameso angu. Ndakabva ndati, zvino ndaona shoko rakarehwa naJesu paMateo 24: 15 rokuti chinhu chinonyangadza chokuparadza chichamira panzvimbo inoera.
Kubva kare nakare tingati pavafundisi vekereke paiva navamwe vakanga vakaipa. Asi zvino boka ramatongerwo enyika ravakomunist rinoreva pachena richiti hakuna Mwari saka kereke ngadziparadzwe. Boka irero ndiro rakashara vatungamiriri ivava. Fungaiwo henyu kuti vakasharirei vatungamiriri ivava. Ndiko kuti kereke ikure igosimba here? Kwete, ndiko kuti kereke ife. chiKristu chigorova.
Lenin, mutungamiriri wokutanga wavakomunist rnunyika yeRussia wakanyora achiti: "Kupira kwose nokufunga kwose pamusoro paMwari, chinhu chakaipa zvikuru chinotyisa nokuti vanhu vangapomerana. Kune zvivi zvakawanda namabasa akashata okuponda noutsvinye nezvirwere zvinotyisa zvingapararira muvanhu vose. Asi izvi zvose hazvingakuvadzi munhu sokukuvara kwaangaita kana akafunga kuti Mwari ariko."
Vakomunist vose veEurope vanoterera dzidzo dzaLenin kwazvo. Kunyange naivo vanobvurnira kuti kutenda kuna Mwari cbinhu chakaipa kudarika ;1,virwere zvose zvingauraya munhu. Zvino ivavo ndivo vanogadza vatungamiriri vekereke. Saka vatungamiriri vekereke dziya dzinobata pachena vanonzi ngavabate panhu pamwe navakomunist ivavo.
Ndakaona kuti vana vose vodzidziswa kuramba Mwari asi kereke idzodzo dzinotenderwa navakomunist, hadzina cbadzingaita kuti dzidzivise izvozvi. MuBucharest, guta guru romunyika yedu yeRurnania hamungawani kereke inopindwa mapoka esvondo kana ine sungano yavasikana kana yarnajaya. Vana vanongodzidziswa zvokuramba chiKristu zvoga.
Zvinhu izvozvo zvose ndizvo zvakandiratidza kuipa kwechikomunist, kudarika zviva zvandaiitirwa navakomunist ndiri mujere. Ndakavenga cbikomunist, ndisinganyanyi kurangarira zvinhu zvavakandiitira ini. Asi ndakarangarira zvikuru pamm,oro
55
pokurnhura Mwari kwavanoita nokushovora zita raKristu vachidziyanisa ndangariro dzavanhu vavanobata vana mamirioni mazhinj1.
Vanhu vomumamisha vakauya kwandiri vakandiudza pamusoro pamapurazeni makuru avakomunist aya akanzi vanhu vose ngavandogarako vachibata panhu pamwe. Vakati, isu tav.a. nhapwa, tine nzara, vana vedu havana zvokudya kunyange zvakadaro muno munyika yedu maimbova nezvokudya zvakawanda.
Vamwe vaKristu vakandiudza vachiti, nokuda kwenzara takabira hurumende zviyo zvatakakohwa tikareva nhema kuti tigowana zvokudya zvingakwanira mhuri dzedu.
Vaya vaibata mumafekitori vakati kwandiri, kunyange zvichinzi vanhu vanosevenza ndivo vanotonga nyika zvino, isu takaisirwa mirayiro inorema kndarika yekare. Hatimbotendcrwi kunyunyuta pamusoro pechinhu chakaipa chataitirwa kana kupandukira vatungamiriri.
Vadzidzisi vakanzi ngavadzidzise vana vachiti, hakuna Mwari, _kunyange ivo pachavo vachitenda havo kuti Mwari miko.
K unyange vasikaria vakati, Tinodziviswa chose kufarirana navakr,mana vari vaKristu. Takadanwa navatungamiriri voruwadzano rwavana vakati, Regai tikupei mazita avakomana vasati vari vaKristu, vamungafarirana navo.
Ndakaona kuti zvino vanhu havachina rugare pamugarire wavo.
Ndakasanganawo navamwe vandaimbobata panhu �amwe navo kare mukereke iya inobata pakavanda. Vamwe vakanga vasati vambosungwa asi vamwP. vakambosungwa vakasunungurwazve, ndokudzokera pabasa. riya rokushumira Mwari pakavanda. Ndakandopindazve muungano dzavo ndikaona knti vanoimba nziyo dzavo vakatarira pamapepa akanyorwa narnaoko.
Izvi zvakandirangaridza pamusoro pomumwe muKristu wekare wainzi Antonio. lye wakabva pamusha pake akandogara murenje ari oga kuti agogona kutsungirira pakunyengetera. Wakagara saizvozvi makore ana makumi matatu, akazonzwa kuti mukereke mava nenharo nokuti mumwe wainzi Arius waiparidza achiti Kristi1 wakanga asati ari Mwari nezvirokwazvo. Ipapo Antonio wakadzokerazve akandobata mukereke kuti dzidzo dzeBhaibheri dzirege kukanganiswa.
Saka neniwo ndakati, regai ndiite sezvakaita Kristu naPauro navamwe vabati vechiKristu. Handingandogari ndoga, regai ndindogara navanhu ndigorwa hondo iripo yokutsigira Vhangeri, yaKristu.
56
Ko kurwa ikoko kurwa kwakadini? Ndichiri mujere, isu vaKristu taigara tichinyengeterera vavengi vedu tichivaudzawo zvaKristu pataigona napo. Takashuva kuti deno vangotenda havo kuna Kristu. Taisifara k:wazvo kana mumwe achinge atendeuka.
Asi ini ndakavenga chikomunist panhu pamwe nedzidziso dzavo ndikada kutsigira kereke iya inobata pakavanda. Iyoyi kereke ndiyo yoga ingava nesimba rokukunda muvengi uyu mukuru kubvira chikomunist. Handina kurangarira nyika yangu yeRumania yoga, ndakarangarirawo dzimwe nyika dzose dzakabatwa navakomunist.
Chinhu chakandishamisa ndechokuti dzimwe kereke dzomuEurope neAmerika dzakanga dzisina hanya navaKristu vari munyika dzavakomunist. Kwaiva navamwe vanyori vaviri vamabhuku vomunyika yeRussia vainzi Siniavski naDaniel. Ivo vakapomerwa mhosva navamwe vanyori vachinzi havatsigiri chikomunist, saka vakasungwa vakaiswa mujere. Vamwe vanyori vomune dzimwe nyika vakazvinzwa vakapopota zvikuru. Asi handina kunzwa kuti kereke dzokunze dzakapopota paya panosungwa vaKristu nokuda kwokutenda kwavo, munyika dzavakomunist.
Ko kwaiva navaKristu vedzimwe nyika vakatsamwa vakapopota vanzwa kuti mumwe muKristu wainzi Kuzyck wakasungwa nemhosva yokutsikisa ndima dzeBhaibheri namamwe mabhuku echiKristu? Ko ndiani ane hanya naProkofiev wakasungwa achinzi wakanyora mharidzo noruoko rwake akaipa vamwe vanhu? Ko ndivanaani \anorangarira muKristu wainzi Grunvald wakasungirwa mhaka dzakadai? Mwana wake womukomana akatorwa pamusha akandorova zvachose.
Kana ndirini ndinorangarira zvikuru paya pandakaparadzaniswa nomwana wangu Mihai ndichisungwa. Saka ndinonzwira urombo vanhu vakadai vanoparadzaniswa nemhuri dzavo.
Kuna vazhinji vandingadorna namazita avo vanoti vanaGrunvald nalvanenko nambuya Chevchuk naTaisya Tkachenko naEkaternia Vekazina naGeorgi Vekazin uye baba namai Pilat vomunyika yeLativia. Kuna vamwe vazhinjiwo kwazvo. Ndivo vatingati vakatamburira kutenda kwavo mazuva ano. Saka havazati vari vskare voga vakatamburira kutenda kwavo.
Kuna vatungamiriri vekereke dzomuEurope neAmerika vasine hanya navaKristu ivavo vanotambudzika vasingarangariri kunyange kuvanyengeterera.
Munyika yeRussia mune dzimwe kereke dzinotenderwa navakomunist, kana vangobvuma zvose zvinodikanwa navakomunist.
57
Vatungamiriri vekereke idzodzo vakagamuchirwa norukudzo pavakaenda kumisangano mikuru yavatungamiriri vekereke. Vakaenda kumusangano wakaitwa Delhi munyika yelndia uye Geneva munyika yeSwitzerland. Pamisangano iyoyo vakandoreva pachena vachiti vanhu veRussia vanotenderwa kupira nomutoo upi noupi wavanoda. Izvo vaKristu vakanga vachisungwa nokurohwa nokutambudzwa.
Bishop m ukuru weRussia wakandoreva izvozvo pamusangano wekereke zhinji unonzi 'World Council Of Churches'. Mumwe mukuru weSungano iyoyo anzwa shoko iroro wakamumbunda nomufaro. Vatungamiriri ivavo vekereke yeRussia vakandogara pakudya panhu pamwe navatungamiriri vedzimwe kereke pamabiko eSungano iyoyo. Izvo vaKristu vomumajere omunyika dzavo vakanga vachidya miriwo yakabikwa noura husina kusvinwa.
Takaona kuti hatingaregi vatungamiriri vekereke dziya dzinotenderwa navakomunist vachitaura nhema, vaKristu vomudzimwe nyika vachidzitendawo vachifara. Saka vaKristu vekereke inobata pakavanda vakati, kana zvichibvira iwe ibva muno munyika undogara muimwe nyika ugoudza vaKristu chokwadi.
Saka ndakati, zviri nani kuti ndirambe chikomunist nokuchivenga ndichireva pachena zvavanoitira vaKristu. Asi vakomunist ndinovada, uye ndinoe.dza kuvatendeusawo. Kana ndirini handingaparidzi Vhangeri ndisingareviwo kuipa k:wechikomunist.
Vamwe vanoti ndiparidze Vhangeri yoga yoga. Kana ndichinzwa shoko irori ndinorangarira mapurisa avakomunist nokuti nyange naivowo vakandirayira vachiti, Ungaparidza hako, chero usingarevi zvechikomunist. Ko vaya vanoti ngakuparidzwe Vhangeri yoga, kusingarehwi kuipa kwechikomunist, vano mweya mumwe navakomunist vamene here?
Kana ndirini handingaparidzi Vhangeri ndisingareviwo zvakaipa zviripo. Ko Johane mubhabhatidzi wakangoparidza Vhangeri yoga here? Handiti haana kungoti, "Pindukai nokuti ushe hwokudenga hwaswedera pedo." Asi wakatiwo kuna Mambo Herode, "makatadza imi." Ipapo wakaurawa nokuti haana kungoparidza Vhangeri yoga iri kure asi wakarevawo pamusoro pemifambire yavanhu. Jesuwo haana kungoparidza zvinhu zvakanaka zvoga. Wakatukawo vaFarisi achiti, "Muchaone nhamo imi vanyori na-vaFarisi .............................. vanyengeri." Nokuda kwokuparidza k:wake ikoku wakazourawa. Deno aingoparidza zviya zvinodikanwa naMwari zvoga, angadai asina kuvengwa navaFarisi.
58
Kana pachinge pane zvitadzo, ngazvirehwe pachena. Nhasi chikomunist ndicho chitadzo chikuru pano pasi. Chern Vhangeri isingarambi chikomunist pachena, haizi Vhangeri kwayo. VaKristu vaya vekereke inobata pakavanda yomunyika dzavakomu· nist vanoparidza Vhangeri kunyange vachiziva kuti vangasungwa nokuda kwokuparidza kwavo ikoko. Asi zvino imi vornunyika dzichakasununguka, mungangonyarara here?
Handiwirirani navanhu vose vanoramba chikomunist. Hitler wairambawo chikomunist izvo ari mharadzi. Wakadzvinyirira vanhu vazhinji. Asi isu tinoda mutadzi kunyange tichivenga zvitadzo zvaanoita.
Kutambudzika kwangu munyika dzokumavirira
Uno kwandiri zvino munyika dziehakasununguka, ndinotambura kudarika zvandakaita munyika yangu.
Chinhu chokutanga ndechokuti ndinoshuva kereke iya inobata pakavanda. Nokuti iyo zvajsina fuma yapano pasi inongotevera Kristu wakanga asinawo fuma pano pasi. Jesu wakati mwanakomana womunhu haana paangatsamidza musoro wake. Nhasi ndizvozvowo munyika dzavakomunist. VaKristu variko havavaki dzimba dzokugara nokuti dzingagobetserei? Mangwana ungasungwa ukatorerwa imba yako. Munhu ane imba yake tsva ndiye angatosungwa nokuchimbidzika, imba yake ichitorwa navatungamiriri. Saka munhu haangadi hama dzake kudarika Kristu. VaKristu ivavo havana dzimwe hama asi vanhu vaya voga vanoita kuda kwaMwari. Naizvozvo vaKristu ava vakafanana naJ esu nokuti iye wakati vaya vanoita kuda kwaMwari ndivo mai vangn nehama dzangu. Panyika idzodzo murume nomukadzi vangawisirana munjodzi nokuti mukadzi angandoudza mapurisa zvinhu zvinoitwa nomurume wake, iye murume asingazvizivi. Vana vangandoudza mapurisa zvavabereki vavo. Saka ukama hwe<.:hiKristu ndihwo hwakasimba kudarika ukama hweropa.
Kereke inobata pakavanda haina fuma, ino urombo zvikuru uye inotamburawo asi haina mitezo yakanyara.
Kana ukapinda musangano wekereke inobata pakavdnda ungati ndivo vaKristu vaya vakutanga-tanga vakaunganamo. Nokuti muparidzi anenge asina kudzidza zvikuru. Anenge asina kudzidza mutoo wokugadzira mharidzo. Ndizvo zvakaitawo vanaPetrosi kare. Muparidzi anenge asinganyatsoziva Bhaibheri n0kuti ma Bhaibheri mashoma chose panyika idzodzo. Anenge ari munhu
59
wakagara mujere makore mazhinji, asingagoni kuona Bhaibheri chose.
Kana vachiti, tinotenda kuti Baba vari kudenga, vanenge vachireva shoko rakadzika zvikuru. Nokuti vaya vakanga vambogara mujere vaikumbira Baba vavo vokudenga vachiti, mutipewo zvokudya zvedu zvinotiringana izvo ivo vakapiwa miriwo panhu pamwe netsvina zvisingagoni kudyiwa. Nyange zvakadaro vanoramba vachitenda kuti Mwari ndivo Baba vanovada zvirokwazvo. Vakaita saJobo, paya paakati kunyange Mwari akandiuraya ndichangovimba naye. Vakaita saJesu Kristu wakati, "Baba vangu" pamuchinjikwa kunyange akaita mwene sokuti wakasiiwa naMwari.
Chern munhu akaona simba rekereke idzodzo dzakavanda haangazofaririzve utera huri 1mme dzimwe kereke dzomuEurope neAmerika.
Ndicho chinhu chinondirwadza zvikuru kana ndichiona kuti kubudirira kwaiva munyika dzandiri zvino kwava kufa chose.
Mumwe munyori anonzi Spengler wakanyora pamusoro pokuderera kwavanhu munyika dzeEurope neAmerika achiti: Motofa zvenyu. Ndinozviona pafuma zhinji iripo panyika panhu pamwe nourombo ukuru. Ndinozviona pakupesana namanyongori zviripo. Ndinozvionazve pakuramba Mwari kunoita vanhu nokushayiwa tariro kuripo. Ndinozvionawo pokupata kunoita vanhu nokugurwa kunoitwa michato yavo. Zvinhu izvi zvose ndizvo zvakaonekwa panyika dzakabudirira zvikurn kare dzikazova dzisina maturo. Rangarirai vanhu vomumaguta awa anoti, Aleksanderia neRoma noomuGirisi, nokuti ndivo vaka budirira zvikuru kare. Zvinhu izvozvi zvatamboreva pano ndizvo zvakaonekwa pavari vasati vaparadzwa. Mashoko awa akany,...1rwa mugore ra1926. Kubva pagore iroro kusvika pazuva ranbasi dzimwe nyika dziri kumabvazuva dzakarasikirwa nomugarire wadzo wakasununguka vakabatwa nechikomunist. Asi dzimwe nyika dzinongokotsira hadzo.
Kuna vamwe vanhu varipo vasingakotsiri. Vanhu ava ndivo vakomunist. Panyika dziya dzokumavirira dzakatanga kubata vakomunist vakazoona kuti hatina kusvika paya patakati tichasvika ndokungogara vasina tariro. Asi kunyika dzokumavirira r,asati patonga vakomunist tinoona kuti vakomunist vachine simb1 chose. Vakomunist ivavo vokumavirira havatendi mashoko aya avanonzwa okuti munyika dzavakomunist vanhu vanotanibudzwa zvikuru. Saka vanongogara vachiparidza chikomunist kwose kwo-
60
se vachiti ndicho chinhu chakanaka chingabetserawo nyika yedu. Vanoparidza mashoko avo nomwoyo wose, asi isu vaKristu dzimwe nhambo hatibati kutenda kwedu nomwoyo wose.
Asi chinondirwadzisa mwoyo zvikuru ndechokuti munyika idzodzi dzokumavirira, vaya vakadzidza Bhaibheri vakatenderwa kubata pamayunivhesiti vanogara vachingonzvera mashoko asina maturo.
Ndakanzwa kuti kare mugore ra1493, vaMahamati vachiuya kuzorwa neguta reKonstantinople, vakagona kupinda munyika dzeEurope dzose vachidzima chiKristu chose. Zvino pamazuva enjodzi iyeyo kwakaita imwe ungano yekereke imomo muguta reKonstantinople. Mashoko akataurwa pamusangano iwoyu ndawawa: Ko Maria mai vaJesu vakanga vana meso akadini? Ko vatumwa vokudenga vanhurume here kana vanhukadzi? Ko kana nhunzi ikawira mumvura yebhapatidzo, mvura iyoyo ingarashiwa here? Kuda shoko iri rinongova rorungano haro. Asi kana rnukatarira mumapepanhau anonyorwa nekereke nhasi muchaona kuti munotaurwa mashoko asna maturo, saizvozvo. Hapaonekwi njodzi inotimirira kana tikabatwa navakomunist.
Nhasi kuno kukakavadzana mukereke pamusoro pamashoko asina maturo. Asi shoko guru riripo nderokuti ko mberi tichagona kugara takasununguka pabasa reVhangeri here? Tinoonawo zvakaitirwa vaKristu paya pakabata vakomunist here?
J esu wakati, chokwadi chichakusunungurai. Asi tingatiwo kana tisati tiri vanhu vakasununguka pakutenda kwedu hatingazivi chokwadi. Saka ngatirege kukakavadzana pamusoro pezvinhu zvidoko zvisina maturo, asi ngatibate panhu pamwe tichirwa nokuzvizvinyidza kuya kunoita chikomunist.
