sho56-0805 chechi uye chinhanho chayo vgrdownload.branham.org/pdf/sho/sho56-0805 the church... ·...

40
Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa mangwanani ano mumunamato, nokudaro tinoda kuti tose tiite izvozvo. Vana chiremba havasi kuziva. Vakapa chirwere ichi rimwevo zita, asi ndinofunga kuti vangoita rokufungidzira, ivo—ivo havazivi kuti chii. Asi, Kristu anoziva kuti chii. Ndinokwanisa kukuudzai kuti chii, dhiyabhorosi, ndizvo, ndiDhiyabhorosi. Zita ravanoda kumupa, harinei, zviri kwavari. Asi ndizvo zvaari, mweya wetsvina. Zvino, tose pamwe chete, pamwe chete iko zvino, “Only Believe,” munhu wose ngaaimbe. Only believe, only believe, All things are possible, only believe; Only believe, only believe, All things are possible, only believe. 2 Ishe achakupodza, musikana. Ngatinamatirei musikana uyu patava kukotamisa misoro yedu. 3 Baba vedu vari kuDenga, zviri kuratidzika sokunge ndiri kutadza kuzvibvisa mupfungwa dzangu. Musikana muduku uyu ari apo, ari kufa, mudikanwa womumwe munhu. Chisikwa Chenyu, zvino Satani ari kuda kuba hupenyu hwake huduku. Ndinonamata kuti muZita raKristu Mubvise ruoko rworufu, bvisai muvengi. Imi, Ishe, Makakwanisa kuvhura Gungwa Dzvuku, mukapa vana vaIsraeri, nhaka yeNyu, kufamba kwakanaka vachidarika gungwa vachienda munyika yevimbiso. Mwari, tinonamata nhasi kuti Mubvise chigumbuso chose murege mwana uyu ararame. Zvakapiwa kwatiri kuti tikumbire. Zvino, seboka ravanhu vano tenda maMuri, tinokumbira muZita raJesu kuti mwana uyu apodzwe. Ameni. 4 Nhasi ndiri kuuya kwamuri nomwoyo unofara nokuti ini—ndiri kuuya kwamuri zvakare muZita raShe Jesu. Ndakurumidza kuuya kumba kubva kuLouisiana. Ndafunga kuti zvichida kana ndikakurumidza kuuya musi weSvondo usati wasvika ndaizokwanisa kupinza Svondo. Zvino kunze kwakanga kuchipisa zvakanyanya kwazvo ikoko, zvokuti isu…kuno uku kuri nani, kuri kutonhorera mangwanani ano kwakasiyana nokuLouisiana. Haungagari mumba yakaita seino usina feni, kuLouisina, panofanira kuva nezvinopa mhepo kana kuti unofenda. 5 Zvino ndauya kuti ndizorore kwezuva rimwe kana maviri ndisati ndaenda, kuMaodzanyemba eSaskatchewana, svondo rinouya, iri kuPrince Albert. Ndiko kunogumira migwagwa yose panyika, kubva kune rimwe divi. Unoyambuka kuenda kune rimwe divi renyika pasina migwagwa, uye kuna maIndia

Upload: others

Post on 26-Aug-2020

4 views

Category:

Documents


0 download

TRANSCRIPT

Page 1: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

Chechi Uye Chinhanho Chayo

Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anodakurangarirwa mangwanani ano mumunamato, nokudaro

tinoda kuti tose tiite izvozvo. Vana chiremba havasi kuziva.Vakapa chirwere ichi rimwevo zita, asi ndinofunga kuti vangoitarokufungidzira, ivo—ivo havazivi kuti chii. Asi, Kristu anozivakuti chii. Ndinokwanisa kukuudzai kuti chii, dhiyabhorosi,ndizvo, ndiDhiyabhorosi. Zita ravanoda kumupa, harinei, zvirikwavari. Asi ndizvo zvaari, mweya wetsvina. Zvino, tose pamwechete, pamwe chete iko zvino, “Only Believe,” munhu wosengaaimbe.

Only believe, only believe,All things are possible, only believe;Only believe, only believe,All things are possible, only believe.

2 Ishe achakupodza, musikana. Ngatinamatirei musikana uyupatava kukotamisa misoro yedu.3 Baba vedu vari kuDenga, zviri kuratidzika sokunge ndirikutadza kuzvibvisa mupfungwa dzangu. Musikana muduku uyuari apo, ari kufa, mudikanwa womumwe munhu. ChisikwaChenyu, zvino Satani ari kuda kuba hupenyu hwake huduku.Ndinonamata kuti muZita raKristu Mubvise ruoko rworufu,bvisai muvengi. Imi, Ishe, Makakwanisa kuvhura GungwaDzvuku, mukapa vana vaIsraeri, nhaka yeNyu, kufambakwakanaka vachidarika gungwa vachienda munyika yevimbiso.Mwari, tinonamata nhasi kuti Mubvise chigumbuso chosemurege mwana uyu ararame. Zvakapiwa kwatiri kuti tikumbire.Zvino, seboka ravanhu vano tendamaMuri, tinokumbiramuZitaraJesu kuti mwana uyu apodzwe. Ameni.4 Nhasi ndiri kuuya kwamuri nomwoyo unofara nokutiini—ndiri kuuya kwamuri zvakare muZita raShe Jesu.Ndakurumidza kuuya kumba kubva kuLouisiana. Ndafungakuti zvichida kana ndikakurumidza kuuya musi weSvondousati wasvika ndaizokwanisa kupinza Svondo. Zvino kunzekwakanga kuchipisa zvakanyanya kwazvo ikoko, zvokutiisu…kuno uku kuri nani, kuri kutonhorera mangwanani anokwakasiyana nokuLouisiana. Haungagari mumba yakaita seinousina feni, kuLouisina, panofanira kuva nezvinopa mhepo kanakuti unofenda.5 Zvino ndauya kuti ndizorore kwezuva rimwe kana mavirindisati ndaenda, kuMaodzanyemba eSaskatchewana, svondorinouya, iri kuPrince Albert. Ndiko kunogumira migwagwayose panyika, kubva kune rimwe divi. Unoyambuka kuendakune rimwe divi renyika pasina migwagwa, uye kuna maIndia

Page 2: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

2 SHOKO RAKATAURWA

namaEskimo bedzi kwatiri kuenda panguva ino. Nokudarokunenge kuine vanhu vakawanda pamusangano uyu vanobvakose kose muCanada. Vamwe vavo vachabva kumaHombekombeokuMadokero, vakati, vari kuuya. Zvino ndinoshuva minamatoyenyu imi vanhu, kuti Mwari asangane nesu atipe zvinopfuurira,zvakawanda, kumusanganomukuru uyu kuti Arumbidzwe. Pavanamakore mana kana mashanu ndisati ndaenda kuCanada.Zvino ndine shamwari dzakatendeka kwazvo ikoko, vanhuvakanaka kwazvo.6 Uye vakatendeka pakuenda kuchechi. Hazvina mhosvakuti kuri kutonhora zvakadii, vanofuka magumbeze vogarapachireyi, votyaira mabhiza kwemamaira makumi matatu,kuti vaende kuchechi. Vanofamba muchando nezvimwe zvose,vakuru navaduku. Vanoungana pamwe chete. Zvino mhuri imwechete inoungana pamwe chete yotanga kufamba, ichienda. Ku—kuzvipira kwavanoita kunoita kuti vawane zvizhinji kubvamumusangano. Kana pasina kuzvipira, hapana zvakawandazvaunowana. Unofanira kuita zvimwe zvinhu zvinokurwadzazvakanyanya, kuisa zvimwe zvinhu padivi worega basa, woitaizvi neizvo, kuti uende kuchechi kuti uratidze Mwari kutiunoMuda, uye unozvipira kuti uende, ndipo paunowana chimwechinhu pazviri.7 Zvakafanana navana vangu. Billy Paul, ndakafunga kutindaizo…Handina kuwana chinhu pandakanga ndiri mwanamuduku. Mai vaiwanzowana saga rimwe chete rezvihwitsi uyevaizviverenga, vopa zviviri kana zvitatu kunomumwe nomumwewedu. Dzimwe nguva paKirisimasi taiwana kapembe kadukukana kapfuti kaduku kokutambisa, kana chimwe chakadaro.Zvino ndaiona vamwe vana vaine zvireyi namabhasikoronezvinhu, hanzu dzakanaka namabhachi anodziya. Zvinoini—ini, zvaindiita kuti ndisanzwa zvakanaka, ndakati,“Kana ndikazova navana vangu, ndichazoita zvinhu zvosezvandinokwanisa kwavari.” Zvino, ndingasarudza kusadyakuti ndigowana chokupa vana vangu. Zvino pandairarama…Billy paakanga ari mukomana muduku, ndakamutengerakabhasikoro kaduku, uye ndaimupa zvinhu zvose. Uye Medaaiedza zvose zvaaikwanisa, achishayiwa hanzu nezvimwe, kutiamuwanire chimwe chinhu. Asi unozivei zvatakazotanga kuona?Ndakamupa kabhasikoro kaduku, nouta nomuseve, nezvimwezvose. Asi ndaizomuwana a—ane chipunu kana chimuti, arikunze pachivanze, achichera pane imwe nzvimbo. Maona?Ndakati, “Vanotevera havazoiti sezvakaita uyu.” Maona?Ukangopa munhu zvinhu zvose muruoko rwake, haazozvidi.Chinofanira kuva chinhu chaanozvipira pachiri!8 Zvino ndizvo zvakaitavo ruponeso. Kuzvipira kuzere.Ndizvo zvazviri, Hama Roy. Ku—kuzvipira kwaunofanira kuitamazuva ose, chinhu chi—chinoita kuti uswedere pedyo naMwariuye kuti uite chimwe chinhu. Zvino ndinoziva kuti kuzvipira

Page 3: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

CHECHI UYE CHINHANHO CHAYO 3

kwenyu mose mangwanani ano, kuti mugare mumba muno murikupisa. Asi takagaramuno, ngatiisei pfungwa dzedu paChipirisochikuru chati chambopiwa vanhu, ndiJesu Kristu Akatumwapanyika kuti azofira vanhu. Kwete izvozvo chete, asi MweyawaKewakadzika kugehena ukagarakomazuvamatatu nohusikuhutatu, asi nezuva retatu Akamuka, uye iko zvino ari kumusoro,akagara kurudyi rwaMwari, kuDenga, achireverera pakupupurakwedu kweyananiso yaKe nenyasha dzaKe dzatakapiwa.9 Zvino uku…kumusoro uku kwatiri kuenda, kunengekuna vanhu vazhinji, varombo kwazvo, varombo kwazvo,vanotengesa mombe imwe, makwai maviri kana matatu,kana chimwe chinhu, kuti vauye kumusangano. MuEskimoanotengesa mamwe amatehwe ake, aanenge achida kuti abatsiremhuri yake, kuti auye kumusangano. Mutengesi wechiIndiaanoitavo zvimwe chete. Zvino, chatingaita kunamatira vanhuava, handizvo here? Uye tinonamata kuti Mwari avape chinhuchikuru.10 Zvino, kuri kupisa, handidi kukuchengetai nguva refu.Zvino tinoda kuti mangwanani ano tiise pfungwa dzedu,tisati tanamatira vanorwara, pamusoro wenyaya ChechiUye Chinhano Chayo. Uye, zvino, ndinonzwa kuti mazuvamashoma apfuura ndakapiwa Mharidzo yokupa chechindiri kuShreveport, Louisiana, uye ini—ini ndinotenda kutichinhanho chechechi. Zvino tichazotarisana naMwari nezvazvomangwanani ano, tonamata tichikumbira kuti Mwari atibatsire.Handisi kutarisira kuitora namaparidzire mamwe chete, asikukumbira kuti Mwari atibatsire muzuva rino ratiri kurarama.Zvino tisati…Iri iBhaibheri rakare, asi mariri muno HupenyuHusingaperi.11 Zvino rangarirai, Shoko ndiMwari, Mwari haana kusiyananeShoko raKe. Uye isu hatina kusiyana neshoko redu, zvinokana tikaita…Nokuti, zvino, iwe neni takasiyana—takasiyana,nokuti tino—tino kwanisa kuti, “O-o, ndichaita chinhu ichi,”tinenge tichizvirevesa mumwoyo yedu, asi zvimwe zvinhuzvinouya totadza—totadza kuita zvatakataura kuti tichaita. AsiMwari haakwanisi kudaro, nokuti haAgumirwi uye Anozivazvinhu zvose, uye zvose zvakanga zviripo nezvichazovapo. Kana,nokudaro, haAkwanisi kutaura chinhu chaAnozotadza kutiAtsigire.12 Zvino Abrahama, paakanga ava namakore zana, akatorazvinhu zvakanga zvisipo, sezviripo. Zvino ndiri kutaura izvi kutindikurudzire avo vachanamatirwa, vari kurwara. Abrahamaakatora zvinhu zvakanga zvisipo, sezviripo, achiziva kuti IyeAkapa vimbiso aikwanisa kuzadzisa, kana, kuti kuzadzisaizvo zvaAkanga avimbisa. Zvino, Mwari paakaudza Abrahama,paakanga ava …namakore makumi manomwe namashanu,naSarah ava namakore makumi matanhatu namashanu, kutivaizova nomwana, zvino, zvakanga zvisingakwanisiki zvachose.

Page 4: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

4 SHOKO RAKATAURWA

Zvino akazvitenda akatanga kutarisira mwana, akaita sokungemwana akanga atovapo kare, kwamakore makumi mavirinamashanu mwana asati auya. Zvino Abrahama akanga avanamakore zana pakazoberekwa mwana, uye Sarah akanga avanamakore makumi mapfumbamwe, nokuti akaMutenda. Uyeakatora zvinhu zvakanga zvisipo, sezviripo.13 Zvino, izvi ndezvaavo vari kurwara navari kutambudzwavachazonamatirwa. Hazvina mhosva kuti matambudzikoako akaita sei, kana uri…kana chingava chirwere chakadiichaunacho, kana zvakakuipira sei, kana ukagamuchira Kristu,Shoko raKe, ipapo unozodaidza zvinhu zvose zviripo, sezvisipo,kana zvichipesana neShoko raMwari. Zvino, Mwari akati,“Munamato wokutenda uchapodza vanorwara.” Zvino, kanaMwari akazvitaura, zvinobva zvakwana. Zvino ngatiiseipfungwa yedu, netariro yedu, toita sokunge zvakatoitwa kare.Zvakatopedzwa kare patinozvigamuchira.14 Ruponeso ruri nenzira imwe chete. Tinozvitenda,tozvigamuchira, tozvitenda mumwoyo yedu, tofamba tichiendapamberi paMwari togamuchira Kristu soMuponeso wedu,toMugamuchira. Kana uri pano mangwanani ano, uri mutadzi,usati waponeswa, uye uchida kupodzwa, uri kurwara, tangawatsvaga Ishe. MugaMuchire soMuponesi wako, zvino chirwerechinobva chatiza. Kana chingava chii, ingoisa pfungwa dzakodzose (zvose zvaunazvo) pano Munhu akakwana, Kristu Jesu,zvimwe zvinhu zvose zvinobva zvanaka.15 Nokudaro chengetai pfungwa dzenyu dziri pazviri, nokutindataura mashoko mashoma aya nokuda kwaavo vari kurwaranokutambudzika, zvino ndichazotaura mangwanani anopamusoro pechechi nechinhanho chayo. Nokuti kunyangendichinzwa kuti kupodzwa Kutsvene kwakanaka kwazvo, asipandakanga ndiri kuShreveport, ndakava nemisangano ingaitamitatu yokupodzwa pandakanga ndiriko, mitatu, kana kutiisingapfuuri, mina, kubva mumazuva gumi nerimwe atakangatiriko. Zvinekodzero yakanyanya kuti tiparidzire kumweyayavanhu pane kuti tipedze nguva yakareba pakupodzwaKutsvene. Kunyange vanhu vanorwara vane zvavanengevachida, Mwari anokwanisa kuvapodza. Zvino zvakatosimbiswapasi pose, kuti Anopodza. Asi chinhu chikuru, zvino, kumweyausingafi. Mutumbi unofa. Asi mweya haufi, zvino tinofanirakuuchengetawakanaka uyewakarurama panaMwari.16 Ndinosimbotaura izvi. Ndinoda kuti zvinhu zvose zviitwe,uye kana ndasvika parwizvi mangwanani iwayo, handididambudzikopo. Ndinoda kuva netikiti rangu muruoko rwangu,ndakamirira zita rangu. Uye ndinoda kutaura, saPauro wakare,Hama Creech, “NdinoMuziva musimba rokumuka kwaKe.” Kutikana Wodana vakafa, ndinozomuka kubva muguruva. NdinodakuMuziva musimba rokumuka kwaKe.

