sho63-0707m kupomera mhosva vgrdownload.branham.org/pdf/sho/sho63-0707m the indictment vgr.pdf ·...

64
KUPOM ERA M HOSVA Mazvita, Hama Neville. Ngatirambei takamira kwechinguvana kuti tinamate. Ngatikotamisei misoro yedu. Pane zvikumbiro here zvataurwa, kana zvikaziviswa neruwoko rwakasimudzwa, kuna Mwari chete, uchiti, “Ini— ini…”? Bata mupfungwa yako zvino zvauri—zvauri kuda kuMukumbira, ugozvitenda nemoyo wako wose, pandinenge ndiri kukunamatiraiwo, zvakare. 2 Baba voKudenga, tiri…tinoti uyu mukana chaiwo, kuuya kuimba yaShe, pazuva rino risina chiedza chakajeka, uye—uye nokuwana Chiedza cheMwanakomana waMwari chichipenya, uye nokunzwa Mweya Mutsvene uchiimba nomuvanhu, nokutaura nomuvanhu, chingori chi—chibutwa chiduku chemushana weMwanakomana chiri mukati. TinoKutendai nokuda kwazvo, mushana weMwanakomana weKudenga wakapoteredza moyo yedu. TinoKutendai kwazvo nokuda kwawo! Zvino vave… 3 Vanhu venyu vachangosimudza mawoko avo muungano ino, kuti vane zvikumbiro, kuti vanoshuvira kuti Mugovapindura mangwanani ano. Uye ndinonamata, Baba, kuti muchapa chimwe nechimwe chezvikumbiro zvavo. Pane zvakawanda, zvakaunganidzwa patafura, uye zvikumbiro zvakawanda kwese-kwese, vanhu vari kurwara, vari kutambudzika; kuchaiwa kwenhare, dzekure-kure, dzingasvika makumi mashanu pazuva. O Mwari, toitawo sei? Chingotitungamirirai, Ishe. Hati—tizive kwekuenda kana zvokuita, asi Imi munokwanisa kutungamirira zvinhu izvi, uye tinonamata kuti Mugozvipa kwatiri. Nokuti, chi—chinangwa chedu, Ishe, hungavei hupenyu hwatinahwo panyika takahupiwa neMi, uye tinoda kuhushandisa kuKukudzai nahwo. Iye zvino iMi titungamirirei muzvinhu izvozvo, Baba. 4 Tiropafadzei nhasi apo taungana pamwe chete kuti tinzwe Shoko raIshe, kuimba dzimbo, nokunamata. Inzwaiwo minamato yedu. Farai pamwe nesu mudzimbo dzedu, uye Mugotaura nesu nemuShoko, nokuti tazvikumbira nomuZita raJesu. Ameni. Garai henyu pasi. 5 Handimboziva imwe nzvimbo yandingati mukana ungadarika pakumira, sezvazvingave wokunge ndakamira mu—mupurupiti, kumedura Chingwa cheUpenyu kuvanhu vakamirira, vane nzara, vane nyota. Zvino uyu mukana mukuru. 6 Kutanga, ndinoda kubvunza kana—kana paine mumwe wekumhuri yekwaWright ari pano, Hattie kana Orville, kana chero hake? Hattie. Ko una Orville here, Hattie?

Upload: others

Post on 21-Feb-2020

6 views

Category:

Documents


0 download

TRANSCRIPT

Page 1: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA

Mazvita, Hama Neville. Ngatirambei takamirakwechinguvana kuti tinamate. Ngatikotamisei misoro

yedu. Pane zvikumbiro here zvataurwa, kana zvikaziviswaneruwoko rwakasimudzwa, kuna Mwari chete, uchiti, “Ini—ini…”? Bata mupfungwa yako zvino zvauri—zvauri kudakuMukumbira, ugozvitenda nemoyo wako wose, pandinengendiri kukunamatiraiwo, zvakare.2 Baba voKudenga, tiri…tinoti uyu mukana chaiwo, kuuyakuimba yaShe, pazuva rino risina chiedza chakajeka, uye—uyenokuwana Chiedza cheMwanakomana waMwari chichipenya,uye nokunzwa Mweya Mutsvene uchiimba nomuvanhu,nokutaura nomuvanhu, chingori chi—chibutwa chidukuchemushana weMwanakomana chiri mukati. TinoKutendainokuda kwazvo, mushana weMwanakomana weKudengawakapoteredza moyo yedu. TinoKutendai kwazvo nokudakwawo! Zvino vave…3 Vanhu venyu vachangosimudza mawoko avo muungano ino,kuti vane zvikumbiro, kuti vanoshuvira kuti Mugovapinduramangwanani ano. Uye ndinonamata, Baba, kuti muchapachimwe nechimwe chezvikumbiro zvavo. Pane zvakawanda,zvakaunganidzwa patafura, uye zvikumbiro zvakawandakwese-kwese, vanhu vari kurwara, vari kutambudzika;kuchaiwa kwenhare, dzekure-kure, dzingasvika makumimashanu pazuva. O Mwari, toitawo sei? Chingotitungamirirai,Ishe. Hati—tizive kwekuenda kana zvokuita, asi Imimunokwanisa kutungamirira zvinhu izvi, uye tinonamatakuti Mugozvipa kwatiri. Nokuti, chi—chinangwa chedu, Ishe,hungavei hupenyu hwatinahwo panyika takahupiwa neMi,uye tinoda kuhushandisa kuKukudzai nahwo. Iye zvino iMititungamirirei muzvinhu izvozvo, Baba.4 Tiropafadzei nhasi apo taungana pamwe chete kutitinzwe Shoko raIshe, kuimba dzimbo, nokunamata. Inzwaiwominamato yedu. Farai pamwe nesu mudzimbo dzedu, uyeMugotaura nesu nemuShoko, nokuti tazvikumbira nomuZitaraJesu. Ameni.

Garai henyu pasi.5 Handimboziva imwe nzvimbo yandingati mukanaungadarika pakumira, sezvazvingave wokunge ndakamiramu—mupurupiti, kumedura Chingwa cheUpenyu kuvanhuvakamirira, vane nzara, vane nyota. Zvino uyumukanamukuru.6 Kutanga, ndinoda kubvunza kana—kana paine mumwewekumhuri yekwaWright ari pano, Hattie kana Orville,kana chero hake? Hattie. Ko una Orville here, Hattie?

Page 2: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

2 SHOKO RAKATAURWA

Saka, mukumbire kuti agouya nokumba, tangopedza, panezvandakamutaurira, munoziva. Ngaauye nekumba, kanaakakwanisa. Ndakanganwa kuzviunza kuno, mangwanani ano,chimwe chinhu chekambwa kavo kaduku kavainako zasi uko.Saka nda—ndango…Kana ukakwanisa, tyaira wakanangakumba paunobva wave ku—kuenda kwenyu ku-…mushuremeshumiro.

7 Uye zvino, Edith, munun’una waHattie, uyo watinozivasomusikana muduku anga akaremara kubva achiri mu—mucheche. Uye ave mudzimai zvino, uye ari muchinhanochakaipa zvikuru. Zvino ini, kuda gore rimwe rapfuura,ndakaenda zasi ikoko paakatanga kubatikana, zvino pakarepondakawana kuti dambudziko rake raiva rei, nerubatsiro pamwenenyasha dzaMwari. Iye zvino, chaizvo-izvo, dambudziko rinemwana…

8 Akagara, makumbo ake anorovana pamwe chete,uye haatombokwanisi kuapatsanura, zviri kukonzerwanokumanikidzwa kukuru mu—mutsinga dzemanzwiro. Asi,zvazviri, hapana chakakanganisika pamutumbi wemwana,kunze kwedambudziko rokuremadzwa ari mucheche apo akangaave nemwedzi ingaita mitanhatu yekuzvarwa. Akadanidzirandokuchema zvokunge achabuditsa hupenyu hwake hwose,potse-potse, kusvikira…Takamunamatira makore akawandaapfuura, uye—uye anga achifara kubvira ipapo, kusvikira kudagore rapfuura.

9 Uye iye zvino ingori nguva yekuguma kubereka. Nemamwemashoko, shanduko yehupenyu hwake, zvino tsinga dzakedzemanzwiro dziri muchinhano chakamanikana. Uye mudzimaimuduku uyu mupfungwa dzake ari kufunga kuti ave kufa,haa—asi kuzomborarama, kubva paawa imwe kusvikapane imwe awa. Uye munoziva. Uye madzimai ane utano,akasimba anowana nguva yakaomarara kwazvo, dzimwenguva vanotozobaiwa mishonga yemvura dzemumuviri, no—nokupinda muzvipatara, nokurapwa kuvhunduka nezvimwezvose, panguva iyoyi.

Munhu ane shandukombiri dzehupenyu.

10 Vane shanduko kubva pahukomana kuva mu—murume;kubva kuva mudzimai…kubva pahusikana kuva mudzimai.Sezvingaita makore okuberekwa gumi nematanhatu,gumi nemanomwe, vanoita seboka revapengereki. Zvino—zvino kana mukangogona kutsungirira navo pazera iroro.Ndine mwanasikana ari muzera iroro iye zvino, Rebekah.Mumunamatirewo. Uye Billy, o, mumwe nomumwe wedu,tinopfuura nemuzera duku iri rokupengereka. Zvino—zvinosaka tinofanira kutsungirira navo, tichicherechedza kuti chinhuicho—icho cha—chavanofanira kupfuura nemachiri.

Page 3: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 3

11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakoremanomwe. Makore manomwe oga-oga, upenyu hwakohunoshanduka. Saka manomwe akapetwa kanomwe, munoona,uye—uye zvinoita kuti zvinge zvakati omei, uye iyoyo ishandukoizere. Zvino i—inonetsa madzimai. Varume kazhinji kachovanoita mamwe mazvibatiro anenge asinganzwisisike panguvaiyoyi, dzimwe nguva vanosiyamadzimai avo. Asimadzimai haa—achabereki shure kwezvo. Uye tose tinopfuura nemazviri, uyetinofanira kurangarira kuti zvinhu zvatinofanira kutsungiriranamumwe nomumwe, uye nokunzwisisa zvinhu izvozvi.12 Zvino Edith muduku apinda muchinhano ichochi,uye aperezeka, zvino anoratidzika zvakaipa. Uye—uye—uye ndinokutaurirai, umwe usiku, kwete imi mose muripamwe chete, asi karwendo kaduku kekudzika ikoko…Vakagara pamwe naye, masikati neusiku. Zvino ka—karwendokaduku kudzikako kubva kutabhenakeri ino ne—nemamwematabhenakeri akasiyana-siyana, ma—matabhenakeri eduakatangira pano, vamwe venyu imi vanhu endai munoonamhuri yekwaWright. Ndine chokwadi chokuti vanozvikoshesa.Chingodzikaiko, mugogara pasi navo kwechinguvana, motauranavo, vakwazisei neruwoko, uye kana kungori kushanyakwepahushamwari.13 Ti—tinozvikanganwa zviri nyore, munoziva. Zvino kanazvichinge zvauya kumba kwedu, zvadaro tinozozvikoshesa.Uye tinofanira kurangarira, vamwe vanozvikoshesawo, zvakare.Uye mhuri yekwaWright, ndine chokwadi, vanozvikoshesa.Ndi—ndinoziva kuti mungadai makazviita dai makaziva kutipane chinhano chakadai. Asi hamuna kuzviziva, saka ndo—ndokusaka ndanga ndiri kukuudzaimangwanani ano, nezvazvo.14 Endai munoshanyira mhuri yekwaWright, uye mugoedzakufadza Edith. Zvino, musamuudze kuti anoratidzikazvakashata. Muudzei kuti iye “anoratidzika zvakanaka,”iye “achaita zvakanaka.” Ndizvo, achaita zvakanaka kanatikangoramba takamumiririra. Ndicho chikonzero tiri pano.Iye ihanzvadzi yedu, uye—uye tiri pano kumiririra mwanauyu munguva dzino. Sezvandinongodawo kuti mumwe munhuandimiririre pamwe nokunamata pandainge ndiri kupfuuranemumiyedzo yangu, uye iwe unodamumwemunhu pane yako.15 Zvino—zvino mhuri yekwaWright yange yave ye—yekare…imwe yenhengo dzekare-kare kune vanouyakuungano ino. Ivo, ndinofungidzira, neHama Roy SlaughterneHanzvadzi Slaughter. Ndavaona munguva shomayapfuura, ndokuvasimudzira ruwoko pavapinda. Ndokufunga,pachezvangu, pandanga ndichityaira ndichipota nepakona,“Ave makore mangani ndichiona Hama neHanzvadzi Slaughtervachitora nzvimbo yavo mukereke ino, nomukukwiranokudzika, uye vachiramba vachienda mberi?” Nemhuri

Page 4: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

4 SHOKO RAKATAURWA

yekwaWright, nevakadaro, unokoshesa vanhu ivavo, munoona.Zvino ngati—ngativaratidzei kuti vanotikoshera.16 Zvino, nhasi, ndine Mharidzo yakareba. Iri pakupomeramhosva.17 Uye—uye zvino, manheru ano, ndanzwa kuti pane chiraironekugezana tsoka, nezvimwe zvakadaro. Saka mufundisivachataura, uye tichave…tichadzika zasi. Zvino kana iwe—kana iwe uripo, uya ugofadzwa ne—nemharidzo inobvakumufundisi, yabva kunaIshe, uyewo zvakare kubva pakugezanatsoka ne—nechirairo, manheru ano. Hunenge huri cha—chaizvousiku hune zvakawanda, nokudaro tichafara kuva newe, kanausina imwe nzvimbo kwaungaenda.18 Uye tinoda kukoshesa Don Ruddell, ne—ne hama yedu,neHama Jackson. Zvino—zvino hama idzi ihama yedu, makerekemaduku epano anobatirana nepano. Hama Jack Palmer varinechekuno uku, vanotarira bo—boka riri zasi kuGeorgia. Uyeti—ti—tinoda kukoshesa varume ava nemoyo yedu yose. Nokuti,panguva dzatinenge tiine shumiro, pandinouya, zvino va—vanouya kuzotishanyira, uye tinozvikoshesa.19 Ndinoona, mangwanani ano, shamwari yangu, DoctorLee Vayle nemudzimai wavo. Ndacherechedza HanzvadziVayle apo, kutanga, zvino ndaramba ndichitarisa kwese-kwese kuti ndione kuti Hama Lee vari papi. Zvino ndine,chitaurwa chezasi Kumawodzanyemba chakare, “vane mhosvayandichapedzerana navo,” munoona, pose pandinovawana.Ndakavatsvaka mazuva ose, pakonivhenisheni, kuti vange varizasi ikoko vachindibatsira. Ndakati, “Saka, kana Lee akauya,muitei kuti aparidze, zvino ini ndichangonamatira varwere.”Takashevedzera zita ravo paruzhinji, nezvimwe zvose, uyehatina kugona kuvawana. Saka, ndiri—ndiri, ndaiwana, mhosvayokupedzerana navo, pandinenge ndotaura. Zvino tinofara kuveneHama neHanzvadzi Vaylemuno, mangwanani ano.20 Uye zvichida pane vamwezve vakawanda vatisingazivi.Ndiri kuona imwe hanzvadzi pano, ndinotenda, inobvakuChicago. Handikwanise…Ndinoziva boka riri pano,asi handikwanise kudoma mazita avo nemazvo. Saka ti—tinovakoshesa vabva kwese-kwese, pose pamuri.21 Ndiri kuona hama pano, machinda maduku ari kuzogadzwa(vaduku mushumiro, zvisinei) mangwanani ano. Vaviri, hamadzedu dzechitema vanobva kumusoro kuNew York, vakawanamagwaro avo kubudikidza nekereke yePhiladelphia, uyendokupa kereke ino sekwavanobva. Zvino tiri kuzoisa mawokopamusoro pavo, kuti Mwari vagoropafadza shumiro yavomuNew York. Tine makereke maduku maviri kana matatukumusoro ikoko, ndinotenda kudaro. Hama Milano vane rimweremapoka maduku ikoko, uye tiri…tinovakoshesa. Zvino—

Page 5: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 5

zvino hevanoi vamwe vavirizve vari kuenda kunogadzira,kunoitira vanhu shumiro ikoko.Uye ti—tinokoshesa zvinhu izvi.22 Mwari vakuropafadzei zvikuru. Vakawanda; ndikatarisakwese-kwese ndinoona vakasiya-siyana, uye haukwanisekudanamazita avo vose, asi ndinoziva kuti Anonzwisisa.23 Zvino, ndinotenda, kana hanzvadzi yedu, inoridza piano,kanamumwewavo agouya pano kuzotiridzira.

Apo zimbe reMoto rakanga rabata muporofita,Richimuchenesa nokuchena kwese,Zvino shoko ra…inzwi raMwari parakati,“Ndiani achatiendera?”

Zvino akapindura, “Ndiri pano, nditumei.”24 Kana, tichigadza vashumiri ava tinoisa mawoko pamusoropavo. Zvino, tinocherechedza kuti nzira yeMagwaro yokugadzamushumiri kuisamawoko pamusoro. Ndinofunga kuti ndipo apohama dzedu dzeLatter Rain, kana kuti vanhu vekwaBattleford,nevamwewo, vakavhiringika; zvino pavakazviona, kuisamawoko pamusoro, kupa zvipo zvemweya. Zvino, hatitendikuti zvipo zvinouya nokuiswa mawoko pamusoro. Tinotendakuti…kuisa mawoko pamusoro kubvumirana nezvatakaonanechekare. Maona? Inongori “ameni.” Maona?25 Zvino, pavakaisa mawoko pana Timoti, nepane hamadziya, vakanga vacherechedza kuti muvarume ava munechipo. Rangarirai, “Mutsa chipo icho changa chiri mauri,chakabva kuna ambuya vako Roisi.” Zvino vakachionachiri munaTimotio, nokudaro vakuru vakaisa mawokopamusoro pake ndokumugadza. Kwete kuisa mawoko pamusoropemunhu asina chakamboratidzwa nemaari, munoona. Zvinovakangokumbira maropafadzo. Uye tose tinozvitenda. Sakahatipe zvipo zvemweya; tinongozvicherechedza, zvino tozoisamawoko pamusoro pavo, kuvapa rutsigiro, kuti tinotenda kutiMwari vakaitira vanhu zvinhu zvakadai.26 Ndacherechedza, mangwanani ano, kumashure-shure,Hama McKinney veku…Ndinotenda ndiKinney kana kutiMcKinney, mushumiri weMethodisti agere kumashure uko,achangobva mukugadzwawo pano, zvakare, ndinotenda kutindizvozvo, kubva papuratifomu; kuti vanomira vachishandavari kumusoro kuOhio, pamwe neHama Dauch neHanzvadziDauch, neboka rinobva kumusoro kuOhio.27 O, kana tose taungana pamwe chete, nzvimbo duku idzidzichiuya pamwe chete, zvinoshamisa. Hapana sangano; hapanazvisungo zvipi hazvo, asi bedzi kunaJesu Kristu, ndizvozvoga, munoona, kungo “gara pamwe chete munzvimbo dzirikuMatenga.”28 Zvakanaka, hanzvadzi, kana mukagona kutipa…Ngatingoimbai ndima imwe chete yechiya, “Apo zimbe reMotorakanga rabatamuporofita.”Ngatichiimbei pamwe chete zvino.

Page 6: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

6 SHOKO RAKATAURWA

Apo zimbe reMoto rakanga rabata muporofita,Richimuchenesa nokuchena kwese,Zvino inzwi raMwari parakati, “Ndianiachatiendera?”

Zvino akapindura, “Ndiri pano, nditumei.”Taurai, Ishe wangu, taurai, Ishe wangu,

Zvino hama dzichauya kumberi, kanamungazviita.…uye ndichakasika kupin-…

29 Regai dzimwe hama vashumiri dziuye kuno, kana vakagona,vari kuzoisa mawoko pamusoro pavo.

…Ishe wangu…Vanobatirana netabhenakeri pano, Hama Ruddell, Hama

Lamb, nevamwe. Ipo pano, kanamukakwanisa.…uye ndichapindura, “Ishe, nditumei.”

Zvishoma zvino, ndapota.O, mamiriyoni zvino ari muchivinokunyadziswa ari kufa;

Inzwai kuchema kwavo kune kusuwa kukuru;Kasikai, hama, kasikai kunovanunura;Nokukasika pindura, “Tenzi, ndiri pano.”Taurai, Ishe wangu, taurai, Ishe wangu,Taurai, ndichakasika kuKupindurai;Taurai, Ishe wangu, taurai, Ishe wangu,Taurai, ndichapindura, “Ishe, nditumei.”

30 Zita renyu rinonzi ani, hama? [Hama inoti, “OrlandoHunt.”—Mupepeti.] Hama Orlando Hunt, vanobva kuNew YorkCity. Ndizvo here? Uye Hama…[Imwe hama yacho zvino inoti,“Joseph Coleman.”] Joseph Coleman.