Kunyange ini ndakasungunuka asi ndinotamburawo zvikuru kana ndichirangarira hama dziri rnunyika dzavakomunist. Sezvo ndakatambura panhu pamwe navo ndinonzwisisa zvose zvavanoitirwa.
Mugore ra1966 mumapepanhau maviri eRussia makanyorwa rimwe shoko rokupomedzera vaKristu veBaptist vari muRussia mhosva. Kwai, vaKristu vekereke yeBaptist vanodzidzisa mitezo yekereke yavo kuti vauraye vana vavo, zvitadzo zvavo zvigokanganwirwa. Shoko irori nderekare, rakapomedzerwa vaKristu vachipiwa mhosva yokuti vanouraya vana vavo pakupira kwavo.
Asi ini, kana ndikanzwa rnashoko akadai, ndinoziva paangasvitsa vaKristu ivavo. Mugore ra1959 ndakanga ndiri mujere
61
rinonzi Cluj munyika yeRumania. Paivawo nomumwe mmmngwa wainzi Lazzarovichi. lye wakapiwa mhosva yokuti wakauraya chimwe chisikana. Waingova namakore makumi matatu. asi wakanga atochena musoro, nemhaka yokutambudziwa kwaakaitwa. Nzara dzake dzakavhomorwa kuti anzwe kurwadziwa agotenda mhosva yake. Wakaitirwa izvozvi gore rose, kukazoonekwa kuti haana mhosva zvirokwazvo. Akabva asunungurwa hake, asi kubuda kwake mujere hakuna kuzomubetsera zvikuru nokuti wakanga akanganiswa ndangariro dzake.
Vamwe vanhu vangaverenga mashoko akadai mumapepanhau vakaseka vachiti, Mamboona here mhosva dzoupenzi dzinopomerwa vaKristu navakomunist? Asi ini handingaseki nokuti ndinoziva zvose zvinoitirwa vaya vakapomerwa mhosva dzakadai. Saka ndinotambura kunyange ndava uno kunyika dzokumavirira zvino, noku ti ndinosirangarira zvinhu izvi zvinoitirwa hama dzangu, ikoko kwandakabva.
Vakomunist veRussia vakaisa vakuru vaviri vekereke, Alexei naNikodim kuti vatarire kereke yose. Zvino ivavo vakangobvuma zvose zvakaitwa navakomunist nokutungamirirwawo navo. Zvino mamwe maBishop manomwe akaramba izvozvi. Mumwe ndiBishop Yermorgen weKaluga. Saka ndinoti, Ko ivavo vanomwe varipi nhasi? Ndingadai ndaingorega zvangu kukendenga asi ndiri Rumania mujere ndakaona mamwe maBishop akadai akamborambawo chikomunist ndokuzotambudzwa mujere intomo dzamara vafa. Saka ndinogara ndichifunga pamusoro pamaBishop aya eRussia akasungwawo.
Kwaiva navamwe vafundisi vaviri veRussia vakarangwa naBishop mukuru nokuti vakanga vakumbira kuti kereke isunungurwe. irege kuzvizvinyidzwa navakomunist. lzvi zvakanzwikwawo navaKristu vari mune dzimwe nyika. Zvakanzi iyi inongova nyaya yekereke. Asi ini ndakagara mujere panhu pamwe nomufundisi loan weRumania. Naiyewo wakarangwa nekereke zvikanzi inongova nyaya yekereke yoga. Asi vatungamiriri vekereke iya inotenderwa navakomunist vanobata panhu pamwe namapurisa avakomunist. Vaya vanorangwa nekereke vanozorangwawo namapurisa vachitambudzwa zvikuru nokurohwa nokupiwa mushonga unodziyanisa pfungwa.
Ndinotambura mumwoyo mangu kana ndichirangarira vaya anotambudzwa kudai navakominist. ndinotambura kana ndichi
funga kuti vakomunist vanotambudza vanhu kudai vachavepi kana vafa. Asi ndinonyanya kutambura mumwoyo kana ndichi-
62
rangarira vaKristu vomunyika dzakasununguka vasme hanya nehama dzavo dzinoitirwa zvinhu zvakadai.
Kana ndirini, ndingadai ndaifarira kungogara ndisingarwi pahondo yakadai. Asi ndinoona kuti hazvibviri. Chikomunist chava pamukova. Saka handingagari ndichizvinyengera. Pakupinda kwavakomunist munyika yeTibet muAsia vakaramba vaya vose vakazvikumikidza pakupira kwavo vasingaiti rimwe basa. Saka ndakazoona kuti kungogara kudai hakubetseri.
Zvandakatanga hondo iyi handizivi zvandingaitirwa. Kana pachinzi Wurmbrand haasisipo haachaonekwi, mungaziva kuti vakomunist ndivo vandiba. Nokuti vakambondibata saizv'-)ZVO ndichifamba hangu mudhorobha vakandiisa mujere ndokunyora rimwe zita risati riri rangu, mumabhuku ejere kuti ndirege kuzikanwa kuti ndiri mujere. Mumiririri wenyika yeSweden wakazoenda kugurukota achivabvunza achiti, Ko Wurmbrand aripi? Gurukota iri rainzi Anna Pauker ndokuti, Hameno, anenge atova Kopenhagen munyika yeDenmark. Izvo mumiririri uyu weSweden wakanga ane tsamba yangu muhomwe yake. Yaiva tsamba yandakanga ndanyora ndiri mujere ndichireva pandaivari. Tsamba iyoyi yakatumwa pakavanda ikandopiwa iyeye mumiririri weSweden. Saka doonai nhema dzavanoreva vasingazezi. Vangandiitirazve izvozvi. Kana ndikaurawa, ndinoziva kuti munhu wandiuraya anenge atumwa navakomunist, nokuti hakuna mumwe munhu angada kundiuraya. Kana mukazonzwa shoko rokuti ndinonzi ndinopenga kana kuti ndakaba kana kuti ndiri mhombwe kana mamwe mashoko akadai mungaziva chose kuti vakomunist ndivo vavaka shoko iri rakadai nokuti ndizvo zvandakaudzwa namapurisa avo musi wavakandisunungura. Ivo vakati, kana ukandoudza vanhu zvatinoita muno, tichareva zvimwe zvakashata pamusoro pako, vanhu vagorega kukutenda.
Zviya zvandakabva Rt1mania ndakadanwa nekomiti yeSenate yeAmerika ndikandovaudza zvose zvandakaitirwa. Ipapo ndakazonzwa kuti vakomunist veRumania vakarangana kuti vandiuraye ndiri ikoko Amerika. Vakomunist vane zvinhu zvizhinji zvavangaita. Chimwe chinhu chavangaita ndechokubata shamwari dzangu dzakasara Rumania vachidzitambudza kana ini ndisinganyarari.
Asi ini handinganyarari. Chandinokumbira ndechokuti munyatsoterera zvandinoreva. Kuda imi mungati ini zvandakatambudzwa navakomunist, ndinogarokaruka ndichifunga zvandakaitirwa navo, nyange ndakasunungurwa hangu saizvozvi. Zvino imi, do-
63
mbozvibvunzai kuti vanhu vanogara munyka yavakomunist vangasvika pakugarovhunduka misi yose nemhaka yei? Vamwe veGermani yokumabvazuva paya panotonga vakomunist vakatiza navana vavo vachibva munyika yavo kunyange vaifurwa nepfuti pamuganhu wenyika vachida kuambuka. Ko nemhaka yei vakashinga vakazvikanda murufu saizvozvi? Vakaita izvozvi vachiti: "Kuri nani kuti tizviwisire hedu munjodzi yakadai pakugara muno munyika yedu tichitongwa navakomunist.
Vanhu vomunyika dzokumavirira vanokotsira havo chose vasingaoni zvinhu izvozvi. Saka ini handinganyarari kuvaudza zvinhu zvakadai.
Ndichiuya uno kunyika dzokumavirira kubvira Europe neAmerika ndakaedza kucherekedza kereke dziriko ndichida kuziva kuti vanoshamwaridzana nechikomunist nemhaka yei? Ndakaona kuti kune chimwe chirwere chiripo kubva kare nakare. Chirwere ichochi chiri muzvikoro zvavafundisi. Ndakapinda mune zvimwe zvikoro zvakadai ndikaona dzidzo dzavanodzidziswa. Pamwe vanodzidza marudzi amatare airidzwa padzikereke kubva kare uye pamusoro penziyo dzaiimbwa mukereke kare. Ndakaona kuti vanongorasha nhambo pazvinhu zvisina basa zvikuru.
Pane zvimwe zvikoro ndakaona kuti vafundisi vanodzidziswa zvinhu zvingaputsa kutenda kwechiKristu. Zvimwe zvandakanzwa zvichidzidziswa ndezvizvi:
Shoko riya rokusikwa kwezvinhu zvpse rakanyorwa muBhaibberi haizati iri zvokwadi. Kunonziwo mashoko anoreva zvaAdama nezvemvura yomurove panhambo yaNowa nezvinhu zvinoshamisa zvakaitwa naMoses haisati iri chokwadi. Ndakanzwa pachidzidziswa kuti zvinhu zvakanyorwa mumabhuku avaprofita pamusoro pezvimwe zvichazoitika, hazvina kunyorwa navaprofita ivavo zvichigere kuitika asi kwai zvinhu izvi zvakawnyorwa navamwe, zvapfuura. Ndakanzwawo vachidzidzisa kuti Jesu haana kuberekwa nemhandara, uye haana kumuka parufu. Vunotiwo tsamba dziya dziri muTestamente Itsva hadzina kunyorwa navapostori vaya vanonzi ndivo vakadzinyora. Ndikanzwawo zvichinzi bhuku reZvakazarurwa rakanyorwa nomunhu waipenga. Kunyange vachidzidzisa zvinhu izvozvi vanotizve Bhaibheri ibhuku rinoera.
Zvino vatungamiriri vazhinji vekereke, ndizvo zvinhu zvavaidzidza vachiri muchikoro. Ndiyo mhaka vasingatsungiriri pakutenda kwavo kana vachisvika pamashoko okuramba chiKristu.
64
Ava ndivo vandinoreva kuti ndivo vari mukereke dziya dzinobata pachena dzichitenderwa navakomunist. Pavari pana vamwe vakatopandukira Kristu. Ivava vakasiyana chose navaya vari mukereke inobata pakavanda.
Asi handidi kuvapa mhosva pazvinhu zvose. Nokuti ndizvo zvakaita vaFarisi pamusoro paksu. Vakamuramba chose nokuti iye wakavarayira pamusoro pedzimwe tsika dzavaiita. Asi kwaiva nezvinhu zvizhinji zvavaigona kutenda pamharidzo dzaJesu.
Saka handidi kureva ndichiti vatungamiriri ivavo vekereke vakaipa pazvinhu zvose. Pane zvimwe zvinhu zvavanoita nomwoyo wose zvatingati zvakanaka kwazvo. Asi chinhu chaka.ipa zvikuru chavanoita ndechokutenda chikomunist. Zvino pacbinhu ichochi chakaipa munhu angagona kushanduka akachirega.
Mumwe musi ndiri muRumania ndakasangana nom11mwe bishop wekereke waibetserana navakomunist achivaudza pamusoro pemitezo yekereke yake. Ndakabata ruoko rwake ndjkamuyeudzira mufananidzo wakarehwa naJesu pamusoro p,)mwanakomana wakarasika akazogamuchirwazve nababa vake. Ndakati, "Doonai rudo rwaMwari. pakuchingamidza mutadzi anodzokera kwaari. Angachingamidzawo bishop kana vacnida kupinduka." Ndakamuimbirawo dzimwe nziyo dzechiKristu kuti ayeudzirwe rudo rwaMwari. Bishop uyu wakazotendeuka zvirokwazvo.
Ndiri mujere ndaiva panhu pamwe nomufundisi wekereke iya inotenderwa navakomunist. lye wakafunga kuti kana ndikanyora mashoko okushoora chiKristu, ndingasunungurwa. Saka wakanyora mashoko angadzidzisa vanhu kuti hakuna Mwari. Ipapo ndakataura naye, akabvarura mapepa ake ose aakanyora kunyange aiziva kuti zvino ndingangogara mujere ndisingasunungurwi.
Ndiyo mhosva muchiona kuti handidi kungopomera mhosva kereke dziya dzinotenderwa navakomunist ndichiti vanongoita zvakaipa zvoga.
Kune chimwe chinhu chinondirwadza mwoyo chokuti vamwe vanhu vanoti ini ndinovenga vakomunist, ndichingogara n<lkhivareva zvakaipa zvoga.
Mumwe munhu wainzi Montefiore wakanyora bhuku achiti, Jesu wakati ng8:�de vavengi vedu nyange zvakadaro iye amene wakatuka vaFans1 pachena. Saka mashoko ake haana kuwirirana nezviya zvaakataura nezvaakadzidzisa. Mumwe mufundisi anonzi Dr. W. R. Mathews weEngland wakanyora kuti kutuka
65
vaFarisi kwakaita Jesu hakuna kuwirirana nezvimwe zvakarehwa naJesu. Zvino wakati, mhaka ndeyokuti Jesu wakanga asiri munhu wakadzidza.
Asi vanhu ava vaviri vakaposha. Jesu wakanga achida vaFarisi zvirokwazvo, kunyange akaramba mamwe mabasa avo. Neniwo ndinoda vakomunist, navaya vari mukereke vanobetserana navo kunyange ndichiramba zvitadzo zvavo.
Vanhu vanositi Wurmbrand, 'Chirega kutaura zvavakomunist. Taura zvechiKristu zvoga!'
Mumwe musi ndakasangana nomunhu wakanga atambudzwa zvikuru navaNazi vaya vaiusa nyika yeGermani pamazuva aHitler. lye wakati ini ndinowirirana newe chose kana uchitaura zvaJesuasi usambotaura shoko ringakanganisa chikomunist. Zvino ndikamubvunza ndichiti, Ko vamwe vaKristu veGermani vakaposha here zvavakaramba Hitler nokuda kwamabasa ake akaipa? Ko handiti vaingova nebasa rokutaura zviri muBhaibheri zvoga here kana kuti vaiva nebasa rokurambawo mabasa akaipa aHitler? Ini ndikati, 'Vakomunist vakauraya vanhu vana marninoni makumi matatu munyika yeRussia. Munyika yeChaina vakauraya vanhu vazhinji, uye vakaurayawo vamwe vaJuda wani. Saka tingagoramba kana vaJuda vachiurawa tichinyarara kana vaRussia vachiurawa here? lye akati, "Pakasiyana hapo." asi wakakoniwa kunditsanangurira kusiyana kwacho.
Ini ndakarohwa namapurisa aHitler, ndikazorohwawo namapurisa avakomunist. Asi handi.na kuona siyano nokuti kurohwa kwose kwaingorwadza zvakafanana.
Nhasi chikomunist ndicho chinhu chikuru chinorwisana nrchiKristu, chichigonawo kukanganisa zvikuru. Saka tichikurudzira vaKristu tichiti, Uyai tirwe nechikomunist.
Ndinopamhidzazve ndichiti, chinhu chakaisvonaka chingaitwa nomunhu ndechokuti aponeswe agofanana naKristu. Asi vakomunist havadi izvozvi. Vanoda kudzivisa vanhu kuti vasasvika pakutenda ikoko. Vanoti kana munhu afa, muviri wake unoora, munhu achirova zvachose. Ndizvo zvoga zvavanoda kuti zvirangarirwe.
Vakomunist vanoda kuti vanhu vose vose varwadziswe zvikuru vagofanana vose, vagorega kufunga zvakasiyana. Ha vatendi kuti kuno munhu angarangarirwa naMwari.
Asi Jesu wakati anoda kuti munhu mumwe nomumwe azvifungire, pachake. Saka isu vaKristu hatingawirirani navakomunist. Nyange vakomunist vanozvizivawo. Mupepa ra vo rino-
66
nzi, "Zivo noKupira" munoti, "kupira hakungawirirani nechikomunist, kunotorwisana nacho. Zvino mabasa edu isu vakomunist ndiwo oga achadzima kupira. Saka ngatibetsere vanh11 kuti vagare vakasununguka, vasingasungwi nokupira kupi nokupi.''
Ko chi.Kristu chingagarisana nechikomunist norugare here? Ivo vamene vakatoti: "Mabasa edu isu vakomunist ndiwo achadzima kupira."
CHITSAUKO 5
Zvino ndinoda kutaurazve pamusoro pekereke iya inobata pakavanda.
Kereke iyoyi inobata basa rayo ichitambudzwa zvikuru. Panyika dzose dzinobatwa nechikomunist, hurumende ndiyo inotsigira shoko rokuti hakuna Mwari. Kana dziri chember� navatana vangatenderwa havo kuti vatende kuna Mwari kana vachida. Asi vana vose namajaya nemhandara havatenderwi kupira Mwari. Saka vakomunist vanoita mitoo mizhinji inoti radhiyo neT.V. nebhaiskopu, nemitambo yokuedzerera namabhuku kuti vadzime kupira kwose. Zvinhu izvi zvose zvinonzi ngazvibetsere kukurudzira vanhu kuti varambe Mwari.
Kereke iya inobata pakavanda haine zvinhu zvizhinji zvaingaita kuti idzime masimba iwawa makuru. Rangarirai kuti vafundisi vekereke iyoyi havana kudzidza muchikoro chavafundisi. Kuna vafundisi vanobata pakavanda vasati vamboverenga Bhaibheri rose.
Regai, ndimuudzei pamusoro pokugadzwa kwavamwe. Ndakasangana nomumwe mufundisi weRussia asati ava munhu mukuru zvikuru. Ndakati, "Ko, makagadzwa nani?" Akati, "Takanga tisina Bishop wakatigadza. Bishop waivapo ndowekereke inotenderwa navakomunist. Saka wakati handingagadzi munhu kana asina kutenderwa neveboka ravakomunist.
Isu taiva varume vane gumi vakarambwa nekereke inotenderwa navakomunist takarangana kuti tiende kuguva romumwe bishop wakanga aurawa navakomunist. Takaendapo usiku tikanyengetera tichiti: "Imi Mwari, makaona kuti takarambw�t nekereke inotenderwa navakomunist. Uye muranda wenyu uyu angadai aitigadza asi haachipo. Zvino tinokumbira kuti imi mumene mutigadze pabasa roufundisi." Saka tinotenda kuti 1akagadzwa namaoko aya aJesu akabayiwa.
67
Ini ndinoti, munhu uyu wakagadzwa zvikatendwawo naMwari. Vanhli vakadai, vasina kumbopinda chikoro chavafundisi, vasingazivi zvakawanda pamusoro peBhaibheri, ndivo vanotungamirira basa �·aKristu mukereke iyoyo.
Saka ini ndinoti, kereke iyoyo yakafanana nekereke iya yokutanga yatinonzwa muBhaibheri. Vatungamiriri ivavo vokutanga vakapinda zvikoro zvipi zveBhaibheri? Ko vose vaigona kurava here? Ko mumwe nomumwe waiva neBhaibheri rake here? Asi Mwari ndiye waitaura navo, akavapa simba vakagona kuenda kwose kwose vachiparidza shoko reVhangeri vanhu vazhinji vakatendeuka.