Page 5: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

CHECHI UYE CHINHANHO CHAYO 5

17 Nokudaro, zvino, Iye Ari Munyori weBhuku, ngatikotamiseimisoro nomwoyo yedu kwaAri kwekanguva.18 Zvino, Mwari, Baba vedu, tinouya kwaMuri iko zvino,tichikumbira kuti Muzarure Shoko reNyu kwatiri. Tingazaruramapeji, asi Mweya Mutsvene chete ndiwo unokwanisa kuzaruraShoko. Zvino Rizarurei kwatiri mangwanani ano, Baba,uye mutipe zvakawanda zvenyasha dzeNyu. TinomirirakwaMuri. Zvino dai Mweya Mutsvene wauya muShoko,waRipa kubudikidza nemiromo yavanhu kumwoyo yavanhu,uye dai Aritora nokuRiisa mumwoyo womumwe nomumwesezviri kutsvagwa. Zvino kana musangano wapera, tinengetagadzirira kudzokera kudzimba dzedu, tinozokotamisa misoronokuzvininipisa nokupa kwaMuri kutenda nokurumbidza,pane zvose zvatinenge tadzidza kubva kwaMuri nezvamunengeMatiitira. MuZita raKristu tinozvikumbira. Ameni.19 Tichaverenga Shoko, muna Johane, chitsauko 1, kunemimuna maBhaibheri uye muchida kuverenga neni kanakunyora gwaro racho pasi. Uye tichaverenga nyaya yachokubva muShoko, uye tozonamata, kuti Mweya Mutsveneuratidze kubva muShoko kuti utipe zvazvinoreva. TinokwanisakuRiverenga, isu tinokwanisa kuverenga tinokwanisakuRiverenga asi Mwari oga ndiye anokwanisa kuratidzazvazvinoreva. Zvakanyorwa zvinokwanisa kuverengwa, nokutiZviri muShoko raKe, asi zva—zvazvinoreva zvinopiwa naMwari.Zvino, muna Johane, chitsauko 1, ngatitangire pandima 28tiverenge kusvika pandima 32, pose.

Izvozvi zvakaitwa…mhiri kwaJoridhani,kwaibhabhatidza Johane.…ava mangwana wakavona Jesu achivuya kwaari,

akati, Tarirai Gwayana raMwari, rinobvisa zvivizvenyika.Ndiye wandaireva ndichiti, Shure kwangu

kunovuya murume wakava’po mberi kwangu: nokutiwakanditangira.Neni ndakanga ndisingamuzivi: asi iye…asi ndizvo

zvandakavuyira, ndichibhabhatidza nemvura, kuti a…avoneswe kuvaIsraeri.…Johane akapupura, akati, Ndakavona Mweya

achiburuka kudenga senjiva, akagara pamusoro pake.Ndinoda kuverenga izvi zvakare, ndima yokupedzisira,

ndima 32.Johane akapupura akati, Ndakavona Mweya

achiburuka kudenga senjiva, akagara pamusoro pake.20 Zvino dai Ishe awedzera maropafadzo Ake paShoko.Ndinoda kuti muedze ku—kubata Shoko rose kanamuchikwanisa. Muri kundinzwa here kumashure? Zvakanaka,

Page 6: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

6 SHOKO RAKATAURWA

muri kundinzwa here kumashure? Kana muri kundinzwa,simudzai maoko enyu. Zvakanaka.21 Zvino, ndinoda kutaura nemi mangwanani ano no—nomufananidzo, nenzira yokuti—yokuti munhu asingazivichinhu pano akwanise kunzwisisa. Zvino, tinouya kuchechikuti tive nani. Tinouya kuti tizova vanhu vari nani, maKristuari nani, vagari vomunyika vari nani, madzibaba ari nani,madzimai ari nani, vavakidzani vari nani. Tinouya nokutiKristu akatiudza kuti kana tikauya, tikakumbira chinhuchipi muZita raKe, patinenge takaungana pamwe chete tirivaviri kana vatatu, anenge Anesu uye anozotipa zvatinengetakumbira. Zvino, chii chingadarika kuziva, chingava nanikwatiri nhasi kupinda kuziva kuti tinouya kuchechi kuti tivevanhu vari nani, kuti tipamidzire kunzwisisa kwedu. Vanganivangati, “Ndizvo zvandiri kutsvaga pano”? Ngationei. “Ini ndi—ndinoda kunzwisisa kuri nani.” Zvino isu hati—hatikwanisikuva nokunzwisisa kuri nani kusiya kokunge…Zvino kanatichazova nokunzwisisa Mwari, kunofanira kubva muShokoraMwari, nokuti Shoko ndiro ratakapiwa naMwari kuti tidyepariri tigogutisa mweya yedu ine nzara. Zvino Mweya Mutsvenewakatumwa kubva kuna Mwari kuti utore Shoko raMwari uyekuti utigutse neShoko. Mazviona here? Maona, isu…MweyaMutsvene unotumwa kubva kuna Mwari, kuti utore ShokoraMwari uye uRipe kwatiri pane zvatinenge tichida. Zvino,ndinofara kwazvo kuziva kuti Mwari akatipa zvinhu zvakadai.Hamufarivo here? Kuti Aizotipa chikafu.22 Tiri makwai amafuro Ake. Tichataura pamusoro pazvokwenguva pfupi, makwai. Tiri muhutatu hwaMwari, zvino kanaAkakwanisa kutitonga zvizereAnozokwanisa kutitungamirira.23 Zvino, zvakafadza Mwari, kuti paAkatumira Jesu panyika,zvakaMufadza kuti Afananidzwe nemhuka, uye mhuka iyi yaivagwayana. Pakutanga, muBindu reEdheni, mumumvuri wokuuyakwaJesu, Mwari akapirisa gwa—gwayana kuti rifanomirirasomumvuri wokuuya kwaKristu. Zvino, ndaimboshamisikakuti sei Mwari akafanoratidza Kristu sechipfuvo, semhuka. Asitakazoona kuti Gwayana, chikonzero Akasarudza gwayana,gwayana ndiro rakanyorova nokupfava kudarika zvisikwazvose zviri panyika. Hapana chinhu chakanyorova nokupfavasegwayana duku, harina mhosva, harinzwi kuzvikwanirapacharo. Ha—harina kusindimara. Rakapfava, uye chisikwachiduku chakanyorova. Zvino Mwari paakaratidza Kristumumufananidzo kunyika, Akamufananidza negwayana.24 Zvino, asi Mwari, Mwari Baba, Jehovha, paAizozviratidzamumufananidzo kubva kuDenga, Akazvifananidza neshiriyakanyorova, inozvininipisa pane dzose dzinobhururukamudenga, iyi, injiva. Hapana shiri yakapfava senjiva.Ndakaverenga chaizvo pamusoro pohupenyu hweshiri nemhukadzomusango, zvino njiva ishiri yakasiyana neshiri dzose

Page 7: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

CHECHI UYE CHINHANHO CHAYO 7

dzinobhururuka. Njiva ino—no—no rudo. Njiva yakapfava,uye njiva haina nduru, ndiyo shiri yoga isina nduru. Ndichochikonzero usingaone njiva pose pose kusiya kwapane zviyonembeu.

25 Zvino, muareka, makanga mune njiva. Zvino njiva inowanikwa munzvimbo dzakawanda muBhaibheri. MufananidzowoMweya Mutsvene. Zvino gwayana rinowanikwavomunzvimbo dzakawanda muBhaibheri, saKristu, munaZvakazarurwa, kusvika kunaGenesisi, nenjiva zvakare.

26 Zvino muBhuku raGenesisi, njiva yakanga iri muareka,yakagara imomo ne—nedzimwe shiri dzose; zvino imweyeshiri idzi raiva savara, gunguvo. Zvino gunguvo ndiyo imweyeshiri dzakaipisisa, gunguvo nekorera, ndinofunga, ndidzodzimwe dzeshiri dzaunokwanisa kuwana dzakaipisisa. Gunguvorinorarama kwenguva yakareba kwazvo, rinorarama kwazvo(vanoti) zvichida, dzimwe nguva, kwamakore mazana mavirikana mazana matatu, zvino gunguvo…Parrot inoraramakwenguva yakareba kudarika iyi.

27 Asi njiva ndiyo mhuka yoga kana kuti imwe shiri yogaisina nduru. Zvino, gunguvo rinogona kugara apo rodyachitunha. Haumbooni njiva iri pachitunha. Haikwanisi kuzviita.Kunhuhwa kwacho mumhino dzayo, haingakwanisi kumirapo.Zvinoirwarisa. Haikwanisi kudya chinhu chinenge chava kuipa,chava kuora, haikwanisi kuzviita, haikwanisi kuzvidya. Kanaikadya, zvinobva zvaiuraya pakarepo, nokuti chinogaya chikafuinduru inoyerera ichipinda muhura ndiyo inogaya chikafu ichi.Zvino kana pasina nduru inosangana nacho, zvinozouraya njiva.Nokudaro nguva dzose unowana njiva pane chinhu chakachena,chinhu chakanaka.

28 Zvino, gunguvo rakasiyana. Zvino, cherechedza kutigunguvo mufananidzo womunyengeri. Gunguvo rinogonakugara pa—pachitunha pamadiro, robhururuka roendamumunda wezviyo, rodya zviyo zvakare. Asi njiva haikwanisikudya zviyo yobhururuka ichienda kuchitunha zvakare.

29 Zvino, munyengeri, munhu anenge ari munyengerianokwanisa kudya zvinhu zvomweya, zvinhu zvakanakanezvinhu zvakaipa. Asi muKristu akaberekwa patsvahaakwanisi kutora zvinhu zvakaipa, anokwanisa kungodyazvinhu zvakanaka chete. Cherechedzai izvozvo! Ukaonamunhu anokwanisa kuenda kudhanzi, oenda kundonwa,oenda kundorarama muchivi, odzoka kuchechi uye zvichidaodanidziravo sezvingangoita mutsvene, chii, munhuanongomedza zvose zvose, anokwanisa kudya zvinhu zvakaoranezvinhu zvakanaka. Asi muKristu chaiye haakwanisi kuitazvinhu izvi zvakare, nokuti akabva murufu ava muHupenyu.Uye pakarepo zvinozomupomera, kungofunga zvinhu zvakadaro

Page 8: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

8 SHOKO RAKATAURWA

chete, zvinomupomera kusvikira anobva atendeuka ozvisiya. O-o, mufananidzo wakadii!30 Zvino, gwayana rakapfava kwazvo. Harikwanisi,harikwanisi kuzvibatsira pacharo. Harizvimiririri roga, nokutiharikwanisi kuzvibatsira roga. Nguva yapfuura pandakangandichipfuura nomumafuro mandaisifamba, zvino ndakawanagwayana duku, uye mamwe ose akanga arisiya riri roga, uyerakanga ramoneredzwa newaya ine minzwa. Zvino gwayanairi rakanga rakarara ipapo, richibuda ropa richichema. Zvinondakasvika ipapo ndikaona nechokure kubva pandaiva,paisvika hafu yemaira, kwaiva nedanga rose ramakwai.Zvino, dai rakaramba rakarara ipapa makunguvo aiuyaotanga kuridya maziso dai takanga tisina kuribvisa ipapo. Asindakasunungura gwai iri, ndikaritakuramumaoko angu. Harinakuramba. Rakaramba rinyerere. Ndakaritakura mumaoko angu.Kokutanga—nguva yokutanga, zvichida kutakurwa nomunhu,asi rakaramba rakapfava. Rakanga richida kutungamirirwa.Rakanga richida kubatsirwa. Ndinofunga kuti muri kuzviona.Rakanga richida harina kuedza kurwisa kana kukava, kanakuruma. Makwai haakavi, haarumi; anozvininipisa. Zvino gwaiiri, ndakaritakura ndikandoriisa kwaiva namamwe makwaiose. Mumaminetsi mashoma mai wegwayana iri vakariwana,rakafara kwazvo! Zvino, zvino fananidzira sei GwayanaraMwari!31 Munoziva, pavanoenda kundouraya gwai, munoziva herechinotungamirira gwai kundourawa, imbudzi. Asi mbudziinotungamirira gwai kusvika parinochekerwa, zvino, nguvainosvika gwai parinochekerwa, mbudzi inosvetukira kunze.Asi, o-o, vanoti, pavanenge vava kuzouraya mbudzi, inorwisakwazvo. Maona?32 Zvino ndizvo zvinoitwa naDhiyabhorosi. Anoedzakutungamirira vana vaMwari kusvika panzvimbo yakaoma,asi kana nguva yokuti afe yasvika, anorwisa kwazvo. Ndizvozvinoitwa naDhiyabhorosi. Zvino ndizvo zvinoitwa dzimwenguva, nomusikana anoratidzika zvakanaka kana mukomanaane mano, anenge ane paketi yefodya nebhodhoro rewisiki,anotungamirira musikana kubva munzira kwayo, gwayana,nomwana womumwe munhu, kutungamirira kunzira isiriiyo. “O-o, zvakanaka. Hapana chinhu chakanaka pane izvizvokuenda kuchechi.” Asi rega rufu rusvike pamukomana uyu,unomunzwa ava kuchema, achidanidzira nyika yose. Zvinondizvo zvinoitwa naDhiyabhorosi.33 Asi gwayana rakapfava, zvokuti rinokwanisakutungamirirwa. Uye ndicho chikonzero Mwari akafananidziraKristu seGwayana, uye Iye seNjiva. Zvino pazuvarakabhabhatidzwa Jesu naJohane parwizi rweJoridhani, chimwechezviitiko zvikuru chati chamboitika, chakaitika ipapo.Cherechedzai kuti zvakanaka sei! Gwayana, rakanyorova

Page 9: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

CHECHI UYE CHINHANHO CHAYO 9

kudarika zvisikwa zvose zviri panyika, neNjiva, yakanyorovakudarika shiri dzose dzomuDenga. Zvino, ndiyo yaiva nzirayoga yokuti zvibatane. Ndiyo nzira yoga yokuti Njiva iuyepaGwayana. Zvino, Njiva payakadzika, Johane akaona Jesu,akati, “Tarirai Gwayana raMwari rinobvisa zvivi zvenyika.”Zvino Johane akati, “Ndakavona, Mweya achiburuka kudengaseNjiva, ukagara pamusoro paKe.” Hareruya! Hezvoka. NjivaneGwayana zvakabatana pamwe chete. Ndipo Mwari noMunhupavakazova chinhu chimwe chete. Ndipo pakambundiranaDenga nenyika. Hareruya! Ndipo pakaitwa Mwari nyama,akazviunza, ndipo apo Mwari akaburuka kubva muchinhanochoMweya akava Munhu akagara pakati pedu. Ndipopakabatana Zienda nakuenda rose. Ndipo pakabatana rudzirwavanhu vaAdhama naJehovha Mwari nengirozi dzose,pakaitwa Mwari nomunhu chinhu chimwe chete, muzuva guruiri rinorangarirwa pakabhabhatidzwa Jesu naJohane.