Zvino chingotendeukira kuungano, hama dzangu.31 Hama Hunt neHama Coleman, kudana kwaMwari kuripamoyo yavo. Uye sezvo tichangobva mukuimba chimbochiya, “Kune mamiriyoni zvino ari muchivi nokunyadziswa,ari kufa.” Vakanzwa kuchema kuya kukuru kunosuwisa.Uye tinovakumbira: kasikai, hama, kasikai kunovanunura!Munoona, pindurai nokukasika, “Tenzi, ndiri pano.” Ndiwomapinduriro avari kuita, mangwanani ano.32 Uye apo isu, sehama dzepakereke ino, neboka rino,tinotsigira izvi, nokuisa mawoko edu pamusoro pavopamwe nokuvaita kuti vange vachibata pamwe chetenesu, kuti vave zvapupu zvaJesu Kristu, netsigiro yedupano, kuti tichavatsigira muzvinhu zvose zvinoremekedzwauye zvakanaka, muEvhangeri. Ticharamba nguva dzosetichinamatira varume ava, kuti Mwari vagovashandisakuVaremekedza. Uye dai shumiro dzavo dzikange dzakapfumauye dzakakuramuNewYork. Dai upenyu hwavo—hwavo hwange

Page 7: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 7

hwakazara nokuVashumira, vachiunza zvisote zvakakoshakuHumambo. Dai vakararama hupenyu hwakareba, hunemufaro. Dai Ishe Mwari vavatsigira neHupo hwaVo husingaperi,nokuvapa hutano nesimba, uye nokuvachengeta vari mushumiroyaVo kusvikira Jesu Kristu azovadana kuMusha wavowemunaZiendanakuenda Kudenga rezororo.33 Regai ungano ino zvino…patiri kukotamisa misoro yedu,zvino isu vashumiri toenda mberi kunoisa mawoko edupamusoro pavo.34 Baba vedu voKudenga, tinoisa mawoko edu pamusoropeHama Hunt, nemuZita raIshe Jesu Kristu, seizvo zvatakazivanezvavo, Ishe, vanga vakarurama. Uye tinoKutendai nokudakwekudanwa uku muhupenyu hwavo, kushumiro. Ishe, taurainemuhama iyi, awane mweya yevanhu, aunze rudzikinuro,Ishe, kune avo vari muhutapwa, zvose muhurwere ne—nemupfungwa, nepanyama nepamweya. Ishe, mupeiwo shumiroyemazvirokwazvo, kuitira kuti agokwanisa, pamagumo enzirayake, agotarisa kumashure mumuhwezva wakareba agoona kutianga achikwanisa, nenyasha dzaMwari, kutapa muvengi wese.Kubudikidza naJesuKristu Ishe vedu, tazvikumbira. Ameni.35 Pamusoro peHama Coleman tinoisawo zvakaremawoko edu,sezvapupu, Ishe, kupa tsigiro pakudanwa kwavo, kuti isu, kerekeino, boka rino revanhu, tinovatenda semuranda waKristu.Uye tinokumbira kuti Muvaropafadze uye mugovapa shumirohuru, ine simba, kuti vagoKuwanirai mweya yevanhu, Ishe,nokudzikinura nhapwa, no—nokupwanya masimba aSatani,akapoteredza vanhu vaanowadzana navo. Mupeiwo, Ishe,hupenyu huzere nezvibereko, hutano hwakanaka nesimba.Uyewo, zvakare, kana achinge asvika kumagumo enzira, Mwari,itai kuti agokwanisa kutarisa achidzika nemuhwezva wakarebaagoona apo, nenyasha dzaJesu Kristu, akakwanisa kudamburangetani dzose dzomuvengi, kuti Mwari varumbidzwe.36 Baba voKudenga, dai varume ava zvino vachiraramanokushanda mugoho raMwari. Dai maropafadzo eNyu azororapamusoro pavo uye ave navo kusvikira panguva patichaunganapatsoka dzaTenzi vedu mukuru. NemuZita raJesu Kristutazvikumbira. Ameni.37 Mwari vakuropafadzei, Hama Hunt, vakupei shumiro izerenezvibereko. Mwari vakuropafadzei, hama, uye vakupei shu—shumiro izere nezvibereko, zvakare. Mwari vakuropafadzei.Zvakare:

Apo zimbe reMoto rakanga rabata muporofita,Richimuchenesa nokuchena kwese,Zvino inzwi raMwari parakati, “Ndianiachatiendera?”

Zvino akapindura, “Ndiri pano, nditumei.”

Page 8: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

8 SHOKO RAKATAURWA

O, taurai, wangu…(Dai Akataura kumoyoyechidiki yakawanda.)…taurai, Ishewangu, (Vakadanwa naMwari!)

…uye ndichakasika kuKupindurai;Taurai, Ishe wangu, taurai, Ishe wangu,Taurai, ndichapindura, “Ishe, nditumei.”

38 Tinotenda Mwari zvikuru mangwanani ano nokudakwekuremekedzwa kukuru uku, kwekereke ichipupurirakutumirwa kunze kwevashumiri mumunda wevhangeri muzuvarino rokupedzisira. Nyasha dzaMwari dziende nemi, hamadzangu! Ndinotarira kuti achakutumirai kunyika dziri kunzeuye nepasi rose, muchiparidza uhu hupfumi hwakadzamahwaJesu Kristu, uko kwahunodiwa zvikuru. Huri kunyatsodiwa,nenyika nhasi.39 Iye zvino, pane zvinhu zvakanaka zvakawanda izvi,tinotongofanira kutora zvishoma pano nezvimwe zvishomaapo, kuitira kuti tigozviwana zvose mushumiro mangwananiano. Zvino nhasi tiri…Ndiri kutaura pamusoro pechidzidzochandiri…Dzimwe nguva handifarire kuuya kunguva idzodzinonyatsotyisa kwazvo.40 Zvino, musi weSvondo wapfuura, kana vamwe venyumakanga musiri pano uye—uye musina kuwana MharidzoyeEksodho YeChitatu; uye kana muchida matepi, ndinotendakuti muchanakidzwa naiyoyi,Eksodho YeChitatu.41 Chii chatiinacho, mukomana ari kurwara pano, kanawozvimwe? O, mukomana muduku, akaremara. Hongu. DaiMwari vamuropafadza. Ndizvozvo. Zvakanaka. Panenge pavekupera shumiro, tichaenda kunonamatira varwere, zvakadaro,munoona. Saka isu, iye zvino, tiri…42 Tinokukumbirai, kana muchikwanisa, kuti muwaneMharidzo, yeEksodho YeChitatu, nguva yechitatu apo Chiedza,Mutumwa waJehovha uyo akadanira vanhu paeksodho,Akazviratidza zvinooneka panyika, mueksodho. Maona?Ndinofunga kuti zvakanyatsotsaurwa, kwandiri: eksodhoyechitatu!43 Mungaita basa nazvo here ndikabvisa jasi rangu?[Ungano inoti, “Kwete.”—Mupepeti.] Muri kudziya zvikurumutabhenakeri mangwanani ano, zvino chinotonhodzamweya choga chatiinacho ndeapo—ndeapo paunokwanisakuzvipumhira mweya. Unofanira kuzvigadzirira simba rakopachako. Saka tiri kuronga, rimwe zuva, kuisa muchinaunotonhororesa imo muno, patinongokwanisa kuti zvinhuzvigadziriswe.44 Zvino, tingazvifarire, kana imi—kana imi muchida ku—kunzwa Mharidzo, Eksodho YeChitatu. Iye zvino, takavanemaeksodho akawanda, asi tinonyatsokwanisa kuisa ruwokorwedu panzvimbo, nguva, yemaeksodho matatu ayo Mwari,

Page 9: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 9

ari muchimiro cheShongwe yeMoto, akadzika pasi kuzodananokupatsanura vanhu. Uye zvino iri kupatsanura vanhu.45 Uye tinoona kuti, paAkadana eksodho yaKeyekutanga, Akaenda mberi kwavo ari Mushongwe yeMoto,ndokuvatungamira kuenda ku…kuvatungamira kune nyikauko nokufamba kwenguva Akaonekwa pamberi pavo, arimuchimiro cheMunhu anonzi Jesu Kristu. Akabva kunaMwari,ndokuenda kunaMwari. Zvino va…zvino Akarambwa.Uye Akauya zvino kuzodana vanhu vabude kunze—kunzekwechinhano chehurongwa chavakanga vapinda machiri,sechavaiva nacho zasi muEgipita, vakanga vazvipira kuchivinekunzi—nzira dzevaEgipita. ZvinoMwari akavadanira kunze.46 Uye zvino tinoona, nguva yechipiri, vakanga vazvipira pasipehutapwa kuHumambo hwe—hweRhoma. Zvino vakatsaukamuzvitendwa uye ndokubva pakuperera kuzere kwekushumira,zvino Mwari zvakare vakatumira imwe eksodho. Zvino ivo…Akaoneka arimuchimiro cheMunhu akatungamira vanhu.47 Mueksodho yokutanga, Aiva Shongwe yeMoto. Zvino,paAkauya panyika, munyika iyo yaAkavatungamira.Mufananidzo wakanaka zvakadini sezvazvichavamuMireniyamu, uko kwaAri kutungamirira Kereke iye zvino.“TichaMuona sezvaAri, uye tichava nemutumbi wakafanananewaKe pachaKe wakabwinyiswa.”48 Uye nhasi, neChiedza cheEvhangeri chichipenya kubvapaChiedza, Shongwe yeMoto ichionekwa nemeso pakati pedu!Sainzi yakaIona. Iri mumamagazini, uye pasi rose. Uye Iyo,zvose panezvesainzi nezvepamweya, yakazivikanwa seShongweyeMoto imwe chete, nezviratidzo zvimwe chete pamwe nezvinhuzvimwe chete zvaYagara ichiita. Uye zvino pakati pemazuvapane kupengereka kwakawanda nezvimwe, zvakadaro, Mwaringuva dzose vanoZvizivisa. Iye zvino tinozviona.49 Uye chinhu chinobwinya zvakadini kuzviziva kuti,“Tabhenakeri ino iyi yepasi, rimwe zuva,” mutumbi unowakare waperezeka watinorwarira nokutambudzwa tiri mauri,“uchashandurwa zvino wobva wagadzirwa semutumbi waKepachaKe wakabwinyiswa; zvino tichaMuona sezvaAri,” uyetogova naYe muNyika iyo kwatiri kuenda nhasi. O, ndinga…zvapotsa zvatiita kuti timire toimba Ndiri Kuenda KunyikaYechipikirwa. Pamwe vachange vachichiimba pashumiroyerubhabhatidzo, zvakadaro, nokuti ndicho chimbo cheducherubhabhatidzo.50 Zvino kuhama, vose vari pano nekunyika kunoenda matepi,zvino kupoteredza pasi rose. Mharidzo idzi hadzina mumwemunhu wadzakanangana naye. Uye hatingadi kuti vanhuvafunge kuti tiri kamwewo kaboka, kana rimwe boka remipengoyazviunganidza pamwe chete, “kuzvipatsanura, sokunge, tisinakuTenda,” kana kuzvipatsanura tichipesana nemumwe munhu,

Page 10: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

10 SHOKO RAKATAURWA

kana—kana kupesana naMwari, kana kupesana neKereke.Tinoda Kereke. Asi tiri kungoedza kunongedza, neMweyaMutsvene nebetsero yaKe, chikonzero chekupatsanura ukokwatinako nhasi. Isu, hatitende makuri.51 Tinotenda kuti makereke ose anofanira kunge achiyananapamwe chete, asina kupatsanurwa; maMethodisti kuboka ravo,uye maBaptisti kune ravo, neveOneness, nemaTrinitariani,nechero vapi zvavo, vose vakapatsanurwa. Tinotenda kutiinofanira kunge iri pamwe chete, seboka rimwe guru rakabatanareMutumbi waJesu Kristu, rakamirira Kuuya kwakabwinyiswa.Havafanire kunge vakapatsanurwa, zvachose.52 Chii chinoipatsanura, panofanira kuva nechimwechikonzero sei tisiri pamwe chete. Mukuzvinzvera,ndinocherechedza, mukuzvinzvera, handi ruvara rwegandaredu; nokuti, yero, dema, bhurauni, nejena, ose anopatsanuranamumasangano akasiyana-siyana. Handi mhando yechikafuchatinodya; tose tinodya chikafu chakafanana. Tinopfekamhando imwe chete yenguwo, nezvimwe zvakadaro. Asindinonyatsoona chaipo pazviri, munhu akabva pagwara chairoredzidziso yeEvhangeri, munhu wese.53 Uye panofanira kuva neimwe nzira yekunyatsoratidza kutindechipi chechokwadi nechakakanganisa. Zvino nzira yogayauchazviita nayo, ndeyekusaisa dudziro ipi zvayo kuShoko,ingoRiverenga sezvaRiri uye ugoRitenda nenzira iyoyo.54 Munhu wese achiisa yake bedzi, dudziro yake, inoRiitakuti ritaure zvimwe zvakasiyana, zvobva zvaidzosa kusanganorokutanga rekereke yeKatorike. Apo, kereke yeKatorikeinotenda kuti Mwari vari mukereke yaVo, “Uye Shoko harineinechokuita nazvo; uyeMwari ari mukereke yaKe.”55 Zvino isu maProtestanti, sezvatinoona, uye seZvakazarurwa17, kuti vose havo vakaungana pamwe chete, uye kuti kerekeyeKatorike ndiyo yaiva “amai” vemasangano ose. Uye tinoonakuti sangano remaProtestanti, asi muhupofu, muhupofu,rine hunhu humwe chete hwekereke yeKatorike. Bhaibheririnodana kereke yeKatorike kuti “mhombwe,” nokudana kerekeyeProtestanti kuti “zvipfeve,” rakataura kuti mhombwe yaiva“amai vezvipfeve.” Zvino ava vanhu, anovamudzimai ane hunhuhusina kururama asingararame zvakatendeka kumhiko dzakedzemuchato.56 Uye tose tinozviti tiri Mwenga waKristu, kunyange pasinakutendeka zvachose. Chii chinoitisa kusatendeka? Nokuraramazvinopesana nemu—murairo wakaiswa naMwari kuti MwengawaKe agorarama nawo. Ndiwo mawonero angu pachangu,Bhaibheri, Ndiro Shoko raMwari risingakundike, ndinotenda.57 Zvino, nokudaro, tinoona kuti kereke yechiProtestanti, kutivave nesangano, inozvipatsanura kubva kuMagwaro, kuti iumbe

Page 11: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 11

sangano rayo. Vashumiri, vakagadzwa, vanobatirira kuzvinhuzvavano…58 Zvino, vanouya mukamuri yangu yekuverengeranemumakamuri, vari mazana, vachindiudza, “Hama Branham,munodanira vanhu kuzokupikisai. Hapana munhu ari kuzomirakunze uko achiZvipikisa. Vanoziva kuti Ichokwadi.”

Handiti, ndinoti, “Sei, seikomusingazviite?”59 “Saka, munoona, ndikazviita, ndichange ndave kupemhachokudya changu. Hapana munhu…Ndine shumiro.Ndinofanira kusvika kunaShe, uye ndinofanira kusvikakuvanhu. Zvino ndinenge ndichisina rutsigiro.”60 Munonyatsocherechedza here kuti Kristu ndiye rutsigirorwedu! Bhaibheri ndiro rutsigiro rwedu. Maona?61 Asi, izvi, munoona, zvadaro zvinokandira kereke ye—yechiProtestanti kuva chaizvo chinhu chimwe chete chiri kerekeyeKatorike.62 Kereke yeKatorike haina hanyn’a…Zvakanaka, handisikuti…handizviiti kuti zvishore zvakadaro, kutaura kutihavana basa nezvinotaurwa neBhaibheri. Va—vanotendaBhaibheri, asi, munoona, vane…Kugara nhaka yechiapostorandipo pane nheyo yekereke yeKatorike. Ndiko kutevedzanapachigaro kwanapapa, uye vanoti Petro ndiye papa wavowokutanga, zvichidzika zvakadaro. Zvino, ivo, vanozvitenda.Ivo, vanonyatsozvitenda zvachose.63 Zvino muProtestanti, munoona, va—vanoungana pamwechete zvino vova nesangano chaizvo sezvavakaita paNicaea,Rome, apo pavakagadzira ke—kereke yeKatorike ne…paNicaea Council. Tinoona kuti vose vaviri vakafanana. Vosevakafanana. Vanosiya Shoko raMwari, vachigadzira sangano.Maona? Zvino kana zvasvika paZvokadi huru dzakawandadzinoita sedzisinganzwisisiki nhasi, havaDzizive, nokutivakangodzidziswa bedzi netsika.64 Hatina tsika kunze kweBhaibheri. Hatina chimwe chinhukunze kweShokoDzvene raMwari, uyeNdipo patinomira.65 Uye zvino, nhasi, ndiri kuda kuverenga rimwe Gwaro,kwechinguvana, kubva muShoko raMwari dzvene, rakayereswa,rinowanikwa kubva muBhuku raMutsvene Ruka. Chitsauko23 chaMutsvene Ruka, kuisa hwaro, kuwana hwa—hwarohwezvandi—ndiri kuda kutaura, pfungwa duku pachinhuchandiri kuda kutaura nezvacho. Zvino mave kuzarurakunaMutsvene Ruka, chitsauko 23, uye ndinoda kuverengandima imwe chete. Ndizvo zvoga zvandiri kuda sehwaromangwanani ano, pokuiisa. Iye zvino tinoverenga yechi 20…chitsauko 23, ndima 33 yechitsauko 23.

Page 12: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

12 SHOKO RAKATAURWA

Zvino vakati…vasvika panzvimbo, inonzi Karivhari,ipapo ndipo ivo pavakaMuroverera, navatadzi, mumwekurudyi, mumwe kuruboshwe.

66 Zvino ndinoda kutora mashoko mana kubva ipapo, kubvapakuverenga uku, ndiwane hwaro hwezvandiri kuda kutaura,“ipapo ivo ndipo pavakaMuroverera,” mashoko mana. Uye zvinochidzidzo changu chinonzi…Ndi—ndiri kuunza kupomeramhosva kumakereke emasangano ezuva rino, uyewozve nekunemamwe akawanda akazvimiririra, yekuroverera Jesu Kristupamuchinjikwa patsva muzuva rino. Ndiri kuvapomera mhosva!Mangwanani ano, inonzi:KupomeraMhosva.67 Ndiri kuda kuchishandisa sekunge zvakafanana nekamuriyedare remhosva, apo panenge…Uye ndizvowo, purupitinekereke ikamuri yedare remhosva. Bhaibheri rakati, “Chigarochokutonga, kuti—kuti kunofanira kutangira muimba yaShe.”Zvino iyi inoita sechi—chigaro cheushe uye—uye dare,nezvapupu, nezvimwe zvakadaro. Zvino ndine pano, nhasi, chirichapupu changu, iShoko raMwari.68 Zvino kupomera kwangu mhosva kuri kumakerekeanhasi. Zvino handi—ndisi kuunza mutadzi mune izvi. Ndirikungotaura izvi kukereke. Uye zvicha—zvichange zviri muma—ma—matepi zvino, uye ndi—ndichaedza kupedza nokukasikakwese kwandinogona. Ndinopomora chizvarwa chino nokudakwekurovererwa kwaJesu Kristu kwechipiri.69 Uye zvino kuita zvakadai muzera rino ratiri kuraramamariri, ndi—ndiri kuzviita, ndinofanira kuratidza umboo. Kanandichifanira kunge ndichipomera mhosva, unofanira kuratidzaumboo hwemhosva yacho yakaparwa. Ndi—ndinofanira,kuvapomera mhosva, ndi—ndinofanira kuunza um—umbookuzviratidza, kuti ndizvo, kuti zvandiri kutaura zvinomirapamberi peMutongi mukuru. Apo, ndinozvitora ini pachangusegweta kuti…pakupomera uku. Kuti, Shoko raMwari,riri chapupu changu, ndinopomera chizvarwa chino nokudakwekurovera pamuchinjikwa.70 Ndinofanira kuratidza, uye ndicharatidza, kuti mweyamumwe chete uri pavanhu nhasi uyo wakaunza kurovererwakwekutanga, uye nokuita zvinhu zvimwe chete. Ndi—ndinofanira kuzviita, kana kuri kuzorevererwa pamuchinjikwa,kuti vakaroverera. Ndinofanira kuratidza kuva—vanhukuti maonero mamwe chete ari muvanhu nhasi ari kuitazvimwe chetezvo, pamweya, izvo zvavakaita panyama kareko.Vakaroverera, panyama, Jesu Kristu, Mwanakomana waMwari.Uye zvino, nhasi, neShoko rimwe chete, uye neMweya Mutsvenemu—mumwe chete neShoko rimwe chete, ndi—ndinodakuratidza makereke ayo—ayo paamire, kuti ari kuita chinhuchimwe chete nhasi, uye Bhaibheri rakataura kuti aizozviita,uye nokuratidza kuti rino ndiro zuva ratiri kuraramamariri.

Page 13: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 13

71 Zvanga zvisingagone kuitwa makore mashoma apfuura.Ndinoti, makore makumi mashanu apfuura zvanga zvisingagonikuitwa, asi nhasi ndiyo nguva yacho chaiyo. Uye hazvaigonakunge zvakaitwa, zvichida, makore gumi apfuura, asi zvinogonakuitwa nhasi nokuti ngu—nguva yapera. Tave—tave panguvayekuguma. Uye ndinotenda, semuranda waKe, kuti tave—tavepedyo kuyambuka kubvamunyika ino, kuenda kune Imwe.72 Nokudaro, nguva yokutendeuka, yenyika, yapera.Ndinotenda kuti nyika ino haichagona kutendeuka. Ndinotendakuti yakayambuka muganhu uri pakati petsitsi nekutongwa.Ndinotenda kuti iri kuzunguzika iri muchikero.73 “Hama Branham, musati matanga nyaya yenyu, komuchazviratidza sei?”74 Izvozvi, kuti tine mhosva yezvivi zvimwe chete izvoMwari vakaparadza nyika nokuda kwazvo, munyika iyayokuzoparadzwa nemvura. Tine mhosva yezvivi zvimwe chetezvaVakaparadzira nyika muSodhoma neGomora. Uye, zvino,uye tine humboo hwose hwepamweya humwe chete huripamberi pedu, humboo hwose humwe chete hwepamweya,hunozivikanwa pasi rose, hwakaunza pasi tsitsi dzaMwaripazvizvarwa izvozvo. Nokuti, zvakare, kuramba, zvakaunzakutongwa. Saka kana chizvarwa chino chakaramba tsitsidzimwe chete dzakarambwa mumazuva iwayo, Mwari vanengevasina nduramo kuvasiya vakadaro vasina kutongwa.75 SaJack Moore, imwe shamwari yangu, akamboti, “Kananyika ino ikasiyiwa yakadaro isina kuwana murangokubva kunaMwari, zvino Mwari vanenge vasungirwakumutsa Sodhoma neGomora vokumbira ruregerero nokudakwekudzipisa nemoto.”76 Iye zvino, tinoziva kuti pamweya vari kuita chinhu chimwechete nhasi, nokuti vari kuzviitawo, zvakare, nechinangwachimwe chete, uye nenzira imwe chete yavakaitamukurovererwapamuchinjikwa kwaShe, panyama. Vari kuzviita nokudakwegodo, nokuda kwehupofu hwepamweya. Nokuti, havadikuona. HavamboZvitereri.77 Jesu, parwendo rwake pano panyika, Akati, “Isayawakataura chaizvo nezvenyu, ‘Mune meso asi hamukwanisekuona, nenzeve asi hamukwanise kunzwa.’”Maona?78 Chikonzero chimwe chete, chinangwa chimwe chete—chimwe chete uye nemafungiro mamwe chete, vari kuunzakurovererwa kwaKristu patsva, patsva, (sezvo tichasvikakwazviri mushure mechinguva), nokuda kwezvikonzero zvimwechete zvavakazviitira kareko.79 Hapana mhosva yavanogona kuRiwanira. Havatombodizvokuedza kuRipikisa. Uye vanoziva kuti umboo hwacho huripo.Uye vanoziva kuti Bhaibheri rinotaura kudaro. Zvino chinhu

Page 14: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

14 SHOKO RAKATAURWA

choga chavanogona kuita kuRimhura. Ndizvo chaizvo. Saka,nezvose izvi, zvikonzero zvimwe chete.80 Uye zvino, nokuda kwaizvozvi, ndinopikisa chizvarwachino nokuroverera Jesu Kristu; nokuroverera, uye nemhosva;nemawoko ane tsvina, ane utsinye, ane undini, esanganovakaroverera pamuchinjikwa Muchinda weUpenyu akangaachida kuZviratidza kuvanhu.