Isu vekereke iya inobata pakavanda, hatina dzimba huru dzekereke. Taingoungana pamhene. Takanga tisina hanzu dzakanaka dzingapfekwa nomutungamiriri. Dzimwe nhambo mutungamiriri waiva munhu achangobva mujere ane hanzu dzakasakara chaizvo. Takanga tisina mwenje yokutivhenekera usiku, asi ta1vhenekerwa nomwedzi nenyeredzi izvo zvinotungidzwa navatumwa vaMwari vamene.
Dzimwe nhambo vaKristu vakasungwa kana vawanikwa pamisangano yakadai. Asi ndakaona vaKristu ivavo vachitenda kusungwa namakechemu vachifara sezvinoita mwenga wakapieka zvishongo zvake achiwanikwa. Mujere imomo Kristu anouya kuzogara navana vake. Jini ndakangonzwa zvomufaro wakadai pavaKristu vomuBhaibheri, uye pavaKristu vari mukereke iya inobata pakavanda napavaKristu vari mumajere avakomunist.
Kereke iya inobata pakavanda inotambudzwa chose asi ina vamwe vanhu vanoifarira nokuibetserawo. Kunyange pamapurisa avakomunist navamwe vabati vehurumende pana vanhu vano· betsera kereke iyoyo pakavanda.
Mazuva ano mapepanhau omuRussia akanyunyuta pamusoro pavanhu vanoonekwa sokuti vari vakomunist vasingatendi kuna Mwari izvo vari vaKristu vanobetserana nekereke iya inobata pakavanda.
Mune rimwe bepa ravakomunist makanyorwa pamusoro pomumwe mudzimai waibata muhofisi yenhau. Mudzimai uyu waiti kana abva pabasa rake, murume abvawo pabasa rake, vodya, zvino vounganidza vamwe vanhu vaigara pedyo navo, vachiitq, musangano wokudzidza Bhaibheri uye vachinyengetera panhu pamwe. Saka matoona henyu kuti vakomunist vamene vanotenda kuti kuna vanhu vakadai. Kuna vamwe vakadai munyika dzose dzinobatwa navakomunist, vanosvika zviuru nezviuru zvamazana. Ha-
68
vadi kupinda kereke dziya dzinotenderwa navakomunist nokuti ipapo vanotya kuonekwa. Uyezve mukereke dzinotenderwa navakomunist hamuparidzwi shoko raMwari nezvirokwazvo, nekuti vatungamiriri vanongotaura zvingafadza vakomunist. VaKristu ivava vanongoramba vari mumabasa aya avanoita, asi vanoparidzira vamwe zvaKristu pavanogona napo.
Kereke iya inobata pakavanda ine mitezo mizhinji yakadai iri mubasa rehurumende nebasa ravakomunist. Asi vanoungana mudzimba nomuzvitoro nakwose kwavangagona.
Nhasi munyika yeRussia hamuchina mashoko aya enharo aiva mukereke makore akapera. VaKristu zvavanotambudzwa zvikuru havana nhambo yokuswerokakavadzana pamusoro pezviito zvekereke zvinoti bhapatidzo kana kudzoka kwaKristu. Asi kana vachinzwa munhu achiti, hakuna Mwari vanoidza nomwoyo wose, kuti vamuratidze kuti Mwari ariko.
Vanotaura navanhu ivavo vachiti: Kana ukakokerwa kumabiko ukandodya zvokudya zvinonaka namachikichori ose, ko ungatenda here kuti hazvina munhu wakazvibika? Zvino dotarirai zvinhu zvose zvakanaka zvakasikwa zvatinazvo, Tine miriwo nemichero nezviyo nomukaka nouchi. Ko ndiani wakatipa izvozvi zvose? Ko zvausingatendi kuti Mwari ariko, ndiani wakagadzirira zvinhu zvose izvozvi? Zvakangonyuka pasi here?
Ivo vanogona kuratidza munhu kuti upenyu husingaperi hu· riko. Ndakambonzwa mumwe muKristu achitaurirana nomukomunist waiti hakuna Mwari. MuKristu wakati, "Deno taigona kutaura nomwana achiri mudumbu ramai vake tichimuudza kuti kugara kwaanoita zvino mudumbu ramai kunongova kwechinguva chiduku, ipapo kunozouyazve humwe upenyu hurefu ari panze. Ko mwana angadai aitenda here izvozvo zvatinomutaurira? Handiti angataura achiti, Kwete upenyu huno hwomudumbu ramai vangu ndihwo hwoga. Hakuna humwe upenyu mberi. Asi deno mwana uyu aigona kufunga kwazvo, angadai aiti, Ndinokura ndina maoko asi handina chandinobata nawo muno. Kuda ndichazobuda muno ndikapinda muno humwe upenyu ndigondobata namaoko angu. Doonai makumbo angu. Handina chandinoita nawo zvino, ndinongogara nawo akafunya saizvozvi. Kuda mumwe musi ndichazopinda muno humwe upenyu ndigondofamba namakumbo angu. Tariraiwo ndina meso, asi hapana chandinoona. Meso haane basa pano. Ko ndakapiwa meso nemhaka yei? Kuda pachazova nohumwe upenyu pane chiedza pandichaona nameso angu. Saka dai mwana uyu aigona kuf unga angadai aio-
69
na kuti achazoenda kumwe agova noupenyu hwakasiyana nohwaanorarama zvino. Nesuwo tinodaro. Kana tichiri vadoko tine simba, asi hatina ruzivo nvokubata nesimba iroro nomutoo kwawo. Asi kana tazokura ndipo patinoziva zvatingaita nesimba redu. Ko ruzivo rwedu rwatinarwo irworwo runokura nemhaka yei kana pasina zvatinozoita narwo? Ko mwana uya ari mudumbu ramai vake anopiwa maoko namakumbo nameso nemhaka yei? Wakazvipiwa nokuti anozobata nazvo. Nesuwo tinodzidza zvinhu zvakawanda panyika tichikura paruzivo. Handiti ndiko kutigadzirira kuti tigogona kuzoshumira Mwari paupenyu hunozouya?
Kana vakomunist vachitaura pamusoro paJesu vanoti hakuna kumbova nomunhu wakadai. Vanotiwo zita rake nezvose zvakanyorwa pamusoro pake dzinongova nhema dzoga. Zvino vaKristu vekereke inobata pakavanda vane mhinduro yavanopa kana vakomunist vachitaura kudaro. Vanoti dondiratidzawo pepanhau rako ndione. Zvino kana vapiwa pepanhau riya, vanotarira zuva rarakanyorwa voti, Bepa rako iri nderarini? Hon'o ndera January musi wa14, 1964. Ko makore anoti 1964 anobvirei? Handiti anoverenga kubvira pakuberekwa kwaJesu uya wamunoti kwakanga kusina munhu wakadai? Saka doonai kuti kunyange pepanhau renyu imi vakomunist rinoreva kuti Jesu wakaberekwa pano pasi.
Munyika dzokumavirira dzisati dzabatwa navakomunist ndakaona kuti vafundisi havanyanyi kuparidza pamusoro pamn.shoko okutenda kwavaKristu aya anonzi kutenda kwavapostora. Kuda vanoti vanhu vanoaziva.
Asi munyika dzavakomunist ndakaona kuti vafundisi vanoparidza pamusoro pamashoko iwawo kwazvo vachida kutsigira kutenda kwavaKristu. Saka kunyange vasina kudzidza zvoufundisi zvikuru, vanogona kusimbisa vaKristu kwazvo pakutenda kwavo.
Takambotambura pamusoro pekereke inotenderwa navl;lkc,munist nciya isingatenderwi, iya inongobata pakavanda. Kcrcke iyoyo inobata pakavanda ndiyoyi inochengeta chiKristu nokuchisimbisawo. Asi kereke idzi mbiri hadzina kusiyana pazvinhu zvose zvose. Pamwe dzakabatana chose. Pakereke inotendcrwa navakomunist kuna vamwe vafundisi vanozikanwa kuti vafundisi vekcrekc, asi vafundisi ivavo vanobata pakavanda vachiita basa risingazikanwi navakomunist.
Ko zvaita sei kuti pane imwe kereke inotenderwa navakomunist? Ko ivo vanotenderwa navakomunist nemhaka yei?
70
Munyika yeRussia vakatanga paya pakamuka vakomunist vachiwana simba rokubata nyika. Kwaiva nomufundisi wainzi Sergius wakati, ngative nekereke mhenyu. Zvino vanhu vekereke iyoyo mhenyu vakatanga kuparidza vachiti, "Vavariro yedu haizati iri yokuvakazve kereke asi ndeyokuti kereke ife, kupira kwose kugopera! Saka iyi ndiyo vavariro yekereke iyoyo!
Munyika dzose dzinobatwa navakomunist munowanikwa vatungamiriri vekereke vakafanana naSergius.
Munyika yeHungary kwaiva nomumwe mupristi weCatholic wainzi Baba Balogh. lye panhu pamwe navamwe vafundisi vakabetsera vakomunist kuti vabate nyika nokuwana simba pamabasa ose aiitwamo.
Munyika yeRumania vakomunist vakabetserwa zvikuru nomumwe mufundisi wainzi Burducea. lye wakambobata mune rimwe boka ramatongerwe enyika, ndokuona kuti vakomunist vava nesimba. lpapo wakatanga kubetsera vakomunisL zvikuru achiti kana ndadero vangandiregerera kutadza kwandakamboita pane zvematongerwe enyika. Wakamira pedo negurukota reRussia, Vishinki, wakanga auya kuzogadza hurumende yavakomunist munyika yeRumania. Gurukota iri rakati, "Hurumende yamunopiwa nhasi ichakugadzirirai Paradiso pano pasi. Saka mungarega henyu kutarira imwe Paradiso kudenga. Ipapo mufundisi Burducea wakangosekerera achibvumira mashoko iwawo.
Bishop mukuru weRussia, anonzi Nikodim, anozikanwa .k.wazvo kuti anobetserana navakomunist achivaudza zvavaKristu. Mumwe mukuru wamapurisa avakomunist anonzi Major Dcriabin wakazotiza muRussia akandogara kumwe. lye ndiye wakazoreva pachena achiti bishop uyu waibetserana nesu achitiudza zva vaKristu.
Vakomunist vanowana vatungamiriri vakadai mukereke zhinji. Munyika yeRumania, mukereke yeBaptist vatunganmiri varipo zvino vakaiswa pabasa nesimba navakomunist. Munyika yeRussia, kereke yeBaptist ina vatungamiririwo vakadai. Mukuru wekereke yeSabata munyika yeRumania wainzi Tarhichi, wakandiudza achiti ndakabetserana namapurisa avak0munist kubva pamusi wavakabata nyika.
Vakomunist vakapfiga kereke zhinji kwazvo. Asi vanopfiga vakangwara, saka vasina kupfiga kereke dzose. Pamwe napamwe vanosiya kereke kuti varege kunzi vakauraya kereke chose.
71
Vanosiyawo dzimwe kereke dziriko kuti vagoziva zinoitwa navaKristu. Vanoti zviri nani kuti kereke ivepo asi chive chinbu chinogona kubetsera chikomunist. Ini ndimene ndakanzi navakomunist, ndingapiwa kereke yakadai ndigova mufundisi kana ndichitenda kutaurira mapurisa avakomunist pamusoro pemitezo yekereke. Vanhu vanobva mune dzimwe nyika vachindoshanya munyika dzavakomunist havazivi izvozvi. Vanobva voti, "Kereke zvairiko wani."
Kereke iya inobata pakavanda haidi kutungamirirwa navakomunist. Vanoda kuti vasununguke pakuparidza kwavo, vagoparidzira ani nani kunyange vana namajaya nemhandara.
Mukereke iya inotenderwa navakomunist muna vaKristu vezvirokwazvowo kunyange vatungamiriri vekereke iyoyo vasingachengeti kutenda kwechiKristu.
Chinhu chingabetsera vaKristu mukereke iyi ndechokuti mupirire hauna kushandurwa. Nziyo dzinoimbwa neminyengetero yakanyorwa mumabhuku zvinongova izvozvo zvekare nakare, zvinogona ku betsera vaKristu kunyange mharidzo dzinoparidzwa dzichitsigira chikomunist. Ndizvo zvinowanikwa mukereke yeLutheran neyePresbeterian nedzimwewo. Mumharidzo dzavafundisi vaya vanobetserana navakomunist munowanikwawo zvimwe zvinobva muShoko. raMwari, zvingasimbisa vatendi. Vanhu vangatendeuka nokuda kweShoko raMwari rinoparidzwa .kunyange vachiziva kuti kana ndatendeuka handingaudzi mufundisi wangu, nokuti achandondichera pamapurisa avakomunist.
Tinoona kuti Mwari angatendeusa vanhu kunyange nemharidzo dzakadai. Tinorava shoko rakadai muRevitiko 11 :37 rinoti kana chitunha chemhuka isina kunaka chikawira pambeu
· dzichazokushwa mbeu idzodzo dzichanzi dzakanaka. Asi handingati pakereke iya inotenderwa navakomunist va
fundisi vose vanongova vanhu vanobetserana navakomunist. Varipowo vasingaiti izvozvi kunyange vari vashoma havo.
Pakereke inobata pakavanda mitezo inongoramba ichishumira Mwari pakavanda poga, isingagoni kuzviita pacbena. Asi kuna vamwe vaKristu vekereke inobata pakavanda vanobatawo pacbena mukereke inotenderwa navakomunist. Asi vaKristu vose vekereke inobata pakavanda vanochengeta kutenda kwavo kwazvo. Mapurisa avakomunist akambotumwa kundopfiga monastry, kubvira imba yavabati vekereke vomuVladimireshiti munyika yeRumania. Mapurisa iwawa akadziviswa kuita izvozvi navaKristu. Vamwe vakomunist vakaurawa vachiedza kudzivisa vaKristu kupira.
72
Asi kereke iya inotenderwa yakazotapudzika. Munyika yeRussia yose kuchine kereke dzinokaroita zviuru zvishanu. Amerika (United States) ina vanhu vakaenzana navanhu vomuRtssia asi Amerika kune kereke dzinodarika dzeRussia runa makumi matanhatu. Dzimwe nhambo vaKristu vomudzimwe nyika vanozoshanya Russia vangaona imwe kereke izere navanhu musi. weSvondo. Zvino ivo vangati, Tarirai vanhu ava vanotenderwa kupinda svondo, doonai kufarira kereke kwavanoita. Izvozvo vanenge vasingafungi kuti vanhu vanoonekwa mukereke vakawanda nokuti kereke dzasara d:zava shoma chose. Kuna vanhu vazhinji kwazvo vasina kereke yavangapinda pedo navo. Saka vazhinji vakakoneswa kupinda svondo nokuda kwekereke dzakapfigwa navakomunist.
Ndiyo mhaka kereke iya inobata pakavanda ichiedza kubetsera vanhu ivavo vazhinji, ichivaparidzira shoko raMwari.
Kana chikomunist chichikma munyika kereke ichanyanya kubata pakavanda. Panopfigwa kereke, ndipo panomuka dzimwe kunyange dzisingazikanwi.
Kereke inobata pakavanda inobetserwa namabhuku avakomvnist okuramba Mwari
Tinoverenga muBhaibheri kuti panhambo yenzara Er;a waka vigirwa zvokudya namakunguo kunyange makunguo achisinonga zvokudya pamisha yavanhu achindodya. Saizvozvo vakomunist kunyange vachida kurozva chiKristu, vanotochisimbisawo zvikuru namashoko avanonyora. Vanoedza zvikuru kuti vadadire mashoko eBhaibheri nokuashoora.
Vakanyora mabhuku maviri. Rimwe rinonzi, 'Bhaibheri rinosetsa,' rim we rinonzi, 'Bhaibheri rina vamwe vanori tenda uye vamwe vasingaritendi.' Zvavaida kuratidza upenzi hwarnashoko ari muBhaibheri vakanyora ndima zhinji dzeBhaibheri. Takafara zvikuru tichiona izvozvi nokuti mashoko avo okushoora Bhaibheri akanga akafanana noupenzi. Vanhu vazhinji vakaona kuti rnashoko avo akanga asina basa saka vakafarira n<lima dzeBhaibheri dzaivamo. Mabhuku iwawa akatsikiswa akawanda zvikuru akapararira munyika yose. Vaya vakatsikisa mabhuku awa vakasharniswa vachinyorerwa tsamba zhinji dzokukurnbira rnabhuku iwawo. Vakati vanhu vanofarira mashoko aya okushoora Bhaibheri. :Ezvo vanhu vaya vekereke iya inobata pakavanda vasina maBhaibheri ndivo vakakumbira mabhuku iwawo kuti vawane ndirna idzodzo dzeBhaibheri dzakanyurwamo.
73
VaKristu vanobetserwawo kunyange nemisangano iya inoitwa navakomunist.
Mumwe professor wechikomunist wakaita musangano akaidza kuratidza vanhu kuti Jesu waingonyengera vanhu nezvinhu zvinoshamisa zvaakaita. Wakatora mvura yakachena ndokudira mushonga mushoma mumvura iyoyo. Mvura yakashanduka ikatsvuka. Ipapo wakaratidza vanhu mvura iyi yakatsvuka, akati, Jesu waiva nomushonga wakadai waakadira mumvura ikatsvuka, akabva oti iwaini. Professor ndokutizve, asi ini ndinodarika Jesu pane zviya zvaakaita. Wakakandazve mumwe mushonga mumvura yakatsvuka ikabva yachenazve. Wakadirazve mushonga uya wokutanga mvura ikatsvukazve.
Ipapo mumwe muKristu waiva mumusangano uyu wakasimuka akali, "Nhai Professor, matishamisa kwazvo muchitiratidza zvinhu izvi zvamunoita. Zvino tinokumbira kuti munwe waini iyoyo yamaita." Professor ndokuti, "Kwete, handinganwi nokuti mushonga wandadiramo unouraya."
MuKristu uya ndokubva ati, "Hamuoni, ndipo pamakasiyana naJesu. Nokuti Jesu wakatipa waini yake mumwoyo yedu, ava makore ane zviuru kusvikira zvino. Asi imi vakomunist munotipa waini yenyu inotiuraya.
MuKristu iyeye wakasungwa akaiswa mujere. Asi vc:1nhu vazhinji vakazonzwa shoko irero vaKristu vakasimbiswa chose pakutenda kwavo.
Isu vaKristu, hatine simba takaita saDavidi. Asi tingakunda Goriati kubvira chikomunist, nokuti Mwari ndiye amene anotirwira.
Mumwe musi mumwe mukuru wavakomunist wakanga achidzidzisa vanhu paungano yakaitwa pafakitori. Vamwe vaisevenza mufakitori vaiva vaKristu. Mukuru uyu wakaramba achiti hakuna Mwari uye kutenda kuna Kristu upenzi. Wakadzidzisawo achiti, munhu haana mweya, hakuna humwe upenyu mberi. kunongova nezvinhu izvi zvatinoona bedzi kunyange nomunhuwo chinongova chinhu nokuti haana mweya.