Zvino, dai paiva negava? Njiva inorira zvinotapira ingadaiisina kumbomira negava.34 Chii chinganakidza sokunzwa njiva dzichiimba panguvadzamanheru? Mushure mokunge mudzimai nomwana wanguvafa…Ndakanga ndisingadi kuti pawane munhu aizivazvandaiita. Ndaipinda mumotokari yangu, ndodhiraivhamotokari yangu ndodimbura nzira, ndoenda kumakuvaeWalnut Ridge, ndogara pasi pomuti ndakatarisa kuguva.Ndakanga ndisingachakwanisi kusavafunga. Zvaiita sokungendakanga ndisingachakwanisi kuzvitakura. Ndakaviga mwanawangu muduku, akanga akavigwapo, aiva nemwedzi misere.Asimbosimudza maoko ake maduku achida kundibata, uyendairidza bhero kwaari, iye woti “goo-goo,” osimudza maokoake maduku. Zvino ndaigara pasi pomuti, kunyanya pakunengekwava kuita manheru. Zvino paiva nenjiva yaiuya yomharamumuti, yotanga kuimba. O-o, imiwe! Ndaimbofunga kutipamwe mweya womwana wangu uri kuda kuuya kuzotauraneni. Hapana chinhu chinotapira sokurira kwenjiva. Ino rudo!Inounza nhau. Uye inoedza kuti pave norugare! Ndaimukamangwanani ngwanani, ndoenda kumasango ari pedyonepandinogara, uye chinhu chinopa rugare sei kuterera! Njivadzaigara mumuti mukuru wakareba, dzichirira imwe kuneimwe.35 Rimwe zuva, ndiri kweHama Cox, imwe njiva yakangaina manyana maviri. Zvino akanga ari pamusoro pemba, kutiasabatwe nekatsi. Zvino njiva iyi yaiapa zvokudya. Zvinoyakabva ipapo ikaaita kuti auye mumuti, zvino akagara imomoakazemberana, achiimba achifara, zuva rose, manyana maviri,manyana maviri enjiva akapfava.36 Zvino ndakafunga pamusoro paMwari, (njiva ishiriyakanaka kwazvo) uye Njiva, Mwari, achida kuita rudonavanhu vaKe. Mwari anoda kudiwa. Mwari anoda kukuratidza

Page 10: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

10 SHOKO RAKATAURWA

rudo. “Nokuti Mwari wakada nyika nokudaro, kuti AkapaMwanakomana waKe wakaberekwamumwe woga, kuti ani naniunotenda kwaAri arege kufa, asi ave noHupenyu husingaperi.”Ishe ngaarumbidzwe! Zvino Mwari, achida kuratidza rudo,Aifanira kuva…kuita chimwe chinhu chaangaratidza rudo.Aifanira kuita chimwe chinhu chakapfava saIye. Aifanirakusika chimwe chinhu chaangada. Aifanira kusika chimwechinhu chino Hunhu hwakafanana nohwaKe.37 Haungadi chinhu chino hunhu hwakasiyana nohwako.Rudo runofanira kubatana norudo. Murume nomudzimaivanofanira kudanana, kana vachazosvika pachiero. Mhuriinofanira kudanana, kana ichazosvika pachiero. Chimwe chinhuchinofanira kuratidzwa rudo! Unotsvaga kose kose, uchitsvagamusikana anozova mudzimai wako waunoda. Anotsvaga,kutsvaga murume waanokwanisa kuda.38 Zvino Mwari anotsvaga, achiedza kutsvaga munhuwaangada. Zvino, Akazvifananidza Iye pano panyika neNjivayakapfava neGwayana rakapfava. Dai Gwayana iri pane imwenguva rakatora hunhu hwegava, Njiva iyi ingadai yakatizapakarepo, ingadai yakatiza.39 Asi iro—iro—gwayana harishandisi pfungwa dzaro.Gwayana rine humwe hunhu, kana rikarashika, rinobvararashika zvachose. Gwai kana rarashika harikwanisikudzoka. Ndicho chikonzero mbudzi ichiritungamirira kurufu.Harikwanisi kudzoka, gwai rinenge rarashika. Ndichochikonzero Mwari akatifananidza namakwai. Kana tarashika,tinenge tarashika. Hapana nzira yokuti tidzoke toga. Zvino panenzira imwe yokudzoka nayo, ndiko, kuzviisa pasi poMufudziweboka, uye Iye anozotungamirira.40 Zvino, pandinocherechedza Gwayana iri negwai pamwechete…kana kuti, Gwayana neNjiva, pamwe chete,zvinoita chinhu chimwe chete. Zvino tarisa uone kuti Njivayakatungamirira sei Gwayana, Mwanakomana waMwari.Akanga Akapfava sei, achiziva kuti Ari kuenda kundourawa.Akanga Akapfava, nguva dzose asingaedzi kuzviitira pachaKe,akanga asinganzwi kuzvikwanira pachake. Akati, “Hapanachandinoita kunze kokunge Baba vandiratidza kutanga, uyeBaba vanogara maNdiri.”41 Zvino, gwayana rino humwe hunhu, gwayana rinobvumakusiya mvumo dzaro. Zvino, Mwari anoda kuti tive segwayana,asi pane nguva dzakawanda dzatisingadi kusiya mvumo dzedu,kuisa mvumo dzedu parutivi. Vazhinji vanoti, “Zvino, ndinemvumo, Hama Branham.” Ichokwadi, asi uri kuda kusiyamvumo dzako here? Uri kuda kusiya mvumo dzako here, kutiMwari akutungamirire? Ndiro dambudziko rine machechi edunhasi, mazhinji avo, kuti hunyoro hweGwayana raMwari…Tinofanira kuva segwayana, takava zvimwe zvose kusiya kokuva

Page 11: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

CHECHI UYE CHINHANHO CHAYO 11

segwayana. Zvino ndicho chikonzero, patinoita matarisiroakadaro, Njiva yoMweyaMutsvene inobva Yatiza.42 Dai Gwayana raMwari rakatanga kuganya segava, kanakuita zvimwe zvinhu zvinopesana nohunyoro hweNjiva, Njivaingadai Yakatiza. Ingadai yakabva pakarepo.43 Zvino ndicho chikonzero nhasi tiri kushamisika, “Chiichakakanganisika nechechi yePentekosti?” Chikonzerondechokuti takatora hunhu husiri ihwo. Takatora hunhuhwokuti, “Tinoda mvumo dzedu. Tichaita zvatinoziva kutindizvo zvakanaka kuti zviitwe.” Zvino tinotanga kusindimara.Tinotanga kumukira. Tinotanga kushaya hanya. Tinorega hashadzichiuya. Tinorega hundini huchiuya.44 Gwayana, kana nguva yasvika…Rina makushe aro, ndiyomvumo yaro. Rina makushe aro, asi vanotora gwayana voriisapanoveurirwa, vorisunga makumbo. Harikavi, hariiti nharo.Unongoritorera mvumo dzaro, nokuti igwayana. Hapanazvimwe zvarinokwanisa kuita, nokuti ndihwo hunhu hwaro. Asiimwe nguva imboshatirisa muKristu, unozoziva kuti igwayanahere kana kuti imbudzi. Unozoziva zvaari, kana wamushatirisa.Zvino ndicho chikonzeromachechi arimuchinhanho chaari.45 Takazvidaidza kuti makwayana aMwari. Varume navakadzi,pamwe chete, takazvibata nenzira dzimwe dzose asi kwetezvinoitwa namakwai aMwari. Vatarise kana vachifambamumugwagwa, nevhudzi rakagerwa, nevhudzi rakamonwa.Zvino makore mashoma apfuura, vaiti…iwe, ivo…wakangausingakwanisi kuvabhadhara kuti vaite izvozvo. Zvinounoshamiswa kuti sei chechi iri muchinhanho chairi machiri,chikonzero ndechokuti makatora hunhu hwemhumhi kanahwembudzi, pano kuti murambe muri vanhu vane hunyorohwakapfava. Zvino mungati, “Imvumo yangu, Hama Branham.”Ndinoziva kuti imvumo yako. “Vageri vevhudzi vanoitabasa ravo. Zvino kana vageri vevhudzi varipo vachigera,handibvumidzwi kugerwa here?” Zvakanaka, imvumo yakoyomuno muAmerica. Asi uri kuda here kusiya mvumo iyi, kutiuve gwayana? Unoda kusvipira here?46 Zvino imi madzimai, nguva shoma yapfuura, maifambamumugwagwa…Zvinonyadzisa kutarisa mapfekeroanoita vakadzi nhasi. Zvino handisi kutaura pamusoropamaPresbyteriani kana maMethodisti, ndiri kutaura pamusoropenyu imi madzimai ohutsvene. Uchifamba mumugwagwa, uyezvava…47 Ndina kamuchinjikwa kaduku kakarembera mberimumotokati yangu, zvino mumwe akati kwandiri, akati, “Billy,unoziva here kuti mufananidzo wechiKatorike?”48 Ndikati, “MaKatorike akawanepi mvumo yokuva ivobedzi vanosevenzesa muchinjikwa?” Kwete! Hachisi chiratidzochokutenda kweKatorike; chiratidzo chokutenda kwechiKristu.

Page 12: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

12 SHOKO RAKATAURWA

Kutenda kwechiKatorike ndokomutsvene akafa, kwaMariakana—kana mumwe munhu akafa wavanonamata. Hatinamativanhu vakafa. Hatinamati Cecelia navamwe vose vatsvene ava.Ndicho chiKatorike, kunova kunamata kukuru kwezvemidzimu.Asimuchinjikwa unomiririra Iye Akafa akamuka zvakare.49 Zvino ndakati, “Ndinochengeta muchinjikwa uyu uripo,pandinenge ndichitarisa mumugwagwa. Makore makumi mavirinamashanu apfuura, kana kuti makumi matatu, pandakangandava kuda kuita bofu, ndakavimbisa Mwari kuti kanaAkapodza maziso angu ndaizotarisa pazvinhu zvakanaka.”Zvino ndakati, “Kose kose kwandinotarisa, kuna madzimai,asina humwari asina kupfeka zvakakwana, uye madzimai asinakupfeka akazvambarara pose pose. Ndinotarisa kumuchinjikwapano kutarisa kune izvozvo, ndichirangarira kuti Kristuakandiitirei, ndichitendeutsa musoro wangu kubva kuzvinhuizvi…zviri zvaDhiyabhorosi.” Hareruya!50 Zvino imi, vanhu, musataura kuti “MaPresbyteriani,maKatorike,” maPentekosti! Ameni. Munoti, “Ndine mvumoyokudaro, Hama Branham.” Ndizvo, asi dai wanga urigwayana, waisiya mvumo dzako. Zvino paunoita saizvozvo,Mweya Mutsvene, Njiva yakapfava, inobva Yatiza pakarepo.Haizonyadziswi newe. Kwete, kwete. Usafunga kuti unoitazvinhu zvakadaro woramba uno Mweya Mutsvene. Haukwanisikuzviita! Bhaibheri rakataura kudaro. Unofanira kusiya…Zvino, unoti, “Mamwemadzimai ose ari kuzviita.”51 Zvino iwe murume, anonzwisa tsitsi, muduku, asinakusimba, anoita somudzimai, iwe, unorega mudzimai wakoachiita zvinhu zvakadaro, zvinoratidza zvawakaumbwanazvo. Ndicho chikonzero usina Mweya Mutsvene sokutaurakwaunoita kuti unawo, kana kuti ungadai une chimwemauri chaikwanisa kumuita mudzimai kwaye pose paanengeachigara newe, zvakadaro. Ameni. Izvi zvinoita sokuparidzakwakare, kunorwadza. Asi ndizvo zvinodiwa nechechi nhasi,kuparidza kwakare, Mweya Mutsvene uchigeza, nokuyanika,uchitwasanudza, uchiruramisa, iwo Mweya Mutsvene.Chokwadi!52 Chinhanho chakadii chapindwa nenyika! Kuti vanofambamumugwagwa vachienderera mberi! Vanotarisa terevhizhoninomusi weChitatu manheru, asi vasingadi kuenda kuchechi!Uye kuti, zve, hapana mwana munyika muno…vose vanozivakuti David Crockett ndiani. Nenhema dzinotaurwa, dzokutiakauraya bere ana makore matatu, munoziva kuti inhema, asimunorega vana venyu vachizadzwa pfungwa dzavo nezvinhuzvakadaro. Zvino hapana mumwe chete kubva muzana anozivapamusoro paJesu Kristu. Chikonzero ndechokuti nyika inoyasvibiswa! Nyika ino, inonyadzisa kwazvo uye iri kure kwazvonaMwari, yakarambaMweyaMutsvene.

Page 13: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

CHECHI UYE CHINHANHO CHAYO 13

53 O-o, unoti, “Ndinoenda kuchechi uye ndinodanidzira.”Unogona kudaro. Asi, kusvikira Gwayana rakanyorova raMwariragara mumwoyo mako, richiita kuti uchenese hupenyuhwako nokuzvibata somunhu akashandurwa, hazvikubatsirikutevedzera chiKristu. Unofanira kuva nacho. Ameni.54 Ndakaenda kune imwe imba pano nguva shoma yapfuura,ndichishanyira murume airwara, zvino mumwe mudzimaiakanga akarara imomo, akagara imomo. Zvino kamwekaOswald kakapindamo, kakapfeka heti parutivi mumusoro,kakati, “Mai, mabika here chikafu?”55 Vakati, “Mudiwa, hatina kukwanisa kuwana nguva” vakati“yokuti tibike chikafu mangwanani ano.” Vakati, “Ndirikukugadzirira sangwenji,” vakati, “panemaranjisi.”56 Akaenda akandonhonga ranjisi, akaritarisa, akariruma,akaripotsera kumadziro nesimba rake rose, muto ukatangakuyerera uchidzika, akati, “Kana zvirizvo zvamunazvo chetepanzvimbo ino, zvino ndava kuenda,” saizvozvo.57 Ndakafunga, “O-o Mwari, anofanira kuva wangukwamaminetsi mashanu!” Hama, ndaizomubvisa gandasezvaasati amboitwa! Asi ivo vakangogara ipapo,vachimunzwira tsitsi nokumunyengetedza. Zvaanoda kurohwakwakanaka kwakare kunosvuura ganda. Ndizvo zvatinoda,dzimba dzakare zvakare, navaparidzi vanomira seri kwepurupitivachiparidza Chokwadi, vachiChiisa paChinofanira kuiswa.Ameni. Ndicho chokwadi. O-o, imiwe!58 Maria muduku achiita mutsindo, achifamba akamisamhino mudenga nemiromo yakatsvuka seruva (yakazorwazvinhu zvakagadzirwa kwaMax Factor) akasimudza mhinoyake mudenga, akasimudza musoro wake achifamba achibudamumba. Zvinonyadzisa sei! Vana vava kusaterera zvakadii!Bhaibheri rakati vachadaro. Gwaro rakati vachadaro.Mazvibatiro avaizoita, nezvavaizoita, nezvinhu zviri kuitikamunyika nhasi, chikonzero ndechokuti vakachemedza MweyaMutsvene.59 Makore mashoma apfuura. Ndichaenda mumazuvamashoma ari kutevera kundopemberera kuuya kokutangakoMweya Mutsvene muAmerica, makore makumi mashanukubva pane rino, mumusangano womuMugwagwa unonziAzusa, musangano wepentekosti muLos Angeles, pakatangakuuya Mweya Mutsvene, vanhu pavakaungana pamwe chete.Kristu paakauya muvanhu ava, vakanga vari vanyoro uyevakagadzikama. Vairarama hupenyu huno humwari. Vairaramahupenyu hwokuzvipira. Vakanga vachida kusiya mvumo dzavo.Vakanga vachida kutungamirirwa noMweya Mutsvene. Vakangavasina hanya nezvaitaurwa navanhu, vaiva “vanhu vakare,”kunyange vakataura kuti “vanopenga” kana chingava chii,vakanga vachida kutungamirirwa noMweyaMutsvene.

Page 14: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

14 SHOKO RAKATAURWA

60 Asi, nhasi, o-o, ini zvangu, neponzi uye nebhokisirezvokuzora, uye vakapfeka zvikabudura, vari mumugwagwa,zvino, zvinonyadzisa! Uye vachizviti, “vano Mweya Mutsvene.”O-o, unoti, “Asi ndakataura nendimi.” Hongu, Dhiyabhorosianotauravo nadzo, zvakare. “O-o, ndakadanidzira.” ZvinoDhiyabhorosi anodarovo, zvakare. Dhiyabhorosi anokwanisakutevedzera zvose zvina Mwari, kusiya kworudo, haakwanisikutevedzera rudo. Hongu.

61 Zvino, chinhu chokutanga munoziva, pamakatangakuita zvinhu izvi, makaregedzeka, mukatanga kurerutsa,muchechi mukatanga kuva namapoka maduku, pakatanga kuvanamapoka pakati pavo, uyu akati, “Munoziva, mufudzi weduakadai,” kana kuti “mudhikoni wedu akadai.” Zvino, chinhuchokutanga munoziva, makaterera kuna izvozvo! Zvino ndichochikonzero muina matambudziko akawanda, nokuti makatangakuterera kuna Dhiyabhorosi, mukakanganisika pano kutimuterere kuNjiva yakapfava, Mweya Mutsvene, Njiva yaMwariinokwanisa kukutungamirirai, nokukudai nokukuropafadzai.