Unoti, “Munhu mumwe chete?”81 “Pakutanga kwakanga kuine Shoko, uye Shoko rakangariri Mwari. Uye Shoko rakaitwa nyama, zvino ndokuzviratidzapachaRo.” Shoko rakaratidzwa munyama, zvino vakapomeranyama mhosva ndokuiuraya, nokuti Shoko rakaratidzwa.VaHebheru 13:8, yakati, “Jesu Kristu ndiye mumwe chete zuro,nhasi, nokusingaperi.” Ndiro Shoko rimwe chete. Maona? Uye,nokuda kwechikonzero chimwe chete, vari kuedza kurovereraShoko pamuchinjikwa.82 Iye zvino, kuchidzidzo changu, kudzokerazve kuchidzidzochandiri kuda kutora. “Ipapo,” mashoko mana, regaititsanangure, “ipapo.” “Ipapo,” guta dzvene pane ose pasirose, Jerusarema. “Ipapo,” guta gurusa pane zvekunamatapasi rose. Ipapo, “ivo,” vanhu vanamati kudarika vanhu vosepasi rose, vari pamutambo wekunamata, mutambo wePasika.“Ipapo,” nzvimbo hurusa yezvekunamata, guta gurusa panezvekunamata, sangano gu—gurusa pane ose, musoro wao ose.Ipapo, “ivo,” vanhu vanamati kudarika vanhu vose pasi rose,vakanga vaungana vachibva pasi rose. Vaka “roverera,” rufurunonyadzisisa rwaigona kuvepo, kuuraya, munhu aigonakuuraiwa; asina kusimira, vakaMukumura nguwo. “A—Akazvidza kushorwa.” Ivo…Muchinjikwa une chi—chi—chijirachakamoneredzwa paAri; asi vakaMukumura nguwo dzaKe.Zvainyanyisa kunyadzisa!83 “Ipapo,” guta gurusa rezvekunamata, “ivo,” vanhu vanamatikudarika vanhu vose, “vakaroverera,” nerufu rwunonyadzisisa,“Iye,” Munhu akakoshesesa. Ndokunge kana zvisina kukwanakupomera chizvarwa chino!84 “Ipapo,” sangano rezvekunamata rakadarika mamwe ose,kereke hurusa pamakereke ose yakaungana panzvimbo imwechete. “Ivo,” vanhu vanamati kudarika marudzi ose, vanhuvaifanira kunge vari ivo chaivo vanonamataMwari. Vakaunganapamutambomutsvene mukuru kudarika mimwe yose yavainayo,kucheneswa kwe…Pasika, pavakaunzwa kubva muhurandavachiiswa murusununguko. Zvino “ipapo” panguva iyoyo, “ivo”panguva iyoyo, vanhu vanamati kudarika vose, mumutambowekunamata unodarika mimwe yose, panzvimbo hurusayezvekunamata, ndokuunza paMuchinda weUpenyu chinhuchinonyanyisa kunyadzisa chaigona kuitwa, kukumura Munhunguwo dzose nokuMurembedza pamuti. Nokuti, “Akatukwa

Page 15: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 15

uyo,” ndizvo zvakataura murairo wavainamata nawo,“akatukwa uyo anorembera pamuti.” “Zvino akaitwa chitukonokuda kwedu.” Kukumura hanzu dzaKe dzose, kuMurova,nokuMunyomba, Mwari chaiye weKudenga; vachitora nguwodzaKe kubva paAri, zvino ndokuMuroverera pamuchinjikwa.Iye! “Ipapo ndipo ivo pavakaMuroverera,” pasi pemutongoweRhoma werufu.85 Rufu rwunonyanyisa kunyadzisa nhasi hakusi kupfurwa.Rufu rwunonyanyisa kunyadzisa nhasi hakungambori kufawatsikwa nemotokari, kunyura mumvura, kutsva nemoto.Asi rufu rwunonyanyisa kunyadzisa nhasi kutongerwa rufunehurumende, apo pasi rose rinokupomera mhosva rokuti unemhosva.86 Zvino pasi rose rakaisa mawoko aro paMunhu uyundokuMuti ane mhosva, apo Iye asina mhosva. Zvino akafirapasi pemuvengi, (kwete shamwari dzaKe, kwete mirairoyaKe), asi pasi pekurovererwa pamuchinjikwa nemuvengi.Muchinda weUpenyu, Munhu akakoshesesa ati amborarama,kana achazorarama, Jesu Kristu. “Iye,” Munhu akakoshesesa!Zvichengetei mupfungwa zvino patave kuvaka hwarohwezvanhasi.87 Mungafungidzire here, panzvimbo yakaita seJerusarema,apo kwemazana makumi maviri nemashanu emakore, kanakudarika, kuti vanhu…kana mazana emakore. Ndinogonakunge ndati rebesei ipapo. Zvaigona kunge zvakatora kudamazana masere kana mapfumbamwe emakore, kanawo mamwe.Handinyatsozivi kuti mangani, pakareba zvakadini, kubvapanguva iyo Soromoni akavaka temberi. Ndinofungidzira, kudamakore mazanamasere, zvimwe zvakangodaro.88 Uye vanga vakatarisira Mhesiya aiuya. Vakanga vaunganaipapo pashumiro yePasika. Chingozvifungai zvino! Mukuruwavose vaFarise, vaSadhuse, newese hake, gungano rimwe guru,kuti vanamate Mwari. Nzvimbo tsvene-tsvene, Jerusarema,tembere yaShe, uye vanhu vaShe, vakatora Ishe pachaKendokuMuroverera pamuchinjikwa, nekumutongera rufu.Chinhu chakadaro!89 Zvino mashoko mana, ivo, “Ipapo ndipo ivopavakaMuroverera.” Zvino, muchiri kungoratidza Bhaibheri,munoona. Anongori mashoko mana, asi Bhaibheri rinopfupisaZvokwadi yaRo.90 Iye zvino, ini, ndinofanira kutopoterera, ndotsanangurazvandiri kutaura pamusoro pazvo, asi Bhaibheriharisungirwe kuwana charinotsanangura. Rose zvaro rinongoriChokwadi, saka bha—bha—Bhaibheri harisungirwe kuwanacharinotsanangura. HaRi—Risungirwe kutsanangura, nokutiRose iChokwadi.

Page 16: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

16 SHOKO RAKATAURWA

91 Heanoi mashoko mana erundaza rwaRo rweChokwadi.Ndichaedza kuRwutsanangura. Uye nokuedzakuRwutsanangura, zvakajeka, zvinogadzira library. Hapananzira yokuti nditsanangure mashoko mana aya. Asi zvinongatidaro, nerubatsiro rweuYo Akaita kuti Rinyorwe, ndoedzakutsanangura mashoko mana aya, ndozviunza nenzira yokutivanhu vanozvinzwisisa.92 Icho chatinacho mberi kwedu zvino, tine kurovererwapamuchinjikwa kwekutanga kuri pamberi pedu; panzvimbotsvene-tsvene, vanhu vanamati kudarika vose, rufurwunonyanyisa kunyadzisa, kuMunhu akakoshesesa. O,zvinonyatsopesana. Ini zvangu, o, ini zvangu, zvinonyadzisa!93 Zvino ngatitorei, kutanga, shoko rekutanga, “ipapo.”Ngatitaurei nezvaro kwemaminitsi mashoma tisati taunzakupomera mhosva. Tichazvidimbura-dimbura tigokuratidzaizvavakange vari kuita, zvino tinozoona kana kupomera kwangukuri kwemazvirokwazvo kana kuti kwete. “Ipapo,” Jerusarema,nzvimbo tsvene-tsvene yakareruka, nokuti tembere yakanga iriipapo; nzvimbo tsvene-tsvene, nokuti, iyo, tembere, yakangairi ipapo. Zvino maJudha aibva pasi rose aiungana panzvimboiyi, nzvimbo yokusanganira yokunamata. Hurusa…nzvimbohurusa yezvekunamata yaivepo, yaive paJerusarema. Tembereyakanga iripo. Nokuti, “Zvakanyorwa, ‘Vanhu vose vanofanirakunamatira paJerusarema,’” zvakanaka, nokuti ndiyo muzindawezvokunamata.94 Uye nhasi unovanzwa, mumwe wavo anoda kuti, ivo, “O,tauya kumakonivhenisheni makuru aya,” uko masanganoaya kwavainayo. Uye—uye zvino tine ku—kuzarurwa kwe…paVatican City, ne—nekugadzwa kwanapapa, nezvimwezvakadaro. Ivo, munhu wese anoti, “Tinofanira tose kuendakunhandare dzekunze dzemaMethodisti, kana konivhenisheniye—yeBible Baptisti.” Kana—kana, “Tinofanirwa tose kutitiende ku—kuRome, zvino ndipo pane muzinda mukuru,”wavanoti, “weChikristu.”95 Munguva yehondo yekupedzisira, Rome payakakundwa,masoja aya ekuGermany…Vazhinji venyu imi vakomanamunoziva nezvazvo. Masoja ekuGermany aya akapindamuVatican City imomo, vachiridzira pfuti vekuAmericapavakanga vave kuenda ikoko. Hama Funk, neHama Roberson,nevamwe vakawanda, neHama Beeler, nevazhinji vehama dziyadzaive muhondo iyi, vanoziva. Zvino munozivei? Takapa rairoyokuti havaikwanisa kupfura guta iri. Vanhu vemuAmerica,makamirapo, zvino makange mave pokuti vaigona kukupfurai.Asi paWest-…Westminster Abbey pa…muEngland, zvangazvisina basa maigona kuiridzira pfuti; ndipo pakaunganamaProtestant. Saka zvanga zvakanaka kuridzira pfuti, asi kwetekuridzira pfuti kuVatican. Nokuti, seMutungamiri wenyikaRoosevelt…ndakanzwa nhauro yake paaka—paakaiisa

Page 17: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 17

panhepfenyuro manheru iwayo, inonzi, A Fireside Talk. Akati,“Rome payakakundwa,” akati, “zvinonyadzisa sei, nokuti Romendiyo musoro wezvose zveChikristu.” Mungazvifungirewo heremuProtestanti achitaura zvakadaro?96 Saka muzinda mukuru wechinamato cheChikristu, saka,ticha—tichazviita seJerusarema, kana muchida. Kana muchidakudaro, ngatizviisei paJerusarema. Nzvimbo huru yevose ava,va—va—vaSanhedrini, ne—newevaFarisei, newevaSadhuse, vosezvavo vaikwira kuenda kuJerusarema. Ndiwo waiva chaiwomuzinda.97 Mune zvehupenyu hwemumasangano, munofanira kubvumakuti Kereke yeRoma Katorike ndiyo amai vedzose. Zvirokwazvondiyo. Uye yakatangira paPentekosti. Ndipo pavakasvikapavakavaka sangano. Zvino isu, maProtestanti, tinongorivanun’una vaduku vakabva pakereke iyi. Uye zvino ngatitiiinenge iri ipapo paVatican, nhasi.98 Kana kuti, uko kuJerusarema, sezvazvaiva pazuva riya, “Apovanhu vose vanofanira kuuya kuJerusarema kuzoshanda…namata.” Sei vakazviita mumazuva a—aJesu? Sei vaiti munhuwese anofanira kunamatira paJerusarema? Nokuti, panenzvimbo imwe chete iyo Mwari anoyanana nemunhu, panovapasi peropa rechibairo. Ndicho chikonzero vaifanira kuuyakuJerusarema.99 Mwari havana kumwe kwavanombofa vakasangananemunhu kunze kwepasi peRopa. Kana ukaramba Ropa, zvinonzvimbo yako yokusangana naMwari inenge yabviswa. Mwarivakatora sarudzo yavo yokutanga mubindu reEdheni, kutimunhu anongoMunamata bedzi ari pasi peropa rakadeurwarechibairo. Zvino ndiyo nzvimbo yoga iyo Mwari vaisangananemunhu kareko, uye ndiyo nzvimbo yoga iyo Mwariakambobvira asangana nemunhu.100 Uye ndiyo nzvimbo yoga yaAnosangana nemunhu nhasi,pasi peRopa rakadeurwa reChibairo. Maona? Handina basakana uri muMethodisti, Baptisti, Presbyteriani; kana ukagonakukanganwa misiyano yenyu, Roma Katorike, chero chaungave,zvino wouya pasi peRopa rakadeurwa, Mwari vanosangananesu tose ipapo. Ndipo patinogona kusangana tose toyanana tiripanzvimbo imwe chete. Asi, zvikasadaro, haAzogona kusangananokuda kwekungoti uri muMethodisti; haAzogona kusangananokuda kwekungoti muri maPentekosti. Anozosangananewe pasi pechinhano chimwe chete, chinova, pasi peRoparakadeurwa, kana zvivi zvako zvareururwa zvino zvobviswamuHupo hwaKe, zvadaro, neRopa. Zvino Ropa rinogara nguvadzose riri pamberi paKe, nokudaro Anongogona bedzi kukuonanemuRopa rakadeurwa. Zvino unenge wakachena semazayaechando, munoona, kana uchinge wareurura zvivi zvako.Zvikasadaro, iwe haupo, haukwanise kuyanana.

Page 18: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

18 SHOKO RAKATAURWA

101 Ndicho chikonzero sei musiri kuona zvinhu zvichiitikamumakereke. Vanopupura kuti vanotenda Ropa, asi vanorambazano racho rokuti vawane Ropa; Shoko.Maona? Pane nzira imwechete iyo Mwari vanoremekedza Shoko iri. HauzomboremekedziShoko iri, ukauya uchiti, “Ndiri muRhoma Katorike. Ndirikuraira kuti zvakati zviitwe.” Haukwanise kuzviita. Methodisti,Baptisti, kanamaPentekosti, haukwanise kuzviita.102 Nzira yoga yaunokwanisa kuzviita iri pasi petsitsidzaMwari, kubudikidza nenyasha dzaKe, kuuya nemuRoparakadeurwa raJesu Kristu, woti, “Ishe, ndinotora vimbiso.”Maona? Uye zvino kana uri chaizvo pasi peRopa iri, Mwarivakasungirwa kuShoko irori. Asi, kutanga, unofanira kunge uripasi peRopa irori. Muri kuzviona here zvino? [Ungano inoti,“Ameni.”—Mupepeti.]103 Ndosaka vasingatendi mumashura. Ndosakamusingakwanise kutenda mune zvemweya. Ndosakavachizvipomera mhosva. Chikonzero chimwe chetechavakazvipomera kareko, ndicho chikonzero chimwe chetevari kuzvipomera nhasi. Vane mhosva iri pachena. Nokuti, pasipeRopa bedzi!104 Zvino avo vanozviita, imwe hama duku inozviita, pasipekuzvininipisa, kutora Mwari paShoko raVo, ofamba achiendaoreurura zvivi zvake, zvino okanganwa zvitendwa zvose izvinezvimwewo, zvino omira ipapo ari pasi peRopa achiRitenda,zvino vanoda kumudana kuti “mupengereki.” Vanoda kumuisamuboka re…sekutaura kwatingazviite; harisi shoko rakanakakushandisa papurupiti, asi kuti mungonzwisisa, iye “munhuasinganzwisisike.”105 Futi, tose hatisi here vanhu vasinganzwisisike? Munoona,mutendi haanzwisisike kumunhu asingatendi, uye asingatendihaanzwisisike kumutendi, saka ndiyani asinganzwisisike?Maona? Murimi haanzwisisike kumunhu wemabhizimu; munhuwemabhizimu haanzwisisike kumurimi, munoona, saka ndiyeani, zvino?106 Ndinokutaurirai, ruponiso inyaya yedungamunhu pakatipemunhu naMwari, oga, munhu mumwe chete, “tichitsvakaruponiso rwedu pachedu nokutya nokudedera.” Uye hapanaimwe nzira yandinoziva, semudzidzisi, mangwanani ano, kanasemushumiri akabva kunaKristu, kunze kwekuzviisa paShoko.Handikwanise kuzviisa pane chimwewo chinhu.107 Zvino tinoona ipapo, zvadaro, kuti pasi peropa bedzi,ndipo Mwari pavaisangana nemunamati, nokudaro vaisanganapaJerusarema.108 Zvino Kristu ndiye Gwayana rakapiwa naMwarireChibairo. Zvino nhasi pane nzvimbo imwe chete iyo Mwarivanosangana nemunhu, zvino ndipo pasi peRopa raJesuKristu. Kumwe kwese, kwakarambwa; Mwari havazombofi

Page 19: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 19

vakaunzwa. Unogona kuita mhando dzose dzakasiyanadzemanyawi, nemhando dzose dzezvitendwa, nokuzunguzika,nokusvetuka, ugova neropa nemoto nechiutsi, nezvimwe zvose;asi kana hupenyu husiri kuenderana neShoko, uye Mwarivachinyatsoratidza upenyu hwacho, zvino hapana chikonzerochokuzviedza, nokuti uri kunze. Uye Mwari havazombofivakasangana nacho kusvikira chauya pasi pekuchengetwaneRopa iri. Ndizvo chaizvo.109 Saka, munoona, muMagwaro, tine Jerusarema, Kerekeinayo; iri Kudenga, Jerusarema reKudenga, uko MwarindiMwari. Uye, nhasi, harisi pasi pedzimwe dzidzisokanawo zvimwe, zvatinoedza kuita kuti iJerusarema. Tinoda,maMethodisti, tinoda, iye zvino, tinoda kuisa muzinda we—weMethodisti kuti uve Jerusarema. MaKatorike anoda kutiuve Rome. Uye—uye nzvimbo dzakasiyana kwatine mizindayedu, tinoda kuiita iyoyo yedu…Jerusarema. Asi Bhaibheririnotaura, kuti, “Jerusarema redu rinobva Kumusoro, rinovandiro amai vevatendi vose.”110 Zvino, zvino Kristu ndiye Gwayana rakapiwa naMwari.Cherechedzai kuti zvanga zvakafanira sei zvino, kuratidzakuti Jerusarema iri rakanga riri kuzoguma. Riinhi? Rakangariripo kusvikira panguva iyoyi. Ropa regwayana rakangarakanaka kusvikira pazuva irori, asi zvino pakurovererwapamuchinjikwa zvinoshanduka. Hurongwa hwakare hwaguma.Pakanga pave nehumwe hutsva, zvino gwa—Gwayana rakangarave paChibairo. Gwayana, Gwayana rechibairo, rakanga ravepanzvimbo. Vakanga vari kupomera pamwe nokuita izvo zvinhuchaizvo zvavaifanira kunge vari kuita. Ndizvo chaizvo.111 Mwari varopafadzwe, nokuda kwekuona ChiedzachoKudenga chinoshamisa muzuva rino rokupedzisira! Nokuti,makereke ari kuita chinhu chimwe chetecho nhasi. Kusvikirapanguva iyo chinamato chehurongwa chinopomerwa mhosvapamwe nokuratidza kuti chiri kupirisa Shoko raKristu, kubvaipapo panozouya Shoko, uye Shoko roga. Kubva, pakapfuuragwayana repasika zvino Kristu ndiye akava Gwayana redu,pazuva rokurovererwa pamuchinjikwa. Uye pazuva apo sanganorakaroverera Shoko raMwari ndokugamuchira chitendwapanzvimbo yeShoko, ndiro zuva iro Shoko rakauya riine simba.Munguva shoma yapfuura.112 Cherechedzai, chechipiri. Kutanga, “ipapo,” Jerusarema.Chechipiri, “ivo,” ivo. Ani? MaJudha, vanamati. Pafungeipapo! Vanamati pachezvavo vakanga vari kuuraya wachochaiYe wavaiti vari kunamata. Ungafungidzirewo here chinhuchakadaro, apo vanhu vaiva nenjere dzakapinza vari vaprisita,vakanga vakadzidziswa, vakanga vaine madhigirii anachirembakusvikira vakanga voda…Ivo, vaifanirwa kubva nekunechimwe chizvarwa vasati va…kana—kana rumwe rudzi,vasati vatombokwanisa kuva muprisita. Vaifanirwa kunge vari

Page 20: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

20 SHOKO RAKATAURWA

vokwaRevhi. Madzibaba avo akanga ari vaprisita. Madzisekuruavo aiva vaprisita. Madzibaba avanababa vanababa vanababavanababa vanasekuru vavo vaiva vaprisita. Uye vaifanirwakurarama hupenyu hwakarurama, kusvikira, chinhu chimwechete chavaiwanirwa mhosva, vaitakwa nematombo. Vakangavasingawane tsitsi. Vatsvene? Zvirokwazvo, asi hutsvenehwekuzvigadzirira. Vaitofanira kuita saizvozvo, kuratidzachimwe chimiro kukereke yavo. “Mukati mavo,” Jesu akati,“makazara nemapfupa evanhu vakafa.”113 Ndingatogona kuunza kupomera mhosva pakare ipapo!Uye varume vanoziva kuti Ichi iChokwadi, Shoko rino kutiiChokwadi, zvino vagoRirerutsa, kuti varatidze chimwechimiro pamberi perimwe sangano, uh-huh, ndine kodzeroyekuvapomera, chaipo, paShoko raMwari.114 Cherechedzai, “ivo,” vanamati, varume vanga vachitsvakavimbiso, varume vanga vachiitsvaka, nemumakore nemazera,uye vasina chimwe chokuita kunze kwekugara museminaringuva dzose. Asi vakanga vapatsanura Shoko zviri maereranonedzidziso yeseminari, zvino vakanga vapotsa ChokwadichaCho. “Ivo,” vaprisita, shumiro yezuva iroro! “Ipapo,”pamuzinda wavo, “ivo,” shumiro yezuva iroro, vakanga varikuurayaMwari wacho chaiye,Gwayana racho chairo. Iye wachochaiYe wavaiti vari kunamata, vaimuuraya.115 Zvino, nhasi, ndinopomera boka iri revashumirivakagadzwa; muzvitendwa zvavo nemasangano, varikuroverera, kuvanhu, chaiye Mwari wacho wavanoti vanodapamwe nokushumira. Ndinopomera vashumiri ava, nemuZitaraIshe Jesu, pamusoro pedzidziso dzavo, dzinoti idzo“mazuva ezvishamiso akapfuura,” uye kuti “rubhabhatidzomumvura muZita raJesu Kristu harwuna kukwana uyehandirwo.” Pamusoro peripi zvaro remaShoko aya, avatsivanisanezvitendwa, ndinovapomera, sevane mhosva, uye Ropa raJesuKristu riri pamawoko avo, nokuda kwekuroverera patsvaIshe Jesu, kechipiri. Vari kuroverera Kristu, kuruzhinji,vachivatorera chinhu chavanofanira kunge vari kuvapa. Zvinovanotsivanisa nechimwewo chinhu panzvimbo yaRo; chitendwachekereke, kuitira mukurumbira.116 Ipapo ivo, “ivo,” vacho vaifanira kunge vakaziva zviri nani.Kana paine munhu aifanira kunge akaziva zviri nani, vaifanirakunge vari vashumiri ava. Kana paine munhu anofanira kuzivazviri nani, vanofanira kunge vari vashumiri vezuva rino.Kana paine munhu anofanira kuziva, ma—ma—mabhishopi,nemaachibishopi, ne—nevashumiri, navanachiremba vedzidzoyebhaibheri, vanofanira kuziva zvakasiyana. Asi seivasingakwanise? Uh! Kupesana kwakadini! Chiiko chatinachopamberi pedu pano kunze kwe—kwekungopesana! Vanozvitiivo vanonamata Mwari, uye vari kuuraya Muchinda weUpenyu.