Ipapo mumwe muKristu wakasimuka akakumbira kuti atenderwe kutaura shoko rake, ndokutenderwa. Wakasimudza chigaro chake akachikanda pasi chikati, bhoo. Akamira zvishoma akangotarira chigaro chiya. Zvino akaenda kumukomunist uya wakanga ataura ndokumurova padama kuti pwa. Mukuru uyu wakashatirwa kwazvo, akatuka muKristu akadana vamwe kuti vamubate nokumusunga. Akati, Ko unopenga here? Wagondipwadurirei padama?
74
MuKristu ndokuti, Nokuti maratidza ikozvino kuti munonyepa. Mati kunongova nezvinhu izv� zvatinoona zvoga. Mati kunyange munhu chinongova chinhu nokuti haana mweya. Ini ndakanda chigaro pasi, asi hachina chachaita, nokuti chinongova chinhu zvirokwazvo. Asi ndichimurovai imi hamuna kuita sechigaro. Chinhu hachingagoni kutsamwa, asi imi matsamwa. Saka matadza zvikuru baba. Munhu haazati achingova chinhu bedzi. Munhu ano mweyawo.
VaKristu vekereke inobata pakavanda vanogona kupwisa mashoko aya ouchenjeri anodzidziswa navakomunist.
Mumwe musi ndiri mujere, mubati wavakomunist waiva nebasa rokudzidzisa vasungwa chikomunist wakandibvunza achiti, Ko iwe ucharamba uchitenda upenzi hwokupira hwako kusvikira riini?
Ini ndakati, ndakamboona vanhu vazhinji vaiti hakuna Mwari asi vakazozvidemba votandadza, vakakumbira kuti Kristu avabetsere. Ko zvino mungati muKristu kana asvika parufu angazvidemba here akakumbira vanaLenin naMarx vavambi vechikomunist achiti, Dondibetseraiwo mubvise kutenda kwangu ndigofa ndisingatendi?"
Zvino rnubati uya wakaseka akati, unondipindura iwe nounjere hwako nhai?
Ini ndikatizve, kana mhizha yokupfura simbi ikagadzira zambuko vanhu havangati zambuko rakasimba kana ichingova kiti yaambuka pariri. Panodikanwa kuti chitima chiambuke pariri. Ipapo rigonzi rakasimba. Mungati hakuna Mwari, muchiramba muchingodaro kana makafara. Asi kana 111awira munjodzi chaiyo hamungabetserwi namashoko enyu iwawa.
Ipapo ndakamuratidza kuti mumabhuku akanyorwa naLenin iye Lenin ava gurukota reRussia vakomunist vachitonga nyika, wakanyengetera pachake dzimwe nhambo awirwa nenjodzi.
Isu tino rugare nokuti tinomirira zvinhu zvakanaka zvinozouya. Asi vakomunist havana zororo kana vachigara vachirwa nokupira kunoita vanhu. Ndiro shoko rakarehwa kare nomumwe mukuru wekereke wainzi Augustinu. Iye wakati, Mwoyo womunhu haungambozorori kusvika wawana zororo pamuri imi Mwari.
Kunyange vakomunist vanotendeukawo.
Kereke iya inobata pakavanda ingatendeusa vakomunist vazhinji kana ikabetserwa nekereke dziri munyika dzichakasunu-
75
nguka. Vakomunist vangada kutendeuka nokuti zviya zvavanonzi vatende kunyange ivo vamene havazvifariri. Kunyari 1mbwa ingafara kana ikawana fupa raingadya. Asi vakomunist vanonzi munhu ngaarege kuva nezvinhu zvaangati ndezvangu. Saka ivo vamene vanorambawo mumwoyo mavo vachinzi ngavatende zvinhu zvisati zviri izvo.
Ndakambotaura navamwe vakomunist vaingopamhidza mashoko avakadzidziswa vachiti, zvinhu zvatinoona ndizvo zvoga zviripo. Kunyange muviri womunhu wakaumbwa nezvinhu zvakadai. Saka kunyange munhu afa muviri wake unoshan<luka zviya zvawakaumbwa nazvo zvinoora zvichishandukazve ivhu. Ipapo ndakabvunza ndichiri, Ko kuna vakomunist vangani vakaurawa nokuda kwechikomunist, chavaitenda? Handiti vazhinji here? Ko chinhu chinongova chinhu chingafirawo zviya zvachinotenda here?
Vamwe vakomunist vanodziyaniswa, nokudzvinyirira kunoitwa navakuru vavo. Hakuna munhu angafarira izvozvi. Takazviona pana vamwe vakuru vaiva munyika yeGermani pamazuva aHitler. Zvavaigara vachitambudza vanhu kudai, vamwe vakuru ivavo vakazviuraya, vamwe vakazvireurura zvinhu zviya zvakashata zvavaiita.
Tinoonawo kusafara kwa vakomunist pakudhakwa kukuru kuripo munyika dzavo. Vanoshuva zvimwe zvisingagoni kuwanikwa pachikomunist. Munyika yeRussia vanhu vazhinji havawani rugare chairwo pachikomunist saka vachirutsvaka nemimwe mitoo. Kunwa kwavanoita kunoratidza kuti mugarire wavo hauvafadzi. Doro rinoita sokuti rinosungunura munhu kwechinguva chidoko saka vachiritsvaka nomuseve murukungiso.
Ndiri muguta reBucharest munyika yedu yeRumania pamazuva aya akapinda varwi vazhinji vavaRussia, mumwe musi ndakanzwa mwoyo wangu uchiti ndipinde mubhawa iri. Ndakaenda nomudzimai wangu tikapinda tose. Tapinda mukati, takaona rimwe gurukota ravarwi vavaRussia rimire rakabata pfuti richiti, ndichamuurayai mose kana musingandipi rimwe dorozve. Muridzi wakanga atomunyima nokuti munhu iyeye wakanga · atodhakwa kare chaizvo. Zvino ndakati kumuridzi webhawa chiruupai henyu, ini ndichagara naye ndichimurinda kuti arege kumutsa manyongori. Ipapo takandogara patafura imwe tiri vatatu, iye neni nomudzimai wangu. Mwene webhawa ndokuuya namabhotoro ewaini namagirazi matatu. · Zvino uya muRussia wakadira waini mumagirazi matatu, ndokubva anwa ma-
76
tatu ose nokuti ini nomudzimai wangu hatina kunwa, taingoita hedu nyaya naye. Zvaaiva munwi, wakagona kuita nyaya nesu achitipindurawo zvakanaka. Ndakataura naye pamusoro paKristu, akaterera kwazvo.
Wakazoti, zvino ndazoziva kuti ndimi ani. Regai ndimuudzeiwo kuti ini ndini ani. Ndiri mufundisi wekereke yeRussia, iya inotenderwa navakomunist. lni ndakatanga kurasha kutenda kwangu vaK.ristu vakazotanga kutambudzwa. Ndakafamba pamisha ndichiita misangano ndichitaurira vanhu kuti hakuna Mwari. Ndakatiwo zviya zvandaiva mukereke ndaingonyengedzera vanhu ndichivadzidzisa zvokutenda. Vakomunist vakafarira basa ireri randakaita, vakandiita gurukota ramapurisa. Ndakarayirwa kuti nditambudze vaK.ristu. Ndakazviita ndikaurayawo vamwe namaoko awa. Ndiyo mhaka ndichinwa kusvika pakadai ndichida kuti ndikanganwe zvandakaita, asi hazvibviri kukanganwa.
Vamwe vakomunist vakazozviuraya. Kuna vamwe vanyori vaviri vakakurumbira zvikuru nokuda kwamadetembedzo avakanyora. Vanyori ava vainzi Essini naMaiakovski. Ivo "akazviuraya vose. Kwaiva nomumwe munyori wainzi Fadeev wakanyora bhuku rainzi, "Mufaro". Mubhuku iroro wakati mufaro mukuru ndiko kubata nesimba munhu achishumira chikomunist. Asi iye pachake wakazviuraya achangopedza bnyora bhuku irori. Kwaivazve navamwe vainzi vanaJoffe na] omkin vaishuva kuti chikomunist ngachiuse munyika yose yeRnssia. Vakashingirira chikomunist kuti chisimbe. Asi vakomunist vachizowana simba rokutonga nyika yeRussia, ivo vakakoniwa kugaramo vakazviuraya.
Vakomunist havana mufaro. Kunyange vatungamiriri vavo havana mufaro. Dombofungai zvaStalin. Wakauraya sharnwari dzake dzose kuti dzirege kuzomumukira. Asi wakazogara achitya kuti mumwe angandiuraya. Wakanga ane dzimba dzokuvata sere. Dzimba dzose idzi dzakanga dzakasimba kwazvo kunge dziya dzomubhan'a dzinochengeterwa mari. Wakavata mudzimba idzi dzose, asingaudzi munhu kuti nhasi ndinondovata mune ipi? Waingwarirawo zvikuru zvokudya zvake. Waisiti kana odya mubiki omboravira, iye Stalin akatarira, agobva ozodya hake.
Kana tikagona kukunda vakomunist, hatichabetseri vaya vanotambudzwa navakommunist voga asi tichabetsera ivo vakomunist vamene pachavo.
77
Kunyange vanhu vari munyika dzavakomunist vari nh�1pwa vane chishuwo chokushumira Mwari. Ndizvo zvatinoona mukereke iya inobata pakavanda. Saka ngatibetsere kereke iyoyo.
Chinhu chikuru chingaonekwa pakereke inobata pakavanda ndiko kutenda.
Kuna rnumwe mufundisi anonzi George wakanyora bhuku pamusoro pekereke inobata pakavanda.
Mubhuku rake wakati, Rimwe gurukota ravarwi vavaRussia raiva munyika yeHungary. lye wakaenda kuno mumwe mufundisi, akandoti Mufundisi ndinoda kutaura nemi tiri toga. Gurukota riya rakanga richingova jaya asi raiva namanyawi kwazvo achifunga simba rorudzi rwake rwavaRussia. Mufundisi wakaenda naye kumba akapfiga mukova. Gurukota ndokuona mufananidzo wechinjikano wakanga uri pamadziro akati, Handiti munoziva kuti izvi inhema dzoga? "Handiti ndizvo zvinongorehwa navafundisi vose vachida kuti vanhu vagare vasingazivi chinhu vafumi vagogona kuvanyengera. Nhai mufundisi, tinongova vaviri muno, Chirevai ikozvino muchibvuma kuti Jesu Kristu haazati ari Mwana waMwari."
Zvino mufundisi wakati, "Aa, ndingagodaro sei? Handingarevi shoko rakadai nokuti ndinotenda kuti Jesu Kristu Mwana waMwari. Iyi ndiyo zvokwadi imene."
Gurukota ndokuti, "Handidi jee. Asi unoti ndinotamba newe kanhi?" Ndokumurudza pfuti yake akashungidza pamufundisi. Akati. "Reva ikozvino uchiti zviya zvandati Jesu Mwana waMwari, inhema, kana ukasati inhema pako patokuperera."
Ipapo mufundisi wakati kunyange ukandiuraya, handingazorambi Ishe wangu Jesu Kristu iye Mwana waMwari, nezvirokwazvo.
Zvino gurukota riya ndiye pfuti pasi gwendere ndokutunga kuchema nomufaro, akambundikira mufundisi. Akati, "Haiwa izvokwadi yomene. Neniwo ndinotenda kuti Jesu Mwana waMwari asi ndanga ndichida kungoona kuti munotenda nomwoyo wose here? Saka ndikati regai ndione kuti munhu angatenda kufira kutenda ikoko here. Ndinofara zvikuru, nokuti mandisimbisa pakutenda kwangu. Kubva zvino ndichatsungirirawo pakutenda kwangu kunyange ndikazourawa hangu."
78
Ndinoziva kuti vamwe vanhu vomuRussia vakambodarowo. Mumwe musi varwi vaviri veRussia vachangopinda munyika yeRumania vakandopinda mune imwe kereke vakabata pfuti dzavo. Varwi ava vakati, "Hatifungi kuti imi munotenda nechokwadi. Saka tinokutaurirai kuti vaya vasingaranduri kutenda kwa vo ikozvino vachafurwa kamwe kamwe. Asi vaya vanoda kurandura kutenda kwa.vo simukai." Vamwe vashoma vakasimuka vakanzi, chiendai kudzimba dzenyu. Vakabuda vakatiza. Zvino vaya varwi vaviri vakazotaura navaya vakasarn mukereke vachiti, "Nesuwo tiri vaKristu. Asi tanga tisingadi kuti zvizikanwe navose. Ndiyo mhaka tati vaya vasingadi kuurawa nokuda kwokutenda kwavo vangabva. lsu tinoda kushamwaridzana navaKristu vezvirokwazvo." Muchaona kuti kunyange munyika dzedu dzakabatwa navakomunist muna vanhu ava vakadai pavarwi.
Mudzimba dzavaKristu vomunyika dzokumavirira tinonzwa dzimwe nhambo vanhu vachiridza zviridzwa vachiimba nziyo dzenyika. Tsu taiderowo dzimwe nhambo tichiri munyika dzakabatwa navakomunist. Asi isu taizarura radhio kana marecords achirira chaizvo paya pataiita nyaya navamwe pamusoro paKristu, tichiitawo misangano pakavanda mudzimba dzedu. Taidero kuti vavakidzani nesu varege kunzwa zvinotaurwa nokuti kana vakazonzwa vangandoudza mapurisa.
Dombofungai kufara kwatakaita patakasangana nomuKristu chaiye waibva munyika dzokumavirira.
Zvino ini ndinokunyorerai mashoko awa ndisingatauri zvangu zvoga. Ndini muromo wavaya vasingatenderwi kutaura vamene ivavo vanonzi ngavanyarare kuchema kwavo kurege kunzwikwa munyika dzokumavirira. Saka ndinokumbira nokuda kwaivavo ndichiti simbai pakutenda kwenyu muchirangarira basa guru ramakapiwa. Ndinotiwo, betserai vaKristu vomunyika dzavakomunist, muchivanyengetererawo nokuti vanotambudzika zvikuru.
Ndinotenda kuti tichakwezva vakomunist. Kune 1:vinhu zviviri zvinondivimbisa. Chokutanga ndechokuti Mwari anobata panhu pamwe nesu.
Chinhu chepiri ndechokuti shoko ratinaro rinowirirana nr.chishuwowo chatinacho chiri mumimwoyo yavakomunist.
Vamwe vakomunist vakandiudza kuti paya pavakatambudzwa mumajere avaGermani panhambo yehondo, vakanycngetera. Ini ndimene ndakaona mamwe makurukota a varwi va vakomunist '/achidana zita raJesu vasvika parufu.
79
Chimwe chinhu chinotibetsera isu ndechokuti vanhu vanorangarira zvekare. Panyika dzavakomunist hapatenderwi kuti vaKristu varipo nhasi vanyore mabhuku echiKristu. Asi mamwe mabhuku ekare achimo nanhasi munyika yePoland nomuRiissia. Mumabhuku iwawo munoratidzwawo zvimwe zvechiKristu, h•nyange mabhuku iwawo asinganzi ndeechiKristu. Munyika yeRumania vakomunist vakatora rimwe bhuku rakanyorwa kare nomunhu wainzi Sadoveanu. Bhuku irorn rainzi "Rondedzero youpenyu hwavamwe vaKristu." Zvino vakomunist vakatora bhuku iroro vakaritsikisazve vakaritumidza zita rinonzi "Ngano dzinorehwa pamusoro pavamwe vaKristu" \.achida kuratidza kuti mashoko iwawo aingova ngano dzoga dzisina zvokwadi. Nyange zvahdaro, vanhu vakarava bhuku iri vakabetserwa naro zvikuru.
Vakomunist ha vangashoori mifananidzo iya yakatarwa kare nenyanzvi dzinoti Raphael naMichelangelo naDavinci. Ivava vakatara mifananidzo mizhinji yezvomuBhaibheri, vakatarawo mifananidzo yaKristu. Mifananidzo iyoyo iripo nanhasi munyika dza vakomunist.
Kana ndichitaura nomukomunist pamusoro paKristu, ndinobetserwawo nechishuwo chake chakadzika chiri mumwoyo make. Pamwe anenge ane basa rokukakavadzana namashoko angu pamwezve anenge ane basa rokuramba inzwi rinotaura richinzwikwa mumwoyo make richitomusvitsa pakuda kubvmnfrawo mashoko andinomutaurira.
Ndinoziva vakomunist vakambonzi vadzidzise vamwe vanhu chikomunist. Vakomunist ivavo vakanyengetera kuna Mwari kuti avabetsere vasati vaenda kundodzidzisa dzidziso idzodzo. Ndinozivazve vamwe vakomunist vakaenda kure kwazvo kuti vandopinda misangano yavaKristu yaiitwa pakavanda. Zvino vaiti kana vachinge vobvunziwa pamusoro porwendo rwavo vaireva nhema vachiti, hatina kuenda kumisangano yakadai. Vakomunist ivava vaizoguma vochema vachiti, Deno ndisina kureva nhema, deno ndareva pachena kuti ndiri muKristu. Saka munoona kuti vakomunist vanhuwo zvavo vakangofanana nesu.
Vamwe vakomunist kana vasvika pakutenda, kunyange vasingazivi zvose, Mwari anobetsera kutenda kwavo. Isu vekereke inobata pakavanda takazviona saka tinoziva kuti kutenda ikoku ndiko kuchazokunda.
Vakomunist vanodikanwawo zvikuru naKristu. Saka ngavasvitswe pana Kristu. Kereke iya inobata pakavanda ndiyo yoga ingagona kuita basa irori. Jesu anoda kuti vakomunist vara-
80
tidzwe zvorudo rwake. Saka kana munhu achida kutevedzera chishuwo ichocho chaJesu, ngaabetsere kereke iya inobata pakavanda. J esu wakati, "Mudzidzise marudzi ose," haana kuti tigume kana tasvika pamuganhu wenyika yavakomunist. Murayiro uyu watakapiwa naKristu ndiwo unotitunza kuti tipinde kunyange paya patinodziviswa.
Kana vaKristu vari munyika dzakasununguka vachiti v:rndobata munyika dzavakomunist vangakoniwa havo chose. Asi kereke inobata pakavanda yotobatamo. Saka ndiyo inogona kuita basa iroro kana taitsigira.
Mukereke inobata pakavanda muna mapoka matatu
Boka rokutanga nderavafundisi vaya vakadzingwa navakomunist. Munyika imwe neimwe yakabatwa navakomunist muna vafundisi vazhinji kwazvo, vakadzingwa navakomunist. Vamwe vakasungwa vakatogara mujere makore mazhinji, vachitambudzwa nokuda kwokutenda kwavo. Zvino pavanenge vasunungurwazve, vakadzokera pabasa ravo, asi vachibata pakavanda.
Dziya kereke dzavo pavakambobata dzinopiwa vamwe vafundisi vanotendwa navakomunist. Asi vaya vafundisi vakarambwa navakomunist vanoita basa ravo, vanhu vachiungana mudzimba nomuzvitoro zvinochengeterwa nhumbi kana ranze. Vafundisi ava vanoziva kuti kana vawanikwa navakomunist vachiparidza vachadzoserwazve rnujere. Asi kunyange zvakadaro, havamboregi kubatira Kristu.