62 Panguva yaunotanga kuita hasha, Njiva inotiza. Ndizvo.Haikwanisi kumira. Hunhu hwayo hwakasiyana. O-o,haikwanisi kumira pakadaro zvachose. Zvino kana watangakureva muvakidzani wako, haIkwanisi kumira pane zvakadaro,haIkwanisi kutakura izvi. Inotiza Yoenda. HaIkwanisi kumirazvachose. Njiva yakapfava. Njiva yakanyorova, uye Njiva, uye—uye haikwanisi kumira pane chinhu chinenge chisina hunhuhwayo.

63 Zvino, Mwari anokwanisa kukupa hunhu hwakasiyana,murume kana mudzimai, Anokwanisa kukupa hunhuhwakasiyana. Zvino unoti, “Zvino, Hama Branham, toita seipamusoro pazvo?” Iva gwayana zvakare. Pano hunhu huvirihunokwanisa kufambirana pamwe chete, hunhu hwenjivanohwegwayana. Njiva haiuyi pane chinhu chisiri gwayana.Zvino kana wakaita sembudzi, bvisa mweya wembudzi pauri.Ndizvo. Kana wanga wava chimwe chinhu, chibvise pauri, kanawanga watanga kureva vamwe.

64 Pano imwe nguva, ndakaparidza zvakasimba sokuparidzakwose kwandaikwanisa mune rimwe guta, zvino ipapopakanga pane zvuru zvavanhu. Ndakadana vanhu kuartari.Ndakafunga kuti ndakanga ndaparidza chivi chose, ndakataurazvose zvandaikwanisa kufunga. Husiku ihwohwo musanganowapera, mumwe mukadzi wechidiki akauya, akati, “Zvino,Hama Branham, chokwadi ndiri kufara kwazvo kuti hamunakuparidza nezvangu husiku hwanhasi.”

Ndakafunga kuti, “Anofanira kunge arimuKristu chaiye.”

Akati, “Hamuna kumbondibata husiku huno.”

Page 15: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

CHECHI UYE CHINHANHO CHAYO 15

65 Ndakati, “Zvino, ndinofara kwazvo kunzwa izvozvo,hanzvadzi, unofanira kunge uri pedyo noHumambo hwaMwari.”Zvino akafamba achibva pandaiva.66 Pakanga paino mumwe mukadzi akanga akamirapo. Inindikati, “Imi, munoziva mukadzi uyu here?”

“Hongu.”Ndikati, “Anofanira kunge ari muKristu chaiye.”

67 Akati, “Chinhu chimwe chete chamusina kutaura husikuhuno, Hama Branham, makuhwa. Anotaura makuhwazvakanyanyamunyika ino.”Wazviona, ndizvo, maona.68 Asi kana wasvika pane zvinhu zvakadai, hazvina mhosvakuti muparidzi azvitaura papurupiti here kana kuti kwete,kana uchiona zvinhu zvenyama izvi zvomunyika, uye iweuchiwadzana nazvo, uri kure naMwari, uye Mweya Mutsveneunogara uri kure newe. Ndicho chikonzero misangano isirikuita sezvayaiita kare. Ndicho chikonzero kunamata kwakarekusiri muTabhernakeri mangwanani ano. Ndicho chikonzeromisangano mikuru yamatende isimo munyika, chikonzerondechokuti takachemedza Njiva yakapfava yaMwari. Ndizvo.Haingagari nesu kana tichishaiwa hanya, tichirevana, “Tinodanzira yedu!”69 Zvino, ndinoda kuti mucherechedze, gwayana rakanga ririgwayana rakanyarara. Bhaibheri rakati, “HaAna kushamisamuromo waKe. Segwai pamberi pavavevuri, Akarambaanyerere.” HaAna kushamisa muromo waKe. Akanga arimunhu akanga asingadi mvumo dzake. Kwete, changamire,Akanga achibvuma kusiya mvumo dzaKe. Akanga ari Gwayanarakanyarara.70 Asi, nhasi, o-o, ini zvangu, tinoda kuchengetedza kusiyanakwedu zvakadii! O-o, imiwe! “Ndinokuudzai, ngapamboitamumwe munhu anotaura chimwe chinhu nezvangu, ndinoendakwaari kundomuona, ehee, ndinomutora ndomubvarurabvarura. Ndichamutaurira munyengeri uyu pandinomuona!Mira uone pandinomuona chete! Mwari ngaarumbidzwe,hareruya! Uh-huh!” Njiva inobva Yatiza yoenda. Ndizvo.Mweya Mutsvene hauchisiri pauri zvakare, paunengeuchinzwa manzwiro akadaro. Zvinyore pasi mubhuku rako,Haumboita zvinhu zvakadaro. Mweya Mutsvene haugari pedyonemhando yomweya wakadai. Unofanira kunge uri mweyawegwayana, mweya wakapfava, kana kuti haUzogaripo, ndizvochete; kana usina kupfava wakanyorova uchitungamirwanoMweya Mutsvene. Zvino kana chimwe chinhu chikasimuka,haUtombozviona, unongoenderera mberi. Maona? Zvinopamineti yaunotsauka,munozivei, ndipo pane…paunotsauka.71 Munoziva, chivi chokutanga chakatanga nomunhuakatsauka zvishomanana. Munozviziva here? Bhaibherirakataura kudaro. Evha akatsauka akamira chinguvana, kuti

Page 16: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

16 SHOKO RAKATAURWA

anzwe kuti Satani aitaura kuti chii, kusvikira akataurirwazvinhu zvainakidza kwazvo akazvitenda kuti iChokwadi. Uyeakamuterera.72 Chinhu choga chinodiwa naDhiyabhorosi kuti uite, kumirakwemaminetsi mashoma. Anokwanisa kukuratidza, woti,“Zvino, tarisa pano. Unoziva, hama, unoziva, hanzvadzi,dai vanga vari vanhu vakanaka, vangadai vasingaiti izvi.Kana vachiita izvi zviri pano, unoziva.” Anokwanisa kuzviitazvechokwadi kusvikira zvinozoita kunge chokwadi. Ndizvo! Asirangarira, ndiDhiyabhorosi!73 Handina hanya kuti vakaderera zvakaita sei, kuti vakadzikasei muchivi, ibasa rako kuti uise ruoko rwako pavari uvadhonzenorudo rwaMwari. Wakanga uripi Dhiyabhorosi paai…Mwariakakusimudza kubvamumadhaka? Ibasa rako, shamwari yangu.Nyika ino iri kufa nokushaiwa rudo rushoma harwo. Zvino…74 Ndinoda kuti mucherechedze mhuka iyi, zvakare, mhukaduku iyi, yakanga iri gwayana rakanyarara nokuti harina…paAkatukwa, haAna kudzosera. HaAna kutuka nokuendereramberi, nokuita nharo nokupopota, haAna kudaro. Mumwemunhu paa…PaAkatukwa, haAna kudzosera. HaAna kuvhuramuromo waKe.75 Asi rega mumwe munhu aite chimwe chinhu kwauri kanakwandiri, o-o, imiwe, tinofuta sedzetse riri kudya nyimodzesimbi, tinofuta sedhadha. “Ndinokuudza iko zvino, kutikana akanditsika pazvigunwe zvangu zvakare, handizodzokerikuchechi ikoko zvakare. Kwete, changamire! Mwaringaarumbidzwe! Hareruya! MaNazareni vanondigamuchira,maPilgrim Holiness, vanondigamuchira. Hareruya. Handifanirikudzokera ikoko zvakare.” Zvakanaka, Njiva Inotiza.76 “Unoziva chii? Kana munyengeri uyu achiri kuendakuchechi ikoko, handizoendiko zvakare.Mwari ngaarumbidzwe,handimboendiko!” Kana watanga kuita izvi, hunhu hunengehwegava, Njiva Inotiza. Ndizvo. Mweya Mutsvene unobvawaenda.77 Zvino unoshamiswa kuti chii chakakanganisika newe.Unoshamiswa kuti chii chakakanganisika nechechi.Unoshamiswa kuti chii chakakanganisika newe. Sei usinakukunda kwawaisimbova nako? Wakashandura hunhu hwako.Wakava mbudzi pano kuva gwayana. Wakava chimwe chinhuchisiri gwayana.78 Unofanira kuva noMweya wakanyorova, “Mweya Mutsvenengaunditungamirire chero kwaunoda kuti ndiende. Mwari,ndinoda mutadzi wose, hazvina mhosva kuti ari kupi.” Ukavanamatarisiro akadai mumwoyo mako, ipapo uchaona chimwechinhu chichiitika, mwoyo mako.

Page 17: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

CHECHI UYE CHINHANHO CHAYO 17

79 Unoti, “Zvino, Hama Branham, pane chingapedzadambudziko here?” Hongu, iva gwayana, ndizvo chete. Munoti,“Zvino, Hama Branham!”80 Ndakasangana nomumwe mudzimai wechidiki humwehusiku, ndiri kuShreveport. Billy neni takaenda kune imwenzvimbo kundotenga sangweji mushure momusangano.Mudzimai wechidiki akanaka akauya imomo, achiri wechidiki,zvichida ana makore makumi maviri kana akadaro, akangaakapfeka zvakanaka. Akagara pasi. Ndakacherechedzakuti akaramba achitarisa kwatakanga tiri. Ndakarambandichingodya. Munguva shoma akauya pataiva. Akati,“Makadii?” Ndakataura naye. Zvino ndakazoziva kutimudzimai uyu aiva Hanzvadzi Davis veikoko. Zvino ivonomumwe mudzimai wokuLife Tabhernakeri, ndaivazivakwazvo, vakauya kwandiri vakataura neni, vakaenderera mberi.Zvino mudzimai muduku akanga akagara pedyo, akati, “HamaBranham, yanga iri Mharidzo yakanaka yamaparidza husikuhuno.”81 Ndikati, “Makadii, hanzvadzi?” Ndikati, “Mazviita,ndinotenda kwazvo.” Zvino ndakati, “Muri nhengo yeLifeTabhernakeri here?”82 Vakati, “Ndiri nhengo yavo.” Vakati, “Munoziva,Hama Branham, ndingadai ndichiimba mukwaya, asivanondirambidza ikoko.” Vakati, “Ndine, o-o, namakoremazhinji okudzidziswa kuimba, nezvimwe zvose.” Vakati,“Ndaiimba ndega nzimbo uye nezvimwevo.” Vakati, “Asi, ini—handichakwanisi kuimba, nokuti vano—vanorambidza kuti‘hapana mudzimai anozvipenda anofanira kuimba—kuimbamukwaya.’”

Ndikati, “Zvino, Mwari ngaarumbidzwe nokuda kweLifeTabhernakeri!”83 Vakati, “Zvino, ndinokuudzai, Hama Branham,” vakati,“Ndiri muKristu.”84 Ndikati, “Zvino, hanzvadzi, dzokerai kumba mundogezakumeso kwenyu muite zvose zvamunokwanisa kuita.” Ndikati,“Muri kundiudza here kuti hamukwanisi kurega zvinhu zvidukuzvakaita sokupenda kumeso…”85 Zvino ndinokwanisa kukuratidzai kuti izvi zvinobvakuna Dhiyabhorosi. Ndinokwanisa kuzviratidza kwamuri kutihapana…Zvinhu zvakatanga namahedheni. Zvino mukarambamuchizviita, chiratidzo chokuti muri muhedheni. Zvino,ndichangodzoka kubva kuAfrica, ndakanga ndiri kumasangoamaHottentoti kwandakaona zvokupfeka mhete, ndiko kunobvazvinhu izvi, nezvimwe zvose izvi, zvokupfeka matomboanokosha muhuro nezvimwe zvose, ndiko kwazvinobva.Mahedheni. Zvino Bhaibheri haridi kuti muKristu avesomuhedheni. Zvino haudi kuva…Handisi kuti muri

Page 18: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

18 SHOKO RAKATAURWA

muhedheni nokuti munozviita, asi mukazviita zvinoita kutimuratidzike somuhedheni. Chikonzero ndechokuti mufudziwenyu haana kukuudzai Chokwadi. Bhaibheri rakataurakudaro.86 Zvino munotaura kuti, “Hama Branham, ndinofungakuti kana ndiine vhudzi duku, rinondiita kuti nditonhorerwenezvakadaro.” Ndizvo, asi kana une vhudzi rakarebaunozonyanya kutonhorerwa. Rinozosvika kumusana wako, uyerozoita kuti zvinake.87 Ko, munoziva here zvakataurwa neBhaibheri? Kuti, murumeane mvumo yokuramba mudzimai wake kana akadimura vhudzirake. Kana akadimura vhudzi rake, zvinoratidza kuti haanakutendeka kwaari. Bhaibheri rakataura kudaro, I Vakorinte 12,zvitarise uone kuti handiZvo here. Uyo anodaro…Mudzimaianodimbura vhudzi rake anoshora musoro wake, anova murumewake. Zvino kana achishora, anofanira kurambwa. Ndizvo.Asi, maona, mufudzi wenyu haakuudzei zvinhu izvi. Zvinondicho chikonzero muchiita zvamunoita. Zvino—zvino murume,Bhaibheri rakati…88 Pano nguva shoma yapfuura mumwemunhu akanyora akati,“Hama Branham, ma—mabhurauzi amadzimai,” akati, “ko,zvaoma kwazvo zvokuti hauchakwanisi kuwana mabhurauzizvakare, zvino zvinganaka here kutimadzimai echiKristu apfekemadhakironi, namanaironi, kana chimwe chakada kudaro?”89 Ndikati, “Tarisa, hanzvadzi, pane chinhu chimwe pazviri.Pane chinhu chimwe chete chechokwadi. Unokwanisakuita izvi: kana usingakwanisi kutenga, vachiri kutengesamichina inosona, unokwanisa kuzvisonera.” Ndikati, “Ndizvozvinozviratidza.” Mabatiro aunozviita nezvaunoita, ndizvozvinoratidza zviri mauri.90 Ndicho chikonzero izvi zvose zviri pano kunyunyutakuita nharo nokurehwa makuhwa, no—nokurevavo, zvichiitwapachechi, ndizvo zvinoparadza chechi. Zvinoratidza kutiDhiyabhorosi akapinda pakati penyu, uye zvinoratidzakuti Mweya Mutsvene wakakusiyayi. Zvino, ndinoziva kutiizvi zviri kurwadza vamwe venyu, asi zvinofanira kudaro.Zvinofanira kudaro! Ndicho chikonzero zvichitaurwa; kwetekuti ndakachenjera, kwete kungotauravo; asi kukuudza kutidambudziko rako riri papi, nokuti rimwe zuva ndichazomirandichikupindurira. Zvino zvinhu zvaunoita namazvibatiroaunoita, ndizvo zvinoratidza zvauri. Kana uchine hasha dzakaredzinoita kuti ukurumidze kushatirwa, woenda kunze ukowondoita zvimwe zvinhu, kana kutsoropodza, kana kufungazvetsvina nezvimwe zvakadaro, zvinoratidza kuti zviri kubvakupi.91 Zvino pane chinhu chimwe chete chokuita, bvisa chinhu ichiimomo, uye Njiva inozodzoka zvakare mumwoyo mako. Njiva