Page 21: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 21

Ivo, “ipapo ndipo ivo pavakaMuroverera,” uye pano ivo zvakarevanoita chinhu chimwe chete, nokuti Iye iShoko.117 Ndizvo zvaAri, chingori bedzi chadzera cheShoko. Uyendizvo zvaAri nhasi, chadzera cheShoko, achiedza kuwanamumwemunhu wekuZviratidza nemaari.118 Zvino vanhu ava vanochengeta ungano iri kure naMwari.Uye—uye kana paine chinhu chinoitika, zvino chikataurwamuungano, vanochipomera kubva papuratifomu, kubvapapurupiti, zvino voti, “Kupengereka. Garirai kure nazvo!”Mukudaro, vanoroverera Jesu Kristu muna 1963, uye vanemhosva zvakafanana nemachinda aya pa…pazuva iroro.Chitaurwa chakaomarara, asi ichokwadi. Pamusoro…Ndizvochaizvo zvavanoita nhasi.119 Zvino nokuda kwaizvozvi, nokuda kwekuroverera Kristu,nokuda kwekutora Shoko uye nokuRitora kubva kuvanhu;zvakafanana chaizvo nezvavaiita ikoko. Iro Shoko chairo iroMwari vakanga vari kuratidza nemuMwanakomana waVopachaVo, kuratidza kuti Raive iro, uye Uyo wavaiti vanoda,Jehovha akanga azviratidza pachaKe neMagwaro, ndokuitachaizvo izvo zvaAkati Aizoita, chaizvo zvakanzi naMwariAizoita, ndokuZviratidza pamberi pavo. Nokuda kwerudorwavo rwemapoka emakereke avo, nezvinhu zvakadaro,vakapomera Muchinda weUpenyu.120 Uye ndinowanira mhosva boka rimwe chete nhasi, uyendinovapomera, vane mhosva pamberi paMwari, neShokoraMwari, kuti vari kuita chinhu chimwe chete. Chizvarwa chinochinopomerwa mhosva. Rangarirai vaHebheru 13:8, “Ndiyemumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi.”121 Ko vakamupomera mhosva sei? Nokuti zvitendwa zvavohazvina kugona kuMugamuchira, uye pakadzika pemoyo yavovaiziva zvakasiyana. Nikodhimo haana here, muchitsauko3 chaMutsvene Johane, kuzvitsanangura nemazvo? “Rabhi,isu, vaFarisei,” vaparidzi, vadzidzisi, “tinoziva kuti Murimudzidzisi akatumwa kubva kunaMwari, nokuti hakunamunhuanokwanisa kuita zvinhu zvaMunoita kunze kwekunge Mwariange ainaye.” Maona? Vakazvipupura pachena nemumwemunhu wavo ane mukurumbira, nokuita bopoto…nokudakwezvitendwa zvavo, vakaroverera Kristu.122 Uye nhasi hakuna muverengi asingagoni kuverenga Mabasa2:38 zvimwe chete sekukwanisa kwandinoita kuIverenga,neImwe yose, zvimwe chetezvo sekukwanisa kwandinoitakuIverenga. Asi nokuda kwezvitendwa zvavo, uyewo nokudakwezvitupa zvemasangano zvavainazvo muhomwe yavo,minembo yechikara yavari kutakura kwese-kwese semakadhiekuyanana; uye nokutora zvinhu izvozvo, vanozvirovereraJesu Kristu patsva, uye nokumuroverera pamberi peruzhinji,

Page 22: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

22 SHOKO RAKATAURWA

nokumhura Mwari wacho chaiye akavimbisa kuita Izvi,vachiunza chituko parudzi.123 Iye zvino, ipapo, “ivo,” kwete mutadzi. “Ivo,” zvichireva,kereke yezuva iroro, vakawana mhaka neMunhu Akanga ariShoko. Ndizvo here? Vakawana mhaka neMunhu Akanga ariShoko. Iye zvino vanowana mhaka neShoko riri kushandanemumunhu. Munoona, vakangozvipesanisa. Rinova, ririmumunhu, Uyu, Mweya Mutsvene waari kushanda nemaari,ndiko kusimbisa kwaMwari.124 Vakaziva sei kuti Aiva Kristu? Nokuti mabasa aKeakaratidza zvaAive. Akati, “Ndeupi wenyu anokwanisakuNdipomera mhosva yechivi? Ndokunge kana Ndisina kuitachaizvo zvakataurwa neMagwaro kuti Ndaizoita! Uye izvo…Mumwe munhu ngaAndiudze pandakundika pacho, kanaNdisina kuratidza chiratidzo chose chokuti Ndini Mhesiya,kuti Ndini Wacho wamakavimbisa.”

Rakati, vakati, “Zvakanaka, tinaMosesi. TinotendaMosesi.”125 Ndokuti, “DaimakatendaMosesi, mungadaimakaNditenda.Dai imi…Mosesi akaona zuva raNgu akashuvira ku—kuraramamuzuva rino. Mosesi akaona kubva kure, nevaporofita.Zvino hezvoka imi, muri kurarama chaipo paZviri, uyenokupomera mhosva.” Akati, “Imi vanyengeri,” ndokuti,“munokwanisa kunzvera chiso chematenga, asi chiratidzochenguva hamukwanise kunzvera.”126 Hezvoka izvo, chiratidzo chenguva. ChakaMuisa mubokaripi? “Mupengereki, munhu anopenga.” Hongu, vakawanamhosva neMunhu Uyo aiva Shoko.127 Aive Shoko. Mutsvene Johane, chitsauko chokutanga,chinozviratidza, “Pakutanga kwakanga kuine Shoko, uyeShoko rakanga riri kuna Mwari. Uye Shoko rakaitwanyama, ndokugara pakati pedu.” Akanga ari Shoko raMwaririnorarama, nokuti Akanga ari kuratidza Mwari nemaariiYe. Akanga akanyatsozvipira zvizere ku—kuShoko raMwari,kusvikira Iye neShoko vaive chinhu chimwe chete. Uye ndizvochaizvo zvinofanira kunge zvakaita Kereke nhasi, kuti ShokoraMwari ndiro rimwe chete.128 Ko ungagova sei chikamu cheShoko asi iwe uchiRirambarose zvaro? Zvino chikonzero chazvinoitirwa, hazvireve kutivanhu; ndicho chikonzero chandinofunga kuti Mwari vakatauraneni pamusoro pakudana vanhu vaVo kuti “vanaRiki” nevana“Riketa.” Zvinokonzerwa neaya masangano ane undini, anoitakuti vanhu ava vararame ikoko nemararamiro avari kuita.Vakaroverera Chokwadi pamuchinjikwa. Zvino vanhu vanoChitikumhura, uye vanoChiita kuti chimhure, waro. VanoChitikupengereka, nezvimwe zvakadaro, uye vasiri kuziva kutivari kumhura iye Mwari wacho wavanoendera kukerekekunoshumira.

Page 23: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 23

129 Nokudaro, ndinopomera boka iri revashumiri nhasi.Ndinopomera chizvarwa chino, nemuZita raJesu Kristu,ndiri pasi pemvumo yeShoko raMwari. Muri kuMurovererapamuchinjikwa zvakare.130 Cherechedzai, “Ndiye mumwe chete zuro, nhasi,nokusingaperi,” Shoko raMwari rakasimbiswamumunhu.131 Enzanisai maKarivhari maviri aya pamwe nemhosvayawo yaipomerwa. Rangarirai, “Nokuti Iye akazviita MwaripachaKe, hatisi kuzova neMunhu uyu kuti atitonge.” Yaivemhosva ipi yavakagona kuwana, mukanzuru mangwananiaya, paya pavakaroverera Jesu? Kuti, “Iye akazviita MwaripachaKe.” Akanga ari Mwari. “Uye akatyora Sabata.” UyeAkanga ari Tenzi weSabata. VakaMupomera mhosva nokuti Iyeakazviita Mwari pachaKe. “Hauna kodzero yekuita izvi. Haunakodzero. Vaprisita vedu vakuru, kana paine chinouya, chinouyanekuvaprisita vedu.” Zvino chizvienzanisa neKarivhari nhasi.132 Apo, Mwari, zvakanyatsofadza Baba, Mwari, Mweya,kumutsa Mwanakomana waKe pachaKe; ndokufungatiraMaria, neMweya Mutsvene, ndokuunza mutumbi waikwanisakuMushumira pamwe nokushumira chinangwa chaKe kwaAri.“Mwari vakanga vari munaKristu, huzaro weHumwarimumutumbi, maAri,” achiratidza zvakanga zviri Mwari,kuvanhu, achiita kuti—achiita kuti nyika yose izive zvangazvichidiwa naMwari kuti munhu wose ave: mwanakomana,nemwanasikana. Akatora Munhu mumwe chete ndokuzviita.Zvino nokuda kwekuti haana kuzvibatanidza nemapoka avoezvinamato, vakaMupomera ndokuMuroverera pamuchinjikwa.133 Zvino enzanisai Karivhari iyi nanhasi. [Chibengapatepi—Mupepeti.] Nokuda kwemaonero ane kwaakarerekeraemasangano, nokuda kwekusabatirana pakati pevadzidzivaifanira kuziva Shoko nezano raMwari; nokuda kweizvi, Mwarivanokwanisa kutora boka duku revanhu raVanogona kushandanemariri, kumwewo, zvino Vozviratidza, avo vanozvininipisakuShoko. Uye havakwanise kutaura kuti handizvo.134 Vakanga vasingakwanise kutaura kuti haAna kuzviita,nokuti ungano yavo yakazvipupurira. Zvaive mberi kwavo.Havaigona kuzviramba. Havaigona kuramba zvaAitaura,nokuti, iro Shoko racho ravaiti vanotenda, Ndiro raCho rakangararatidza kuti aive Iye. Nokuti, Mwari vakatora Shoko raifanirakuva Mhesiya ndokuRiratidza kubudikidza nemuMunhu, zvinovakatozoMubvisa. Ndiyo zira yoga iyo vaizogona kuendereramberi, yaive yokubvisa Mhesiya. Zvino vakazviita nemuhupofunokusaziva, zvisinei nokudzidza kwavo. Vaive vakangwara,vakatesva pfungwa; pakutaura kwepanyika.135 Sokuenzanisa kwatakaita usiku hwapfuura, apo Chiedzachakarova jaya mupfumi, onai zvaakaita. Akaramba;munhu akangwara. Pauro, mumwe munhu akangwara,

Page 24: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

24 SHOKO RAKATAURWA

Chiedza chakamurova. Chii chaakaita? AkaChigamuchira.Akazvikanganwa, zvose zvaakamboziva, kuitira kuti aziveKristu. Chakaita kuti hupenyu hwake hunge hwakakodzeraEvhangeri. (Mharidzo yeusiku hwemusiweSvondowapfuura.)136 Hechoka iChi nhasi. Chinorova pamwe mumwemurume muduku, uyo akaenda, anga aine kudanwakwaMwari, kwaakanzwa, ndokuenda kuseminari kunodzidzandokunodzidza chimwe chitendwa. Anofanira kuraramanechitendwa ichocho kana kuti otosiya kadhi rake rehunhengo.Kana akazviita, haachadiwa, hapanazve mumwe munhuanozomutora, nokuti pane imwe nguva pane kwaaive asi zvinohaasisiri weko. Vanoona kuti pane chakatsveyama pamunhuiyeyu, zvino havazombomudi muungano yavo. Apo, ungano irikungotarisa chiratidzo chimwe chete, chokuti, kana achitendazvavanotenda.137 Kana aine kadhi, kana arimuMethodisti, kana aine kadhi…kana ari weimwe ungano, kana Oneness, kana Trinitarian,kana chero chaangave, church of God, kana munharaundadzemaPentekosti, nedzimwe nharaunda dzose. Kana akatakurakadhi, vanonzwa kuti muzinda wamuwongorora, nokuedzapfungwa dzake, ndokumupa kuedzwa kwemapenzi, nokuonakuti kutesva kwepfungwa dzake kuri pachiyero chakakwirirazvakakwana zvokuti anogona kutaura mberi kwavo. Kanaakasadaro, vanomuramba. Ndizvo chaizvo.138 Asi, munoona, ungano inofanira kunge iri kutarisa ruwokorwaMwari, kuona kana vari Mwari vakamugadza kana kutikwete. Ndizvo zvatinofanira kunge tiri kutarisa pazviri. Asinhasi vanoroverera Mwa—Mwa—Mwanakomana waMwaripatsva. Kana, munhu achikwanisa, nenyasha dzaMwari,akadanwa naMwari, kuti arege Mwari Vachizviratidza nemaari.“Mabasa andinoita nemiwomuchaaita,” Akadaro. Cherechedzaikuti izuva rakadini ratiri kuraramamariri!139 Ivo, vanotora, ivo—ivo vanotora iyo—iyo Karivhari chaiyo,tinokwanisa mangwanani ano, nechikonzero chacho chaicho.Iye zvino, vaiziva kuti chaive Chokwadi; asi nokuda kwegodo,nemawonero asiri iwo. Jesu akati kudini kwavari? “KanaNdichidzinga madhimoni nemunwe waMwari, zvino ndiyani—ndiyani wamunoadzinga naye? Regai ivo vave mutongiwenyu, munoona, kana Ini nemunwe waMwari ndichidzingamadhimoni.”140 Zvino, sezvamangovanzwa vachiti, “Unogona here kuratidzahere kuti munwe waMwari?” Ndiri kuda kuona, ndaingadakunzwa mubvunzo uyu Achiubvunzwa. Vakanga vakangwarisakwazviri.141 Cherechedzai, “Nokuti Akazviita Mwari pachaKe,” uye AiveMwari. “Uye hatisi kuzoti Iye atitonge.”

Page 25: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 25

142 Asi zvino chinhu chacho, kuchema kumwe chete kwakarekuya kwauya zvakare, “Iro Bhaibheri rakanyorwa nevanhu,”vanodaro. “Hatisungirwe kurarama naRo.” NderaMwari. NdiroShoko raMwari. NdiMwari, pachezvaKe.

Ndakanga ndiri kutaura nemumwe murume nezuro,ndokuti, “Hameno, kuda mumwe munhu anogona kungeakanyora Bhaibheri racho.”

Ndikati, “Hongu, aivepo. Zita raKe, tinoMuziva saMwari.”143 Rakanyorwa pakati pemakore zviuru zvina, potse, Magwaro,kubva shure kunaJobho, nzira yose kusvika kuTestamendeItsva, ndokunyorwa nemazana ne—ne…uye pakati pemazanaemakore; uye ndokunyorwa nevarume vakasiyana-siyana, uyevasingazivane, munzvimbo dzakasiyana dzenyika, uye hapanakana rimwe Shoko raRo rinopikisana nerimwe. Ndingada cheroani hake kuti auye pasi peRopa raJesu Kristu agotora cherovimbiso irimo Imomo!Mwari vakasungirwa kuIchengeta.144 Asi havazviiti. Vanouya, voti, “O Ishe, ndinoda kuitachimwe chinhu. Ndipeiwo chipo chikuru. Hareruya, Ishe!Mwari ngaArumbidzwe, ndinotenda kuti ndachiwana.Hareruya!”Hazvife zvakashanda.Unogona kuunza zvakawandazvekushandisa pfungwa, asi hazvishande.145 Mwari vanofanira kucherechedza kutendeuka uku. Mwarivanofanira kudaro. Tinogona kutaura zvakawanda pane izvozvo,asi ndine tariro yokuti muri—muri kunzwisisa.146 Ona, asi iye zvino havachadi kuti Shoko rivatonge. Ndinoti,“Mumwe nomumwewenyu dzokerai. Makabhabhatidzwa zvisiriizvo. Makabhabhatidzwamukereke yeKatorike.”147 “Ndiwe ani kutiudza zvakadaro?” Handini; iShoko.“Asi ndinokuudzai, ti—tinotenda…” Handina basanezvamunotenda; ndeizvo zvinotaurwa neBhaibheri. “Asihatisungirwe kurarama naiZvozvo.”148 Zviitei, kana kuti muri pasi pekutongwa kweBhaibheri rinoiri. Nokuti, “Ani naani achabvisa Shoko rimwe kubva maRiri,kana kuwedzera rimwe chete kwaRiri, mumwe chete iyeyeachabviswa, chikamu chake, chemuBhuku reUpenyu,” angavemushumiri, mufundisi, kana chero zvaangave. Unofanira kuuyauri pasi pehutongi hweShoko iri, nokuti NdiMwari. Bhaibheririnoti NdiMwari.149 “Hatisi kuzoRiti rititonge.” Vanotora zvitendwa zvavo,nemasangano avo, nezvinhu zvavo—zvavo zviduku zvisinabasa zvavanotenda mazviri, uye zvakagamuchirwa nemapokaevanhu, zvino ndokuzvitora panzvimbo yeShoko raMwari.150 Chii chavakaita? Vakatora Bharabhasi, mhondi,panzvimbo yeMwanakomana waMwari, pazuva rokurovererwakwekutanga.

Page 26: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

26 SHOKO RAKATAURWA

151 Zvino nhasi vari kutora shoko remumwe munhu, rinovanhema nenzira yerufu, uye vachiramba kutora nzira yeUpenyu,Shoko raMwari. Ndonopomera chizvarwa chino, kuchipomeramhosva, muShoko raShe, kuti vakakanganisa. Vane mhosvayekuroverera, kana kuti kuedza kurovereraMweya.152 Vanodanira rumutsiriro, kwese-kwese. Ko muchava seinerumutsiriro apo Shoko pachezvaRo risiri kugona kushandanemuvanhu? Ndinoda kuti mumwe munhu andipindurireizvozvi. Ko rwungazviite sei, apo muri kuramba RumutsiriropachezvaRwo? Ndizvozvo muporofita akataura nezvavo,“zvimiro zvehumwari.” Zvimiro zvavo ivo, kareko, vakarambaShoko reUpenyu. Zvimiro zvavo, nhasi, zvinoramba chinhuchinogona kuvaunzira rumutsiriro; zvitendwa zvavo nezvimiro.Hongu, changamire.153 Vanotora sangano nezvitendwa zvavo panzvimbo ye—yeShoko, zvino izvozvo zvinoroverera Shoko raKe zvino zvoitakuti Shoko raKe rishaye simba kuvanhu. Kana vakaona ShokoraMwari zviri pachena uye Richizviisa panzvimbo, kuti Mwarivakaita vimbiso Vaizoita zvakadai, zvino heVanoi vari kuzviita,zvino ivo vanoita dambe naRo vobva paRiri, kumhura. Zvinovanoedza kuroverera Shoko pachaRo.154 Sei vachiRiroverera? Havakwanise kuroverera Shokosokusakwanisa kwavangaita kuroverera Mwari. Vakagonakuroverera mutumbi wainge wakabata Mwari, MwanakomanawaMwari. Vaigona kuroverera iwoyo, asi havakwanisekuroverera Mwari. Aifanira kunge, panguva iyoyo, nokudakwekuva Chipiriso, kuunza vanakomana vakawandavakatemerwa kuHupenyu Husingaperi. Vaitofanirwa kuzviitakareko, asi havachagoni kuzviita zvino. Havakwanise kuzviita,nokuti Shoko pachezvaRo rinoramba richirarama. Asi ivo…155 “Chii chavanoita? Vanogadzira sei? Saka uri kuti kudinizvino, muparidzi? Ko uri kuvaka nheyo yako sei pano, kuti varikuMuroverera, zvino?”156 Vari kuroverera runziro yeEvhangeri pavanhu, nezvitendwazvavo. Ndiko kurovererwa kwacho. Ndiko kunogara vanhuveruzhinji mumamochari makuru aya, anonzi, masangano,zvino vanonyora rundaza rwezvitendwa, uye zvakanga…Shoko raMwari harikwanise kuve nerunziro pavari, nokutiva—vanowanira mhaka izvo chaizvo zvinhu zvakanzi naKristuzvaizoitika. Haringouyi bedzimaererano nechitendwa chavo.157 Uyewo Jesu haana kuuya semanzwisisiro avo ekuuyakwaKe. Akauya nenzira yaAkatumwa nayo naMwari, uyeakauya akanangana chaizvo neShoko. Ndosaka Akati Akanga“aRivanza kubva kumeso evakachenjera nevakangwara,ndokuRizarura kune vana vanokwanisa kudzidza.” Murikunzwisisa here? [Ungano inoti, “Ameni.”—Mupepeti.]

Page 27: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 27

158 O, vakarovera runziro yeShoko. Ndine chitsamacheMagwaro pano. Ndingangotaura maviri kana matatu awo.VanoRiroverera.

Unoti, “Ko vanoroverera sei Shoko?”159 Jesu paakati Ndiyemumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi,vaHebheru 13:8; ivo vanoti, “Nenzira iyoyo ndizvo zvaAri.”Maona? Zvakanaka.160 Zvino Jesu akati, murairo waKe wekupedzisira kuKereke,“Endai munyika yose,” Mariko 16, “endai munyika yose,munoparidza Evhangeri. Zviratidzo izvi zvichatevera avovanotenda. Nyika yose; kuchisikwa chose!” Uye haisatiyasvikwa pakati payo. Uye pane mamiriyoni ari kufa, gorenegore, vasina, kana kumbonzwa nezveZita raJesu. Saka,kuchiri kuraira kwemazuva ose. Uchiri murairo waMwari.“Nyika yose, mugoparidza Evhangeri kuchisikwa chose. Uyoanotenda akabhabhatidzwa achaponeswa; uyo asingatendiachatongwa. Uye zviratidzo izvi zvichatevera avo vanotenda:nemuZita raNgu vachadzinga madhimoni; vachataura nendimiitsva; kana vakabata nyoka, kana kunwa zvinouraya,hazvivakuvadze; kana vakaisa mawoko pamusoro pevanorwara,vachapora.”161 Zvino vanoti, “Zvakanga zviri zvechizvarwa ichocho,” zvinovanoita kuti murairo waMwari ushaiwe simba kune Izvi, uyevanoroverera runziro yeShoko kuvanhu. Ameni.162 Petro akati, neZuva rePentekosti, aine makiyi eHumambo;ayo aakanga apiwa naJesu, “Chose chaunotaura pano,Ndichachitaura kumusoro Uko.”163 Nezuva rePentekosti vakabvunza kuti chii chavangaitakuti vagamuchire Mweya Mutsvene, uye kuti vakanga varikunakidzwa naWo zvikuru; vakatarisa vamwe vachiita maitiroayo anganzi asina maturo; kudzadzarika, nokusvetuka,nokudonha, nokuita sokunge vakanga vakadhakwa.