Boka repiri nderemitezo. Boka repiri riri mukereke iya inobata pakavanda nderemi
tezo vanhurume navanhukadzi. Mukereke iyoyo hakuna mitezo yakangonyara kana vanhu vanongovimba nezita rekereke vasingatendi kuna Kristu nomwoyo wose. Rangariraiwo kuti vaKristu vanotambudzwa nokuda kwokutenda kwavo, ndivo vanonyanya kusimba pauKristu hwavo. Simba rakadai hariwanzi kuonekwa pavaKristu vari munyika dzichakasununguka. Va Kdstu ivavo vomunyika dzavakomunist havazivi kuti munyika dzeAmerika neEurope muna vaKristu vazhinji vasina hanya navamwe vanhu vasingatendi kuna Kristu.
Rimwe pepanhau rehondo yavarwi veRussia rinonzi, ''Nyeredzi shava" rakamboti, "Vaya vanhu vanoshumira Kristu vaka-
81
fanana nezvikara nokuti vanoda kubata vanhu vose vachlvatendeusa!"
Munyika idzodzo dzavakomunist hakuzati kuri kuti k11paridza kwoga kunoitwa navaKristu, kungakwezva vanhu asi zviito zvavo. Vaya vanogara pedo navo vanoona kuti vaKristu ndivo vanhu kwavo, vakatendeka pazvinhu zvose. Kana pachinge pana vamwe mai vanorwara vasingagoni kubikira vana vavo, vamwe mai vari muKristu vanouya kuzobetsera paimba panorwanwa·. Kana pachinge pano mumwe wakakwegura asingagoni kuterna huni, vaKristu vanondomubetsera. Vanhu vanoona izvozvi rnka vanoteerera kwazvo kana vaKnstu vachitaura pamusoro pokutenda kwavo. Kunyange vasingatenderwi kuparidza mukereke vanotaurira vanhu chiKristu chavo kwose kwose, pamisha napamatsime nokumwe kwose kwavanosangana navanhu. Mapepanhau avakomunist akamboreva achiti vamwe vaKristu vanobata mumabhucha vanoisa zvipepa zvokududzira chiKristu panhu pamwe nenyama inotengeswa ndokuzoputira nebepa. Vakomunist vakanyorawo mumapepanhau avo vachiti vamwe vakuru vanobata rnuzvitsikiso vanodzoka usiku kana pasina rnmwe vanobata muzvitsikiso, zvino votsikisa zvipepa zvina mashoko echiKristu. Vanozobvazvepo kusati k:waedza. Vakomunist vakanyorawo kuti vamwe vana veMoscow, muzinda weRussia vakawana zvibhuku zveVhangeri zvinoti Mateo naMarko naRuka naJohane, vakanyora zvitsauko zveVhangeri namaoko ndokuzviparadzira kwose k:wose, vakaisawo kunyange muhombodo dzamajazi avadzidzisi vavo muchikoro. Saka mungaona kuti kuna
. vanhu vazhinji munyika idzodzo dzavakomunist vakazvikumikidza kuna Mwari kuti vamubatire.
Tinonzwa kuti munyika yeCuba, pedyo neAmerika vakomunist vachitanga kutonga nyika vakatambudza vafundisi nokuvaisa mujere. Ndokugadza vafundisi vari vakomunist. Z vino ipapowo pakawanikwa mitezo mizhinji yekereke yakazvipa kuti ibatire Mwari.
Saka vakomunist pavakati kutambudza ikoko kungadzima chiKristu vakatochikuchidzira.
Boka retatu nderavafunclisi vari mukereke dziya dzinotenderwa
Iri ndiro boka retatu rinosimbisa kereke iya inobata pakavanda vafundisi ava vari mukereke dziya shoma dzinotenderwa navakomunist. Kereke idzi kunyange dzicbitarirwa kwazvo namapurisa avakomunist vamwe vafundisi havadi kuti
82
vakomunist vavatungamirire. Saka kunyange vane basa ravo ravanoita pachena mukereke dzinotenderwa vanobatawo pakavanda mukereke iya inobata pakavanda. Kereke inobata pachena neiya inobata pakavanda hadzina kusiyana chose nokuti pamwe napamwe dzakabatana hadzo. ·
VafundiF.i vari mukereke dzinotenderwa navakomunist vanomanikidzwa zvikuru nemirayiro yehurumende. Havatencierwi kutaura pamusoro paKristu kana vabuda mukereke asi mukcreke moga. Havatenderwi kuita misangano navana kana namajaya kana nemhandara. Havatenderwi kundonyengeterera vaKristu vanorwara mudzimba dzavo. Nokuda kwemirayiro iyi mizhinji, vamwe vasati vari vaKristu havadi kuuya kukereke idzodzo.
Asi vakomunist vanoti panyika dzavo munhu wakasununguka kuti apire paanoda napo, nyange zvakadaro vanoshayisa kereke simba nemirayiro yavo.
Saka vamwe vafundisi vanobva vobatawo pakavanda, ,achidzidzisa vana chiKristu. Vanondosangana navamwe vanhu mudzimba dzavo ,,achisimbisana pakutenda kwavo. Pabasa riya rnvanoita pachena, vangachengeta havo mirayiro yose yehurumende. Asi kana vobata pakavanda vanoita nomwoyo wose. Mazuva ano kuna vafundisi vazhinji vakadai vakabatwa vakaiswa mujere.
Awa ndiwo mapoka matatu anosimbisa kereke iya inobata pakavanda. Mapoka iwawo ndiwo anoti vafundisi vaya vakadzingwa pabasa navakomunist nemitezo yekereke inobata pakavanda painogona napo, uye vafundisi vane basa ravanoita pachena vachibatawo pakavanda. Iyoyo kereke inobata pakavanda icharamba iripo kusvikira chikomunist chakundwa.
Kwaiva nomumwe munhu wakashanya munyika dzavakomunist ruzhinji achida kufeya pamusoro pokutenda kwavaKnstu. Zvino wakadzoka kumusha kwake ndokunyora mubhuku arhiti, handina kundosangana nekereke iyoyo inonzi inobata pakavanda.
Chiripo ndechokuti, vaKristu vokutanga vaya vatinorava pamusoro pavo muBhaibheri vakanga vasingazivi kuti vari vaKristu. Deno maivavhunza kuti ndimi vanaani, vangadai vait?, tiri vaJuda vanotenda kuna Mesiasi kana kuti tiri vana vaMwari kana kuti tiri vatsvene. Vamwe ndivo vakazovatumidza zita rinonzi vaKristu. Vaya vakatanga kutevera dzidziso dzaLuther vakanga vasingazivi kuti vari veLutheran. Zita iroro rakazouya ·noku·ti Luther amene wakariramba.
83
Saizvozvowo, zita rinonzi kereke inobata pakavanda rakatumidzwa vaKristu ivavo navakomunist uye navamwe vaKristu vamene vari mune dzimwe nyika. Asi ivo vamene vanoti tiri vaKristu kana kuti tiri vana .vaMwari. Asi vanowanza knbata pakavanda.
Munyika dzeEurope neAmerika munhu angagara makore mazhinji asmgasangani navashori vavakomunist. Asi izvi hazvirevi kuti hapana vashori vakactai. Varipo, asi havangazvirntidzi kuvanhu vose vose bodo. Kereke iya inobata pakavanda yakaderowo.
CHITSAUKO 6
Zvino ndichakutaurirai mamwe mashoko akanyorwa uavakomunist mumapepanhau avo pamusoro pekereke iya inobata pakavanda.
Ndakambotsanangura zvimwe zvakaitika tichipa varwi vavaRussia vakauya munyika yedu, Shoko raMwari, pakavanda. Ndakatsanangurawo zvimwe zvinhu zvatakaita Rumania vakomunist vabata nyika yedu isu tikaidza kupa vanhu shoko raMwari. Ndati nemiwo mungabetsera kuti vakomunist vazive Vhangeri, muchibetserawo vanhu vaya vanotambudzwa navakomunist.
Munoti izvi zvandinotaura hazvibviri here? Vamwe vanoti, asi iyi ndiyo zvokwadi here kuti pachine kereke inobata pakavanda munyika idzodzo? Ko havana kudziviswa kare kereke 1kafa here?
Regai ndikupei mhinduro ichamufadza. Vakomunist vakatobata nyika yeRussia kudarika makore
ana makumi mashanu. Ini ndinoti vakomunist havana kukunda chiK.ristu. Asi chiKristu ndicho chakakunda. Mapepanhau avaRussia anogara achingorondedzera kuti kereke inobata pakavanda iripo. Pamwe kereke iyi mogona kubata pachenawo.
Rangarirai kuti kereke iya inobata pakavanda yakaita somuti wakapapamara pamusoro pemvura. Hauonekwi wosi.!, panongoonekwa chipandi chidoko, bandi guru rakafusirwa nemvu· ra.
Zvino pano ndinoda kukuudzai zvimwe zvakanyorwa nava· komunist zvinoratidza zviya zvishoma zvinoonekwa.
84
Nomusi wa7 November, 1966 kereke inobata paka·,anda yakakokera musangano mukuru mumusha weSuhum mudunhu reCaucasus. Musangano uyu wakaitirwa panze. Vanhu vazh.inji vakabva pamaguta akapoteredza vachiuya kumusangano, iwoyu. Pakupera kwomusangano kwakanzi kana pana vanoda kuzvjkumikidza kuna Kristu, ngavauye havo. Pakauya majaya nemhandara vana makumi mana na vanomwe, vakabhapatidzwa pakarepo, mugungwa.
Vanhu ava zvavasina kereke pavangambodzidza zvechiKristu vagozobhapatidzwa vakabhapatidzwa havo pakarepo. Ndizvo zvakaitwawo kare mukereke yokutanga. Pamabasa 8:36-38 tinoona kuti paya pakasangana Firipi nomuranda wamambokadzi Kandasi kwechinhambo chiduku muranda wakati, "Hevino mvura, Ko chinokonesa kuti ndibhapatidzwe chinyiko?" Fhipi akati, "Kana uchitenda nomwoyo wose, zvingaitwa." Saka munhu iyeye wakabhapatidzwa, pakarepo.
Mubepa ravadzidzisi rinonzi, 'Uchitelskaia Gazeta' ra.kanyorwa nomusi wa23 August, 1966 panonzi vanhu vekereke yeBaptist muguta reRostov vakaramba kutungamirirwa navatungamiriri vaya vakasharwa nehurumende, vakandoungana pachena mumugwagwa womuguta irero nomusi wa 1 May.
Zvino musi wa 1 May ndiro zuva guru ravakomunist. Saka vaKristu ava vakandoitako musangano wavo nezuva iroro. Ndizvo zvakaitawo Jesu. Nokuti iye wakaporesa vanhu nezuva reSabata akaratidza pachena kuti haatyi vaFarisi nemirayir•> yavo mizhinji.
Vakomunist vaisiungana nomusi wal May vachikokera vanhu vose kuti vauye kusina anotenderwa kusara. Asi nezuva iroro vaKristu vakaungana pachavo vari chiuru chimwe namazana mashanu. Vakauya vasingagombedzerwi nomunhu asi vachingouya vachingotumwa norudo rwaMwari wavo. Vakandoungana vachiziva kuti tichandobatwa tikaiswa mujere, nhasi.
VaKristu vose vomuRussia vanoziva shoko rakanyorwa rinonzi "Uchapupu hwakavanda". Uchapupu uhwu hwakanyorwa navaKristu veBarnaul, vachitsanangura pamusoro pomumwe mudzimai wainzi vaHamara veKulunda. Ava mai vakanzwa kuti murume wavo waiva muKristu wakafira mujere. Vakasara vari chirikadzi navana vadoko. Vakazopiwa chitunha chomurume wavo.
Vakaona kuti pamaoko paiva namavanga amakechemu. Minwe nezvanza zvake netsoka zv,1kanga zvakatsva, padumbu pa-
85
iva namavanga okuchekwa nebanga. Gumbo rake rorudyi rakanga rakazvimba. Muviri wose wairatidza kuti munhu uyu wakarohwa kwazvo.
VaKristu vaya vakaungana muRostov vaiziva vose kuti ndizvo zvatingaitirwawo isu. Kunyange zvakadaro vakauya havo. Asi vakarangarirawo kuti murume uyu achivigwa vaKristu vazhinji vakauya, vane zvikwangwani zvina mashoko omuBhaibheri. Vamwe vakanyora mashoko anoti:
'Kwandiri ini kurarama ndiKristu, kufa ndiko kufuma: uyezve 'Musatya vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya." uyezve "Ndakaona panyasi pearitari mweya yavanhu vakanga vaurawa nokuda kweShoko raMwari.'
VaKristu vaya vakaungana Rostov vakarangarira izvozvi zvose, vakasimbiswa, vachirangarira kutenda kwehama yavo yakafa. Vanhu ivavo vose vakaungana paimba vari panze. Vamwe vakakwira pamatenga edzimba dzaiva pedyo vamwe vakakwira mumiti kuti vanzwe mharidzo zvakanaka. Kwaiva vavanhu vana makumi masere vakatendeuka .. Pavari paiva namakumi maviri navatatu vaimbova muruwadzano rwamajaya rwavakomunist.
VaKristu vakabva paya pavakaungana vakagura nomuguta vakaenda kurwizi kwavakandobhapatidza vaya vakatendeuka.
Vari parwizi ipapo, mapurisa ndokuuya nemotokari dzavo, vakakomba vaKristu vachiti tinoda kusunga vatungamiriri venyu. Vakaita izvi nokuti vakakoniwa kusunga vanhu vose vakanga vakawanda kudai. Zvino vaKristu vakagwadama vose, vakakumbira Mwari kuti vatenderwe kupedza musangano wavo. lpapo vakamira vose vakapoteredza vaya vaiparidza. Mapurisa ncfokukoniwa kusunga vatungamiriri ivavo.
Bepa iroro ravadzidzisi rinotiwo, kune kereke isingate1l'1erwi nehurumende ine chitsikiso chayo chinotsikisa mabhuku pakavanda. Kwai mumabhuku awa munonyorwa mashoko okukurudzira majaya kuti vatsunge pakutenda kwavo. Vabereki vanorayirwa kuti vaende navana vavo kana pachinge pachivigwa munhu kuti vana varege kungorangarira zvinhu zvenyika zvisingagari, asi varangarirewo upenyu huri mberi. Vabereki vanorayirwa kuti vadzidzise vana vavo chiKristu vachiri vadoko. Zvino kana vazodzidziswa muchikoro kuti hakuna Mwari, vagogona kusarasha kutenda kwavo. Zvino bepa rovhunza richiti, 'Ko vad:ridzisi vanogotyirei kuenda kudzimba dzavabereki vavana vari vaKristu vachindodzivisa kutenda ikoko?'
86
Bepa irori rinonyorerwa vadzidzisi rinotsanangura zvavakaona padare pakatongwa vaKristu vachinzi vakabhapatidza vamwe pakavanda.
Bepa rinoti, 'VaKristu vaya vakadanwa kuti vataure zvavakaona vaiva vana vadoko. Asi vakanga vasingatyi dare ra vako-munist, vamwe vanhu vaivapo vakatarira vana ava vakashamiswa zvikuru vachiona kuti havatyi vanhu vaivapo vari vanhu vasingatendi kuna Mwari.'
VaKristu vekereke inobata pakavanda vakashinga kwazvo. Mumwe musi vakaenda kuhofisi hum yeboka ravakomunist. vachindokumbira kuti vatenderwe kupira Mwari vasingakanganiswi.
Kune kereke mbiri dzeBaptist munyika yeRussia. lmwl� inobata pakavanda, uye imwe inotenderwa navakomunist. Mutungamiriri wekereke yeBaptist iya inotenderwa navakomunist ndiKarev, wakambonyora achiti vaya vakauraya vaKristu \'akaita zvakanaka. Anotiwo vanhu veRussia vanogara vakasununguka chaizvo. Tni ndine bepa rakanyorwa muchivande nekomiti yekereke yeBaptist inobata pakavanda. Bepa iri rakaendwa naro pakavanda rikandopiwa vamwe veEurope. Bepa iroro rinotaura pamusoro penhume dzekereke isingatenderwi navakomuni:;t kuti nhume idzodzo dzakaenda Moscow kumuzinda wavaRussia.
Bepa iri rinoti 'Herino shoko guru, Tinokukwazisai imi hama dzedu tichiti Mwari Baba vedu naJesu Kristu vamukomborerei.
Tinoda kumuudzai kuti nhume dzekereke yeBaptist dzmosvika mazana mashanu dzakaenda Moscow nomusi wa16 May, 1966 kuti vandotaura navakuru vakuru veboka ravakomunist.
Takandokumbira kuti chichemo chedu chinzwikwe. l'akanga tina mashoko eduwo akanyorwa, akanzi ngaapiwe VaBrezhnev, munyori mukuru weboka ravakomunist.
Bepa rinorondedzera kuti vanhu ivavo vana mazana mashanu vakaswera vamire paimba yavakuru vakuru ivavo. Apa ndipo pakatanga kereke iya inobata pakavanda kuzviratidza pachena.
Vakaswerapo zuva rose, vakatumira vaBrezhnev imwe tsamba yechipiri vachiti pano pano mumwe munhu anonzi Stroga. nov watidzivisa achiti hamungagoni kutaura navaBrezhnev. Munhu iyeye watityisidzira kwazvo.
Zuva rakavira vachingovapo vasati vatenderwa kutaura naBrezhnev. Vakavatapo vakangomirira. Motokari dzaipfuura dza-
87
kavadira matope. Vanhu vakavatukawo. Vakanayiwa nemvura usiku, asi vakaramba vachingovapo, pahofisi hum yavakomunist.
Chifumi chamangwana kwakauya mumwe mukuru wehofisi iyoyo akati, chipindai muno mugotaura navamwe vakuru vetoka ravakomunist. Asi vaKristu ivavo vakaramba kupindamo vdchiziva kuti kana tapindamo ticharohwa kwazvo pasina anozviona. Saka vakaramba vakati isu tinomirira vaBrezhnev.
Ava masikati makuru, pazuva rechipiri mapurisa aka.uya namabazi ana makumi maviri namasere. VaKristu vakamira panhu pamwe vachiimba rwiyo runoti, 'Paya patinotakura muchinjikwa ndipo patichafara kwazvo!' Zvino mapurisa akatanga kurova vanhu vose vakuru navadoko. Vakabata vamwe vakavawisira pasi vakavarova mumusoro nokumeso. Vakakakaradza vamwe vaKristu vachivakanda mumabhazi. Vakazadza mabhazi iwawo ose navaKristu vakaenda navo. Vanhu vazhinji vakaungana kuti vazoona zvakanga zvichiit.Irwa vaKristu. VaKristu vachizoendwa navo, vakaramba vachingoimba nziyo dzaMwari.