Page 19: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

CHECHI UYE CHINHANHO CHAYO 19

payakabuda muareka, payakabudiswa kunze. Asi yakadzokazvakare ikagogodza pamusuvo waNoa akaizarurira zvakare kutiipinde. Mweya Mutsvene uri pano. Mweya Mutsvene unodakupinda mauri. Ndicho chikonzero nhasi, Mweya Mutsvene,haUna kubva kwauri zvachose. Wakamhara pamuti pane imwenzvimbo, Wakagadzirira kudzoka zvakare mauri, kuzokuparudo norugare nomufaro sezvawaisimbova nazvo. Chokwadi,ndizvo. Wakagadzirira kuzviita. Uri kuda kuzviita. Anoshuvakuzviita. Asi hauMubvumidze kuzviita!92 Zvino, handisi kutaura kwamuri imi vayenzi. Handisikureva kuti mufudzi wenyu…Ndiri kutaura kuTabhernakeriyaBranham. Handisi kutaura kwamuri imi vanhu vokunamamwe machechi. Ndiri kutaura kuTabhernakeri yaBranham.Ndizvo zviri kunetsa pano.93 Ndizvo zvinoita kuti Njiva Itize. Regamumwemunhu atangechimwe chinhu chiduku pano pachechi, chinhu chokutanga,“O-o, ndizvo here? O-o, zvakadaro here? Uri kurevesahere?” Pakarepo Mweya Mutsvene unobva waenda, unotiza.Haukwanisi kugara pane mhando yomweya wakadai. Paunosiyahunhu hwegwayana, Mweya Mutsvene unobva waenda. Ndizvo.Uye ndiro ndambudziko nhasi. Ndicho chikonzero vanhu varimuchinhanho chavari, chikonzero ndechokuti vakarega mweyausiri iwo uchipinda mumwoyo yavo, muhupenyu hwavo. Zvinondicho chikonzero tine…94 Bhaibheri rakati ndicho chikonzero pana vakawandavanorwara navanotambudzwa pakati pedu, kuda kwezvinhuizvozvi. Tinofanira kuva vanhu vakapfava. Tinofanira kuvanorugare. Tinofanira kuva gwayana, kuti Njiva igare nesu.95 Zvino, rangarirai, Njiva ichauya. Ungati, “O-o, HamaBranham, musandiudza kuti handina kugamuchira MweyaMutsvene. Hareruya! Zasi uko, humwe husiku, o-o, paWakauya,ndaifamba…” Chokwadi, waiva Iwo! “O-o, ndakanzwazvakanaka, ndakanzwa kunge ndichatora shiri dzosedzaiva mumuti nokudzida. Munhu wandakanga ndakavengaakandikanganisira, ndakanzwa kunge ndichamumbundira. O-o, Hama Branham, ndakanzwa sei!” Chokwadi, wakanga uriMweya Mutsvene.96 Asi, munoona, chikonzero Usina kukwanisa kugara.Wakanga uri gwayana ipapo; asi pawakava mhumhi, WakatizaUkaenda. Hapana chakakanganisika ne—ne—neNjiva; ndiwe,pawakaregamweya uyu uchiuyamauri. “Ndakadaro here, HamaBranham?” Hongu, pawakaterera makuhwa, pawakatererakunhema dziya, pawakatanga kutaura kuti, “Zvino, ndinemvumo yokuita izvi!”97 Hauna mvumo dzaunadzo! Wakatengwa nomubayiro, uyemubayiro uyu raiva Ropa rinokosha roMwanakomana waMwari.Haunamvumo. Hareruya!Mvumo dzaunadzo bedzi, ndedzokuti,

Page 20: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

20 SHOKO RAKATAURWA

uuye kuTsime rakazadzwa neRopa rakabva muTsingadzaEmanueri, kana vatadzi vakashambamo vanobuda vasinamhosva. Hongu, changamire. Ndiyo mvumo yoga yaunayo,kuzvipira zvauri, kuna Mwari, uye Mwari anozokutungamirirakubva ipapo. Ndizvo zvinokonzera musangano…Ndizvozvinokonzera zvinhu zvakawanda zvisinganzwisisiki. MweyaMutsvene unosvika pane imwe nzvimbo, Mweya Mutsvenewotaura kuti, “Izvi hazvina kunaka. Misa musangano, endauko.” Ndinobva ndaumisa, zvakare, hama, ndoenda mberi.Ndizvo, nokuti unofanira kutungamirirwa noMweya waMwari.Zvino nzira yoga yokutungamirirwa noMweya waMwari,kurambawakapfava, kwete kuziva zvinhu zvakawanda.98 O-o, unofunga kuti, “Ndinoziva zvinhu zvakawanda.”Hongu, wakashandisa huropi zvakanyanya kusvika hauchazivazvokuita. Unoziva mabhuku ose nemhinduro dzose, nechiGirikichose nechiHebheru chose, zvino hauchina nzvimbo yokuti Njivaimhare. Ndizvo. Asi unoziva zvose, zvino Njiva haikwanisikukutungamira, nokuti unoziva zvakawandisa.99 Gwayana harizviti rinoziva. Rinongoda kuva nomunhuanoritungamirira. Girori! Ndizvo. Rakanga risingazivi chinhu!Ameni. Chinhu choga chandinoziva, ndechokuti, Jesu Kristuakafira kundiponesa.100 Zasi kuCalifornia paiva nomunhu aifamba, aivanechinyorwa pamberi pake, chaiti, “Ndiri benzi raKristu,”nokumusana kwakanyorwa kuti, “Uri benzi raani?” Ndizvo.Iva benzi, kunyika, kuti ugotungamirirwa noMweya Mutsvene,nokuti vanakomana navanasikana vaMwari vanotungamirirwanoMweya Mutsvene. VaRoma 8:1, inoti, “Naizvozvo hakuchinakupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu, vasingafambinenyama, asi noMweya,” usateveramhumhi, asi Njiva. Ameni.101 Doc aimboimba rwuyo, “Ndizadzei mazuva ose norudo,pandinenge ndichifamba neNjiva yokuDenga; regai ndifambenguva yose ndichiimba nokunyemwerera, ndizadzei mazuvaose norudo.” Ringava zuva rine rugare sei kuTabhernakeriyaBranham, kana kune imwe chechi zvayo kanamunhuvo zvake,kana vakasiyamvumo dzavo, kuti vave gwayana.

“Chii chatinofanira kuita, Hama Branham?”102 Dzoka zvakare uve gwayana, dzokera pakupfava zvakare,dzoka zvakare pakusaziva chinhu, dzoka zvakare pakuzviisapasi paKristu. Usaedza, usaedza kuziva chimwe chinhu. Fambazvinyoro nyoro, wakanyarara, uchizvininipisa, wakapfava, zvinoNjiva inozokutungamirira. Asi pose paunoona…paunoendakundonzwa makuhwa, paunotanga kuva nehasha, paunofungakuti une mvumo yokuita izvi neizvo, Njiva Inotiza yoenda. Zvinohauzovi Nayo zvakare. Zvino, haisi kure nemi mangwananiano, chechi. Yakamhara pabazi rorugare, ichikumirirai kutimushandure hunhu hwenyu. Ameni.

Page 21: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

CHECHI UYE CHINHANHO CHAYO 21

103 Zvamunoda nhasi kupira mvumo dzenyu dzose, kuregaMwari achikuvevurai mvumo dzenyu dzose. Ameni.Ungafunga here gwayana, rina—rina makushe aro? Ndidzomvumo dzaro, hongu. [Hama Branham vanotevedzeragwayana rakaneta—Mupepeti.], richipiswa, roiswa patafuraparinovevurirwa. Vanoziva zvakarinakira. Vanotora mvumodzaro dzose vodzivevura, ronzwa kutonhorerwa nokurerukirwarichimhanya. Imiwe, imiwe, rinozofara nokusvetuka richivanenguva yakanaka. Hongu, changamire. Kana ukasiya mvumodzako, ndizvo zvaunozowana. Asi unofanira kusiya mvumodzako worega Shoko raMwari richivevura nyika yose kubvamauri, kubvisa tsika dzose dzenyika, wozova chisikwa chitsvamuna Kristu.104 Pane imwe nguva, kuAfrica, ndakanga ndichitaura kunomumwe mutsvene. Akati, “Hama Branham, ndinoziva kutimunotenda zvomweya.”

Ndakati, “Chokwadi, hama yangu.”105 Akati, “Makore apfuura ndaimbofunga kuti ndiri mumwemunhu.” Akati, “Ndaifunga kuti ndiri muKristu chaiye.” Zvinoakati, “Zvino uko kuchechi kwedu…Ndaifanira kukwiragomo, pandaimisira motokari yangu.” Zvino akati, “Ndaifanirakukwira chikomo, o-o, kwamayadhi mazana matatu kanamazana mana, ndichipinda nomumakwenzi nezvimwe, kutindisvikepo.” Uye akati, “Takava nomunamato pamusoroipapo.” Uye akati, “Ndaifunga kuti ndaiva muKristu chaiye.”Akati, “Ndaiziva Bhaibheri rose. Ndakanzvera chiHebheruchose. Ndakanzvera zvokuti ndaikwanisa kutaura mashokozvakanaka.” Uye akati, “Munhu wose aiuya kwandiri,ndaikwanisa” [Hama Branham vanoridza chigunwe chavo—Mupepeti.] “kutaura navo seizvi kubva muBhabheri. Ndaizivazvandaitaura pamusoro pazvo.” Akati, “Humwe husikundakanga ndichienda kuchechi. Makanga maita kupesanakwanyanya muchechi medu.” Akati, “Pakanga pana mapokamaduku akanga achirwisina.Munoziva kuti zvinotanga sei.”

Ndakati, “Hongu, changamire.”106 Akati, “Pandakanga ndichikwira chikoma, ndakangandichifamba, uye pakarepo ndakanzwa kuti pane ainditevera.”Zvino akati, “Ndakafunga kuti regai ndimumirire zvishomahazvinei kuti ndiani, kuti andibate, ndigozotaura nayetichifamba munzira.” Munoziva, chinhu chakanaka, kumirazvishoma. Zvino akati, “Pandakanga ndichikwira chikomo,”akati, “Ndakakwira. Mumwe Murume aikwiravo chikomo,”akati, “Akanga akatakura mukwende kumusana Kwakewakanga wakakura kudarika Murume uyu.” Zvino akati,“Akanga achigomera achinetseka achiita nhanho pfupi,achiedza kukwira. Zvino ndakati, ‘Iwe, ndingaKubatsiraihere kutakura mutoro uyu kukwira chikomo?’ Akati, ‘Kwete,

Page 22: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

22 SHOKO RAKATAURWA

ndinofanira kuutakura.’” Akati, “Ndakatarisamuruoko rwaKe,”akati, “Ndakaziva pakarepo kuti chaiva chiratidzo.” Aivanamavanga muruoko rwaKe. Akati, “Ndakawira pasi, ndikati,‘Ishe, Makatakura zvivi zvenyika here musaga iri?’ Akati,‘Kwete, ndakatakura zvako bedzi. Ndiri kukubatsira kuti ukwirechikomo, kuti ukwanise kukwira.107 Ndizvo zvazviri. Kana tikatarisa, tinozoona kuti Akatakurazvivi zvedu. Hazvikuninipisi here? Mwoyo yedu yakaipa,inohutsinye, nokuti tinokwanisa kuzviita!108 Pane imwe nguva ndakanga ndichivhima. Sokuzivakwamunoita kuti, ndinofarira kuvhima. Zvino pakangapaine mumwe munhu akaipa munyika imomo, akanga arimunhu akaipa. Zvino aindisvotesa nokuda kokuti ndaisapfuramhembwe ina vana. Ndakati, “Hutsinye.” Ndakati, “Unodiikuva, muvhimi chaiye akanaka anopfura mhembwe hurunedzimwe dzachembera dzava kuda kufa, Mwari akadzipakwatiri, asi rega duku idzi dzinobereka.”109 Akati, “Ah, uri mbwende, yomuparidzi!” Akarambaachitaura saizvozvo.110 Ndakati, “Zvino, onai, dai ndanga ndine nzara ndichidaimwe yemhembwe idzi, ndinotenda kuti Mwari aitendera kutindiuraye. Asi kungopfura kuti ndiratidze kuti ndakachenjera,”zvino, aizadza ngoro yose. Zvino akandogadzira chiridzwa,kufanana nepembe, zvino airidza pembe iyi uye yairirasamachemero anoita mwana wemhembwe. Rimwe zuva takangatiri tose musango. Ndakamutsiura, ndikati, “Dai ndirinindainyara.” Aiuraya mhembwe dzingasvika sere kana gumipanguva imwe chete, kana aikwanisa, nokuita zvimwe zvose,kuti aratidze kuti akachenjera, dzimwe nguva aidimburamakumbo osiya zvimwe zvose zviripo. Ndikati, “Haufanirikudaro.”

“Aa,” akadaro, “imi vaparidzimurimbwende chaidzo!”111 Rimwe zuva akamira mumakwenzi, akanga atora pembeyake akairidza, ikarira somwana wemhembwe ari kuchema.Paakadaro, mhembwe yakanaka yakasimudza musoro wayo,ikauya ichimhanya. Waikwanisa kuona maziso ayo makuruebhurauni achitarisa. Yakanga yavhundutswa. Yakangaichitarisa tarisa. Muvhimi akasimuka, akasimudza pfuti yakekuti apfure mhembwe. Zvino mhembwe yakaona muvhimi.Asi, munozivei, kuchema komwana wayo, haina kuita hanyanepfuti. Yaitsvaga mwana wayo, akanga ari mudambudziko.Munoziva, kuratidzwa kohumai hwechokwadi norudo rwaamai,kokutarisana nepfuti, munguva yorufu, yakatarisana nomuromowepfuti. Munozivei, zvayakaita izvi zvakanga zviri zvikurukwazvo, zvakamukanganisa, akakanda pfuti yake pasi!Akamhanya akandibata mumaoko, akati, “Billy, ndinamatire,ndaneta nazvo!” Paakaona kuratidzwa kohumhare hwohumai!

Page 23: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

CHECHI UYE CHINHANHO CHAYO 23

112 O-o, kana nyika yaona kuratidzwa kworudo rwaMwari, rurimumwoyo yavanhu, panozova nomutsauko wakaita sei. Kanatikarega Njiva yaMwari ichiuya mumwoyo yedu kuzotipfavisa,nokutiita kuti tive vanyoro.113 Ipapo mumakwenzi, ini ndakamira ipapo ndikanamatiramurume uyu, ndakamutungamirira kuna Ishe Jesu. Kubvapanguva iyi, akanga ava muvhimi, akanaka.114 Hongu, aifunga kuti ane mvumo, kuti aite zvaanenge achida.“Dziri munzvimbo yangu, dzinokwanisa kudya huswa hwangukana dzichida.”115 Ndakati, “Ndizvo, asi hazvina hunhu.” Unofanira kusiyamvumodzako. O-oMwari, ivai nenyasha, kuti tikwanise kudaro.116 Pano imwe nguva yapfuura, muno, o-o, makore akangasvikazana apfuura, pano muKristu aizivikanwa aigara kuzasikwakadziwa kumadokero muUnited States. Zita rake ainziDaniel Curry, munhu akanga akanaka, munhu aiva nohumwari,ano hutsvene, muKristu chaiye, munhu aifungwa nomunhuwose, munhu akanaka kwazvo. Zvino nyaya iyi inotaurwaichinzi, akafa kana kuti akapinda muchiratidzo, zvino akati…akasvika kuDenga, zvechokwadi, paakafa. Zvino paakasvikapagedhi reparera, anochengeta akauya pamusuvo, akati, “Ndimiani?”117 Akati, “Ndini muvhangeri, Daniel Curry, ndakaunzazvuru zvavanhu kuna Kristu. Zvino ndiri…Ndinoda kupindamangwanani ano. Rwendo rwangu rwapanyika rwapera,handichina nzvimbo yokuenda iko zvino.”118 Ndizvo zvazvichaita mamwe mangwanani, iwe mutadzi.Ndizvo zvazvichaita kwauri, iwe wakadzokera kumashure.Ndizvo zvichaitika kwamuri imi makachemedza MweyaMutsvene, zvokuti hamuchisiri vanyoro uye hamuchina kupfava.Maya namakore musati mambochema. Maya nenguva yakarebamusati mambonyara, handizivi kuti makapedzisira kuzviitarinhi, uye kuzvidzora kwose kwakakusiyayi. Chokwadi. Asiizvi zvichasvika pamusuvo wenyu mamwe mangwanani.Zvino Mweya Mutsvene wakapfava pauri kugogodza, seiusingaMugamuchiri?119 Zvino Daniel Curry paakasvikapo pa—pa—pagedhi,akapinda mukati, akati, “Tichaona kuti tine zita rako here.”Vakatarisa kwose havana kukwanisa kuwana zita rake. Akati,“Kwete, hapana Daniel Curry pano.”120 “O-o,” akati, “chokwadi!” Akati, “Ndiri muvhangeri.”Akati, “Ndakatungamirira vanhu vakawanda kuna Kristu.”Akati, “Ndakaedza kuita zvinhu zvakanaka.”121 Anochengeta akati, “Changamire, ndino hurombokukuudzai, kuti hapana Daniel Curry pano.” Akati,“Ndingakuudzai zvamungaita.” Akati, “Hatina mvumo

Page 24: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

24 SHOKO RAKATAURWA

yokutonga nyaya yako pano.” Akati, “Asi kanamuchida kukwiranyaya yenyu? Munokwanisa kukwira kuChigaro Chichenachikuru Chokutonga, kana muchida.” Asi akati, “Hatina tsitsikwamuri pano, zvachose, nokuti hatina zita renyu pano. Hatinatsisti kwamuri.” Akati, “Munoda kuti nyaya yenyu ikwidzwehere?”