Uye ivo, vachiti, “Varume ava vakazara nehwaini itsva.”164 Asi paiva nemurume akasimuka, zita rake ndiPetro, uyoakanga aine makiyi ekuHumambo, zvino ndokuti, “Ava havanakudhakwa,” Mabasa 2, “sezvamuri kufungidzira, zvamurikuona kuti ingori awa yechitatu yezuva. Asi izvi ndizvozviya zvakataurwa nezvazvo.” Munoona, kudzokera kuShokozvakare, kuratidza kuti Mweya uchiri Shoko, uye Shoko richiriMweya, Shoko raMwari. “Uye zvichaitika, sokutaura kwakaitamuporofita Joere, Joere 2:38. ‘Uye zvichaitika nemazuvaokupedzisira, zvakarehwa naMwari, ndichadurura MweyawaNgu panyama yose.’”165 Teererai muporofita uyu amire apo. Mutarisei, haatye,amire ipapo pane boka iri, achivatsiura, achivapomera mhosva.Ndokuti, “Iri ndiro Gwaro! Izvi ndizvo zviya zvakataurwa

Page 28: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

28 SHOKO RAKATAURWA

nemuporofita! ‘Ndichadurura Mweya waNgu panyama yose.Vanakomana nevanasikana venyu vachaporofita. Pavashandinevarandakadzi vangu ndichadurura Mweya waNgu; uyendicharatidza zviratidzo mumatenga kumusoro, uye nepanyika;moto, neshongwe yeutsi, nemhute.’” AchiZviratidza neShoko,kuti Raiva Shoko.166 Zvino vakaseka vakaita dambe naRo, zvino vakaendakunotongwa. Uye guta rakapiswa, zvino ndokudyirana vana.Zvino nhasi vanhu vakapararira pasi rose, kuratidza kutiMweyaMutsvene unoramba uri Shoko raMwari, kuunza Shoko rinokuRiita kuti rirarame.167 Jesu Kristu akanga ari Munhu, Munhu, Mwari. Hareruya.Aive kuratidzwa kwaMwari. Akanga ari Mwari muchimirochemutumbi, kuratidza Shoko raMwari rezera iroro, kuita kutizera iroro rione vimbiso yaMwari yezera iroro.168 Mweya Mutsvene chinhu chimwe chete nhasi. MweyawaMwari paShoko rakanyorwa, uchiedza kuwana mumwemunhu kuti Uzviratidze kuzera rino, kuratidza kuti mumwechete zuro, nhasi, nokusingaperi. Mutsvene Johane 14:12,“Mabasa andinoita nemiwo muchaaita.” “Jesu Kristu mumwechete zuro, nhasi, nokusingaperi.” Munoona, kungorambauchitsvaka nzira yaWo yokuZviratidza.169 Uye havana kugona kuzviita. Vanhu vakafunga zvikurupamusoro pemasangano avo, matendere avo maduku avakangavainawo, nezvakadaro, anonzi “makereke,” saka havanakuteerera kwauri. Saka ndizvo zvavanoitawo nhasi, chinhuchimwe chete, kuroverera patsva.170 Petro, neZuva rePentekosti, akati, “Imi varume munogaramuJerusarema, muJudhea, teererai mashoko angu. Ava havanakudhakwa. Kana mukangomira chete, ndichakuratidzaizvazviri.” Zvino anoendereramberi ndokuvatsanangurira.171 Moyo yavo payakabaiwa, pavakanzwa Izvi, vakati, “Todinikuti tiponeswe? Todini kuti tigamuchire Izvi? Tagutsikana kutishoko renyu nderemazvirokwazvo.”172 Akati, “Tendeukai, mumwe nomumwe wenyu,mubhabhatidzwe muZita raJesu Kristu kuti muregererwezvivi zvenyu, uye muchagamuchira chipo cheMweya Mutsvene.Nokuti ndezvenyu nevana venyu, neavo vari kure, kunyangeneavo vachazodanwa naIshe Mwari wedu. Izvi ndizvozvavanofanira kuita. Tendeukai, mubhabhatidzwe muzitaraJesu Kristu.”173 Zvino, nhasi, kereke yeRoma Katorike yakatora, “Baba,Mwanakomana, Mweya Mutsvene,” kutora nzvimbo Iyoyo.Panzvimbo yaWo, chirairo. “Buditsa rurimi wogamuchirakahwendefa, zvino muprisita ndiye anonwa hwaini, uyemuri vamwe pamwe chete.” Icho “chirairo,” panzvimbochokuva Mweya Mutsvene, chinonzi, “Sakaramende dzvene.”

Page 29: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 29

Uye mumwe “Baba, Mwanakomana, Mweya Mutsvene,”rubhabhatidzo rweutatu mumwe, ndipo parwusina kanakumbotaurwa nezvarwo muBhaibheri. Zita raBaba,Mwanakomana, Mweya Mutsvene ndiIshe Jesu Kristu. Zvinokana ukazviratidza kuzera rino rakaipa…174 SaPetro akati, “Zviponesei kubva kuzera rino risinachakanaka.”175 Kana ukaUratidza kwavari, chii chavanoita? Vanoita dambenaWo, uye vachiti, “Kereke yedu haiUdzidzise nenzira iyoyo.”Zvadaro une mhosva, une mhosva yokurovererwa kwaJesuKristu, nokutora simba raMwari kubva kuvanhu. UnorovereraShoko racho chairo kwavari, zvino unozviwaniramhosva pamweneungano yako, nekuvatungamiriramumuteyowerufu.176 Sezvandakataura pamusoro pemushumiri uya musiweSvondo wapfuura, aiva Martin Luther King zasi uko nevanhuvaya vanokosha, achivatungamirira mumuteyo werufu. O,dai mumwe munhu angogona kutaura nemurume uyu! Daindaikwanisa. Kamwe kakungomukira hurumende kadukumaererano nepfungwa yechikoro, munoona, kana zvimwe…Zvine mutsauko wei? Ini, zvangu ini! Kana vanhu vasina moyowakakwana kuti vayanane nemumwemunhu nokuda kweruvararwake, vakatotongwa uye vakafa, zvakadaro. Nyika inovapakodzero. Musazvirwisa. Musadaro. Ko dai mumwe munhuakati ose maIrish kana mumwe munhu, ose maGermany, kanamumwewo munhu, vakazvipatsanura? Izvozvo hazvaimbonetsaMakristu. Vanongoramba vachifamba vachienda mberi.Zvino murume iyeye Mukristu. Se—semushumiri, haafanirekutungamira vanhu ivavamukupanduka achizvipikisa. Vachaitakuti mamiriyoni afe. Zvichatanga kumwe kumukira hurumende.Uye zvinonyadzisa kuita zvakadaro.177 Chinhu chimwe chete chaitika ipo pano, chinhu chimwechete chaicho zvakare. Ndizvo chaizvo. Maona? Vanhu, kuti daivaigona bedzi kutarisa paChokwadi uye nokuona kuti Chokwadichii. “Kereke yedu haizvitendi. Tine imwe nzira.” Zvinoka, haisinzira chaiyo. Handiyo chinhu chacho.178 Akati, “Tendeukai, mubhabhatidzwe muZita raJesu Kristukuti muregererwe zvivi.” Zvino havazviiti. O, zvino chiichavakaita? Zvino chinongori chinhu chimwe chete, pakatipemazana. Tichasvikako, zvimwe kuda, nokukasika kwesekwatingagona.179 Zvino kurovererwa kwechipiri, zvino. Kana munhuakagamuchira “Baba, Mwanakomana, neMweya Mutsvene,”chi—chitendwa panzvimbo yeShoko, madunhurirwa panzvimboyeZita, chii chaanoita kuvanhu? Anoroverera simba reShokokuvanhu, paanotaura kudaro, kuti, “Marko 16 yakanga ingoribedzi yechizvarwa ichocho.”

Page 30: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

30 SHOKO RAKATAURWA

180 Zvino Mwari vakati, pachaVo ipapo chaipo, Jesuachitaura kwavari, akati, “Endai munyika yose, munoparidzaEvhangeri kuzvisikwa zvose. Uyo anotenda akabhabhatidzwaachaponeswa; uyo asingatendi achatongwa. Uye zviratidzoizvi zvichatevera avo…” Kusvika kupi? Nyika dzose,chitendwa chose, ndimi dzose, ndudzi dzose, vanhu vose,Evhangeri imwe chete. “Uye zviratidzo izvi zvichatevera avovanotenda.” Zvino kana munhu akaedza kucheka Izvi kubvamuBhaibheri, anoroverera simba reEvhangeri kuungano iyoyo.Saka ndinokupomera mhosva, nemuZita raJesu Kristu! Unemhosva yekuponda Ishe!181 Kereke yakaMuvenga. Sei? Akanga ari Mwari wavo chaiye.VakaMuvenga, ndokuMuramba kuti asaveMhesiyawavo.Kwete,changamire, vakanga vasingadeMhesiya akadaro.182 Uye nhasi kereke inoita chinhu chimwe chete. InorambaShoko. HavaRide. Rinopesana nezvavakadzidziswa kuti vatendenezvitendwa zvavo.183 Zvino Shoko ndiMhesiya. Munozvitenda? [Unganoinoti, “Ameni.”—Mupepeti.] Zvino, chadzera cheShoko chii?Kuratidza Mhesiya, anova Mweya Mutsvene pakati pedu. ArikuZviratidza, anoedza, kwese kwaAnogona kuwana rambiraAnogona kutarisa nemariri, risina kusvibiswa nechiutsichedzidziso nezvimwe, Anokwanisa kupa Chiedza nemo.184 Rangarirai, “vakamuka ndokugadzira marambi avo,”nokusuka machimbini, asi vazvinonokera. Saka kana munhuakaona maLutherani, Presbyteriani, maMethodisti, vachiedzakuuya mukati mazuva ano okupedzisira kuzogamuchira MweyaMutsvene, handiti, munoziva kuti havaUwane. Saka, vanogonakutaura nendimi nokusvetuka-svetuka, asi tarira zvinozoitika.Ivo zvachose…Chiratidzo chenguva chokuti yapera. Tavekumagumo.185 Nguva yese-yese, Ke—Kereke inogona kunzwa kudanwa,kwekuti, “Uya kuno Kumusoro!” Ameni.186 Chaizvoizvo zvinyatsori muhurongwa. Mweya Mutsvenepano uchiita Jesu Kristu mazvirokwazvo kubudikidzaneavo vaAnokwanisa kushanda nemavari, achiZviratidza;ndokuburuka, ndokutora mufananidzo waKe, ndokuuratidza,ndokuita kuti sainzi itore, itaure nezvawo, nezvimwe zvose,kuratidza chaizvo zvaAkataura kuti Aizoita. Nokuita zvinhuchaizvo zvaAkati Aizoita, zviri muMagwaro. Zvino, kwetechimwe chitendwa, kana imwe pfungwa yakangofungwawonemunhu, ropa rakawanda, moto, nechiutsi, nezvinhu;asi umboo waMhesiya hweMagwaro. Pane kutevedzerakwakawanda, nevatevedzeri, ne—nezvimwe zvakadaro; asiizvozvo zvinongoita kuti Shoko rechokwadi Ripenyesese,ndizvo chaizvo, rinoita kuti vanhu vari vemweya, vanokwanisakupatsanura zvakanaka nezvakaipa. Maona?

Page 31: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 31

187 VanoMuramba! Vakaramba Mhesiya wavo, “TakangatisingaMude.” Uye zvimwe chete zvavari kuita nhasi, “Saka,kana ndichifanirwa kudzika zasi uko ndigoita seboka iro,handiUde zvachose.” Zvakanaka, haunaWo, zvachose. Ndizvochaizvo. Maona? Zvimwe chete iye zvino.188 Kunyange Akaratidzwa zvizere, vakanga vasingaMudi.VaiMuvenga. Sei zvaive zvakadaro? Tinodana vafundisivavo kuti boka re “nyoka.” Akati, “Imi boka remadziroane pendi chena. Hapana zvamuri kunze kwekuva nzvimboyemakuva. Kunze kwenyu kwakakwenenzverwa nemagemenzinemakora akatendeutswa, zvino mukati mune mapfupa evanhuvakafa.” Akanga asinganyengerere. Mumwe muGarireyamuduku, mwanakomana wemuvezi wemapuranga, asi Akangaasingasikize. Akavataurira.189 “Musafunga,” Johane akadaro, uyo aiva mumiriririwaKe, akati…Ndiye mumwe akanga asinganyengerere.Akati, “Musauye kuno muchiti tina Abrahama sababa vedu.Mwari vanokwanisa kubva kumatombo aya kumutsa vanakunaAbrahama.” Hongu, changamire. “Demo ratoiswa pamudziwemuti, uye muti wose usingabereki muchero uchatemerwapasi nokukandirwa mumoto.” Hongu, changamire. Mwarihavana dambe, vakasimba vanorevesa neShoko raVo. Hongu,changamire.190 Cherechedzai, Jesu, akaratidzwa neMagwaro!Munondinzwahere? [Ungano inoti, “Ameni.”—Mupepeti.] Jesu akaratidzwanaMwari, kubudikidza neMagwaro, kuti Aive Mhesiya.Ndizvo here? [“Ameni.”] Tichasvika pakupomera kwaPetro,mumaminitsi mashoma, zvino muchazoona kana zvaive izvohere kana kuti kwete. Akanyatsoratidzwa zvizere, kuti AiveMwari airatidzwa muMunhu, anonzi Mwanakomana waMwari.Ndizvo chaizvo. Kunyange hazvo, Akanyatsoratidzwa nemazvonokusimbisa Shoko rakavimbiswa, rokuti aive Mhesiya. Mosesiakati, “Mhesiya uyu, paAnouya, Achange ari muporofita,” uyezvinhu zvose izvi zvichaitika.191 Mudzimai muduku aiva ane…amire patsime, uyenechinhano chose chiya chetsvina chaaive machiri, izvozvozvaimiririrei? Kuti Mwari mumazuva ano okupedzisira aizotoravaya vakarambwa.192 Munorangarira usiku hwapfuura, pamuchato…Kanakuti, imwe nguva yandakamboparidza ipo pano. Pasvusvuroyemanheru yemuchato, vakataura zvavakataura. “Ndagadziramabiko makuru, nezvakadaro. Uye vanhu vose ava,ndavakoka, zvino mumwe nomumwe anga aine chikonzero.‘Handikwanise kuzviita, nokuti zvinozokanganisa zvitendwazvedu. Handikwanise kuuya, nokuti ndine wangu…ndarooramukadzi; haanditenderi kuti ndiuye. Zvangu, nda—ndaroorwanekereke zasi kuno. Amai vangu vakanga vari muMethodisti,

Page 32: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

32 SHOKO RAKATAURWA

kana muBaptisti, kana muKatorike, kana muProte-…Handimbokwanisi kumirira Izvozvo.’”193 Akati, “Zvino hamusi kuzouya. Zvino hamusi kuzorairasvusvuro yaNgu! Asi endai kunze uko munomanikidza zvipfevenemhombwe, nezvidhakwa, nechero zviriko. Vaunzei mukati,uye ndichavatwasanudza. Ndagadzira svusvuro yaNgu, uyevakakokwa vaNgu—vaNgu…Tafura yaNgu yagadzirirwa, zvinopachange paine mumwe munhu ipapo.” Havana kuuya. Akangaari kupomera maJudha.194 Ko nhasi? “Ndi—ndi—ndiri wePresbyteriani. Ha—handikwanise. Ndiri muMethodisti, muLutherani. Ndirimuoneness. Ndiri mutwoness. Ndiri zvakati. Handikwanise.Handikwanise.” Hezvoka izvo. Uchange usiko ikoko zvino!Ndizvo chaizvo zvaAkataura. Zvakanaka.195 Mhesiya, akasimbiswa zvakakwana. Akanyatsoratidza,Shoko, Shoko rakavimbiswa. Mwari vakavimbisa Shoko,kuti izvi ndizvo zvichange zvakaita Mhesiya, heunoi Akauyandokumira chaizvoizvo. Akati kwavari, “Zvino, ndepapipaNdakundika? Kana mukasaNditenda seMunhu, tendaimabasa Andinoita; nokuti ndiwo zvinhu zvinotaura kuti Ndiriani. Ndiwo anotaura kuti Ndiri Mhesiya. Hamudi kuNditenda,nokuti muri kufunga Josefa uko…Uye Ndakazvarirwanecheuko mukamba kaduku ako, uye—uye baba vaNgu vasirivokundibereka avo pano mu—muvezi wemapuranga zasi uko.Uye—uye imi…”196 PaAkauya muGarireya ikoko, ivo, uye vakangavachizogadzira…Akati, “Hei, Ndiyaniko Muchinda uyu?Ndiyaniko Uyu? Hameno, Murume uyu, handi here…Handihere Josesi nevamwe vanun’una vaKe vari pano? HanzvadzidzaKe hadzisi dzinesu here? Amai vaKe havanzi Maria here,nababa vaKe vanonzi Josefa? Ko, ndekupi kwamakawanaMuchinda akadai? Akabva kuchikoro chipiko? Haana kadhirehunhengo. Iye, haAna magwaro edzidzo. Ko Muchindaakadaro…Komakazviwana kupiko izvi, zvakadaro?”197 Zvino Bhaibheri rakati Aka—Akagumburwa. Akati…Mabasa makuru akawanda haAna kukwanisa kuaita;zvino Akangofuratira ndokufamba achibva pavari. Akati,“Muporofita haashaiwe kuremekedzwa kunze kwekunge aripakati pevanhu vake, munoona, munyika yake,” tarisai, “kanakuti munyika yake.”198 Heunoi Uyo, akasimbiswa zvakakwana, Mhesiya. Haanachaakati ndiYe akachiita. Akati, “Hapana chandinogona kuitaasi zvandinoona Baba vangu vachiita.” Uye Akavapikisa kutivabvunze kana akanga ari Mhesiya.199 Uye tarirai kamudzimai kaduku kaya kaiva nehunhuhwakaipa; akazvicherechedza. Mudzimai, akanga asinakuzadzwa nedzidziso yakatsveyama. Rambi rakanga risina…

Page 33: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 33

Akanga aine hunhu hwakaipa, ndizvo chaizvo. Hapanaaikwanisa kugamuchira zvakadaro. Mirairo yaMwariyaizvipomera. Akanga aine hunhu hwakaipa. Asi iye…200 Munoona, Mwari havakutonge pane hwako…izvo zvauri.Vanofarira…Havatongi kuti wakakura zvakadini kana kuti urimuduku zvakadini. Vanotongamoyowako, zvaunoda kuva.201 Uye akanga asingadi chimwe chezvinhu izvozvo. Zvino Izvipazvakavaima pamberi pake, Ndizvo zvaakanga achida. Zvisineikuti akanga akaita sei ipapo, akanga akagadzirira kuuya.Maona? Mwari vanotonga moyo. Munhu anotonga zvinoonekakunze. Mwari vanotarisa pamoyo. Zvisinei kuti aive akadini;Chiedza chiya chakapenya, zvakabva zvaringana. Akabata zvi—zvi—zvi—zvinonyatsoreva Upenyu Usingaperi.202 O, ini zvangu, zvakapfuma sei izvi, kwandiri, munoona,kuona nokuziva kuti iChokwadi. Ndicha—ndichamiraneIzvi. Ndicharega…Mwari weKudenga achamutsa, uyeinzwi rangu richange riri patepi yemagineti yenguva huruyaMwari kumusoro, uye richapomera chizvarwa chinomuzuva rokupedzisira. Nokuti, riri—riri patepi, ipaporichange riri patepi yemunaZiendanakuenda. Ndizvo chaizvo.Ropomera chizvarwa chino chevaparidzi vanongori nechimirochehumwari, vachiramba Simba reShoko nokuratidzwa kwaRopaRakanyatsoziviswa kuti Achiri Jesu Kristu, mumwe chetezuro, nhasi, nokusingaperi. Ndinovapomera, neShoko raMwari.203 Ndinofanira kuenda kune imwe vimbiso, nokukurumidza,nokuti tinongori kuda nemaminitsi gumi nemashanu.204 “Ipapo ivo—ipapo ivo…” Chii? O, ini zvangu!Karivhari! Uye ivo “vakaroverera” Iye, chechitatu.VakaMuroverera, nokusacherechedza Shoko raMwarirakavimbiswa rakaratidzwa. Uye sei vakaroverera Murumeuyu? Ungazvifungidzirewo here? Regai ndidzokere kumashurekweminiti. Sei vanhu ava vakaroverera Munhu akadai?SaMaria…205 Sekuverenga kwandakaita rimwe bhuku pane imwenguva, rinonzi Muchinda WeImba YaDhavhidha. RakanyorwanaIngraham, Doctor Ingraham. Bhuku rinoshamisa! Mutambo,unofanira kunge uri muchidimbu wechokwadi, wezvinyorwazvakare zvakatorwa kune mumwe mudzimai anonzi Adina, kutiiye…Akaenda kuPalestine, achibva—achibva zasi kuEgipita,kuCairo, ndinotenda kwaive ikoko, kuti apedzise dzidzo yake.Zvino akanga ariko mumazuva a—aKristu, zvino aifanirwakunge ari kunyorera kuna baba vake. Zvingaita zvakanaka kanaukaritora woRiverenga. Iroro, rakanaka kwazvo, MuchindaWeImba YaDhavhidha. Murume mumwe chete akanyoraShongwe yeMoto; zvino, kubva pariri, Cecil DeMille akatoraMirairo Ine Gumi.