Zvapakanga pasina munhu waiziva kuti vaKristu ivavo vaiswepi, vamwe vatungamiriri vaviri vavaKristu vanonzi Yins naHorev vakashinga vakaenda kuhofisi iyoyo vakandobvnnza kuti, vaKristu vaiswepi uye kuti vangasunungurwa here? Tinoona kuti vanhu ava vaviri vakaita zvakaita Jesu naJohane mubhapatidzi kare. Nokuti Johane abatwa Jesu wakangoramba achiparidzawo ipapo, mashoko iwawo akanga arehwa naJ ohane anoti, 'Pindukai, nokuti Ushe hwokudenga hwaswedera pedyo.' Zvino vatungamiriri ivavo vaviri vakabatwawo vakasazoonekwazve. Vanhu vakazonzwa kuti vakaiswa mujere reLefortovskaia.
Ko vaKristu ivavo vekereke iya inobata pakavanda vakatyisidzirwa nezvinhu izvi here? Kwete, havana kutya. Vamwe vakazoshinga vakanyora rondedzero yatamupaiwo pano. Vakawedzera shoko rinoti, "Nokuda kwaKristu, imi makapiwa nyasha, dzisati dziri dzokuti mutende kwaari bedzi, asi kuti mutambudzikewo nokuda kwake (Firipi 1:29).' Vakakurudzira vaKristu vachiti 'Kurege kuva nomunhu anozununguswa namatambudziko iwawo nokuti imi munoziva pachenyu kuti takamisirwa zvinhu izvozvi' (1 Tes. 3:3). Vakanyorawo mashoko ari paVaHeberu 12:2 vachirayira vaKristu vachiti, vaKritsu vatarire kuna J esu, iye muvambi nomukwanisiri wokutenda kwedu wakatsunga pamuchinjikwa nokuda kworufaro rwakanga rwakaiswa mberi kwake, akashoora kunyadza kwavo.
88
Kereke iya inobata pakavanda inoramba dzidziso dziya dzinodzidziswa vana dzinoti hakuna Mwari. Vekereke iyoy1 vakaramba izvozvi pachena muguta reRostov nomuMoscow nokvmwe kwose kwosewo. Vanorambawo vatungamiriri vaya vekereke vakapanduk:ira kereke vachibetserana navakomunist. Mune rimwe bepa rakanyorwa nekereke iya inobata pakavanda makanyorwa mashoko anoti 'Mazuva ano Satani ndiye anorayira vatungamiriri vekereke, ivo vachingobvuma zvose zvavanorayirwa kunyange zvichipesana nemirayiro yaMwari.' Vakomunist vamene vakaona shoko irori vakarinyora mubepanhau iavo rinonzi 'Pravda Ukraini' nomusi wa 4 October, 1966.
Mune rimwe bepanhau rinonzi 'Pravda Vostoka' makanyorwa pamusoro pokutongwa kwavaKristu vatatu vanaAlex Neverov naBoris Garmashow naAxen Zubov. Vakapiwa 1nhaka yokuti vakakurudzira vamwe kuti vaterere paradhio mharidzo yaibva Amerika. Varume ava vakachengeta mashoko awa pa'tape' saka vakagona kuzoridzira vamwe vagonzwawo mharidzo iyoyi. Varume ava vakapiwawo mhosva vachinzi vakaita misangano yechiKristu asi asi ivo vamboti misangano iyi ndeyezvimwe. Saka mungaona kuti kereke iyi inobata pakavanda sezvaka1tawo vaKristu vokutanga paya pavakatambudzwa navaRoma, vakaita misangano yavo kumakuva.
Rimwe bepa ravakomunist rinonzi 'Sovietskaia Moldavia' rakanyorwa nomusi wa15 September, 1966 rinoti kereke yakavanda inonyora zvibhuku zvidokc zvechiKristu, vanhu vazhinji vachizvipiwa. Bepa iri rakatiwo, dzimwe nhambo vaKristu vanoungana pachena kunyange vasingatenderwi kuita izvozvo, uye vaKristu vanopota nedzimba dzavanhu vachivaudza zvaKristu.
Mumwe wakanyora mubepa irorowo achiti ini nda1va muchitima chaibva Reni chichienda Chisinau ndikanzwa majaya matatu navasikana vana vachiimba panhu pamwe, rwiyo runoti, 'Ngatizvikumikidzei kuna Jesu tichiri vadoko.' Munyori ndokuti ndakashamiswa zvikuru ndichinzwa izvozvi nokuti vaKristu vanoparidza pachena kwose bvose.
Vana ava vakapiwa mhosva yokuti vakaimba nziyo dzechiKristu vari muchitima. Mhosva yavo ikatongwa padare vakanzi ngavaiswe mujere. Ipapo vakagwadama vakazvikumikidza kuna Mwari vachiti, Tinomuvongai zvatakatenderwa kutambura nokuda kwaKristu. Zvino mumwe muKristu waivapo waka vamba rwiyo ruya rwakambenge ruchiimbwa navana ivavo muchitima runoti, Ngatizvikumikidze kuna Jesn tichiri vadoko. VaKristu vaivapo ndokuimba panhu pamwe.
89
Nomusi wa 1 May, rinova ndiro zuva guru ravakomunist, vaKristu vomumusha weCopceag novokuZaharovka vakandoungana mudondo vachiita musangano wechiKristu, nokuti havana imba yekereke.
Dzimwe nhambozve vamwe vaKristu vanoti, tinoita mutambo paimba tichifarira zuva rokuberekwa, izvo vachiita musangano wechiKristu.
Handiti munoona kuti vanhu ava havambotyi jere kana kutambudzwa. Kana vachinge votambudzwa, ndipo pavanonyanya kutsunga pakutenda kwavo.
Mubepa ravakomunist rinonzi, 'Pravda Ukraini' makanyorwa kuti muKristu anonzi Prokofiev mumwe mutungamiriri wekereke iri pakavanda wakarnboiswa mujere rutatu, asi kana achinge abuda otangazve pakarepo kupinza mapoka eSvondo. Saka akasungwazve rwechina. Wakanyora rimwe bepa rnkaparadzirwa richipiwa vanhu vazhinji richiti: "Kereke iya inotenderwa navakomunist haina makomborero aMwari nokuti inongotevera mirayiro yavanhu.
Zvino zvamunonzwa kuti wakaiswa mujere, musafunga kuti ijere rakafanana namajere ari munyika dzisati dzatongwa navakomunist. Mumajere avakomunist munhu anonyimwa zvokudya akafa nenzara chose achitambudzwa zvikuru kuti udangariro dzake dzikanganiswe agotenda kugamuchira chikomunist asingazivi chaanoita.
Mubepa rinonzi, 'Zivo Nokupira' regore ral966 (No. 9) makanyorwa shoko rinoti vamwe vaKristu vanotora mapepa echiKristu vachiaisa muna mamwe mapepa akaita sebepanhau, vachiagovera vanhu vazhinji. Uyezve vanotora zvipande zveBhai-
bheri voisa mumaputiro amamwe mabhuku vachipa vanhu. Rimwe bepazve (Kazakstankaia Pravda) rakanyorwa musi
wa30 June. 1966 rinoti vaKristu vanoimba nziyo vachitora maimbiro enziyo dzechikomunist vachiisa mashoko echiKristu. Saka munhu ari kure angati vanoimba zvechikomunist izvo vachiimba vachirumbidza Kristu.
Mubepa rinonzi, Bakinskii Raboni romusi wa27 April, 1966 makanyorwa tsamba nomumwe musikana anonzi Tania Ciungunova. lye waiva nhengo yoruwadzano rwavasikana rwavakomunist asi akazotendeuka akava muKristu. Zvino vakuru vavakomunist vakabata tsamba iyoyo vakainyora mubepa ravo kuti varatidze kuipa kwechiKristu. Tsamba iyoyo yaiti:
90
"Kwaziwai vatete Nadia, ko makafara here? Ndinomukwazisai muzita raShe wedu anodikanwa. Haiwa vatete ndinoshamiswa zvikuru kana ndichirangarira rudo rwaShe kwandiri kunyange ndisati ndiri chinhu. Ndinotenda kuti munonzwisisa shoko rake rinoti: 'Idai vavengi venyu, vaya vanokuvengai muvaitire zvakanaka, komborerai vaya vanokutukai, munyengeterere vaya vanokushonhai.' "
Vakomunist vabata tsamba iyi, vakafeya nyaya iyi vakawana munhu waitaurira majaya mazhinji zvaKristu, achitendeuka. Munhu iyeye wainzi Peter Serebrenikov. Zvino mubepa iri makanyorwawo mamwe ma�hoko akanga aparidzwa naye anoti: "Isu vaKristu ngativimbe noMuponesi wedu sezvaiita vaKristu vaya vokutanga. Murayiro wedu mukuru iBhaibheri. Hapana chimwe chinhu chatinotenda. Saka ngatishingaire kuti tiponese vanhu pazvitadzo zvavo, zvikuru majaya nemhandara. Munhu iyeye wakanzi namapurisa avakomunist "Ko iwe hauzivi here kuti bautenderwi kuudza majaya nemhandara zvaJ esu?'' lye akati, "Murayiro wedu rinongova Bhaibheri cJ1ete."
Bepa iri rinotiwo, "Doonai zvakaipa zvakapinda pavana. Vakomana navasikana vanoimba nziyo dzechiKristu. - Vanobhapatidzwa uye vanodzidzisa vamwe murayiro wakaipa zvj.kuru wokuti munhu ade muvengi wake.
Rimwe bepa rinonzi, "Bakinskii Rabocii' rinoti, kuna majaya mazhinji navasikana vari muruwadzano rwavakomunist izvo ivo vari vaKristu. Saka bepa iroro rinokurudzira vakomunist richiti. "Handiti zvikoro zvavakomunist zvinotorerwa simba, vana vasina hanya nazvo nokuti vafundisi vanogona kubata vamwe vana vachiri muchikoro chaimo."
Mubepa rinonzi 'Kazakstanskaia Pravda' romwedzi waJ une, 1966 makanyorwa kuti, tino urombo zvikuru tichinzwa kuti mukomana wakakunda vamwe vose muchikoro muKristu."
Mubepa rinonzi, 'Kirgizskaia Pravda' romusi wa17 Jun.uary, 1966 makanzi, Takawana bepa rakanyorwa pakavanda richirayira madzimai ari vaKristu richiti, Ngatibate panhu pamwe nokunyengetererawo panhu pamwe tichikumikidza vana vedu kuna Mwari, kubva pazuva rokuberekwa kwavo. Ngativabetsere kuti varege kurasika munyika ino.' 1
Saka muchiona kuti vaKristu vakagona kuita mabasa iwawa vakaakunda. ChiKristu chinogamuchirwa navamwe vana kunyange chichirambidzwa navakomunist.
91
Mumwe musi pepanhau rakatsikiswa rikatsanangura kuti mumwe musikana woruwadzano rwavakomunist wainzi Nina wakatendeuka aenda kumusangano wavaKristu waiitwa pakavanda.
Rimwe bepa rinonzi, 'Sovietskaia Justitia (No. 9) rinotsanangura pamusoro pamusangano wakadai wavaKristu. Iro rakati, "Musangano wakaitwa pakati pousiku. Vanhu ivavo vakauya kumusangano vaifamba vachiringa-ringa vachitya kunyange mimvuri yavo. Vakazara muimba iyoyo kuti nde, vakakoniwa kugwadama. Nokuda kwouwandi hwavanhu mwenje wakadzima nokushayiwa mweya. Vanhu vakatsva vakabuda ziya. Mumwe muKristu wakamira panze achirinda kuuya kwamapurisa." Asi uya musikana Nina, wakatendeuka wakati, ndakagamuchirwa navaKristu pamusangano wavo vachindifarira zvikuru. Zvino vamwe vaya vomuruwadzano. rwavakomunist kana vachindiona, havadi kundikwazisa, vanotarira padivi, vanondituka vachiti, iwe muBaptist.
Asi hazvinei, handine basa nazvo, Ndava muboka ravaKristu. Vamwe vakomunist vadoko vakazvikumikidzawo saizvozvo kuna Kristu.
Mubepa rinonzi Kazakhstanskai Pravda romusi wa 18 August, 1967 makanyorwa kutongwa kwavarume, vanaKlassen naBondar naTeleghin. Hatiudzwi kuti vakatongwa vachinzi kudini asi mhosva yavo yakanzi vakadzidzisa vana chiKristu.
MuSovietskaia Kirghizia romusi wa15 June, 1967 mununzi, vaKristu vamene ndivo vanosakisa kuti vabatwe nokusungwa navakomunist nokuiswa mujere. Vanonyora sokuti vakuru vavakomunist ndivo vasine mhosva, asi vaKristu ndivo vanovagombedzera kuti vaite basa irori.
Mubepa rinonzi, 'Pravda' romusi wa21 February, 1968, makanyorwa kuti madzimai navasikana vane zviuru zvamazana vakawanikwa vakapfeka mabhande ndokusunga madhuku ane ndima dzeBhaibheri neminyengetero. Mapurisa akafeya kwazvo ndokuwana munhu wakatanga izvozvo. Munhu iyeye waiva purisa ravakomunist wainzi Satasiuk waibva Linberst ari muKristu. Zvino awanikwa kuti ndiye wakaita izvozvi wakaiswa mujere.
VaKristu kana vachibvunziwa paya pavanenge vachiongwa pamatare, dzimwe nhambo vanopindura mhinduro dzinoshamisa, vachitungamirirwa naMwari zvirokwazvo. Mumwe mudz.imai wakabvunziwa nomutongi achiti, "Ko imi munokokera vanhu
92
kuti vapinde mukereke yenyu inorambidzwa nehurumende nemhaka yei?" Mudzimai ndokuti, "Vavariro yedu ndeyokuti, vanhu vose vapano pasi vatende kuna Kristu."
Mumwe musikana wechikoro waiva muKristu wakanzi nomutongi, "Kutenda kwako hakuwirirani noruzivo rwamazuva ano.'' Musikana ndokuti, "Gara munoziva kudarika vanaEinstein naNewton nhandi? Ivo zvavaiva vanhu vaitendawo wani? lye Einstein wakati, kana tikangotenda mashoko akapiwa vaJ uda kare tichitendawo mashoko aJesu tichirasha zvimwe zvakazowedzerwa naw.nhu, ndirwo rutendo ruchagona kunatsa nyika. Saka vanhu vose ngavaedze kuti rntendo urwu rukunde panyika." Ndizvo zvakareva Einstein womunovimba noruzivo rwake. Rangariraiwo Pavlov munhu wedu womuno muRussia wakasimbisa ruzivo zvikuru. Handiti waivawo muKristu? Ko Marx wakavamba chikomunist handiti wakanyorawo mubhuku rake guru achiti chiKristu nomutoo wokutenda kwavaProtestant ndizvo zvingapodza vanhu vane chirwere chezvitadzo. Iniwo 11dimene ndaiva nomwoyo wakarwara nokuda kwezvitadzo. Asi mukun.i wedu Marx ndiye wakandidzidzisa kuti ndive muKristu ndig0pora. Zvino imi munoti muri munhu waMarxwo mungagon<litongerei? Ipapo mutongi wakangoti tuzu akamutarira.
Mumwe muKristu wakanzi nomutongi, kutenda kwako hakuwirirani noruzivo rwamazuva ano. lye muKristu ndokuti, Handinzwisisi ruzivo rwamunotaura zvino. Handiti uya Simpson wakatanga kugadzira chloroform wakati, chinhu chikuru chandinoziva paupenyu hwangu hwose ndechokuti ndiri mutadzi asi ndakaponeswa nenyasha dzaMwari. Zvino imi mutongi hamudi kuti nditevere ruzivo rwomunhu wakadai here?
Tinonyanya kuona simba rekereke iya inobata pakavanda pakuzvikumikidza kunoita vanhu vayo. Havatyi kutambudzwa kana kufa. Vano ukama chaihwo naJ esu Kristu iye munhu wokurwadziwa (Isaya 53:3). Rudo rwavo naJesu Kristu ndihwo ukama hwavo hunovabatanidza asi hunobatanidzawo boka rose. Saka hakuna rimwe simba panyika ringagona kukunda kutenda kwavo.
Vamwe vakandinyorera tsamba vakaitumira pakavanda vachiti, "Hatikumbiri Mwari kuti tiitwe vaKristu vakanyany:1 kunaka, asi kuti tive vaKristu vanotevedzera vavariro yaMwari. Ndiko kuti tifanane naKristu tigotendawo kutambudzika nokutakura rnuchinjikwa sezvaakaita."
93
Jesu wakati vana vake ngavachenjere senyoka. VaKristu ivavo vanoderowo nokuti kana vachibvunziwa padare kuti vatungamiriri vavo ndi.vanaani, vanoramba kutaura, kunyange vachirwadziswa, zvakadini.
Mupepanhau rinonzi, Pravda Vostoka romusi wa15 January, 1966 munonzi mumwe mudzimai muKristu wakabvunziwa padare kuti ndianj wakakutendeusa? Mai ava vakati, Mwari amene ndiye wakandikweva kuti ndipinde muboka rake. Mumwe muKristu wakabvunziwa kuti mutungamiriri wenyu ndiani? lye akati, hatina mu.tungamiriri wapano pasi.
Vamwe vana vaiva vaKristu vakabvunziwa kuti, Ndiani wakamuratidzai kuti mubve paruwadzano rwavakomuni5t, nokurasha tayi tsvuku yavanopfeka? Vana vakati, tisu toga takangoda kuita izvozvi pachedu. Hakuna munhu wakatirayira.
Dzimwe nhambo kana vanhu vachibhapatidzwa panze, mufundisi anofumbira chiso chake nomucheka, vaya vanobhapatidzwa vanoitawo izvozvo kuti pagorega kuva nomunhu angavatora mifananidzo.
Mubepanhu rinonzi, Uchltelskaia Gazeta rornusi wa30 January, 1964 makanzi parnusha weVoroinin mudunhu reVolnecino Korskii, kwakauya rnunhu wakadzidzisa kuti hakuna Mwari. Apedza kudzidzisa vaKristu vakatanga kumubvunza mibvunzo iye akazokoniwa kupindura. Saka vaKristu vakati, Ko imi vakornunist rnakawanepi mirayiro yenyu yamusingagoni kutevera, inoti, usauraya, usaba? VaKristu ndokuratidza kuti mirayiro iyoyi inobva paBhaibheri nyange imi vakornunist muchiramba Bhaibheri.
Kereke inobata pakavanda inonyanya kutambudzwa mazuva ano
Nhasi vaKristu vekereke iyt1 inobata pakavanda vanonyanva kutambudzwa kudarika kare. Vanhu vokupira kwose vanotambudzwa munyika yeRussia. Tinonzwa kuti vaJuda vanotambudzwawo zvikuru. Asi kereke iya inobata pakavanda !"diyo inonyanya kutambudzwa. Mazuva ano tinonzwa murnapepanhau kuti vaKristu vornuRussia vazhinji vanosungwa nokutongwa. Pamwe takaudzwa kuti vaKristu vana makumi ma.sere navaviri vakapfigirwa rnuirnba munochengeterwa vanhu vanopenga. Zvino p.:!panhau rinoti pavanhu ivava vanhu vana makumi maviri navana vakafiramo kusati kwatongopera mazuva rnazhi-
94
nji. Hinzi, vakafa nokuda kweminyengetero mirefu yavaiita. Zvino ini ndinoti, Ko munyengetero murefu wakambouraya ani?