Akati, “Changamire, chii chimwe chandingaita kusiyakokuti ikwidzwe?”122 Akati, “Zvino, kana zvakadaro, munokwanisa kuendakuChigaro Chichena chikuru Chokutonga kukwira nyayayenyu.”123 Daniel Curry akati ndakanzwa kunge ndiri kuendanomumhepo kwenguva ingasvika awa. Akati akasvikapanzvimbo, pakatanga kuva nechiedza, chaijeka, nokujeka,nokujeka. Akati, paairamba achienda mberi, ndipopachairamba chichinyanyojeka. Pakanga pakajeka zvakapetwamazana, nezvuru nezvuru zvakapetwa chichipenya kudarikazuva. Zvino akati akanga ava kungodedera, achidedera.Zvino akati, paakasvika muChiedza ichi, akanzwa Inzwirichiti, “Wakanga wakatendeka here panyika?” Zvaibva mu—muChiedza.

Akati, “Kwete, ndakanga ndisina kunyatsotendeka,”achidedera.

Akati, “Nguva dzosewaitendeka here nomunhuwose?”124 Akati, “Kwete.” (Akati, “Zvimwe zvinhu zvishomazvakatanga kuuya mupfungwa dzangu zvandakanga ndisinakunyatsotendeka.”) Akati, “Kwete, ini—ini—ndinofunga kutindakanga ndisina kutendeka.”

Akati, “Waitaura chokwadi here panyaya yose, muhupenyuhwako?”125 Akati, “Kwete. Ndakarangarira zvimwe zvinhuzvandakanga ndataura, zvaiva nomumvuri…zvaivanomumvuri. Ini—ini—ini—ndakanga ndisingatauri chokwadichizere.”126 Zvakanzi, “Zvino, wakambotora here chinhu chakangachisiri chako, chinhu chipi zvacho, mari, chinhu chipi zvachochakanga chisiri chako?”127 Akati aifunga kuti panyika akanga ari munhu akanakakwazvo, asi akanga ava kunzwa kuva nemhosva. Akati, “Kwete.Kwete, ndakatora zvinhu zvakanga zvisiri zvangu.”

Akati, “Zvino wakanga usina kukwana.”Akati, “Kwete, ndakanga ndisina kukwana.”

128 Akati akanga achitarisira panguva ipi zvayo kunzwakutukwa kubva muChiedza chikuru ichi makanga mazororaNjiva, “une mhosva!” Akati, zvino akazonzwa Inzwi seri

Page 25: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

CHECHI UYE CHINHANHO CHAYO 25

kwake, rakanga rakanaka kudarika ramai vapi zvavovaanganzwa. Akati akatendeuka kuti aone. Zvino chisochakanakisa chaati amboona, chakadarika chavanhu vosechakanga chakamira pamberi pake. Zvino Akati, “Baba,Daniel Curry akaNdimirira panyika. Ichokwadi, akanga asinakunyatsorurama, asi akaNdimirira. AkaNdimirira panyika,zvino ndava kumumiriravo kuno kuDenga. Torai zvivi zvakezvose muzviite Zvangu.”129 Ndiani achazokumirira pazuva iri, hama, kanauchiMuchemedza nhasi? Handichakwanisi kurambandichiparidza. Ngatikotamisei misoro yedu.130 Mwari anodikanwa, Gwayana rakaurawa, rakanyorova,rinozvininipisa, raizvideredza. Shiri dzina matenderenemhungubwe dzino mwena, asi Imi makashaiwa nzvimbo,uye imi, makanga muri Ishe woKubwinya! PaMakaberekwa,makangaMusina hanzu dzokupfeka. O-oMwari, ko hanzu dzedudzinotibatsirei zvino? Ko motokari dzedu dzinotibatsirei zvino?Imba yakanaka ichatibatsirei zvino? Zvichabatsirei pazuvairoro? Makanga musina shamwari; hapana aida kuita shamwariyeNyu. Hapana aida kubatsirana neMi. Makati nezuva iroMuchataura kuti, “Ndakanga ndine nzara, hamuna kuNdipazvokudya. Ndakanga ndakashama, hamuna kuNdipfekedza.”Ko zvose zvatinazvo zvichazobatsirei pazuva iroro, Ishe? Ngativevamiririri veNyu, kuti kana nguva iyi yasvika kuti tipindemuhupo hwake imi muna Masimba ose, Munoziva zvose,Mune…O-o Mwari, patinonzwa Njiva, yakaisa mapapiro Ayoiri muChiedza chikuru, chiChapenya muZienda nakuenda rose.Imi, munogara muChiedza!131 “Pandichazomira ipapo ndoga, hama yangu inenge yaenda,mufudzi wangu anenge aenda, mai vangu vanenge vaenda,baba vangu vanenge vaenda, mudzimai wangu anenge aenda,vana vangu vanenge vaenda, O-o Mwari, ndichazoitei zvino,Ishe? Ndichazoitei? Zvino izvi zvinogona kuitika zuva risatiranyura husiku huno. Asi ndichazoitei? Ndingaitei? O-oKristu, ndichakumirirai iko zvino! Ndichaita sarudzo yangunhasi. Ndichasiya kureva vamwe vanhu. Ndichasiya hashadzangu. Ndichasiya kupesana kwangu kwose. Ndichasiyazvose. Ndivevurei, Ishe, torai zvose zvandinazvo. Torai ini,Ishe. Ini—ini—ndinoda kumira panzvimbo Yenyu. Ndinodakuvevurwa. Ndinoda kuti kunyima kwangu kwose, kuzvikudzakwangu kwose, nokushaiwa hanya kwangu kwose, zvosezvibviswe mandiri. Zvino ndinoda kukumirirai Imi, segwayanarakavevurwa, ndichida kusiya mifaro yose yavanoti mifaroyohupenyu, madhanzi ose, mitambo yose, nehanzu dzosedzisina kunaka, nezvinozorwa, zvapamuromo, napanzara, zvosezvokushaiwa hanya kufanana nenyika. Makati, ‘Musazvibatasenyika. Musawadzane nenyika. Ibvai pakati pavo!’ O-oMwari! Ndibatsirei, Ishe. Ndivevurei nhasi. Nditorei segwayana

Page 26: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

26 SHOKO RAKATAURWA

uye ndirambe ndakanyarara, ndisavhura muromo wangu,ndisataura chinhu pamusoro pazvo, ndimire ndichivevurwa.”132 O-o Mwari, zvinoita mutsauko wei! NdinorangarirapaMakandivevura, makatora mudzimai wangu, mwanawangu, nababa vangu, nomunin’ina wangu, makandivevurandikachena. Asi, mumwoyo mangu, ndaiziva kuti ndinoKudai.Uye Makandiropafadza, uye Makandinakira sei! Zvose zvandiri,zvose zvandichazova, zvose zvandingazova; Ndimi, Mwari,Ndimi. Ndinoreurura kudarika kwangu, ndinoreurura zvosezvandakaita kana zvandakaita. Ndivevurei, Ishe, ndinoda kuvagwayana Renyu.133 Kwete izvozvo chete, Ishe, asi torai munhu wose aripano mangwanani ano, gwai rose, naavo vangada kuvamakwai, vevurai vose, mangwanani ano, Ishe. Isai makumboavo muEvhangeri. Dai Mweya Mutsvene wavatungamirirapakutendeuka iko zvino, ngavazive kuti vanga vari kushaiwahanya naMwari. Zvino dai Avevura kushaiwa hanyakwose, nenyika yose nezvinhu zvose zvenyika. Vevuraizvose mangwanani ano, Ishe, kuti tigomira tichitonhorerwatakanyarara pamberi penyu, samaKristu akaberekwa patsva.Zviitei, Ishe.134 NdinoKudai. Ndinoda kuenda, hazvina mhosva kuti kurikupisa, kana ndichinzwa kuda kuenda kana kwete. Ndinodakuenda. Ndinoda kuKumiririrai, nokuti ndinoda kuti Imimundimiririre panyaya yangu nezuva iroro, muchiti, “Zvino,akamira panzvimbo Yangu, iko zvino ndava kumira panzvimboyake.” O-o Mwari, zviitei nhasi.135 Zvino musoro wose wakakotamiswa, nomwoyo wosewakakotamiswa. Handizivi mangwanani ano kuti aripo hereanoziva kuti akaedza kuva nenzira yake, wakaita zvinhuzvawaisafanira kuita, uye uri kunzwa mangwanani anodai Ishe akakuvevura, uye uri kuti, “Ndiitei gwayana,”ungasimudza ruoko rwako here. Mwari akuropafadze,mudzimai. Mwari akuropafadze, hama. Mwari akuropafadze,hama. Mumwe angati, “Ndivevurei, Ishe, ndakamira. Ndirigwai. Handizozaruri muromo wangu, ndinoda kuti Imimubvise nyika mandiri.” Mwari akuropafadzei, hama. Mwariakuropafadze, mudzimai. Mwari akuropafadze, mukomana.Mwari akuropafadze, mudzimai. Zvino akuropafadze,hanzvadzi. “Ndivevurei, Ishe.” Hanzvadzi Gertie…[Anoridzapiyano—Mupepeti.] Zvino Mwari akuropafadze, mudzimai.Zvino akuropafadze, hanzvadzi. “Ndivevurei, Ishe. Ini—ndinoda kuti zvinhu zvose zvenyika…Ndinoda kuKumiririraimangwanani ano. Ndinoda kumira segwai rakavevurwa.Ndinoda kuti zvinhu zvose zvenyika zvibviswemandiri. Ndinodakuva weNyu uye Imi muve wangu. Mungandigamuchira here,Ishe, pandava kusimudza ruoko rwangu kwaMuri?” Mwariakuropafadze, mudzimai. Mwari akuropafadzei, changamire.

Page 27: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

CHECHI UYE CHINHANHO CHAYO 27

Mwari akuropafadzei. Mwari akuropafadzei, changamire.Mwari akuropafadzei, changamire. Mwari akuropafadze,mudzimai. Mwari akuropafadze, mudzimai, ndiri kuonaruoko rwenyu. Mwari akuropafadze, hama yangu. Mwariakuropafadze, mudzimai muduku ari kumashure uko. Mwariakuropafadzei kumashure uko, mai. Mwari akuropafadze,hanzvadzi. Zvakanaka, tendekai. “Ndiri kuda kuti Mwari atorezvose kubva mandiri zvose zvisina kufanana naYe, zvinangwazvine hundini zvose zvandiinazvo, kushaiwa hanya kwandinakokwose. Ndinoda kuti Iye andivevure, mangwanani ano. Ndinodakufanana naYe. Handina hanya kuti imvumo dzangu here kanakwete; handina mvumo. Ndinongova nemvumo imwe chete, uyeiyi ndeyokuti, ndiuye kwaAri. Anozotora zvose.”136 Pano mutadzi asati apira hupenyu hwake kuna Kristuhere, asati aponeswa, uye uchida kurangarirwa mumunamatomanheru ano, ungasimudza ruoko rwako here, shamwari?Mwari akuropafadze. Mumwe angasimudza ruoko rwake,achiti, “Ndirangarirei, Hama Branham. Handizi muKristu,uye handizivi kuti ndichasangana naMwari nguvai. Zvinoini—ndinoda kurangairirwa mumunamato iko zvino,pamava kupfiga.” Zvino, mungasimudza here ruoko rwenyukuti ndikunamatirei? Anokuonai. Mwari akuropafadze,mudzimai muduku. Mwari akuropafadze, mudzimai. Mwariakuropafadzei, changamire. Mumwe, “Ndinoda kuva,ndinoda…”137 Vangani pano vakadzokera kumashure? “O-o,” munoti,“handibvume izvozvo, Hama Branham.” Asi, tarisa, kana Njivaino hunyoro yakabva kwauri, hama, pane chimwe chinhuchakakanganisika. Pane chimwe chinhu chakakanganisikakana musingakwanisi kuitirana mwoyo murefu. Kanausingakwanisi kuregerera munhu kubva pakadzika pomwoyowako, hazvina mhosva kuti vakaitei kana kuti vakataurachii, kana usingakwanisi kuvaregerera kubva pakadzika, Jesuakati, “Kana musingaregereri munhu pakudarika kwake,kubva mumwoyo wenyu, kana naBaba vari kumusoro kuDengahavakuregerereivo.”138 Zvino kana, kunze kuno kuchipisa kudai, kana Mwariakakudana nhasi? Pane Tsime rakazaruka, chechi iripo, MweyaMutsvene uri muno mumba muno, wakagadzirira kudzokazvakare kudzoka mumwoyo wako nokukuita munyoro uye unerugare. “Zvino ndoitei, Hama Branham?” Iva gwayana. MweyaMutsvene unouya pauri kana ukava gwayana. Asi kana unezvinagwa zvisiri izvo, kana—une pfungwa dzisiri idzo, uchidakuva nenzira yako, usingadi kuisiya, zvino Mweya Mutsvenehauzombouyi.139 Zvino misoro yedu yakakotamiswa, handizivi kuti imimasimudza maoko enyu…Zvino, Jesu akati, “Uyo unonzwaMashoko Angu nokutenda WakaNdituma, anoHupenyu

Page 28: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

28 SHOKO RAKATAURWA

husingaperi, haapindi mukutongwa asi wabva murufuwapinda muHupenyu,” Johane 5:24. Asi zvino kana uchidakuuya kuartari, wogwadama pano, kusvikira wava kunzwahunyoro, norugare hwawaimbova narwo, kana kuti rwaungadakuva narwo, rwuuye kwauri zvakare. Takakotamisa misoroyedu, tichiimba, “Pane Tsime rizere neRopa,” ndiri kudakuuya, ndigwadame ndinamate. Munhu wose anoda kuuya,kuzogwadama pano paartari onamata kwekanguva.

There is a Fountain filled with Blood,Drawn from Immanuel’s Veins.And sinners plunged beneath…(Mwariakuropadze iwe, mudzimai, wuyauzogwadama)

Lose…140 Misoro yenyu yakakotamiswa, ndine tarisiro yokuti ndizvozvamunazvomumwoyo yenyu. Munoziva here kuti ndiani atangakuuyamangwanani ano, hazvifaniri kukuitai kuti munyare here?Mudzimai wechitema, anonzwisa tsitsi, akazvimba mabvi, anevhudzi jena, ari kuuya paartari.141 Pano imwe nguva yapfuura, mumwe murume wechitemaakaponeswa, munguva dzavaiitwa nhapwa. Akaenda, paakangaaponeswa, akataurira tenzi wake kuti akanga asununguka.Akati, “Wadii?”

Akati, “Ndasununguka.” Zvino akabva azomusunungura.142 Pano pane rimwe boka riri kuuya kuzotsvaga ruponesomangwanani ano. (Akati ndasununguka.) Munhu wose ngaavemumunamato, namatai kwazvo, Mweya Mutsvene paurikushanda navanhu kuti vaite sarudzo.

Akati, “Mozi, wati wasununguka here?”Akati, “Hongu, changamire, tenzi. Ndasununguka.”

143 Akati, “Kana wasununguka, nenivo ndichakusunungura,zvakare. Enda undoparidza Evhangeri.”144 Paakanga ava kuda kufa, hama dzake zhinji dzechichenadzakauya kuzomuona, zvino pavakadaro, akati, akafunga kutiakanga asiri kuziva zvakanga zviri kuitika. Paakamuka, akati,“Ndiri kufunga kuti ndanga ndafa.” (Mwari akuropafadze, hamayangu, pfugama.) Akati, “Ndafunga kuti ndanga ndafa.”

Vakati, “Waonei, Mozi?”145 Akati, “Pandakafamba kusvika pagedhi, ndakaMuona.”Akati, “Ndakamira, ndakaMutarisa.” Zvino akati, “PaivaneNgirozi yakauya ikati, ‘Uya kuno, Mozi. WakaparidzaEvhangeri kwamakore akawanda, une nguvo nekoronazvakakumirira.’ Akati, “‘Musataura kwandiri pamusoropenguvo nekorona. Handidi nguvo nekorona. NdinodakungoMutarisa.’” Ndinofunga kuti ndiwo matarisiroomuKristu.