Page 34: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

34 SHOKO RAKATAURWA

206 Zvino tinoona kuti, mubhuku iri, Adina uyu akanyorandokutumira. Zvino akati, nomusi wokurovererwa, kutiMaria Magdarene, uyo waAkadzinga madhimoni manomwe,akamhanya pamberi pemhomho yevanhu, ndokuti, “ChiichaAkaita? Chii chaAkaita? Kunze kwekupodza varwerenokuedza kudzikinura avo vakanga vari mutorongo!Chii chaAkaita kunze kwezvakanaka? Mumwe munhungaazvitaure!”207 Zvino mumwe murume ndokumuwatsura kunge achabudamuchivanze, potse, ndokuti, “Mungatenda here mudzimai uyobenzi, kupfuura vaprisita venyu?”208 Hezvoka izvo. Maona? Chii chaAkanga aita? HapanachaAkaita. Ko sei vakaMuroverera? Sei? Sei? Nokuti havanakucherechedza kuti Aive Ani.209 Ndicho chinhu chimwe chete nhasi. Vaparidzi, nevanhuvemazuva ano, nevadzidzisi vedu vechimanjemanje, vanyatsoisamupfungwa dzevanhu kuti vatende kuti Izvi “huroyi, kanadhiyabhore, kana zvekuverenga pfungwa, kana rimwe saramusi,kana imwewo mhando yemanomano,” kusvikira vanhuhavachacherechedzi kuti ndiko kusimbiswa kweShoko raMwarirezuva rino. Ndizvo zviratidzo zvezuva rokupedzisira.210 Makereke, kana usiri wesangano ravo, vanoti, “Ah,saka, zvinhu zvokungogadzira. Ma—masaramusi. Saka,tarirai zasi uko kuna Nhingi-nhingi naNhingi-nhingi.”Asi ngavaratidzeka pane imwe nguva kuti Chinhuchemazvirokwazvo ichi masaramusi. Uh-huh. Regai varatidzepane imwe nguva kuti Zvakatsveyama. Havakwanise kuzviita.Hapana pazvakambozivikanwa kuti zvakatsveyama, uyehazvizomboitiki, nokuti NdiMwari. Maona? Asi vanodakunongedzera.211 Vanofunga, “O, saka, dai aive mumwe munhu ane zitaguru!” Nokuda kwekuti iboka duku, boka duku rinoita sokungerakaraswa, “Handiti, takadzinga munhu uyo kubva mukerekeyedu.” Maona? “Ivo, vaisimbouya kuboka redu, munoona,asi vakaenda uko neiri, uye vakaenda uko neiro, uye zvino,munoona, vanopedzisira…Saka, tarira kuti chii, ndiyani.”212 Handina basa. Vaigona kunge vakataura zvimwe chete panaPetro, James, naJohane. “Munhu asingazive asina kudzidza,”vakadaro. Asi vakatocherechedza, pane chakange chaitikakubvira panguva iyoyo. Vakanga vaina Jesu. Ndizvo zvakaitamutsauko. Maona?213 Vakazviita nokuda kwekuti vakanga vasiri kuziva kutiIye Aive ani. Havana kuziva kuti kusimbiswa kweShokoraMwari kwakanga kusina kumira ipapomuzuva iroro…Zvino,zvaimbove pane rimwe zuva, uye zvakanga zvakanaka; zvakangazvakadaro, pane rimwe zuva, kungochengeta mirairo nezvimwe.Asi mirairo mimwe chete yakambovapo, yavaichengeta,

Page 35: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 35

yaivanongedzera kune imwe nguva iyo yaAizouya zvino ovaMunhu uyo waAifanira kunge ari. Vaiva nechikamu ichi, asihavana kuzotora chimwe chikamu chacho.214 Zvino ndicho chinhu chimwe chete chavari kuita zvino.Vane kereke, uye ivo “vanotenda muna Jesu Kristu,” uye vanotivanodaro, nezvimwe, asi vanoramba nguva yatiri kuraramamairi! Zvichiri kungodzosa tsumo yakare zvakare: munhu nguvadzose anorumbidza Mwari nokuda kwezvaAkaita, achitarisirakune zvaAnozoita, uye, kana kuti zvaachaita, achisiya zvaArikuita, zvino izvozvo zvichizomupomera. Maona? Vanofunga,“Mwari vanoshamisa. Mukuru kwazvo! ZvaAchaita: Achauya,zvino kwova neKubvutwa, rimwe zuva, toenda Kumusha,” uyevachiramba zviratidzo nezvishamiso zviri ipo pano panguvaiyo Gwaro rinotaura kuti Anenge ari kuzviita. Vopotsa Chinhuchacho chose!215 “Kana bofu rikatungamirira rimwe bofu,” Jesu akati, “vosevanowira mugoronga.” Tingonamata kuti Mwari vazarure mesoedumumazuva ano okupedzisira. Zvakanaka.216 Iye zvino, zvimwe chete, vanoita zvimwezvo nhasi.Vanoramba nokuroverera Mwari mumwe chete, nhasi, nokudakwekusaMuziva. Zvimwe chete, nokuMuramba. Zvino nokuita,nokuramba, zvinhu zvavari kuita nhasi, havarovereri Kristuzvakare, chaiye, asi vanomhura MweyaMutsvene. Zvino nokudakwekuzviita, vari kudaro. Ko vanomhura sei Mweya Mutsvene?Sei?217 Ko vakaUmhura sei ikoko, kareko? Handiti, vakangavasingakwanise kuUmhura kareko; Wakanga usati wauyapanguva iyoyo. Vakadana Jesu kuti, “Bherizebhabhu,” vakaMuti“Bherizebhabhu,” nokuti Aikwanisa kuziva zvakavanzikazvemoyo yavo, nezvimwe. Vakati, “Uyu ndidhiyabhore.”Nemamwe mashoko, “Muvuki. Ndiwo maitiro aanozviita,nokuvuka. Hapana zvimwe zvaari kunze kwadhiyabhore.”Munoona, havana kumbova nemuporofita kwemazana manaemakore, zvino vakanga vatobva pazviri. Maona? Vakangavangori nemirairo yavo. Vakati, “Uyu ndiBherizebhabhu.”218 Zvino Jesu akati, “Ndichakuregererai pane izvozvo, asikana Mweya Mutsvene auya,” munoona, zvino, “ukataura inzwirimwe chete rinopesana naWo, zvino haufewakazviregererwa.”219 Rangarirai, zvichadaro, uye hazvikwanisike, nenzira ipizvayo, hapana tsitsi, kana uchinge wamhura, wodana MweyawaMwari, Shoko raMwari riri kusimbiswa neMweya…Munoona, Shoko rinotaura kudaro, Mweya uri kuRisimbisa,zvino woRiti “chinhu chine tsvina,” unenge wayambukamuganhu wepakati petsitsi nekutongwa, zvino haukwanisekuzviregererwa.220 Ndicho chikonzero ndichipomera chizvarwa chino, kuvenemhosva, yokuroverera, kumhura Mwanakomana waMwari

Page 36: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

36 SHOKO RAKATAURWA

akaratidzwa sokuvimbiswa kwaAkaitwa nevaporofita vose,uye Kristu pachaKe, kuti aizovepo mumazuva okupedzisira;sezvazvaiva mumazuva aNowa, mumazuva eSodhoma.Kumhura! Uyo, wavanoroverera, kuvanhu, MwanakomanawaMwari patsva, Shoko raKe rakasimbiswa. Shoko rimwe cheterokuRipikisa harigoni kuregererwa.221 Zvino chii chauchaita zvino? Uchamira papi? Vakapomerwamhosva, vakangomirira nguva apo hasha dzaMwaridzichadururwa. Dzichavapwanya-pwanya.222 Kuda dzidziso dzemasangano akagadzirwa nevanhunezvitendwa kudarika zvavanoita Shoko raMwarirakasimbiswa; chizvarwa chino chevanhu. O! Ndi—ndinoshuwakuti dai ndanga ndiine nguva yakareba yeizvi. Maona?Chizvarwa chino chevanhu, chizvarwa chino chinorambachizaruro chaMwari. Asi tiri kufamba pakafambwanevaapostori. Ndizvo chaizvo.

“‘Mwari,’ ungadaro? Zvakanaka, vamwe vanotaurawokudaro zvakare.” Mwari vanoRisimbisa.223 Jesu akati, “Kana—kana—kana mabasa asingataurenezvaNgu, zvino chingoendererai mberi muchiti Ndini ndirikuzvitaura pachaNgu. Asi kana mabasa achitaura, unofanirwakutendamabasa,munoona, nokuti ndiyo nguva yacho.”Ndokuti,“Munoziva mangwana zuva richange richipenya, kana kutikuchava nemamiriro ekunze akaipa; nokuti denga rakatsvukanokushanduka nokukasika, mangwana kuchange kwakanaka.”Ndokuti, “Munokwanisa kunzvera matenga; asi zviratidzozvenguva, hapana chamunoziva nezvazvo. Dai maiziva Mwari,mungadai makaziva zuva raNgu.”224 Zvino vakati, “UnoZvisimudzira zvikuru; Unozviita Mwaripachako.” Zvino vakaMuisa pamuchinjikwa.225 Zvino Mweya Mutsvene, nhasi, hausi Munhu wechitatu.NdiMwari, pachaKe, akaratidzwa munyama yemunhu,neRopa raJesu Kristu, kuchenesa hupenyu hwaAnokwanisakuZviratidza nemahuri. Zvino vanoroverera Shoko rimwechete rakaratidzwa. Manzwisisa? [Ungano inoti, “Ameni.”—Mupepeti.] Kurovererwa kwaKristu, nhasi, vanhu vacharambaMwanakomana waMwari akasimbiswa nokuratidzwa pakatipevanhu, nezvinhu zvaKe—zvaKe zvaAkati zvaizoitika muzuvarino neShoko raKe. Maona?226 Zvino, kusimbiswa kumwe chete, kunofanira kungekwakafanana, kana Iye ari Mwanakomana waMwari mumwechete, nokuti Akati munaMutsvene Johane 14:12, zvino, kuti,“Mabasa Andinoita nemiwo muchaaita.” VaHebheru 13:8,“Ndiye mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi.” “Kanamukagara maNdiri,” Johane 15, “kana mukagara maNdiri,uye mashoko aNgu achigara mamuri, chingokumbira cherochaunoda zvino uchachipiwa.” Hongu, changamire!

Page 37: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 37

227 Rangarirai, vakanga vari vanhu chaivo vezvekunamatavakaita izvozvo. Vakanga vasiri vanhu vekunze. Vakanga varivanhu vezvokunamata vezuva iroro. Uye ndivo vari kuzviitanhasi, vanhu vanamati; kurovererwa kumwe chete, chinhuchimwe chete nhasi. Nokukasika…228 “Ipapo ivo ndipo pavakaMuroverera,” kare, zvino.Ichokwadi. Kare vairamba Shoko raMwari rakanga raratidzwa,vachigamuchira zvitendwa zvavo panzvimbo yeShoko.229 Ndizvo here zvavari kuita nhasi? Ndizvo chaizvo, vari kuitazvimwe chete nhasi. Akanga ari Shoko; zvino vakaramba Shoko.Ndicho chinhu chimwe chete chandisiri kuda kuti mupotse,munoona, handidi kuti mupotse. Akanga ari Shoko, zvinopavakaMuramba, vakaramba Shoko. Zvino pavakaMuramba,pakupedzisira vakaMuroverera. Uye ndizvo zvavaita nhasi:kuramba Shoko raMwari, ndokugamuchira zvitendwa zvavo;zvino varoverera, paruzhinji, pamberi peungano yavo, kushandakweMweyaMutsvene. Zvino vanemhosva, zvino ndinovapomeramhosva nemuZita raJesu Kristu.230 Makore gumi nemashanu ndaMuona achipfuura nemunyikayose, kunyange zvakadaro vanobatirira kuzvitendwa zvavo.Vane mhosva! Vakatora Shoko iro ringadai rakaunza kereke,makereke ose pamwe chete, nokugadziramubatanidzwamukuruwehama pakati pemaPentekosti nevamwe vose; panzvimboyekudaro, vakaRiramba, vakasaRigamuchira, vakaita dambenaRo, ndokuRidana zvinhu zvose zvino.231 Uye zvino, nemubatanidzwa wekereke, kubudikidza nezanoradhiyabhori, vachiedza kuuya vachiti, “Iye zvino tichauya,kuzotenga Mafuta.” Vakarambwa. Uye vaka…Vane mhosvayokuroverera Jesu Kristu. Unozvitora nenzira yaMwari, nokutinzira yako haishande. Maona?232 Vakarambira Shoko raMwari rakaratidzwa, nokudakwezvitendwa zvavo, uye vari kuita zvimwe chete nhasi.“Akanga Ari Shoko,” Johane, Mutsvene Johane 1. VaHebheru13:8 inoti, “Ndiye mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi.” Iyezvino vave kuMuroverera patsva.233 Munoziva here kuti Bhaibheri rakati tinokwanisa kuzviita?Vangani vangada kuverenga zvishoma? Mungandipewohere mamwe maminitsi gumi nemashanu awo? [Unganoinoti, “Ameni.”—Mupepeti.] Zvakanaka. Ngatizarurei zvino,kweminiti, “kuroverera patsva.” Ngatiendei kuna vaHebheru,chitsauko 6, tigoverenga zvishoma. VaHebheru chitsauko 6,tione kana tichi “roverera Mwanakomana waMwari patsva,”tione kana zvichigona kuitwa.

Unoti, “Haukwanise kuMuroverera kechipiri.”234 Tichaona kana tichikwanisa kana kuti kwete. ShokoraMwari nderechokwadi. Ndizvozvo here? [Ungano inoti,“Ameni.”—Mupepeti.] VaHebheru 6:1.

Page 38: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

38 SHOKO RAKATAURWA

Naizvozvo ngatisiye shoko rokutanga kwaKristu,tipfuurire mberi pakukwaniswa; kwete kuisa nheyodzokutendeuka nemabasa akafa, nedzokutendakunaMwari,Uye nedzedzidziso yorubhabhatidzo,…kuisa

mawoko, nedzokumuka kwavakafa, nedzokutongwakusingaperi.…izvo tichazviita, kana Mwari vatendera.

235 Munoona, Pauro anoda kuziva kuti zvinhu izvi panozvinonyatsodikanwa; rubhabhatidzo, kuisa mawoko pamusoro,rumuko, Kuuya kwechipiri. Zvinhu zvese izvi ndezvemunaZiendanakuenda. NdezveChokwadi zvemazvirokwazvo.236 Zvino cherechedzai, “Nokuti hazvikwanisike.” Riverengeineni, ndima imwe iyi. Ndinoda kuti muiverenge neni zvino,ndima 4. [Hama Branham neungano vanoverenga ndima nhatudzinotevera pamwe chete—Mupepeti.]

Nokuti kana vari ivo vakambovhenekerwa, vakaravirachipo chokudenga, vakagoverwa Mweya Mutsvene,Vakaravira shoko rakanaka raMwari, namasimba

enyika inouya,Kana vakazotsauka, hazvibviri kuvavandudzazve kuti

vatendeuke; nokuti vanozvirovererazve MwanakomanawaMwari pamuchinjikwa, vachimunyadzisa pachena.

237 Zvino, ishoko rangu here, kana kuti raKe? “Munhuanosvika pazivo.” Rangarirai, havana kumboUwana. Vaivavatendi vepamuganhu. “Mushure mokunge tagamuchirazivo yeShoko raMwari,” unowana kubva kuruzivo, kubvapakuverenga nokuUona, “zvino woUramba, zvadaro, iwe,hazvichakwanisiki kuti ufe wakamboponeswa.” Mazviverengahere zvino? Munoona, “Vagamuchira ruzivo rweChokwadi,”zvishoma, unonzwisisa, haana kuUwana.238 Zvakafanana nevatendi vaya vakabuda. Mufananidzochaiwo werwendo. Rwuno, rwuno rwechitatu, ino eksodhoyechitatu, inongori mufananidzo wemamwe ose. Tarirai,onai kareko. Regai ndikuratidzei chimwe chinhu zvino,kwechinguvana. Ruregerero pachitaurwa. Tarirai.239 Israeri yakatora varume gumi nevaviri, mumwe kubvakurudzi rwega-rwega, mukuru wesangano, ndokuvatora kuendanavo kumhenderekedzo yemuganhu wenyika, nyika yevimbiso,ndokuvaratidza zvinhu zvakanaka zvakanga zviri kuzouya,zvavakanga vainazvo. Zvino vakadzoka, vachinyunyuta, kuti,“Hatikwanise kuzviita.”240 Asi paiva nevaviri kubva pane gumi nevaviri, JoshuanaKarebhi, vakati vakatarisa paShoko. “Mwari vakati ndeyedu,uye tinogona nokupfuurira kuitora.” Ndizvozvo here? [Unganoinoti, “Ameni.”—Mupepeti.]

Page 39: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 39

241 Chakanga chiri chii? Vatendi vepamuganhu. Munoona,chaizvoizvo vakaberekerwa mukereke. Vakanga varivakuru vevanhu. Vakanga vari mabhishopi, tingangoti,vakanyatsofamba vachidzika uko Shoko raMwarirakanyatsoratidzwa kuti iChokwadi. “Heyo nyika yacho!”Vakange vasina kumbosvikako. Vakanga vasingazive kutiyaiveko. Asi vakaendako vakaona kuti yaiveko. “Heyoka iyo!”Zvino Karebhi naJoshua vakaenda mhiriko, ndokudzoka vainechi—chi—chitsumbu chemazambiringa uye ndokuvaita kutivadye mamwe acho. Zvino vakaravira zvemunyika yakanaka,zvino ndokubva vadzoka vachiti, “Hatigoni kuzviita. Maona?Hatitombozvikwanisi.”242 Herinoi boka rimwe chete, mumazuva aJesu Kristu.“Rabhi, tinoziva kuti Muri mudzidzisi akabva kunaMwari.”Maona? Vepamuganhu! “Tinoziva kuti Muri mudzidzisi akabvakunaMwari. Hakuna munhu angagona kuita zvaMunoita.Tinocherechedza kuti Mwari vanofanira kunge varipo.” Seivasina kuzvigamuchira? Sei vasina kuzvitora? Vepamuganhu!Vepamuganhu!243 Hevanoi ava paeksodho ino yechitatu; chiratidzo chimwechete, kuratidzwa kumwe chete, Kristu mumwe chete,Mweya Mutsvene mumwe chete, mabasa mamwe chete,Mwari mumwe chete, Mharidzo imwe chete, asi havakwanisekuItora. Vanotozofanirwa kusiya kadhi ravo rehunhengo. Chii?“Vanga vaine ruzivo rweChokwadi.” Vakatarisa ndokuona kutichaive Chokwadi zvemazvirokwazvo. Havagone kuChiramba.Mamagazini anofanira kapupura vakatoZviona. Mifananidzo,mapepa, humboo, kumuka kwevakafa, magwaro avanachirembaevarwere, vanofanira kutaura kuti ndiYe. Uye zvakafanotaurwa,pasina kana chimwe chazvo chakambokundika zvichidzikanemumakore ose, chimwe nechimwe chazvo chakayerekanemazvo, havana zvavangataura kunze kwekuti ndiMwari. Asihavakwanise kuZvigamuchira.244 Boka riya revashumiri muChicago, mazana matatunevanoraudzira vavo, vakanga vari kuzouya kunokuzobhabhatidzwa nemuZita raJesu Kristu. Varipiko?Mubhadharo wacho wakakurisa. Havakwanise kuzviita.Chii? Bhaibheri rakati, pavanozviita, chii chavanoita?Vanozvipatsanura pakati petsitsi nekutongwa. “Nokutihazvikwanisike kune avo vakambojekerwa,” vakaunzwa kutivaZvitarise, “uye vakava nezivo yeChokwadi, uye vakaraviraShoko raMwari rakanaka, kana vakatsauka kubva paRiri,pavanofanira kunge vachizvivandudza zvakare, voti, ‘Saka,zvino, ndichadaro, hongu,…’”245 Imi maPresbyteriani, imi maMethodisti, nemaBaptisti,nemaLutherani, neiyi Full Gospel Business Men, vachitivari “kupinda mukati,” vakaramba Mharidzo. Kereke yenyuichadaro. Pachava nevamwe vanhu ipapo, chokwadi. Asi, kwete

Page 40: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

40 SHOKO RAKATAURWA

kereke; munofanirwa kubuda mukereke, kuti muIwane. Maona?Ndizvo chaizvo. Munhu nemunhu zvakanaka.246 Asi pamunofunga kuti kereke yePresbyteriani yavekuzogamuchira Mweya Mutsvene, uye vose vanotora magwaroavo, zvino, musambofunga zvakadaro. Uye munofunga kuti imimaMethodisti muchazviita? Hamusi kuzozviita.Munofunga herekuti imi maTrinitariani muchafa makagamuchira Zita raJesuKristu uye mose mobhabhatidzwa mu…Hamufi makazviita.Hamufi makazviita. Asi vanhumumwe nomumwe vachabudamouye vogozviita, ndizvo chaizvo, uye ndicho chiratidzo cheKuuyakwaKe. Asi makereke ayo akaona Chokwadi, zvino voChirambamumakanzuru avo, “hazvikwanisike.”247 Zvino, vane mhosva yokuroverera Jesu Kristu. Uyendinovapomera neShoko raMwari, kuti Mwari vane…“Munovapomeramhosva sei, HamaBranham?”Ndinovapomera,nokuti Mwari vakaZviratidza zviri pachena muShokoraVo, mumazuva okupedzisira, uye ndokuZvizivisa kutiVachiri mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi, asivakanyatsoZviramba. Uye mune mhosva yokuroverera JesuKristu pamuchinjikwa, kubudikidza nokumhura MweyaMutsvene. Ndizvo chaizvo.248 Tinoenda nemi kuna vaHebheru 10, zvakare, kwatinoudzwazvakare muMagwaro, kwete bedzi “kusangokwanisika,” asihaukwanisi zvachose. Zvinokupatsanura kubva kunaMwari,zvemunaZiendanakuenda. Hauchakwanisa kuuya muHupohwaMwari zvakare, kana uchinge waramba Mweya Mutsvenenokuita dambe naWo.249 Zvino, onai, “vakaravira Shoko.” Munoona, vatendivapamuganhu!

“O, unoti machinda aya vakanga vasiri vatendi?”250 Vaiva vatendi, kana kuti vaipupura kuti vatendi, asipazvakasvika paShoko…Vaiva vaIsraeri. Vakabuda pasiperopa. Vakabuda pasi pezviratidzo zvaMosesi. Vakanga vaonazviratidzo zviya zvichishanda.