Ndinoziva kuti chinhu chakavauraya ndiko kurohwa nokutambudzwa kwavakaitwa.
Chinhu chinonyanya kurwadzisa vaKristu ndechokuti kana vakawanikwa vachidzidzisa vana vavo zvaKristu, vana vanotorwa vachindoiswa kumwe vasingazodzoki chose. Uye vabereki havatenderwi kuenda kundoona vana vavo.
Russia yakatendawo shoko rakarehwa neUnited Nations rokuti, Pakudzidzisa ngaparege kuva nokumanikidza pane zvoru
tendo. Vabereki vakanzi ngavave vane simba rokushara zvorutendo netsika dzingadzidziswa vana va vo.
Karev, mutungamiriri wekereke yeBaptist inotenderwa navakomunist wakanyora achiti, ndizvo zvinoitwa muRussia. Kuna vanhu vazhinji vanotenda nhema idzodzo dzaakanyora. Kana muchida kuziva chokwadi, tererai zvinorehwa navakomunist vamene mumapepanhau avo.
Mupepanhau rinonzi 'Sovietskaia Russia' romusi wa14 June, 1963 munorehwa kuti mudzimai muKristu, Makrinkowa wakatorerwa vana vake vatanhatu vachinzi, wakavadzidzisirei chiKristu. Mudzimai uyu wakaramba kuti vana vake vapfeke tayi tsvuku yoruwadzano rwavakomunist.
Mai ivavo pavakanzwa shoko iri rakatemwa nedare, vakati ndinotambura nokuda kwokutenda kwangu. Kunyange mai ava vakatorerwa vana vavo vanomanikidzwa kuti vavaripire mari yechikoro panodzidziswa vana vavo kuti hakuna Mwari.
Mupepanhau rinonzi 'Uchitelskaia Gazeta' makanzi mumwe muKristu anonzi lgnatii Mullin nomudzimai wake vakanzi varandure kutenda kwavo. Kana vakasadero vangatorerwa n1wana wavo womusikana. Mutongi wakati kwavari, Sharai zvamunoda, Mwari kana mwana wenyu. Mungada ani? Baba ava vakati ini ndinongorambira pakutenda ki.uangu.
Nyange naPauro wakati, Tinoziva kuti zvinhu zvose zvinoshanda pamwe kuitira vaya zvakanaka vanoda Mwari. Ini ndakamboona vana vakadzidziswa chiKristu vari vadoko vakazobviswa pavabereki vavo ndokundoiswa pazvikoro zvavakomunist. Asi havana kurasha kutenda kwavo. Ndivo vakatogona kudzidzisa vamwe vana zvaKristu muzvikoro izvozvo.
Bhaibheri rinoti, kana mtmhu akada vana vake kudarika Kristu munhu wakadai haakwaniri Kristu. VaKristu vari munyika dzavakomunist vanoziva kwazvo kuti mashoko iwawa akataurwa anobvirei.
95
Nhasi vakomunist vanoedza kuparadzanisa vaKristu navana vavo. Tinogona kuona izvozvi kana tichinzwa mashoko avakanyora vamene. Mupepanhau rinonzi Zuamia Iunotsi rakanyorwa nomusi wa29 March, 1967 munonzi. mumwe mudzim!:li anonzi Sitsh wakatorerwa mwana wake womukomana anonzi Vsetsheslav nokuti mai vaimudzidzisa zvaMwari. Panonziwo. vaZabavina veHabarovsk vakatorerwa muzukuru wavo. mwana womwana wavo wakafa, nokuti mbuya ava vakadzidzisa muzukuru wavo chiKristu chinonzi hachizi chinhu chinowirirana netsika kwadzo. (Izvi zvakanyorwa muSovietskaia Russia n0musi wa13 January, 1968).
· Kereke yaiva muRussia kubva kare nakare inonzi. 'Orthodox' yakafanana nekereke yeCatholic pazviito zvayo. Asi kuna vazhinji vakashanduka nokuda kwokutambudzwa kwavakaitwa navakomunist. Nokuti pavari vanhu vanosvika mamirioni namamirioni vakaiswa mujere. Imomo mujere vakanga vasina nhumbi dziya dzavaibata nadzo mukereke dzavo dzinoti, zvuma nemichinjikwa nemifananidzo yavatsvene vakafa kare, norusenzi, namakandyera. Nhengo dzekereke dzanga dzisina vapristi vaigona kuvaitira zviya zvavakajaira. Vamwe vapristi vakaiswawo mujere vasina nguo dzavo kana chingwa chechirayiro kana waini kana mafuta anoera kana mabhuku ane minyengetero yakarongwa ingaverengwa. Zvino ivo vakaona kuti munhu angasvika pana Mwari pasina zvinhu izvozvo. Saka vakatanga kunyengetera kuna Mwari mashoko aibva mumwoyo mavo asa.ti ari mashoko anobva mubhuku. Mwari wakabata mumwoyo mavo nesimba roMweya Mutsvene. Saka kwakava nevandudzo pavasungwa ivavo, vandudzo iyeyo ikazosvikawo mukereke.
Kunyange mukereke iya yeOthordox vamwe vanoshurnira Mwari pakavanda kunyange vachiitawo zviito zviya zv1n0itwa mukereke. Vamwe vakaurawa nokuda kwokutenda kwavo. Kwaiva nomumwe bishop wainzi Yermogen, weKaluga. lye wakati ke-, reke ngairege kubata panhu pamwe nehurumende yavakomunist. Nhasi hapana munhu anoziva pakaenda bishop Yermogen. Wakangonyangarika akasazoonekwazve.
Vakomunist vatobata zvino munyika yeRussia makore anodarika makumi mashanu. Asi nazvino mapepanhau eRussia anoti kereke inobata pakavanda iripo. uye yakasimba kwazvo. Kereke iyoyi ina vanhu vakawanda chose.
�su veRumania takagona kubetserawo paya pakauya varwi vavaRussia munyika yedu. Nokuti takaparidzira vanhu vazhinji shoko raMwari. Mbeu iyeyo yakazomera kwazvo.
96
Vakomunist vangatendeuswawo sezvinoita vamwe vanhu. Nyika dziya dzakabatwa navakomunist dzingapiwa shoko raKristu. Kunyange vaya vanotambudzwa vangatendeuswaw0. Asi vangangosvika pakuita izvozvo kana tichivabetsera isu.
Shoko iri randareva nderechokwadi. Kereke iya inobata pakavanda munyika dzavakomunist inoratidza kuti ndeyr.�hokwadi. Kereke iyeyo iripo munyika dzose dzavakomunist, kunyange rnunyika yeChaina.
Ndinoda kukuratidzai simba rokutenda kwavaKristu ivavo, vekereke iyoyo. Saka ndichanyora pano dzimwe tsamba ctzakanyorwa munyika yeRussia navamwe vaKristu
Varia musikana womukomunist wakatendeuka, akaparidrira vamwe, ndokusungwa akaiswa paya pa.nobatiswa vanhu senhapwa.
Kune tsamba nhatu dzakanyorwa naMaria musikana waiva muKristu. Maria ndiye wakabetsera Varia kuti atendeuke.
Tsamba yokutanga:
... ............. ndichiri pano nanhasi. Vamwe vanondifarira asi vamwe vashoma havandifaririwo. Kuno mumwe musikana woruwadzano rwavakomunist. Wakambonditambudza achiti, 'Ko chinyi chaunoita? Ko t�ika dzako itsikai? Ndinoona kuti vanhu vazhinji vanokutuka nokukushoora. Nyange zvakadaro unongovasekerera vose.' Zvino ini ndakati, 'Mwari ndiye wakatidzidzisa tose kuti tide v.anhu vose nyange dzisati dziri shamwari dzeJu.' Musikana uyu wakarnbonditambudza zvikuru asi ndakamunyengeterera kwazvo. Wakazondibvunza :1chiti: 'Ko ungadidawo ini here?' Ipapo ndikarnurnbundikira tikachema tose panhu pamwe. Kubva ipapo tinonyengetera panhu pamwe nguva dzose.
Donyengetereraiwo rnusikana iveye. Zita rake ndiVaria. Kana tikaterera vaya vanorarnba kuti hakuna Mwari, tingafunga kuti ndizvo zvavanotenda nezvirokwazvo. Asi kana tikacherekedza kwazvo tingaona kuti varnwe vanongotuka havo Mwari nomuromo asi mwoyo yavo ichimutsvaka kwazvo. Mwoyo yavo inogomera nokuti vanhu ivava vanotsvaka rugare asi havaruwani. Ndiyo mhaka vachingogara vachishoora Mwari nokumuramba."
Ndini harna yako rnuna K1 istu, Maria.
97
Tsamba Yechipiri:
"Ndakambokunyorerai zvomusikana uya anonzi Vad;-i.. Kunyange aiti hakuna Mwari, wakazogamuchira Kristu kuti ave Muponesi wake. Anoudza vanhu mazuva ose achiti, Ini ndinotenda kuti Kristu ndiye Muponesi wangu. Hakuzi kufara ikoko kwandinoita mazuva ano ose.
Paya pakatanga Varia kutenda kuna Jesu wakanzwa mufaro chaiwo, asi wakanzwawo shungu, akati, Ndinorwadziwa mwoyo nokuti upenyu hwangu hwose handina kumboziva kuti Mwari aripo. Ipapo akati, kubva zvino zvondomuziva ndichamushumira nomwoyo wose.
Mumwe musi takaenda tose kune mumwe musangano wavakomunist paisimbiswa shoko rokuti hakuna Mwari. Tisati tasvikakako ndakanyevera Varia kuti angware kutaura kwake, asi iye wakandokoniwa kuzvidzora. Pamusangano uyu vanhu vakatanga kuimba rwiyo rwechikomunist asi Varia haana kuimba wakangoramba anyerer·�. Vapedza kuimba rwiyo irworwo, iye ndokukumbira kuti atenderwe kutaura. Akazopiwa dzoro rokutaura. Zvino wakasimuka akandomira mberi kwavose, akatarisana navanhu vose vaiva mumusangano uyu. Ipapo Varia akati, Ini ndinoda kukutaurirai kuti Kristu ndiye Muponesi wangu saka mundiregerere henyu. Ndinorwadziwa mwoyo nokuti ndakagara upenyu hwangu hwose ndichitenda nhema nokunyengerawo vamwe kuti naivo vatendewo nhema idzodzo.
Ipapo akavakumbira kuti varashe zvivi zvavo vagouya kuna Kristu. Vakanyarara vose vachiterera. Varia apedza kutaura wakaimba rwiyo rwechiKristu runoti, 'Handinganyari kuparidza Kristu wakafa akaratidza simba romuchinjikwa wake!'
Pakarepo vakomunist vakamubata vakaenda naye. Nhasi rava zuva repfumbamwe muna May, asi hatizivi paari. Mwari oga ndiye ane simba rokumuchengeta. Domunyengetereraiwo."
Ndini wako, Maria.
98
Tsamba yetatu:
Nezuro rakanga riri zuva rechipiri raAugust. Ndakaenda kujere kundoona Varia. Varia anonzwisa urombo chose, n0kuti achiri mwana muduku wamakore ane gumi namapfumbamwe. Kunyange pane zvokutenda achiri muchechewo. Asi anoda Ishe nomwoyo wose. Haatyi kutevera Ishe wake kunyange paya panogozha. Isu takazonzwa kuti ari mujere, tikamutumira zviputwa zvezvokudya. Asi haana kupiwa zvokudya zvose zvatakamutumira.
Ndichimuona ndakanzwa urombo nokuti wakangwarangwanduka kwazvo, anoratidza kuti haane simba chose uyewo iye anoti wakarohwa kwazvo. Asi pachiso anoratidza kuti anorugare rwaMwari, uye mufaro usati uri wenyika ino.
Mamboona, vanhu vasina kumbopiwa rugare urwu rwaKristu havanganzwisisi zvinhu izvozvi. Asi vaya vakambopiwa rugare urwu, vanofara chaizvo. �su tinogara naKristu n�uva dzose saka hatiregi kumushumira kunyange tichitambudzwa.
Ndakataura naVaria ari seri kwamatanda esimbi. Ndakati, 'Ko haurwadziwi mwoyo here uchiti, ndakataurirei pamusa:1gano uya?' lye akati, 'Kwete, kunyange vakandisunungura nhasi ndichaendazve ndikandovaudza zvorudo rwaKristu. Musafunga kuti ndinotambura kwete. Ndinofara kuti ]jshe mupenyu anondida zvikuru saka achindipa mufaro nokutsunga.'
Zvino hama dzangu, ndinokumbira zvikuru kuti munyengeterere musikana uyu. Kuda uchatumwa Siberia kuya kun0tumirwa vanhu vasingazoregedzwizve. Vakamutorera hanzu dzake nezvimwe zvake zvose. Wakasara asina chinhu asi hanzu dziri pamuviri dzoga. Haana hama dzingamubetsera, saka isu tisu tingamutsvakira zvimwe nezvimwe zvaanoda. Mari iya yamanditumira inongovapo nazvino. Kana akazonzi aende kuchibharo, ndichaitora ndigomupa. Ndinotenda kuti Mwari achamubetsera kugona kutsunga nyange nemberiwo. Mwari ngaamunzwirn nyasha pamatambudziko ake."
Ndini wako, Maria.
99
Tsamba yechina: (yaka.nyorerwa Maria naVaria)
Kwaziwa Maria, Ndinofara zvikuru kuti ndingakunyorerai tsamba iyi. faka
svika zvakanaka hedu uno. Kubva mudhorobheni riri pedo nesu kusvika pan10 patinogara mmmsasa mamaira ane gumi. Handtngamutsananguririi zvomugariro wedu kuno, asi imi mungangozvizivavo henyu moga. Ndinovonga Mwari wakandipa simba rokuti ndibate basa iri rinorema kudai. Ndakaiswa panhu pamwe nomumwe muKristu. Takanzi tibate panhu pamwe nemichini. Asi basa rinogozha kwazvo uye uya wandinobata naye haana ukukutu. Saka ndinobata basa rangu panhu pamwe nerake Tinobata nguva dzine gumi nembiri kana nenhatu pazuva. Tinopiwa zvokudya zvishoma chose. Asi handizvo zvandanga ndichida kukunyorerai pamusoro pazvo.
Ndinovonga Mwari zvikuru nokuti wakamutumai kuti mundibetsere kuti ndigotendeukawo. Ndava munhu mutsva, npenyu hwangu hw�kashanduka chose. Kubva pandakatendeuka. udakatanga kuziva pandinoenda, uye ndinozivawo wandinotarnburira. Ndinoshuva kutaurira vanhu vose vagoziva mufaro unowanikwa pakuponeswa, nokuti mwoyo wangu unofara kwazvo, Ko zvino ndiani angatiparadzanisa norudo rwaMwari ruri muna Jesu Kristu? Hakuna. Kunyange jere nokutambudzika hazvingatiparadzanisi. Matambudziko awa atinotumirwa naMwari ndiwo anotisimbisa pakutenda kwedu. Mwoyo wangu uzere nenydsha dzaMwari. Kana tiri pabasa ndinositukwa nokupiwawo basa zhinji nokuti ini handinyarari, ndinongotaurira vanhu vose ndichivaudza zyandakaitirwa naShe. Ishe wakandishandura akandiita munhu mutsva, iyeni ndaiva panzira inosvika pakuparadzwa. Zvino ini ndingagonyarara seiko? Handigoni. Mazuva ose ndichiri mupenyu, ndichaudza vamwe zvorudo rwake.
Tichiuya kuno kumisasa takasangana navanhu vazhinji vari hama dzedu muna Kristu Jesu. Chinhu ichi chakandishamisa. Mweya waMwari wakandiratidza pamwe kuti vanhu ava vari vana vaMwari, kunyange ivo pachavo vasina kutiudza .izvozvi. Vanozikanwa chose.
Tichiuya kuno nechitima takamira pane chimwe chiteshe mumwe mudzimai wakauya kuzotjpa zvokudya, achingoreva sh.oko rokuti, "Mwari Mupenyu."
Takasvika kuno zuva ravira, tikaiswa mudzimba dzakacherwa pasi. Tichisangana navaya vaivamo takati, "Rugare nga-
100
ruve nemi" Takafara tichinzwa vachipindura vachiti, "Tincmuchingamidzai norugare." Saka takaona pakarepo kuti tine hama ipapo
Tina vazhinji pano vanovirnba naJesu kuti ndiy·� Muµvnesi wavo. VaKristu vakawanda kuno kudarika vaya vasingalendi. Tine vamwe vanogona kuimba kwazvo, uye kuna vamwe vanogona kuparidza. Saka manheru kana tichinge tabva kubasa tinogara panhu pamwe tichirumbidza Muponesi wedu. Paya pana Kristu ndipo pano rusunungukowo. Ndakatodzidza dzimwe nziyo zhinji dzechiKristu pano ndikadzidzawo shoko ra· Mwari. Ndakatanga kurangarira zuva rokuponiwa kwaKristL1 pano. Handimbozorikanganwizve. Takabata basa sarnazuva ose. Asi usiku takaenda kurwizi kwakandobhapatidzwa vamwe vatsva. Ini ndakabhapatidzwawo panhu pamwe navamwe vanomwe. Hakuzi kufara kwandinoita zvino. Ndinomushuva zv1h.uru, Maria, ndichiti deno taigona kuva panhu pamwc ndigok uratidzawo rudo rwangu sezvo ndakambodeya kukuresvera. Asi Mwari ndiyc hake anotituma pose paanoda achida kuti timurumbidze chero papi napapi patinenge tiri.
Mundionerewo vana vaMwari vose variko. Mwari ng iakukomborerei mose sezvaakand.iitirawo ini. Ravai vaHeberu 12: 1-3.
Hama dziri kuno dzinokukwazisai. Tinovonga Mwari. kuti kutenda kwenyu kwakasimba, zvamunomurumbidza kunyange pakutambura kwenyu. Kana muchinge muchinyorera vamwe vaKristu, muvakwazisewo vose nomufaro.
Ndini wako,
Varia.
Tsamba yeshanu:
Kwaziwa Maria,
Ndinofara zvikuru nokuti ndazowana chinhambo chokukunyorerazve tsamba ino. Ndinofara nokuti Mwari anondinzwira ngoni. VaKristu vari kuno vanofarawo.
Zvino tava kuno. Takatumwa kuno tichinzi tigare kuno. Takagarnuchira zviya zvarnakatiturnira saka tinornuvongai. mose.
101
Chatinonyauya kufarira ndechokuti makagona kutitumirawo Bhaibheri. Kana muchinyorera vamwe vose itii, zvanzi tinuvonga zvikuru pamusoro peBhaibheri.