Page 29: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

CHECHI UYE CHINHANHO CHAYO 29

146 Pano imwe nguva yapfuura, ndiri kuChicago, ndakangandiri mune imwe nzvimbo, nzvimbo inochengetwa zvinhuzvakare, ndingadaro, uye ndakanga ndichitarisa tarisa imomo.Ndakaona umwemutana wechiNegro, aiva nevhudzi shoma jenamumusoro wake, achifamba imomo, nenguwani yaiva mumaokoake. Ndakamutarisa. Akatarisa pane imwe nzvimbo, akasvetukakumashure, misodzi ikatanga kuyerera pamatama ake matema.Akatanga kunamata. Ndakamutarisa kwekanguvana. Akatarisazvakare, akatanga kuchema zvakare. Ndakafamba ndichiendakwaaiva ndikati, “Changamire.”

Akati, “Hongu, shamwari yangu yechichena?”Ndakati, “Ndiri kuona kuti…Chii chakufadzai zvakadaro?

Chii chakufadzai zvakadaro?”147 Akati, “Changamire, kanamukabata parutivi rwangu, ndinamavanga.” Akati, “Ndakanga ndiri nhapwa.” Akati, mugirazi iroriri pano, mune hanzu irimo.”

Ndakati, “Ndiri kuona kuti ihanzu, asi chii chinoshamisapairi?”148 Akati, “Gwapa iri riri apa,” akati, “iropa raAbrahamLincoln.” Akati, “Ropa iri rakabvisa bhande rohunhapwapandiri.” Akati, “Zvino, iwe muchena, hazvingakufadzivo here,zvakare?”149 Ndakamubundira, ndikati, “Mwari akuropafadze, hama.Ndinoziva rimwe Ropa rinondifadza.”

Akati, “Ndinoziva Ropa iri, zvakare, changamire.”150 Ndakati, “Akabvisa bhande rohunhapwa kubva pandiri.”Imwe nguva ndaienda kunze musi weSvondo kumabhizanezvimwe, ndichitaura zvinosekesa zvakaipa. Zvino, O-oMwari,ndakazviita sei? Kunyange nazvino pachine mavanga nazvinomumwoyo mangu. Asi ndinofara kuti Akatora bhande iri kubvapandiri. Zvakapera iko zvino, Akatora nzvimbo yangu.151 Pano imwe nguva yapfuura, ndakatarisa mumwe mudzimai,akanga akaipa kwazvo zvokuti ndaida kumupomera mhosva.Zvino Mwari akandipa chiratidzo. Ndakazomunamatira, nokutindakaona kuti zvivi zvangu zvakanga zvakakura sezvake.Zvino ndakafamba ndikaenda parutivi rwake ndikamutsiura,ndikamuudza kuti ndakanga ndiri muparidzi. Shamwari dzakembiri…Akanga ava namakoremakumimatanhatu namashanu,kana kuti makumi manomwe, zvino shamwari dzake mbiridzakagwadama ipapo, vakapira hupenyu hwavo kunaKristu. O-o, ini zvangu, zvakazoita mutsauko wakadii!152 Haungauyi here? Wakaita zvivi zvakawanda here,mangwanani ano, wakasvibisamwoyowako here zvokutiMweyaMutsvene hauchakwanisi kuubata? Zvichida Njiva Yakatizazvokuti haichakwanisi kudzoka noKusingaperi, yakaendazvachose.

Page 30: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

30 SHOKO RAKATAURWA

153 Mwari akuropafadze, mudikanwa. Musikana mudukuafamba achiuya kuno. Mwari akuropafadze, mudikanwa.Munoti, “Musikana muduku hapana chaanoziva.” O-o, hongu,anoziva. Haasati averenga mapepa nhau nenyaya dzakaredzorudo. Ndicho chikonzero, akapfava. Jesu akati, “Musadzivisavaduku ava kuti vauye kwaNdiri.”154 Panomumwe angada kuuya here, kuti ave nesu mangwananiano? Artari yakavhurika. Kweimwe nguva zvakare, tozoimbazvakare, tozonamatira vatadzi vari kutendeuka pano.

The dying thief rejoiced to seeThat Fountain in…(Chokwadi, zvinhu zvosezvakanga zvaenda, mbavha iyi yakangayaparara)

And there may I, though vile as he155 Hamungauyi here? Hamungauyi here, imi munoziva zvirinani? Bhaibheri rakati, “Kana uchiziva kuita zvakanaka, zvinoworega kuzviita, kwauri zvivi zvakanyanya.” Haungauyi here?Unoziva kuti wakakanganisa. Uya ugwadame paartari, uuyeuudze Mwari kuti uno hurombo nokutadzira kwawakaMuitira.Rega Mweya Mutsvene udzoke zvakare ukuite munyoro nokuvawakadzikama zvakare. Haungauyi here? Rangarirai, kanaukafa, uye Iye akaenda panzvimbo yako, hapazovi nomunhuanokureverera panyaya yako. Ari kuda kuti uMumiririremangwanani ano.Mwari akuropafadze, hama yangu.156 Ndakamirira. Ndivo vose here, gumi navashanuchete muchechi muno vanyatsonzwa kupomerwa mhosva?Makararama hupenyu huno rugare here, makanyorova,makapfava, hupenyu hwakanaka? Zvino, izvi zvirikutungamirirwa noMweya Mutsvene. Munoregerera here,hamuna vanhu vamunovenga? Muchirarama pamusoro,pamusoro pokupomerwa, kwavatadzi? Hamuraramisavahedheni here, munorarama zvakasiyana here? Hupenyuhwenyu hwakasiyana navo here? Mweya Mutsvene wakapfavawakagara pachigaro chomwoyo here, uchiita kuti uraramenorugare wakadzikama uine rudo, kuvanhu vose? Vavakidzanivako vanoziva, navose vaunoshanda navo vanoziva, kutiwakapfava, wakanyarara, unohunyoro, unozvininipisasomuKristu? Njiva yaMwari inewe here? Une chokwadihere? Uyu unogona kunge uri mukana wako wokupedzisira.Zvakanaka.157 Zvino kwamuri imi muri paartari, Mwari akuropafadzei.Hamuchazotongwi iko zvino. Mweya Mutsvene waunzakutongwa kwauri. Zvino hamuna kuedza kubatirirapamvumo dzenyu, muchiti, “O-o, ndanga ndiri muKristukwenguva yakareba. Handifaniri kuti ndiende.” Vamwe venyu,ndiko kokutanga kuuya paartari. “Ndinokwanisa kugarandiri mutadzi kana ndichida, imvumo dzangu.” Hongu,

Page 31: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

CHECHI UYE CHINHANHO CHAYO 31

ichokwadi. Unozvisarudzira zvaunoda, unokwanisa kuzvibatanamazvibatiro aunoda. Asi masiya mvumo dzenyu mangwananiano. Dzokuti, “Vachatii, ini ndanga ndichizviti muKristuuye ndozoenda paartari, vanotaura kuti chii?” Asi Mwari arikutaura kuti chii? Akati muuye, uye madaro. Zvino masiyamvumo dzenyu, mukauya kuMweya Mutsvene wakapfavakuzotora nzvimbo Yawo mumwoyo yenyu nhasi. Ndinozivakuti Achadaro. Ndinoziva kuti Achadaro. Akavimbisa kutiAchazviita. Ipapo, haUkwanisi kusazviita, haukwanisi kutiusauya. Uri kugombedzera, uchichema, zvakanyanya, nezvimwezvose, kuti uwane nzvimbo yokupinda, uchida kuuyamauri.158 Zvino panguva yako yokufa, mutumwa worufu paanengeagara pamubhedha wako, pano kuti utarise kunze ukokune chinhu chinotyisa, uchiziva kuti wakaramba kuuyapane imwe nguva, uye mweya wako wasviba netsvina,pasina nguva, hazvina mhosva kuti unochema zvakadii.Esau akatadza akadarika muganhu wenyasha…zuva rakerenyasha, ndingataura ndichadaro, haana kumbozowanamukana. Akachema zvaisiririsa, achiedza kutsvaga nzvimboyokutendeuka, asi haana kukwanisa kuiwana. Mwari akangaamudana kokupedzisira.159 Asi imi masiya mvumo dzenyu dzose neshamwari dzenyudzose, namanzwiro enyu ose nezvimwe zvose, mangwanani ano,kuti muuye pano. Masiya mvumo dzenyu, kuti mugwadamepano mutaure naMwari. Ndiri kukuudzai neShoko raShe, kutiKristu akati, “Uyo anouya kwaNdiri, handizomurashiri kunze.”Zvino uri paartari, tendeuka, muUdze kuti uno hurombonezvawakaita.160 Ndicho chikonzero vanhu vasingagamuchire MweyaMutsvene pavanobhabhatidzwa, havatendeuki zvakanaka.Mwari ari kuedza kuvapa Mweya Mutsvene. Anoda kutiunyorove upfave udzikame. Ndicho chikonzero uchisimukanokunyima kuchiri mumwoyo mako. O-o, ungasimuka,uchidanidzira, uchitaura nendimi, kana zvimwe, hazvikuitikuti uve noMweya Mutsvene. Unofanira kusimuka ipapo wavamunhu mumwe. Unofanira kubvapo, wapfava, wapfava, unohunyoro, uchizvininipisa, uye Mweya waMwari uchigara newe.Gore rinouya, wotarisa kumashure kwaunenge wabva, unozoonakuti uri kukura nguva yose. Ndiwo Mweya Mutsvene. MweyaMutsvene rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, hunyoro,kuzvidzora, kutsungirira, kutenda. Zvino, tendeuka utaurireMwari kuti uri kuzvida iko zvino, ita zvakanaka.161 Musikana muduku, iwe uri apo, mudikanwa, ita zvimwechete. Mwari akuropafadze. Mai vako vakamira vakaisa maokoavo pauri.162 Iwe hanzvadzi inokosha yechitema uri pano, uri kuchemauri paartari. Ungadai uchidya zvinhu zvisina kunaka zvakaipa,

Page 32: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

32 SHOKO RAKATAURWA

ungadai uchigara munzvimbo isina kunaka, pane zvandinoziva,hanzvadzi. Mwari aropafadze mwoyo wako, pane nzvimboyakanaka yawakagadzirirwa muKubwinya mangwanani ano.Ndizvo.163 Tarisai paartari muone mudzimai, ane vhudzi ravakuchena, mudzimai wechidiki akakotamisa musoro wake,mudzimai achena musoro wose. O-o Mwari! Ndiri kuonavarume vakagwadama, vakasiyana vari pano. Tendeukai,muUdzei kuti muno hurombo. MuUdzei kuti hamuchazozviitizvakare. Nenyasha dzaKe, muchaisa kupesana kwenyu, kubvanhasi zvichienda mberi. Munoda kuva vanhu vakapfavavakadzikama. Munoda kuzvininipisa muchienda kwaAnengeachikutungamirirai.164 Kana vanhu vakataura chimwe chinhu, hazvina mhosvakuti chinotaridzika zvakanaka sei, uchasiya mvumo dzakodzokutaura pamusoro pomuvakidzani wako. Uchazotaura,pamusoro paJesu. Uchazoita zvinhu zvakanaka. Hauchaendikunze semhondi. Hauchaendi kundodenha vanhu vasinamhosva. Asi uri kuona humhare hwamaKristu chaivo, uye urikuda kufanana navo. Hapana waunozoudza kuti uri muKristu,kana uri, vanozviona pavanokuona uchitaura. Wakasimbiswakunze nomukati.165 Zvino, pamuri kuzvininipisa mumwoyo yenyu, tendeukaiiko zvino. Taurirai Mwari kuti “muno hurombo,” uye“hamuchazozviiti zvakare,” uri “kunyara” nezvawakaita,nenzira yawakazvibata nayo. Zvino ndichazokunamatirai.Uye ndinotenda, pakarepo, rugare ruchauya mumwoyo yenyu,rugare rwakaita sorwizi ruchauya ruchiyerera mumwoyo yenyu.Unogona kunge usiri kuita ruzha, unogona kunge usiri kutauranendimi, unogona kunge usiri kusvetuka; asi uchibva paartariune Chimwe chinhu mauri. Chimwe chinhu chichaita kuti umirenomuchinjikwa pose paunenge uchirarama. Zvino namatai,sezvandiri kuita. Reururai.166 Baba vedu vokumusoro kuDenga. Tiri vanhu vasingakodzeri,mumba muno, muri kupisa mangwanani ano, mumbamokutongwa; asi, Mwari, Makamira panzvimbo yedu. MweyaMutsvene wauya, ukaudza vanhu kuti vanga vachitadza. Vangavari muzvivi. Mweya yavo yanga yakasindimara. Vakaita hasha,makuhwa, vanoziva zvose, vasingadi kutendeuka, vasingadikuregerera vanhu vakavatadzira. Vanga vasingadi kuzviita,asi nhasi Mweya Mutsvene watora Shoko raMwari Ukariisamumwoyo yavo yakapfava, ukati, “Zvino unoda here kudzokerapanzvimbo yawaimbova pawakatanga kuuya paartari, kudzokapana vamwe vose, uchidamunhuwose, uye uchindida Ini norudorusingaperi? Zvino simukaimuuye kuartari.” Vabvuma, Ishe.167 Zvino, ndinonamata kuti Muchenese pfungwa dzavo, Ishe,chenesai mwoyo yavo muvapfavise nokuvapa rugare. Dai

Page 33: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

CHECHI UYE CHINHANHO CHAYO 33

vakasimuka paartari zvino, mushure mokunge vatendeuka,vachipira hupenyu hwavo kwaMuri, vadzokera kudzimba dzavo.Hazvina mhosva kuti chii chinoitika, kana murume akatsamwa,kana mudzimai wavo akatsamwa, kana muvakidzani wavoakatsamwa, kana mumwe munhu wavari kushanda naye kanakuwadzana naye, “Ndicharamba ndakapfava senjiva.”168 Zvakare, Kutsiva ndoKwangu, “Ini ndichatsiva ndizvozvinotaura Ishe.” Takaona kuti ichokwadi, Ishe. Mirawakanyarara, pfava, ona Mwari achitora…achiuya kugwayanaraKe. Chokwadi, zvechokwadi. Mufudzi uyu akanaka akapaHupenyu hwaKe nokuda kwavo, Akauya kumakwai Ake. UyeAchaatungamirira. Nhamo kuno uyo anovakanganisa! Nhamokuno uyo anotaura shoko rimwe rinopesana navo! Akati,“Zviri nani kuti asungirirwe guyo muhuro make, akandwemugugwa rakadzika. Nokuti Ngirozi dzavo dzinogara dzichionachiso chaBaba Vangu vari kumusoro kuDenga.” Maona? O-oMwari, tinoda…“Zvino sezvaMunoita kwavari, munozviitakwaNdiri.”169 Zvino, Mwari, ndinoda kuva munhu akapfava. Ndinozviisapaartari, zvakare, mangwanani ano; kwete mangwanani ano,asi mangwanani oga oga nezuva roga roga. Ndinoda kuvandakanyarara uye ndakapfava, ndive saJesu. Zviitei, Baba.Tibatsirei kuti tive vakadaro iko zvino, dai rudo rukayereramumwoyo yedu.

Peace! Peace! Wonderful peace,Coming down from the Father above; (HamusikuRunzwa here mumwoyo yedu?)

…over my spirit forever, (Hareruya!Hareruya!)

Peace! Peace! Wonderful peace!170 Hanzvadzi Gertie vati ndiudze chechi yose kuti varikunzwa kupomerwa, zvakare, asi vari kuita artari papiyano.Artari, piyano ndiyo artari yavo, vati, “Ndiudze chechikuti ivanamatire,” pavakagara ipapo misodzi ichidonhapasi pamagirazi avo. Purupiti ino ndiyo artari yangu. Ndirikutendeukavo, zvakare, Bhaibheri rangu rakanyorova. O-oMwari!