Mwari vakati, “Ndichakuendesai mhiri uko.”251 Zvino pazvakanyatsosvika pane zvepamavambo zveShokorakavimbiswa rakanga riri kuuya, vakati kudini? “O,hatikwanise kuzviita.” Maona?252 Zvino hevanoi vanodzoka, nemazambiringa nezvimwe zvose,kuratidza kuti nyika yacho yaive yakanaka. Shoko raMwarinderemazvirokwazvo.Mwari vakati, “Ndaipa kwamuri.”253 Asi zvakaipoteredza, “Ini zvangu,” vakati, “tinoratidzikasemhashu, pedyo navo.Hatikwanise kuzviita, zvisinei kuti chii.”254 Makore mashoma apfuura apo imba ino yakare yakangeyakamira pano setabhenakeri, mumwe munhu akapinda,ndokufamba imomo ndokutaura neni, ndokuti, “Billy,

Page 41: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 41

uchaparidzira kumbiru ina, rimwe ramazuva ano, neMharidzodzakadai.”255 Ndikati, “Ndichange ndichiparidzira kumbiru ina,nokuti Mwari vanokwanisa nembiru idzodzi kumutsa vanakunaAbrahama.” Hongu, changamire. Ichi iChokwadi. Ndikati,“Kana uine chimwe chinhu chinoIshaisa maturo, tipe kuno.”Kungofarira kukukuridza, asi kana zvasvika panzvimboyokuzviratidza, zvasiyana. Hongu, ndizvo zvinoita mutsauko.Zvakanaka.256 Hongu, nezvitendwa zvavo vanoMuroverera patsva. ZvinovaHebheru chitsauko 6, toenderera mberi tichidzika. Zvinotinogona kuramba tichiverenga tichidzika, tichidzika nemunoumu. Tine nguva yakawanda. Ndamaka Gwaro pano apopazvinenge zviri, VaHebheru chitsauko 6. Regai, ndinofungira,titore yose. “Hazvibviri kuti avo vakambojekerwa, vakaitwavadyi veMweya Mutsvene…” Hatina nguva yekuenda kure,nokuti ndine rimwe Gwaro randiri kuda kuti muverengemunguva shoma. Cherechedzai izvi, “VanozvirovereraMwanakomana waMwari patsva.” Chii chavanoita? Chii?Nokuda kwekuravira, uye nokuziva kuti Iyo iChokwadi, zvinovotendeuka voIramba. Chii chazvinoita? “Hazvibviri…”257 Saka ndizvo zvakaitwa nenyika ino. Ndizvo zvakaitwanevanhu ava. Ndizvo zvakaitwa nemakereke aya. VaIramba,uye varoverera Mharidzo. Vakaroverera Chokwadi, kunevanhu. Vakadini kunaJesu? VakaMunyadzisa, ndokukumurahanzu dzaKe kubva paAri, ndokuMurembedza pamuchinjikwandokuMuroverera ipapo, Muchinda weUpenyu. Chinhuchimwe chete chavaita nhasi nezvitendwa zvavo! Vaita chinhuchimwe chete. Vakakumura zvinhu, vakakumura hu—hunakunehanzu yeEvhangeri, nokuedza kuIisa kumwewo kunhu, zvinondokumurembedza pamuchinjikwa. O, ini zvangu! Sei?258 “Ipapo ivo—ipapo ivo vakaroverera,” zvino chitaurwachokupedzisira, “Iye,” Iye, Munhu uyu akakoshesesa. Ko seivakazviita? Vakanga vasingaMuzive. Sei vari kuzviita nhasi?Havazive kuti ichi iChokwadi. Zvi—zvimumumu nemapofukwaChiri. HavaChizivi. Ndicho chikonzero. Zvitendwa zvavonetsika zvavaendesa kure neShoko raMwari.259 Zvino kunemi pano, mukungovhara zvino, nyatsoteereresai.Maona?Ndinoziva kuti kuri kupisa. Ndiri kupiswawo, zvakare.260 Asi, o, hama, Shoko iri Hupenyu kana ukabatirira paRiri.Tarirai, Handi chinhu chatinotaura nezvacho, chingangoitikazvino kana munguva inotevera; Chinhu chitori pamwe nesupano nekare uye chiri kuitika izvozvi. Kwete chimwe chinhuchichazouya; chinhu chatovepo kare. Hatisi kupupura, “TinozivazvaAkaita; tinoziva zvaAchaita,” asi iye zvino tiri kutaurazvaAri kuita. Maona? Ino inguva yedu.

Page 42: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

42 SHOKO RAKATAURWA

261 Tinogona kutadza kurarama zvokuona Kubvutwa.Ndinogona kufa nhasi; unogona kufa nhasi. Handizivi. AsiKubvutwa kuri kuuya. Ndipo—ndipo, kana kwauya, tichangetiripo, musanetseka; uh-huh, ndizvo zvichaitawo vamwe vosenemumazera ose, vakazvitenda nokuzvitarisira. VakafambamuChiedza chezuva ravo.262 Uye hechinoi Chiedza, Jesu Kristu mumwe chete zuro, nhasi,nokusingaperi. Siya zvitendwa zvako ugotenda Shoko rino.Ichi iChokwadi. Shoko iChokwadi. Jesu akati, “Shoko raNguMweya, Shoko raNgu Upenyu.” Ko uchagamuchira sei Upenyuiwe uchiramba Upenyu? Ko ungazotora sei chitendwa, chinovarufu, pamwe neShoko reUpenyu? Kuramba Shoko reUpenyu,kuti utore rufu, ko uchagamuchira sei zviri zviviri panguva imwechete? Haukwanise kuzviita. “Regai shoko remunhu wese rivenhema, chitendwa chose chive nhema.” Shoko raMwari ndiroChokwadi.263 Ndinopikisa chero munhu kuti andiratidze, cheromunhu…Uye ndinoziva kuti tepi ino inopoterera pasi rose.Chero munhu, chero mubhishopi, anouya mukamuri yanguyekuverengera, kana pamberi peungano ino, agonongedzeranechigunwe chake nzvimbo imwe chete apo mumwe munhuakabhabhatidzwa nemuZita ra “Baba, Mwanakomana, MweyaMutsvene,” muTestamende Itsva. Ndichakuratidzai apo munhuwese akambobhabhatidzwa…Uye avo vakabhabhatidzwazvakasiyana, vakatouya vakabhabhatidzwa zvakare, kutivawane Mweya Mutsvene.264 Chii chauchaita nezvazvo? Kugara kunze uko muzvitendwazvako? Kugara kunze ukomudzidziso dzako ugofa? Unemhosva!Nemaoko ane utsinye, matora Muchinda weUpenyu, ShokoreUpenyu, ndokuRiroverera kuvanhu.265 Zvino chii chavakaita? Havana kuzviziva. Nhasi vanhuvanofamba vasingazive. Havazive kuti ndicho Chokwadi.Vanofunga kuti imwewo mhando yechitendwa. Havacherezvakadzika zvakakwana kuti vapinde muMweya wechizaruro.Havanamati zvakakwana.Havadani panaMwari zvakakwana.266 VanongoRitora zvakareruka, “O, zvakanaka, ndinotendakuti kuna Mwari. Ichokwadi!” Dhiyabhore anotenda zvinhuzvimwe chete. Dhiyabhore anozvitenda kudarika zvinotaurwanevamwe vanhu kuti vanotenda. Dhiyabhore anozvitenda uyeanodedera. Vanhu vanongozvitenda voramba vachienda mberi.Asi dhiyabhore anodedera, achiziva kuti Kutongwa kwakekuri kuuya, zvino vanhu vanozvitenda uye havana hanyn’aneKutongwa kuri kuuya.267 Vane mhosva yekuMuroverera! Chokwadi! Ndinopomerachizvarwa chino, ndichivawana vaine mhosva, kubudikidzaneShoko rimwe chete rakavawana vaine mhosva pakutanga.Ndizvo chaizvo. Jesu akati, “Ndiyani anogona kuNdipomera

Page 43: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 43

mhosva?” Akanga ari Shoko rakaitwa nyama. Uye nhasi Shokorimwe chete rakaitwa nyama.268 Petro akati mukuvapomera kwake, munaMabasa. Regaitingozviverenga. Petro, paakaona izvi zvichiitika, zvavakangavaita, Mweya…Tarirai, Petro akanga ari kumiririra Kristu,pane zvavakanga vaita. Ndiri kumiririra zviri Evhangeri.Ini…Petro akanga ari kuvapomera mhosva yokuuraya Munhuwacho, Kristu, Uyo akanga ari Shoko. Ndiri kupomera mhosvachizvarwa chino nokuda kwekuedza kuuraya Shoko iro ririkuratidzwa muvanhu. Tarirai zvakataurwa naPetro. Hashadzake tsvene dzakanga dzasimukira kwazvo. Muteererei panomunaMabasa chitsauko 2, kutangira pandima 22.

Imi varume vaIsraeri, donzwai mashoko aya; JesuweNazareta, akaratidzwa, murume akaratidzwanaMwari kwamuri nezvishamiso,…zviratidzo,zvakaitwa naMwari pakati se…penyu naye,sezvamunoziva imi momene:

269 Whew! Ndinofungidzira kuti vakanzwa sei! Teereraikwazviri.

Imi varume veIsraeri, muchinda, imi varumevemukereke, imi varume vatsvene, imi vaprisita, imivarume munofanira kunge muri vanhu vaMwari,donzwai mashoko aya; Jesu weNazareta akaratidzwanaMwari pakati penyu…

270 Zvino ndinoti kwamuri imi vashumiri, nekunemi vanhu.Jesu weNazareta, Mweya Mutsvene, Ari pano muMunhuweMweya Mutsvene, uho hwaiva Hupenyu hwaiva maAri. Aripano achishanda nemuvanhu, uye Achizviratidza nezviratidzonemashura ayo aAnoita. Uye pano vakarembedza pamadziro,kuratidzwa nesainzi. Uye vanhu vagere pano, vakanga vafa,vari kurarama nhasi; uye vakadyiwa nekenza, vane utanonhasi; vakapofomara, vari kuona nhasi; nemhetamakumbo, dzirikufamba nhasi. Iye ndiJesu weNazareta.

Iye, wakaiswa kwamuri nomutemo nokuziva zvirimberi kwaMwari, kutemerwa kuita basa raKe,makatora, namawoko ane utsinye uye muka…uraya:

271 Ku—kupomera mhosva here uku? [Ungano inoti, “Ameni.”—Mupepeti.] Ari kupomera chii? IyaKanzuru yeSanhedrini.272 Zvino ndiri kupomera, mangwanani ano, mubatanidzwawemakereke. Ndiri kupomera maPentekosti. Ndiri kupomeramaPresbyteriani, maBaptisti, nesangano rose riri pasipose. Nehundyire hune utsinye, nehundini makatora ShokoreUpenyu ndokuRiroverera pamberi pevanhu, nokuRimhura,ndokuRidana kuti “kupengereka,” rinova rakasimudzwanaMwari pakati pedu kuratidza kuti Ndiye mumwe chete zuro,nhasi, nokusingaperi. Ndinopomera chizvarwa chino!

Page 44: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

44 SHOKO RAKATAURWA

273 Mwari vakazviratidza kuti vapenyu. Mwari vakaratidzakuti Iri iShoko raVo. Ko chii chamuinacho kunze kwebokarezvitevedzwa nezvitendwa! Ndepapi pamunogona kuratidzaMwari mupenyu? Nokuti makaramba Shoko reUpenyuringadai rakakupai zvinhu izvi. Hongu, changamire! O, inguvayakadiniko yatiri kurarama mairi zvino. Whew! Zvimwe chete!O, ndinodana…

Petro akati…makatora, nemawoko ane utsinyendokumurovera nokuuraya:Iye wakamutswa…naMwari, amusunungura

pakurwadziwa kwerufu: nokuti zvakanga zvisingabvirikuti abatwe narwo.

274 Zvino kubudikidza nezvitendwa zvenyu, nemasangano enyu,nemakereke enyu, nechimiro chenyu chehumwari, zvichirikungotaura. Zvimiro zvenyu zvehumwari, makaramba simbaraKe rokumuka kune vakafa.275 Asi nguva yasvika, mazuva okupedzisira ave pano, apoMwari vakavimbisa, maererano naMaraki 4, kuti achamutsamumazuva okupedzisira, “uye achadzorera moyo yevanhuzvakare kumaropafadzo epakutanga pamwe noKutendakwepentekosti kwemadzibaba.” Uye haukwanise kuzviramba,uye haukwanise kuzvipikisa.276 Zvino ndinokupomerai, mhosva, uye nokukudenhai, uyenokukupomerai pamberi paMwari, kuti nemawoko ane utsinye,neundini, emasangano maroverera Shoko raMwari pamberipevanhu. Uye ndinokudanai kuti mune mhosva uye magadziriraKutongwa. Ameni. Hongu, changamire!277 Ndinodanira chinhu chimwe chete chakaitwa naPetro.Akadanira kutendeuka kuchizvarwa ichocho. Ndinodanirakutendeuka kuchizvarwa chino, kutendeukira kunaMwari,zvino mugodzoka kuChokwadi cheShoko chepakutanga. DzokaipaKutenda kwemadzibaba edu. Dzokai kuMweya Mutsvene,nokuti Mwari havakwanise kuUshandura.278 Zvino Mwari pavakati, “Zviratidzo izvi zvichateveravanotenda,” Vanofanirwa kugara nazvonemunaZiendanakuenda rose. IShoko ravo.279 Pamunoti, “Kwazisanai mawoko, kana kuti torai chirairo,”kana zvimwe zvakadaro, kana vamwe pachitendwa icho,kanawo chimwe chiri papfungwa iyoyo; yokuti chero munhu,chero chidhakwa, chero asingatendi anogona kuzviita. Cheromutevedzeri, chero chipfeve—chipfeve chinogona kuzviita.Kutora chirairo, nokuva nezvimiro nezvimwe zvakadaro,unokwanisa kuzviita.280 Asi Jesu akati uku ndiko kuchava kuziviswa kwacho,“Zviratidzo izvi zvicha,” kwete zvingango, “zvichadaro,muzvizvarwa zvose, kune avo vanotenda! NemuZita raNgu

Page 45: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 45

vachadzinga madhimoni; vachataura nedzimwe ndimi,vachataura nendimi itsva; uye vachabata nyoka; nokunwazvinouraya, hazvivakuvadze; vachaisa mawoko pane vanorwara,vachapora.” “Podzai varwere, mutsai vakafa, dzingaimadhimoni; sokuzvigamuchira kwamakaita pachena, ipawopachena.”281 Ose mazano makuru aya okugadzira mari nezvimwe, uyezvakabatana muzvinhu nhasi, ndosaka vazere nokutongwa.Hongu, changamire! O, ini zvangu!282 Ngationei zvino. Hongu, changamire. Danira kutendeuka,uye nokupomera kwangu zvino.283 Karivhari itsva iyi i—ikereke, sokudanwa kwayo, nzvimbotsvene-tsvene, mapurupiti makuru, artari yechiKatorike,artari yeKatorike, inonzi purupiti yavo. Methodisti, Baptisti,Presbyteriani, Lutherani, maPentekosti, nzvimbo tsvene-tsvene,ipapo ndipo paAnogamuchira kubaiwa kwaKe kwakaipisisa.Karivhari itsva! Inowanikwepi?Munzvimbo tsvene, kereke.284 Ndepapi paAkarovererwa? Kubva kuvafudzi. Imivanyengeri, munoziva zviri nani pane izvozvo! Handinakushatirwa, asi chimwe chinhu mukati mangu chiri kufashaira.Mwari vakaratidzwa zvizere pakati penyu.285 Ko Akawanepi minondo yaKe, padivi raKe? NdekupikwaAkabairwa? PaKarivhari. Ko nhasi Anoawanirepi?Mumapurupiti. Ko akabvepi? Jerusarema. Ko anobvepi?Masangano. Vacho vaiti vanoMuda, ndivo vakazviita. Ndivovanozviita nhasi. Karivhari yaKe yechipiri, paAnogamuchirakubaiwa kwaKe kunopesana neShoko, ndizvo zvinoMubaya.Iye Ndiyaniko? Iye iShoko. Iye iShoko. Anobaiwa zvakakurisakubvepi? Purupiti ndiyo nzvimbo tsvene, sezvayaiva kareko.286 Ndine kodzero yekupomera chizvarwa chino. Ndinekodzero yekuzviita, semushumiri weEvhangeri yaJesu Kristu,nezviratidzo zvaKe, uye nokuratidza kuti Iye ndiMwari. Ndinekodzero yokuunza kupomerwa kuchizvarwa chino. Nokuti,mavanga aKe makuru epfumo akabva pamapurupiti, apopavakatsoropodza vakati, “Musaenda uko kunonzwa zvinhuizvo. Ndezvadhiyabhore.” Chaipo panzvimbo inofanira kungeiri kuMuda!287 Uye chaizvo zviratidzo zvakanzi naJesu zvaizoitika, “ShokoraMwari rinopinza kudarika munondo unocheka nemativimaviri; Shoko, munzveri wepfungwa, nezvido zvemoyo.” UyeRinonzi dhiyabhore, kubvepi?Mapurupiti, nzvimbo tsvene.288 O, Mwari, ko Vangatarisa sei pasi? Dzinongori—dzinongoritsitsi, ndizvo zvoga, nyasha. Hapana chimwe chatingaita kunzekwekuenda kunotongwa. Tatovepo kare. Uh-huh.289 Pafungei ipapo. Kubaiwa kwaKe kwakaipisisa kunobvapapurupiti. Ndipo pane Karivhari yaKe itsva. VanoMuroverera,

Page 46: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

46 SHOKO RAKATAURWA

Shoko, papurupiti. Ndizvo chaizvo. Ko, vanozviita sei?Nezvimiro zvavo zvehuMwari. Ndizvozvo chaizvo!290 Akagadzwa korona kubva muungano, nevaseki! Anekorona itsva yeminzwa, vaseki! Kubaiwa kubva papurupiti;ndokupfekedzwa korona nevaseki. Arovererwa here zvakare,patsva? Akakururwa nguwo nezvitendwa zvakagadzirwanevanhu, vadzidzisi vesangano zvinopesana neShoko raKe.VanoRikurura nguwo,mukunyadziswa, voRipomeramhaka.291 Jesu akati, “VanoNdinamata pasina.” Pasina, “hapanachakanaka chazvinoita.” Ndiyani wavanonamata? VanonamataMwari mumwe chete. Vakanga vari kunamata Mwari mumwechete pakurovererwa kwaKe kwekutanga, uye kwaive kunamatapasina. Ndicho chinhu chimwe chete nhasi. Vanovakamasangano aya pasina. Vanovaka maseminari aya pasina. Vanezvitendwa izvi pasina, vachidzidzisa sedzidziso iri mirairoyevanhu, uye vachiramba Shoko raMwari. Vane mhosvayekuroverera Muchinda weUpenyu, vachidzidzisa dzidzisodzevanhu seShoko raKe. “VanoNdinamata pasina,” kuiswamutaro, kubaiwa, kugadzwa korona.292 Paunoona zvakadaro zvichidzika nemugwagwa, uye vamwevenyu imi madzimai mune vhudzi refu; voti, “Ndewechinyakare,handizvo?” Rangarirai, vaseki, ndiyo korona yawakapfeka.Mwari vakati ndiko kubwinya kwako; ripfeke uchidada.Hareruya! Ripfeke uchidada, sokupfeka kwaungaite koronayeminzwa uchiitira Ishe wako. Ripfeke uchidada. Usanyare.Akataura kudaro, zvisinei kuti vanaJezebheri ava vanoti kudininhasi. Izvo vatevedzeri ava vachimira mupurupiti, varovererivaKristu, zvisinei zvavanotaura, iwe ripfeke uchidada. Mwarivakataura kudaro. Iwe richengete.293 Kugadzwa korona, nevaseki zvakare, minzwa. Kubaiwakubva papurupiti, nezvitendwa.294 Ane Gorogota itsva, kwavanoMuendesa: makwaya anemagemenzi, madzimai anopfeka zvikabudura, vakagerwavhudzi, nezviso zvakapendwa, vachiimba mukwaya seNgirozi,vane zvipo. Ndiro Gorogota raKe idzva, vanongori madzimaianokumura nguwo vechimanjemanje vanochengetedzwanemutemo, sepaSodhoma neGomora.295 Unoona imbwa hadzi duku ichidzika nemugwagwa. Panedzimwe nguva dzakatsaurwa hapana imbwa hono inomboendakwainenge iri. Rega chimwe chinhu chiitike, zvino dzosedzinoimhanyira. Pane chinenge chaitika kwairi. Munoziva kutisei. Regai…296 Madzimai aya anokumurirei nguwo dzawo, vofambavachidzika nemugwagwa? Musandiudze kuti hachisi chinhuchimwe chete. Kuzvizivisa. Musawanirwe varume mhosva.Asi vanochengetedzwa nemutemo wechiSodhoma. Mutemounofanira kunge uchiti havatenderwi kunge vari kunze ikoko.