Mwari wakandiratidza kuti rudo rwake chinhu chikuru, chinokoshawo Saka pavanhu '1ose vapanyika ndini ndinonyanya kufara. Matambudziko andinosangana nawo pano, ndinoti nd:dzo nyasha dzaMwari. Ndinovongawo kuti Mwari wakanditendera kuti nditambudzike kubva musi uya wandakatanga kutend,1 kwaari. Mundinyengetererewo mose kuti ndirambe ndiri wakatendeka kusvika pakuguma.
Mwari amusimbisei mugogona kurwawo muhondo iyi. yatiri. Ini nehama dziri uno tinomukwazisai zvikuru mose. Mu
sarwadziwa mwoyo kana motirangarira. Kuda tichatumwazve kumwe. Asi hazvinei hazvo. Kana tasvikako, tichaedza kukunyoreraizve. Musatichema. Isu tino mufaro mukuru chaizvo, nokuti mubayiro wedu wakatimirira kudenga.
Ravai Mateo 5:11-12.
Ndini wako, Varia.
Iyi ndiyo tsamba yokupedzisira yakanyorwa naVarh, nmsikana mukomunist wakatendeuka akatongerwa kuenda h!chibharo. Wakazonyangarika, kukasava nowakaziva kwaabb,wa. Asi rudo !Wake nesimba rake rokutaura zvaKristu rinora1idza �imba nokunaka kwekereke inobata pakavanda munyika dzavakomunist.
CHITSAUKO 7
Shoko randakanzi nekereke inobata pakavanda ndimutm�rirei imi
Vanhu vaya vari mukereke inobata pakavanda vakati, ini ndive muromo wavo asi ini handikwanisi kuva muromo wekereke yakadai iri mutezo unokosha zvikuru pamuviri waKristu.
Ndichiri munyika dzavakomunist, ndaivawo mumwe mutungamiriri wekereke inobata pakavanda. Mwari wakaita nenji
102
kuti ndigone kurarama makore gumi namana ndiri mujere ndichitambudzwa.
Pamakore iwawo ndakamboiswa mune imwe imba inonzi imba yokumirira rufu, kwamakore ma viri ndichigara ndoga. Mwari ndokuita nenji rinoshamisa kwazvo nokuti wakandjhvisa mujere akanditendera . kuti ndiuye kunyika dzichakasum mguka ndigoudza vanhu zvekereke inobata pakavanda.
Saka ndiri pano nhasi ndichikuudzai pamusoro pavaKristu vakaurawa vakavigwa mazita avo akarega kunyorwa pamakuva avo. Ndinokuudzaiwo zvavaK11stu vaya vanoungana mumatondo nomumatongo nokumwewo kwose vachishumira Kristu.
Kereke jnobata pakavanda munyika yeRumania ndiyo yakati ini ndibve ndigozotaurira vaKristu vari panze. Mwari wakaita nenji ndikagona kuuya ndikazoita basa randakatumwa navaKristu vachiko vanotambura vachiurawawo nokuda kwokutenda kwavo.
Shoko randakapiwa kuzokuudzai nderiri: "Musatisiya tiri toga." "Musatikanganwa wo." "Regai kuti hazvichabetseri." "Tipeiwo nhumbi dzokubatira Mwari nadzo, dzinoti ma
Bhaibheri namamwe mabhuku echiKristu. Isu tichabata nezvose zvamuchatuma kunyange tichitambudzwa kana tichinge tabatwa." Ndiro shoko randakatumwa naro kwamitri kuzokuudzai.
Ini ndinotaura ndiri muromo wekereke iya inorambjdzwa kutaura asi ichinzi ingonyarara kunge mbeveve.
Chidonzwai kuchema kwehama dzenyu dziri munyika dzavakomunist. Havakumbiri kuti vabvemo kana kuti vagaremo norunyararo bodo. Asi vanokumbira kuti muvatumire zvinhu zviya zvingavabetsera kuti varwe noushati hunodzidziswa vana vavo vachinzi itii hakuna Mwari. Vanokumbira maBhaibheri nokuti vangagoparidzira vamwe shoko raMwari sei kana vasina maBhaibheri.
Kereke iya inobata pakavanda yakafanana naDhckotera anofamba rwendo ari muchitima, kana chitima ichi chikabl•nderana nechimwe chitima, vanhu vazhinji kwazvo vakakuvara iye ndokungovatarira nameso achiti ndingagodini ndisina makona angu! Dai ndanga ndina makona angu pano! Ndingadai ndabetsora vanhu ava vose.
103
Ndizvo zvakaitawo kereke inobata pakavanda. Vanoda kubata basa rokuponesa vamwe kunyange vachitambudzwa havo, vachipfigirwa mujere kana kuurawa. Asi vangagoitei kana vasina nhumbi. Saka vanokumbira vachiti, tipeiwo nhumbi dzatingabata nadzo basa iri dzinoti maBhaibheri, neVhangeri ctuku dziya namamwe mabhuku echiKristu, isu tigobata basa iri.
VaKristu vari pan7.e vangabetsera
MuKristu mum we nomumwe angabetsera kana achiita izvi: Vaya vanoramba kuti hakuna Mwari havatendiwo kuti
pangava nezvimwe zvisingaonekwi zvine basa paupenyu hwomunhu. VaKristu vangavabetsera kana vasingangovimbi nezvinhu zvavanazvo zvinoonekwa asi kana vakafamba nokutenda vano ukama naMwari asingaonekwi.
Vangabetsera kana vachigara vakatendeka vakazvikumikidza kuna Mwari. Vangabetserawo kana vachibvunz.a vakomunist kuti nemhaka yei vaKristu vachitambudzwa munyika dzenyu nokuda kwokutenda kwavo.
VaKristu vari munyika dzichakasununguka vangatibetsera kana vachinyengeterera vakomunist kuti vatendeuke.
Kuda imi mungati munyengetero wakadai haubetseri chinhu. Nesuwo tainyengeterera vakomunist tiri mujere asi taizoona kuti chifumi chamangwana vakomunist vonyanya kutirova. Zvino dorangarirai kuti Jesu wakanyengetererawo Jerusarema asi \-anhu veJerusarema vakabva vomurovera pamuchinjikwa. Asi kwakangopera mazuva mashoma oga vanhu vane zviuru zvitatu vakatendeuka musi mumwe pazuva rePentekosta. Saka munyengetero iwoyo wakanzwikwa. naMwari. Mwari angakomborera muKristu anonyengetera zvikuru kunyange munyengetero wake uchiita sokuti haunzwikwi wose.
Panhambo yehondo ini navamwe vaKristu takanyengeterera Hitler navanhu vake. Ndinotenda kuti minyengetero yedu iyoyo yakazobetsera kuti vakundwe.
Takarayirwa kuti tide vamwe, zvino vakomunist ndivo vamwe vatingada.
Jesu wakataura zvamakwai ake achiti, "Ini ndakauya kuti ave noupenyu, uye ave nohwakawanda kwazvo." VaKristu vakakoniwa kupa vamwe vanhu vose upenyu ihwohwo hwakawanda. Kuna vamwe vakasara vasina zvinhu zviya zvinodikanwa paupenyu hwomunhu. Ndivavo vakaramba Mwari vakazova
104
vakomunist. Dzimwe nhambo ndivo vakanyimwa zvinhu n�vamwe. Ndiyo mhaka vakazomera ruvengo navamwe vanhu vakada kurwa navo. Kunyange tichirwa nezvinhu zviya zvavanodzidzisa, ngatirwe murudo tichirangarirawo nhamo dzav1).
Iisu tingava nemhosva kana vamwe vanhu vakakwezvwa navakomunist Kana tikarega zvimwe zvinhu zvataigona kuita tingavawo nemhosva.
Zvino chatingaita ndechokuti tide vakomunist. Asi rudo rwandinoreva pano hakuzi kushamwaridzana nechikomunist kwete. Basa ratakapiwa isu tose, nderokuti tivanyengeterere.
Ndinoziva kuti rudo urwu rwandinoreva pano, harungadzimi chikomunist. Kana vakuru venyika vachiona kuti kuna makororo namabhinya, hazvichabetseri kuti vabate norudo rwoga. Asi ngavabate namapuris& navatongi namajere. Kana tingava navafundisi veshoko raMwari voga hazvingabetseri. Makororo iwawo kana asingabvi pakuipa kwawo ngaaiswe r11ujere. Saka pane basa rinodikanwa kuti riitwe navatongi venyika uye navaya vanobata nezvemari uye vanodzidzisa. Nokuti vakomunist imbavhawo. Munhu anopamba fuma yomumwe ane mhosva. Zvino vanopamba vanhu vazhinji panhu pamwe nen) ika yavowo.
Asi vafundisi navaKristu vose, vane basa rokuvigira vakomunist shoko raMwari. Izvi ndizvo zvavanoda kuitirwawo vaya vakarambwa navakomunist. Tivanyengetererewo norudo tichivanzwira tsitsi.
MaBhaibheri nezvipande zveBhaibheri zvinodikanwa
VaKristu vari panze vangabetsera zvikuru kana vakatuma maBhaibheri kunyika dzavakomunist. Pane mitoo yokuruma maBhaibheri namabhuku echiKristu kunyika idzodzo. Ini ndimene ndabvako ndakatotuma rnabhuku mazhinji akasvika. Isu tinoziva mitoo mizhinji yokutuma mabhuku chero vaKristn vakatipa betsero iyoyo. Ndichiri Rumania, ndakawana mamwe maBhaibheri akatumwa navaKristu, ndikagona kupa vaKi'istu voko. Saka musazvinetsa muchiti maBhaibheri angasvjkako sei.
Rangarirai kuti havana maBhaibheri chose ikoko. Luna vaKristu vane zviuru zvamazana munyika yeRussia nedz,:i.nwe nyika dzavakomunist vasina kumboona Bhaibheri. Vamwe vakatogara makore ana makumi matatu, vamwe vana makumi ma� shanu vachitsvaka kuva neBhaibheri, asi vasingariwani.
105
Mumwe musi ndichiko vamwe vanhu vaviri vakasvika kumba kwangu. Vakabva kumisha yavo vakandosevenza dhorobheni mwedzi mizhinji vachitambura nechando. kuti vawane mari yokutenga Bhaibheri. Vakati kwandiri, kunyange nmkatiwanira henyu Bhaibheri rakasakara zvakadini tingafara ,·hose uy,� tingadzokera kumusha kana tichinge ta:riwana. Zvino ini ndakanga ndawana mamwe maBhaibheri matsva akatumwa navaKristu veAmerika. Saka vanhu ava vachiuya kumba kwanau ndakavapa Bhaibheri dzva. Vakafara zvikuru vakandipa m;rl yavakanga vatamburira mwedzi mizhinji vachiibatira panhambo yechando. Asi ini ndakaramba kuitora ndichiti, torai henyu kwoga nokuti makatumirwa Bhaibheri iri nehama dzenyu dziri kure. Vakadzokera kumusha kwavo vachipembera. Mazuva mashoma apera, vanhu vomumusha mavo vakandinyorera tsamba vachindivonga pamusoro peBhaibheri irori randakavapa. Vakakutsirana kunyora tsamba iyi vaisvika makumi matatu. Vakandinyorera vachiti, Takanatsa kutsemurirana Bhaibheri riya tikaita zvipande zvina makumi matatu tikagovana kuti imba jmwe neimwe iwane chipande cheBhaibheri, Zvipande izvi ndizvo zvinopota nedzimba dzose tichiita madzoro okuzvirava.
Ndakambonzwa muKristu womuRussia achidembetera kuti apiwe peji i�nwe yeBhaibheri. lzvi zvinoratidza kuti vanhu voko vanoda Bhaibheri zvakadini. Vamwe vanosvika pakubvisa n'umbe vachiti vangowana Bhaibheri rimwe haro. Ndinoziva mumwe munhu wakatengesa mhete yake yendarama yaakaisirwa musi waakachata akatenga Testamente Itsva yakasakara chose.
Saka ndizvo zvamungaitawo imi. Mungatuma maBhaibheri neTestamente ikoko.
Chimwe chinhu chatingaita ndechokubetsera kuti mabhuku mazhinji atsikiswe, tigoatumako. Mabhuku anodikanwa z.vJkuru ndiwo aya angabetsera vanhu "aya vanogara vachidzidziswa kuti hakuna Mwari. Vakomunist vakagadzira bhuku rinokwa.nira vana vadoko vachangotanga kuverenga vachidzidziswa kuti hakuna Mwari. Zvino bhukn rakadai rinogadzirirwawo vana vakuru kuti naivo varambe vachingodzidziswa nhema idzedzo. V aKristu vachigere kumbonycra rimwe bhuku rinoreva chokwadi richirwisana nairori. Deno taigona kuita izvozvo nokuchimbidzika tingatsigira vaKristu variko pakutenda kwavo. Van-a vaduku · ndivo vanonyanya kukanganiswa navakomunist. Kunodikanwa mabhuku kuti vana vabetserwe.
Imi mose betserai kuti tiwane mabhuku akadai agotumwirwa vaKristu vomunyika idzodzo.
106
Chinhu chechina chatingaita ndechokubetserana nekereke iya inobata pakavanda. Tingavapa mari yokufamba kuti vagone' kuenda kwose kwose vachitaura navanhu vachiita mumwe mumwe. VaKristu voko vazhinji havagoni kutora rwendo vachienda kure nokuti mari yokufamba nayo nechitima kana namabhazi hapana, kana yokutenga zvokudya parwendo, havana. KLmyange tikavabetsera nemari shoma vangagona kubetsera vamwe kuti vasununguke pazvisungo zvechikomunist. Kuna ,,amwe vafundisi vakanga vasungwa mujere vakazobuda, asi ikozvinc havane zviunga zvingavachengeta kuti vaite basa. Asi vangagona havo kufamba nokuparidza kana vakabetserwa nokuti varombo chose.
Kuna vamwe vaKristuwo vangagona kubatira Mwari, asi havagoni kufamba nokuti havawani mari inoringana pamabasa avanobata.
Kuna vamwe vafundisi vekereke iya inotenderwa navakomunist ndiyo inotara mubayiro wavafundisi ivavo. Mubayiro wavo muduku chose saka vangabetserwawo kuti vagobata mamwe mabasa pakavanda.
Rimwe basa ratingaitawo isu nderokutaura shoko raMwari muradhio rigonzwikwa munyika dza vakomunist. Tingasimbisa kereke iya inobata pakavanda zvikuru kana tikagona kuvapa mashoko akadai. Hurumende yomunyika dzavakomunist inoda kuti vanhu vazhinji vave namaradhio kuti vagogona kunzwa mashoko echikomunist avanodzidziswa. Saka kuna maradhio ana mamirioni mazhinji munyika idzodzo. Takatotanga nehasa rokuvaudza shoko raMwari muradhio, asi iri rinoda kusimbiswa zvikuru.
Mhuri <havaKristu vaya vanotambudzwa
Hatingaregi kubetsera mhuri idzodzo. Kune zviuru zvizhinji zvavanhu vanotambura kudai. Kana baba vakasungwa vakaiswa mujere vamwe havatenderwi kubetsera mai navana. Vanonzi ngavatamburo vagoona kuipa kwakaita baba. Vamwe vaKristu vanotambudzwa mujere kusvikira vafa. Zvino kutambura kwavo kwapera, asi mhuri dzavo dzinongoramba dzkhitambura kusvika riini nariini? Ndingakuudzai pachena kuti dai pasina betsero yakabva pavaKristu vari mune dzimwe nyika, ini nemhuri yangu tingadai tisina kurarama, kusvikira zuva ranhasi.
107
Zvandinonyora mashoko iwawa, tinonzwa kuti muRussia nomune dzimwe nyika dzavakomunist vanhu vakatangazve kusunga vaKristu vazhinji. Vamwe vanourawa nokuda kwokutenda kwavo, saka mhuri dzavo dzinosara dzichitambura kwazvo. Tingagoregerei kuvabetsera? Kana pachinge pana vamwe vomune dzimwe nyika vanofa nenzara vaKristu vanoedza kubetsera vachituma mari. Ko zvino tingarega here hama dzedu dzichitambura kudai, munyika dzavakomunist asi tisingavabetseri.
Munyika dzeEurope mune Mission yakatobetsera chose ichitumira mhuri idzodzo mari nezvimwe. Asi betsero i)'oyo haikwani. Panodikanwa kuti vaKristu vazhinji vabetserewo.
Ini ndaitambudzwawo munyika idzodzo, ndakapukunyuka ndikauya uno. Zvino herino shoko randauya naro, ndichizokumbirira hama dzangu dziriko.
Ndivo vakandituma kuti ndiuye neshoko iri. Mwari wakandibetsera ndikapukunyuka ndiri mupenyu, ndichigonawo kutau ra nemi nhasi.
Saka ndamuudzai kuti kunoshayikwa shoko raMwari chose uye betsero ingapiwa mhuri dzavaya vakasungwa.
Zviya zvandaiva mujere ndakarohwa mutsoka dzangu, asi muromo wangu ndiwo wakachema. Ko muromo wangu wakachemerei iwo usina kurohwa? Wakachema nokuti muromo netsoka dzangu zvose ndezvomuviri mumwe. Saizvozvowo, imi vaKristu vari munyika dzichakasununguka, muri muviri mumwe navaKristu vaya vanorohwa mumajere avakomunist.
Ko imi hamunzwi kurwadziwa here? Tsika dzekereke yokutanga dzakanaka dzinoonekwa nhasi mukereke dzomunyika dza vakomunist.
Rangarirai kuti Jesu ari Getsimani achitambudzika nokunyengetera vanaPetrosi naJ ohane naJ akubosi vanga varipowo asi ivavo vakanga vavete. Ko imi mune basawo here nezviy� zvinoitwa munyika dzavakomunist nhasi. Ko munobetserawo vaKristu voko here? Chibvunzai henyu mufundisi wenyu na \1akuru vekereke yenyu kuti kereke yenyu ine zvainoitawo here zvokubetsera vaKristu ivavo.
Pane zvinhu zvikuru zvakashata zvinoitwa munyika idzodzo navakomunist. VaKristu vanotambudzwa nokuurawa t-ezvaiitwawo pamazuva ekereke yokutanga. Asi kereke zhinji dziri munyika dzichakasununguka dzinokotsira hadzitongozivi zvinoitwako.
108
Rama dzedu dziriko dzinorwa hondo hum kwazvo. As1 kereke dzomu<lzimwe nyika dzivete sezvakaitawo vanaPetrosi naJohane nafakubosi kunyange Ishe wavo akanga achitambudzika.
Ko iwe, ucharamba uvete ivo vachitambura vari voga here? Vanodanidzira vachiti, "Tirangarireiwo mugotibetsera! Mu
satirega tiri toga." Zvino iri ndiro shoko randakatumwa naro kuti ndizokuu
dzai. Izvi ndizvo zvinotaurwa nehama dzenyu dziri mukereke inobata pakavanda munyika dzavakomunist.
Kana muno mubvunzo kana betsero yamunoda kupJ, mu-nganyorera ava: ............................................................................. ...... .
Christian Mission to the Communist World P.O. Box 933,
Bulawayo.