Peace, peace of God!Coming down from the Father above; (O-o,hareruya)

…over my spirit forever.171 Mwari, kana ndakatadzira mumwe munhu, ndakatadziraImi, ndiregererei, Ishe. Bvisai chivi ichi muchechi yangu dukumangwanani ano.172 Vangani vari kunzwa kuti Mwari avaregerera, uye Njivayorugare yagara pamwoyo yavo zvakare? Yabhururukaichidzoka zvakare iko zvino, ikatora nzvimbo Yayo. Mweya

Page 34: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

34 SHOKO RAKATAURWA

Mutsvene wafamba ukati, “Mwana wangu, ndanga ndichiedzakukuda nguva yose. Wanga usingaNditenderi kuti ndizviite.Handikwanisi kugara nomweya wako wakare unonyima. Asiiko zvino nokuti wauramba, ndadzoka zvakare mumwoyo makomangwanani ano.” Vangani vanonzwa kudaro, simudzai maokoenyu? Simudzai maoko enyu, zvakanaka, mose muri paartari.O-o, zvakanaka. Vangani vari muungano vanonzwa kudaro?Simudzai ruoko rwenyu. O-o! [Hama Branham vanoti kuna aripapiyano, “To be like Jesus”—Mupepeti.]173 Baba vedu vari kuDenga, tinotenda Imi nenguva inoyokuzvipira kwakanyorova, sokutora apurosi muruoko,woripfanya, nokurikwiza, kusvika ranyorovera, rinonyorovazvokuti mwana muduku anokwanisa kuridya. Ndizvo zvatinodakuti mwoyo yedu iite, Ishe. Torai namaoko eNyu akabayiwanezvipikiri, muupwanye, muchiti, “Mwana, hausi kuona herekuti wakanga uchiNdirwadzisa? Wakanga uchiNdirwadzisapawakaita hasha. Wakanga uchiNdirwadzisa, o-o, mwoyoWangu wakarwadziwa mwana, pandakakuona uchiita izvoneizvo. Asi iko zvino ndava nomwoyo wako mumaoko Angu,ndinoda kuti unyoreve. Ndinoda kuugadzira ndigousevenzesanokugara mauri. Ndinoda kudzokera panzvimbo yangu zvakaremangwanani ano, ndinoda kudzoka zvakare, ndiite hugaroHwangu mauri.” Zviitei, Mwari. TinoKudai. Zviitei, kutiMurumbidzwe. Tinozvikumbira muZita raJesu.

To be like Jesus, to…(Hamufariri kunamatasaizvozvi here? O-o, mweya wangu urikufara.)

On earth I …(Kumuona Achiuya mu—muvanamati saizvozvi, mwoyo yenyuhainzwi kupfava here? Mwoyo wangu urikufara kwazvo.)

…journey from earth to GloryI only ask to be like Him.

Mungasimudza heremaoko enyu patiri kuimba?

To be like Jesus, to…(Joe, unoda kuuya kuzonamata heremangwanani ano, hama? Mwariakuropafadze. Wana nzvimbo pano paartari,Hama Joe. Mwari akuropafadze, hamayangu.)

…journey from earth to GloryI only ask to be like Him.

174 Ndinoziva kuti kuri kupisa, shamwari. Ndinoziva kuti kurikupisa. Asi ini—ndinofunga kuti muri kunzwa samanzwiroandiri kuita. O-o, ndiri kunzwa kunge ndingabhururuka.Akanaka zvakadii! Ndingaitei? Ndingaenda kupi? O-o Mwari!Ndiri kuenda kupi? Ndakananga kupi? Zvichazova—zvichazova

Page 35: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

CHECHI UYE CHINHANHO CHAYO 35

sei? Ndichazovepi makore zana ari kuuya kubva iko zvino? Zvinokana ndisina Iye? Ndokupi, kumwe kune hutiziro?

From Bethlehem’s manger came forth aStranger,

On earth I long to be like Him;All through life’s journey from earth to GloryI only ask to be like Him.

Tose pamwe chete zvino.To be like Jesus …(Mwari ngaarumbidzwe!Hongu, Ishe! Hongu, Ishe! Kwete senyika; asiSemi!)

…to be like Him;All through life’s journey from earth to GloryI only ask…

175 Takakotamisa misoro yedu, ndichakubvunzai chimwechinhu. Pano mumwe munhu pano ari kuchemedza MweyaMutsvene. Pano mumwe munhu adanwa. Ndiri kutaura izvimuZita raShe Jesu, somuprofita Wake. Ndiri kunzwa mwoyoWake uchirwadziswa. Kunze uko, pano mumwe munhu asinakuMuterera, anga achifanira kuuya.Haungauyi here iko zvino?

All through life’s journey from…(Hongu,hanzvadzi, asi pane vakawanda kudarikaiwe)…Glory

I only ask to be like Him.Just to be like Jesus…(Ndicho chishuvochangu, kunyorova kuzvideredza,nokuzvininipisa, saIye)

On earth I…(Haungauyi here iko zvino?Mwari anoda kukuona uchiita chimwechinhu, pana vakawanda venyu)

All through…176 Ndanga ndichiziva kuti muchauya. Mwari akuropafadze.Mwari akuropafadze. Mwari akuropafadze. Ndizvo. Ndizvo.Ndatarisa muungano, ndikaona mumvuri mutema wakaipawandati ndamboona. Mweya Mutsvene uri pano iko zvino. Uripandiri iko zvino. “KuchemedzaMweyaMutsvene.”

To be like Jesus…177 Chii chaAita? Aaenda kwaatungamirirwa naBaba. Mwariakuropafadze, hama.Mwari akuropafadze, hama yangu. Ndizvo,fambai muchienda pamberi mundogwadama.

On earth I long…178 Zvino yava nguva yokutendeuka chaiko kwakare,kutwasanuka, kugadzirisa zvinhu. Uyai. Ndichiri kunzwa kutimuna vakawanda imomo. Mwari akuropafadze, mudzimai.Mwari akuropafadze, mudzimai. Mwari akuropafadzei. Mwari

Page 36: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

36 SHOKO RAKATAURWA

akuropafadzei. Mwari akuropafadzei. Ndizvo. Mweya Mutsvenehaurevi nhema. Uyai. Ndizvo, uyai.

Him, to be like Jesus, to be like, yes, Jesus,On earth I…(O, ini zvangu, ndizvo! Ndiyonzira, zadzai pamberi pano apa, uyai kunomunamate)

Through life’s journey from earth to Glory,(Tendeuka, udza Mwari kuti uno hurombo,ndizvo zvaunofanira kuita)

…to be like Him.179 Ndinoda kuti murambe muchiuya zvino. “Ku…” Ndizvo,sunungukai, uyai. “Kuva…”180 Muchazoitei? Ndiani achazomira panzvimbo yenyu, zvichidahusiku huno? Ndiani achazomira panzvimbo yako kana rufurwasvika? Hazvina mhosva kuti wakaitei, Mweya Mutsvenewakagara pedyo newe. Ndiwo Uri kuda uuye.

All through life’s journey from earth to Glory181 Tendeuka, taura kuti, “Mwari, ndino hurombo. Ini—handingadi kudaro. Hamuzomiri panzvimbo yangu kanandikasamira panzvimbo yeNyu iko zvino. Zvino ndinodakuti Mumire panzvimbo yangu, zvino ndakamira panzvimboyeNyu kubva nhasi. Ndichararama sezvinofanira kuitamuKristu. Ndichashandura nzira dzangu. Ndichapfava uyendichadzikama. Ndicharega vamwe vanhu vachitaura zvinhuzvavo, zvose. Ini ndichararama ndakanyorova ndakadzikamapamberi peNyu.” Hazvina mhosva kuti wanga uri muKristukwenguva yakareba zvakadii, kuti uri wechechi ipi, hazvinachokuita nazvo.Uyai.Mwari akuropafadzei. Uya kuno,mwana.182 Mwari ari kutaura nemi iko zvino. Kana muchitendakuti ndiri muranda waKe, Mweya Mutsvene wataura nenimangwanani ano, wati, “Dana vanhu, kuna vakawanda varipo.”Nhasi ndiro zuva racho, ndiyo nguva yacho. Pana vanhu vashanukana vatanhatu kumashure uko, vanofanira kunge vauya ikozvino. Rangarirai, hama, hanzvadzi, ndiri kukuonai, ndiri kuonamumvuriwakasviba uri pamusoro penyu. Zviri nani kutimuuye.183 Kuva saJesu! Haudi kuva saIye here, kupfava, kudzikama,kunyorova, kuzvininipisa? Mwari akuropafadze, murumewechidiki. Mwari akuropafadzei, baba vano mwana. Mwariakuropafadzei, hanzvadzi. Mwari akuropafadze, shamwarimutadzi. Ndizvo. Uyai, hanzvadzi, uyai kuno, zviwanireinzvimbo. Mwari akuropafadzei.184 Hanzvadzi inodikanwa, une zvakawanda zvaunofanirakutenda pamusoro pazvo. Wanga wakarara pamubhedha,uchifa, zvino uri pano uchifamba uchiuya paartari. Mwariaropafadze mwoyo wako wakanyorova.

Page 37: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

CHECHI UYE CHINHANHO CHAYO 37

185 Mweya Mutsvene uri kutaura zvakare iko zvino. Tendeukai,chemai kuna Mwari, itai munamato wenyu moga. Ndimimakatadza, zvino ndimi munofanira kunamata. Taurirai Mwarikuti muno hurombo nezvamakaita. Musava nehanya yokutindiani ari pedyo nemi. Taurai kuti, “Mwari, ndiregererei,ndanga ndisingadi kudaro. Ndinoda kuva munhu akapfava.Handichazo—handichazoshatirwi kana kuita nharo zvakare.”186 O-o Mwari, o-o, ndinozvida sei! Baba vari kuDenga,kune mumwe nomumwe ari paartari, vari pamabvi avo, varikunamata! O-o Mwari, vana mai vangu, vana baba, vana,madzibaba, namadzimai, navamwe vakawanda, vavakidzani,nhengo dzomuchechi, madhikoni, vabati vehomwe, O-oMwari, panguva ino yokuumbwa zvakare, ndakagara mumbaino inopisa mangwanani ano, Mweya Mutsvene uchiuya,uchitaura rugare. O-o Mwari, ndinoda kuzomira nezuvairoro ndichiKunzwai muchiti, zvakapfava, “Hongu, wakauyaukamira panzvimbo Yangu, zvino ndichazomiravo panzvimboyako.” Ndinoda kuti Imi muise rugare mumwoyo wose uripano nhasi, Mwari. Chinyararire zvakapfava, ndinoda kutiMuzviite. Ndinoda kuti Imi mufambe mavari namanzwiro okutihaazovasiya zvakare, kubva nhasi zvichienda mberi. Dai dzimbadzikava itsva. Dai vanhu vakava vatsva. Dai zvinhu zvosezvikava zvitsva nhasi, nokuti vanhu ava vazvininipisa. Makati,“Kana vanhu vanodanwa neZita Rangu vakazvininipisa,vakanamata, ndichanzwa kubva kuDenga.” Zvino ndinozivakuti Manzwa, mangwanani ano, Mwari.187 Zvino ndinonamata kuti muregerere avo varamba vakagarapasi, vanga vachifanira kuuya. Mwari, taurai navo, uye daivakasava norugare zvakare panyika kusvikira vaita sarudzoiyi, Ishe, yokuuya kuzogadzirisa hupenyu hwavo Nemi. Zviitei,Ishe. Ropafadzai mumwe nomumwe wavo zvino. Dai hunyorohweNyu netsitsi dzeNyu zvagara pamunhu wose ari muchechimuno mangwanani ano.188 Mwari, Baba, ndaita izvi nokuraira kweNyu. Ndadanavanhu ava; vakamira. Makati, “Uyo anoNdipupura pamberipavanhu, ndinozomupupuriravo pamberi paBaba VangunaVatumwa vatsvene.” Vazhinji vavo vanga vari maKristukwamakore, asi vakamira mangwanani ano vachipupura kutivakakanganisa. Vakava vanhu vasina rudo. Mweya Mutsvenewakanga wabva pavari. Uye nguva dzakawanda vakangavasinganzwi hunyoro, kutapira, hunyoro hwavanofanirakuva nahwo. Vazhinji vavo vatadzi vauya kokutanga. Asi,Baba, vanoda manzwiro akanaka aya, rugare rinodarikakunzwisisa kwose. Vapei nhasi, Ishe Mwari, uye dai vosepamwe chete vava norudo vazara noMweya weNyu, pavanobvapanzvimbo ino nhasi, pavanoenda kudzimba dzavo dzakasiyana,kundorarama hupenyu hwakasiyana nokuva vanhu vakasiyana.Izvi tinozvikumbira muZita raKristu.

Page 38: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

38 SHOKO RAKATAURWA

189 “Pane Nzvimbo Patsime.” Zvakanaka, imi muri paartari,simukai, tarisai kuna Mwari Ishe, tendeukai mukwazisanemaoko nomunhu ari pedyo nemi. O-o, tava kuzoimba, munhuwose zvino, patava kumira tisati tanamatira vanorwara.

Room, room, yes, there is room,There’s room at the Fountain for thee;Room, room, yes, there is room,There’s room at the Fountain for thee. (Munhuwose!)

Room, room, yes, there is room,There’s room at the Fountain for thee;Room, room, yes, there is room,There’s room at the Fountain for thee.Room, room, yes, there is room![Hapana chinhu patepi—Mupepeti.]

190 Kutenda! Munoziva rimwe here zuva, hama, mudzimaiwenyu—paakandidana, kuti anamatirwe? Ndakaenda mumba,zvino Mweya Mutsvene ukataura kwandiri kuti, “Usatya.”Ameni. HaAsi wechokwadi here? Zvakanaka sei! Zvino, Ishengaarumbidzwe! Ndiri kunzwa sokunge ndichaita ruzharwokukunda! Zvakanaka.

And His Blood washes whiter …(Munechokutaura here tisati)

Jesus saves!191 Zvakanaka, Hama Neville zvino. Uye Hama Slaughtervane zvavanoda kutaura here. [Hama Slaughter—Mupepeti.]Rumbidzwai Ishe! [Hama Neville vanoti, “Ndinotendakuti munhu wose agamuchira mangwanani ano. “] Mwaringaarumbidzwe! Hareruya! Hareruya! [Hama Nevillevanotaura, uye vozoti, “Rangarirai musangano husiku huno,tine chirairo nokugezesana tsoka.” Vanobvunza Hama Branham,[“Munoziva here kuti muchange muri pano?”] Zvichidandichange ndiri pano husiku huno, zvakare. Hongu, sokuzivakwangu, kusiya kokunge ndadanwa kune imwe nzvimbo.

Page 39: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

CHECHI UYECHINHANHOCHAYO SHO56-0805(The Church And Its Condition)

THE CHURCH SERIES

Mharidzo iyi na William Marrion Branham, yakaparidzwakwokutanga neChirungu Svondomangwanani, Nyamavhuvhu 5, 1956, pa Branham Tabhenakiriku Jeffersonville, Indiana, U.S.A., yakazotorwa kubva pa tepi yaka rhekodwandokuzodhindhwa muChirungu pasina chakamurwa. Kuturikirwa ukumuchiShona kwakazodhindhwa nokugoverwa neve Voice Of God Recordings.

SHONA

©1993 VGR, ALL RIGHTS RESERVED

VOICE OF GOD RECORDINGS, ZIMBABWE OFFICE

8 ST. ANNES ROAD, AVONDALE, HARARE, ZIMBABWE

VOICE OF GOD RECORDINGS

P.O. BOX 950, JEFFERSONVILLE, INDIANA 47131 U.S.A.www.branham.org

Page 40: SHO56-0805 Chechi Uye Chinhanho Chayo VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO56-0805 The Church... · Chechi Uye Chinhanho Chayo Chirwere chisinganzwisisiki chine mwana anoda kurangarirwa

Chiziviso chekodzero

Kodzero dzose dzakachengetedzwa. Bhuku iri rinokwanisa kudhindhwa papirinda yekumba kuti ushandise uri iwe pachako kana kugovera kunze, usingatengesi, semudziyo wekuparadzira Evhangeri yaJesu Kristu. Bhuku iri harigoni kutengeswa, kudhindhwa akawanda, kuiswa pawebhusaiti, kana kuwana mumuchina waringachengeterwa, kuturikirwa mune mimwe mitauro, kana kushandiswa kukumbira mari pasina mvumo yakanyorwa nevekuVoice Of God Recordings®.

Kuwana umwe umboo kana zvimwewo zviripo zvingawanikwa, tapota nyorerai:

Voice of God RecoRdinGsP.o. Box 950, JeffeRsonVille, indiana 47131 U.s.a.

www.branham.org