Page 47: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 47

297 Uye vaparadzi mupurupiti vanofanira kunge vainemapitikoti panzvimbo yemajasi evafundisi; vamire ikokovachizvitendera, uye vachinyara kutaura vachizvipikisa, nokutisangano ravo rinovadzingira kunze. Munoroverera, kuu—ungano, Shoko raMwari rinoti, “Chinyangadzo kuti mudzimaiapfeke hanzu yakafanana neyemurume.”298 Ndi—ndinopomera chinhu ichi. Ndi—ndi—ndi—ndi—ndi—ndinochipomera mhosva yekuroverera Shoko raMwari pamberipevanhu. Madzimai akagera vhudzi, vanopfeka zvikabudura,uye korona…vakamira mukwaya!299 Mumwe munhu akati kwandiri, rimwe zuva, mumwemudzimai akandibvunza, ndokuti, “Saka, ndekupikwamunofunga kuti ungawana?”300 Ndikati, “Kana Ishe vakandikumbira kuti nditore guminevaviri, pasi rose, ndinga—ndingatofa nokutya.”301 Paya, nekunzvera kweMweya, womira ipapo uchivatarisa,womira saizvozvo uchiona zvinhu izvo pamusoro pavo;zvetsvina, zvinosemesa, vakaderera, vaputi vefodya, kunzeuko vachiita saizvozvo, zvino vomira mukwaya ine magemenzivoimba vari muchinhano ichocho, voita kuti ungano ivaone.Vanoti, “Saka, kana achigona kuzviita, ndinogonawo neniwo.”Hupenyu hweChikristu hupenyu hwehutsvene nokuchena,husina chipomerwa!302 Ndinovapomera, nemuZita raJesu Kristu, nokudakwehutsvina nekusviba kwavo. Vaunza Evhangeripakunyadziswa. Uye avo vanoedza kuRibata, vanonzi“vapengereki,” vachiti, “Ndezvembiri yakare zvisina maturo.”Ndinovapomeramhosva, nemuZita raJesu Kristu.303 Vanongori madzimai echimanjemanje anokurura hanzumumugwagwa, vanoimba mumakwaya, vanoputa fodya,vanotaura zvinyadzi zvokusetsa vanhu, varume vatatu kanavana, zvino mushure mewechitanhatu, zvadaro voimbamukwaya nokuti vane inzwi rakanaka. Iwe nyanjereanonzwisa urombo, usina chemweya, wakarambwa pane zvauri.Wakaverenga Bhaibheri rinogona kuverengwa nemunhu wese,asi wakaramba Mweya waMwari, kusvikira Bhaibheri rakatiucha “piwa mukunyengereka kukuru, kuti utende nhemaugotongwa nayo.” Unonyatsotenda kuti uri pachokwadi, uyeBhaibheri rakataura kuti uchazvitenda uye ugotongwa nenhemadzimwe chete dzauri kutenda kuti iChokwadi.304 Nokudaro, ndokupomera neShoko raMwari. Uri kudzidzisavanhu zvinhu zvakatsauka, uchireverera zvinhu zvepakutangazvaKristu, zvehutsvene neHupenyu huri kumusoro, kuti munhuiyeye agofamba nemugwagwa agovamunhu akasiyana.305 Vaparidzi vakamira panhandare dzebhora, vachiputamidzanga; zvigumbuso; nezvimwe zvose zvisina maturozvavanongosiya zvakadaro. Madzimai ari mukwaya yavo,

Page 48: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

48 SHOKO RAKATAURWA

vachipfeka zvikabudura, vakagera vhudzi, vachizvibatazvakadaro, zviso zvakapendwa, zvino vozvidana kuti,“Hanzvadzi, zvakati nezvakati,” uye Bhaibheri rinopomerazvinhu izvozvo. Ndizvo chaizvo. Vanoenda kumapativachingoenderera, vachiramba vari nhengo yekereke;uchichengetedza chapupu chako, uye uchirarama pamadiro.306 Musafunga kuti ndiri kutaura pamusoro pemaPresbyteriani.Ndiri kutaura pamusoro penyu maPentekosti. Ndizvo chaizvo.Makamboziva Chokwadi, asi makafunga kuti hamukwanisekuChitora. Makanga musingakwanise kutsigira mufundisiwenyu.Mufundisi wenyu—wenyu haaikwanisa kuva nebasa guruiri rine mazana anoraudzira emadhora pasvondo, nekereke huruyakanaka yaanoparidzira, achifamba nemotokari nokuita zvosezvavanoita. Kana akazvitsiura, sangano rinomukandira kunze;saka anofanira kurichengeta, anofanira kuzvitaura. Nokudaro,akatengesa kodzero dzake dzehudangwe, nokuda kwezvokudyazvemunyika, zvemuto waEsau. Zvino chii chaachawana nokudakwazvo? Vari vaviri vachawira mugoronga rekutongwa, kutivapomerwe. Ndinovapomera, sezvipfeve zveEvhangeri.307 Ndakanga ndiri pane imwe kwaya, pane imwe nzvimboine mukurumbira, huru, nguva shoma yapfuura, imwePentekosti yenzvimbo yepamusoro-soro pane dziripo. Zvinozvakaitika kuti ndakanga ndakagara mukamuri yokuverengerayehama iyi apo makwaya mana kana mashanu akauyapamwe chete. Zvino ndopane imwe…mamwe emasanganoemaPenekosti akanakisisa. Zvino vakanga vasiri kuzivakuti ndakanga ndiri mukamuri yemushumiri yokuverengera,paOklahoma. Ndakanga ndigerepo, pasi, uko mushumiriuyu kwaanoverengera asati auya kupratifomu yake. Zvinopandakadaro…308 Pakanga paina vanaRiki kunze ikoko; nanaRiketa, pendi,pasina kana mumwe wavo aiva nevhudzi refu, vose vaivanevhudzi rakagerwa, vose vakaisa pendi, vose vakapfekamagemenzi. Zvino kamwe kaRiki kaduku kakanga kakamiraipapo, kachifamba kachiita sezvizvi, (uye mumwe murumeakanga ari kutora mupiro wemishinari), aiita sokunge aivebofu aine kapu, achitenderera kwese achitaura zvakasiyana-siyana zvinomhura kutorwa kwemupiro, nezvinhu zvakadaro.Asi ndokuendako ndokuedza kuimba—Mhesiya, o, ini zvangu,uye—uye ainyatsoita basa rakanaka pazviri, asi zvakanga zvisinakurira kwacho. Kwete, zvakanga zvakafa, munoona. O, inizvangu! Hezvoka izvo. Ndiro Gorogota raKe idzva.309 Munofungei pane kamusikana kaduku, kana mumwemudzimai muduku imomo? Handiti, dai ainge auya imomo,akapfeka zvakafanira kuti ange akapfeka, aine vhudzi refu,pendi yose yakabviswa, nezvimwe zvakadaro, vangadai vakaitadambe naye; dai ainge akasimuka, pavainge vari kuita zvavaiitaipapo, boka iroro revechidiki, vanenge makumi matatu kana

Page 49: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 49

makumi mana avo. Chikamu chakasarudzwa chePentekosti,zvino vachiita zvinhu zvakadaro! Zvino mudzimai mudukuuyu dai akataura chimwe chinhu pamusoro pazvo, vangadaivakamudzinga mukwaya.310 Regai muparidzi weEvhangeri amire mupurupiti ataurechimwe chinhu nezvazvo, vanomudzingira kunze kwesangano.Munoroverera Mwanakomana waMwari patsva, nokuMuisapakunyadziswa kuri pachena. Evhangeri yaKe yamunotimunoparidza, munoMuroverera. Ndinopomera chizvarwachino chinoramba Kristu, neShoko raMwari, nesimba raRorokusimbiswa kwemazuva ano okupedzisira okuti Achirimupenyu. Hongu. Vanopikisa Shoko raMwari rakajeka,rakasimbiswa.Masangano avo haakwanise kumisidzana naRo.311 Makereke makuru nemasangano ndiwo KarivhariyaKe itsva. Ndinozvitaura zvakare. Aya, madzimai avoechimanjemanje anofamba asina kusimira, ndiwo makwayaavo.312 Muprisita mukuru wesangano roga-roga anodanidzirasemuprisita mukuru wezuva iroro, “Zvino burukautiratidze chishamiso.” Uh-huh. Ndiko kwaive kurovererwakwepakutanga.313 Ndizvo zvimwe chete nhasi. Ndakavanzwa vachiti, “Saka,zvino, unomutsa vakafa, unozviita here? Wadini wakwirakumusoro uko? Une mudzimai ari kumakuva. Une mwana arikokumusoro ikoko.”314 Vakati kwaAri, “Takanzwa kuti Wakamutsa vakafa. Tinemarinda akazara kumusoro kuno. Uya uvamutse.” O, kusazivakunobereka kusaziva. Maona? Uh-huh.315 Makereke makuru, makwaya makuru, vaprisita vakuruvezuva rino, “Buruka pasi, tiratidze chishamiso chisingagonikuitwa nesangano redu.”316 Ndakava nemumwe murume, nguva shoma yapfuura, anezvaakataura maererano ne…mushure menhepfenyuro dukuyandakava nayo muJonesboro, Arkansas, ndichitaura pamusoropemumwe mudzimai akapodzwa. Murume uyu aive weimwekereke yesangano, zvino akasimuka kumashure ikoko ndokuti,“Ndinopikisa chero munhu kuti andiunzire nokundiratidzachishamiso.”317 Ndakaenda ndikanotora chiremba. Mumwe murume akangaapodzwa, kenza. Ndakaenda ndikanotora mumwe mudzimaiakambenge ari muhwiricheya kwemakore angaita makumimaviri; akapodzwa arthritis, aimbenge airi muhwiricheya.Ndakaenda navo ikoko ndokuti, “Iye zvino ndiri kuda mariyacho, chiuru chemadhora.”318 Akati, “Saka, uh, uh, uh, uh, haipo pano. Iri uko kuWaco,Texas, uko kune muzinda wedu.”

Page 50: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

50 SHOKO RAKATAURWA

319 Ndikati, “Zvakanaka, tinongoenda ikoko tonoitora.”Ndokuti, ndakati, “Iwe chigadzira hurongwa tozoendamangwana.” Maona? Ndakati, “Tichatumira tsamba…”Ndikati, “Heunoi chiremba wacho kuti ataure kuti vanhu avavaiva nekenza zvemazvirokwazvo. Hezvinoi izvi pamutsara, x-ray. Heunoi mudzimai uyu anozivikanwa munharaunda yosekuti aigara muhwiricheya iyo kwemakore makumi maviri,uye ari kufamba iye zvino. Uye vanachiremba, akaenda kunachiremba uyu nachiremba uyu nachiremba uyu nachiremba uyu,nezvose, zvino heunoi ari pano ari mupenyu nhasi. Zvino, wati‘uchapa chiuru chemadhora.’ Ndiri kuda kuchiisa muhomweyemishinari. Ndiri kuchida.” Maona? Maona?

Iye ndokuti, “Zvakanaka, iri uko kuWaco, Texas.”Ini ndokuti, “Tinoenda mangwana.”

320 Akati, “Mira zvishoma. Rega ndikuudze chimwe chinhu.Ndichauya nekasikana kaduku. Zvino ndichatora rezandokacheka ruwoko rwako, zvino iwe worwupodza, pamberipehama dzedu. Zvino vanozokupamari yacho.”

Ndakati, “Iwe dhiyabhore!”321 “Kana Uri Mwanakomana waMwari, burukapamuchinjikwa uyu.” “Tiudze kuti ndiyani aKurova,” ainechijira chakamoneredzwa mumusoro waKe. NdokuMurovaipapo, vachiti, “Iye zvino, kana uri muporofita, tiudzeaporof-…” “Kana Uri Mwanakomana waMwari, buruka kubvapamuchinjikwa.”322 Vatungamiri mapofu vanotungamira mapofu! Vanodakupodzwa papfungwa, munhu anoita chinhu chakadaro, kanakutaura zvakadaro. Chokwadi.323 Kutaura kuya kwakare kunozivikanwa, ndizvo, “RegatiKuone uchiita chishamiso. Tenzi, tinoda chishamiso chinobvakwaMuri.” Apo, mazuva ose, awa yose, zvakanga zviri kuitikazvichienda zvakadaro, sokungotungamira kwaiita Mwarikuti zviitike. Asi vakanga vasipo. Dai vainge varipo, vaizviti“Bheerzebhuri, dhiyabhore.” Maona? “Tenzi, tinoda kutiMuzviite nenzira yatinoda kuti Muzviite nayo.” Ndizvozvo.“Endai kwatinoda kuti Muende, itai zvatinoda.” O, hongu.Uh-huh. Vakanga vasina chavakaMusunga nacho. Kwete,changamire. Ndicho chikonzero chavakaMubvisira pakatipavo. Hongu, changamire. Vari kuedza kuita chinhu chimwechete nhasi. Uye kubudikidza nemubatanidzwa nemakereke,vachatopedzisira vabudirira kuzviita, munoona, vose vachiendapamwe chete. Kutaura kuya kwakare kunozivikanwa.324 Pano tinoona, zvakare, nzvimbo hurusa yezvekunamata,yakanakisisa, vadzidzi vebhaibheri vakangwara, vari kudanazvakare, uye vachiMupikisa, vachidana. Ivo vadzidzivebhaibheri vanodarika vose, vanofanira kunge vachizivazvakasiyana; makereke epamusoro-soro, vadzidzi vebhaibheri

Page 51: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 51

vakadzidziswa zvinodarika vose, vakaMudzinga kubva pakatipavo. HavaUde.

Unoti, “Hazvina kunaka, Hama Branham.”325 Saka wakanga usiri pano kuona Mazera Ekereke, kanakuanzwa achiparidzwa. Wakanga usipo pano, apo, Zera rinoreKereke yeRaodhikia ndiro roga rakaMudzingira kunzekwekereke. Zvino Akanga ari kunze, panze, achigogodza,achiedza kudzokera mukati. VakaMudzingira panze nokutihavana basa rokuita naYe. VanoMuroverera patsva. Ameni! Kotingasvika kupi?326 Rangarirai, muporofita weShoko raMwari akafanotiudza,munaTimotio weChipiri 3, kana muri kuinyora pasi.Hatina nguva yokuiverenga. Asi akataura, kuti, “Mumazuvaokupedzisira, vaseki vachauya. Vachange vakasindimara,vanokarira zvepamusoro, vanoda mufaro wenyika kudarikakuda kwavanoita Mwari; vapomeri venhema, vasingazvibate,vanotyisa, vashori veavo vakanaka, vacheri, vakasindimara,vanokarira zviri pamusoro, vakadzidza; vane chimirochehumwari, asi vachiramba Simba racho: ibvai kunevakadaro! Nokuti ava ndivo vaya vanotora madzimai akapata,ane vhudzi rakagerwa,” vanopfeka zvikabudura, zvisozvakapendwa, “kunzvimbo dzakasiyana-siyana, vachivaitanhapwa.” Ndizvozvo chaizvo.327 Akati, “Ibvai kwazviri, mumazuva okupedzisira.”Ngatiteererei muporofita. Ibvai kuzvinhu zvakadaro mumazuvaokupedzisira. Zvave pano. Ndiri kudana kuKereke zvino.Hongu, changamire. Ibvai pazviri!328 Vane, ivo, va—vashumiri vezuva ranhasi, vanofanira kuzivazvinhu izvi. Vaifanira kunge vakaziva Jesu mumazuva aKe.Vaifanira kunge vakaziva. Uye iye zvino vanofanira kuzviziva,asi havazvizive. Sezvaingove vadzidzisi vemaJudha vemuzuvaraKe vaifanira kunge vakaMuziva nezuva raKe, ndizvozvazviriwo nhasi, kuShoko raMwari rakasimbiswa zviri pachenazvino. Aiva Shoko, uye Akaratidza kuti Aive Shoko. Akaratidzakuti Aiva Shoko rezuva iroro. Uye Mwari varatidza nhasi kutiNdiye Shoko reZuva rino, Chiedza chenguva. Vaifanira kungevakazviziva ipapo, uye vanofanira kuzviziva iye zvino.329 VakaMuroverera kareko, uye vari kuMuroverera iye zvino.Ndinovapomera nokuda kwazvo! Ndizvozvo. Zviri kungorambazvichipenya nemandiri, “Vapomere, nokuti Mwari vachavaitakuti vazvibhadharire!”330 MaJudha ezuva ravo. Mwari zvakare, pamazuva epanyika,Jesu akati, “Jerusarema, Jerusarema, kangani kaNdingadaindakakuunganidzaimuboka guru rimwe, asi iwewakaramba.”331 Mwari vakaedza zvakadini, mumazuva ano okupedzisira,kubatanidza vanhu vaVo pamwe chete, asi makaramba. Makadazvitendwa zvenyu, nokudaro zvino muri kuzoparadzwa. Ndizvo

Page 52: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

52 SHOKO RAKATAURWA

zvakagamuchirwa neJerusarema; yakakoromorerwa pasi,ndokupiswa, haichisipo. Ndizvo chaizvo zvazvichave, nemamweemazuva, kuzvinhu zvose zvikuru zviri pano. Zvitendwazvenyu zvikuru nemasangano zvichafa pamwe nokuparara, asiShoko raMwari richagara munaZiendanakuenda nokuraramanokusingaperi. Maona?

332 Maronda aKe akadzikisisa akabva kuimba yevainzishamwari. Fungai, zvifungei. Zvifungei! Mirai! Ndirikumbomira zvishoma. Vashumiri, zvifungei! MarondaaKe akabvepi? Muimba yevainzi shamwari dzaKe.Sezvazvakambova, ndizvo zvazviri. Zvifungei! PaKarivhariakanga asina kukombwa ne—nemabhinya, mhondi, asivashumiri vaitaura kuti vanoMuda. Uye nhasi, apo Evhangeriiri kuratidzwa zvizere, apo zviratidzo zvikuru zvekumukakwaKe zviri kuratidzwa pakati pedu, havasi vemunziravanokusvetukira, ndeavo vanonzi vashumiri.

333 Vacho vanofanira kunge vachiMuda, ndivovakaMukomberedza nhasi. “Hatisi kuzova neChinhu ichopakati pedu. Hatisi kuzova neMunhu uyu kuti atitonge. Hatisikuzotsigira. Hatisi kuzoshandira pamwe naZvo, muguta rino,kana Chinhu ichocho chikauya nekuno. Hapana zvachirindezvemweya yakaipa. Ndidhiyabhore.” Vasiri kuziva ShokoraMwari, bofu richitungamira rimwe bofu. Sezvazvaiva kare,fungai, ndizvo zvazviri iye zvino. Sezvazvaingove kare, ndizvozvazviri iye zvino. Fungai!

334 Simba raKe rekupodza nokusunungura varume nemadzimaikubva parudo rwenyika iripo zvino, kubva pana vanaJezebherivakagera vhudzi, vakapenda zviso vanozvidana kuti Makristu;uye vachiita upenyu hwakadaro, vachiputa fodya, nokutaurazvinyadzi zvokusetsa vanhu. Vogara pasi vova nesosaitiyemishinari, nekusona-sona, nokutaura, nemakuhwa, no—nokuenda mumugwagwa vopfeka zvikabudura, nezvimwe zvosezvakadaro; uye vozvidana kuti Makristu, pamberi pemamwemadzimai. Munorangarira nyaya yangu yenhapwa yaiziva kutiyakanga iri mwanakomanawamambo, hunhu hwake. Tinofanirakunge takadini? Varume nemadzimai, uye vanoramba…

335 Vashumiri ava, mapurupiti aya paAnowana kubaiwakwaKe, vakaregerera nokutendera mararamiro akadaro ayapakati pevanhu, pavanoMubaya. Vanoramba Simba re—rekuvasunungura kubva pazviri, zvino vanozvibvumira kutizvive saizvozvo. Apo, zvichipesana neShoko raMwari, kutimudzimai agere vhudzi rake, kana kupenda kumeso kwake,kana kupfeka zvikabudura. Zvinopesana neShoko raMwari, asivanozvitendera, vachigadzira imwe Karivhari (kubvepi? kubvamumugwagwa? kubva mubhawa?) kubva papurupiti, kubvapapurupiti.

Page 53: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 53

336 Uye, zvakare, kudanidzira kwaiva kwei? “AnozviitaMwari pachaKe.” Vanoramba huMwari hwaKe. VanoedzakuMutsemura vogadzira vanaMwari vatatu kana vana kubvapaAri. Apo, Ari Mwari; Aiva Mwari; Achagara ari Mwari,mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi. Kana ukatauranezvaMwari mumwe chete, kwavari, vanokuseka. “Tinotendamuhutatu humwe hutsvene.”337 Ndinotenda munaMwari mumwe chete mutsvene, hongu,changamire, simba raVo rokupodza, rekusunungura, uyenokutora vanhu ava kubva parudo rwenyika, kuvasunungurasezvaVakaita Maria Magdarene. Rangarirai, akanga arikaJezebheri kaduku kakapendwa, zvakare. Akanga ainemadhimoni manomwe maari. Aive mudzimai aiita basarokukumura hanzu.338 Sezvakangoita mudzimai wechimanjemanje arimumugwagwa nhasi; enda chero kwaunoda ugoona. Kanamusingazvitendi kuti vanhu vanogwadama pazvimupunzozvemadzimai akashama, tarira mumugwagwa nhasi.Sezvazvaiva mumazuva eSodhoma, ndizvo zvazvichavewo.Tarira kunze, kana usingazvitendi, ingoenda kwese-kwese. Zarura bepa, zarura magazini, tarira chikwangwanichokushambadzira, unowanei? Rangarirai zvarakataura, “Apovanakomana vaMwari vakaona kuti vanasikana vevanhu vaivevakarurama pachiso, vakazvitorera vakadzi.” Tarirai panyayainonyadzisa yekuEngland, tarirai panyaya inonyadzisa yekuno,tarirai pachinhu chose, chave imba yehupfeve.339 Sei zvakadaro? Sei Russia yakava yechicommunisti?Nokuda kwekunyadzisira nehutsvina, uye nokushaiwa simbakwekereke yeKatorike. Ndicho chikonzero chaicho sei nyikaino yatora, chicommunism nemubatanidzwa wemakereke, uyezvichizvibatanidza nekereke yeKatorike. Apo, communismnechiKatorike zvichabatana pamwe chete, munoziva, uyepano vari kuzviita. Sei? Nokuti vakaramba Evhangeriinovapatsanura nokuvaita vanhu vakasiyana!…?…Ndichochaicho chikonzero.340 Vashumiri mupurupiti vachingosiya zvakadaro, kuitirakuchengetedza basa, kuitira chimiro pavanhu chechimwechitendwa, voti, “Ndiri weKwakati nekwakati,” vachitsivanisaSimba raMwari nedzidzo; kuvasunungura kubva pamujawewemapenzi, saMaria Magdarene.341 Iro Simba chairo rinogona kutora mudzimai mudukuanokurura hanzu ari mumugwagwa, zvino rigomuita kuti apfekenguwo dzake nokuzvibata semudzimai kwaye, nokumuita kutiave Mukristu, vakapomera Simba iri, ndokuroverera Munhuakanga ainaRo, paKarivhari.342 Uye nhasi, Evhangeri chaiyo neMweya Mutsvene unotorakamukururi kehanzu kaduku zvomuita kuti apfeke semudzimai

Page 54: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

54 SHOKO RAKATAURWA

kwaye ozvibata seMukristu, vanoIti “kupengereka.” Havadikuti Isangane pakati peungano yavo, kuti Ibate pakatipavo, nokukonzera kuti mamwe madzimai agozviita. Chiichavanoita? VanoIdzingira kunze, sezvavakaita kareko. Uyezvino vanoroverera iro Shoko racho vachiti Ndere rimwe zera.Ndinovapomera zvakare, hongu, changamire, zvimwe chetesokupomerwa kwavakamboitwa kareko.343 Chiratidzo chakaita kuti Regioni wakare apfeke hanzu.Rangarirai, munhu anokumura hanzu dzake anopenga. Maona?Ko mumwe mudzimai? Regioni aipenga; akakumura hanzudzake kubva paari. Mwari vakatora Simba raVo ndokumuitakuti apfeke hanzu dzake. Aive akapfeka hanzu, aine pfungwadzakakwana, ari patsoka dzaJesu.344 Tarirai Simba rakaita kuti Bhartimeo bofu aone, ipo pakatipezvitendwa zvavo. Aive panyika pakwaingova nokusatendakwakawanda sezvazviri nhasi, asi hazvina kumboMumisa.Akaenderera mberi. Haana kumboita zvokuzengurira.Akavaudza, “Muri vababa venyu, dhiyabhore.” Akapomeramhosva chinhu chose.345 Simba raigona kumutsa Razaro kubva muguva,ndokudzoserazve mudzimai weNaini mwanakomana wake!O Mwari! Simba raikwanisa kuita zvinhu izvi, raigonakufanotaura zvinhu zvaiitika. “Pane maviri…Mbongoro,pane mbongoro yakasungirirwa pamharadzano,” nezvimwezvinhu zvose izvo zvaAkafanotaura. Iye Munhu wacho chaiyeaive neSimba, “Pasi naYe. HatiMude pakati pevanhu vedu.Anosvibisa dzidziso dzedu,” zvino ndokuMuroverera.346 Chinhu chimwe chetecho nhasi, “Pasi neMweya Mutsvene,”havadi kuwana chavanoita naWo. “Unotsiura nokuita zvinhuizvi, uye nokutaurira vanhu vedu zvinhu izvo zvatisingadi kutizvisangane pakati pemasangano edu. Zvinopesana nezvitendwazvedu.” VanoMuroverera zvakare. O, ini zvangu!

Cherechedzai zvino patave kuvhara. Tinofanira kuvhara.

Uye, zvakare, vanoUti “kupengereka.”347 Uye vakaMudana kuti “mupengo.” Vakati, “Aipenga.” Cheromunhu anoziva kuti Bhaibheri rakadaro, “Jesu akanga,” ivovaFarise vakati, “Murume uyu muSamaria, uye anopenga.”Zvino shoko rokuti kupenga rinorevei? “Kupenga.” “Munhuuyu anopenga. Iboka revanhu vanopenga vanoMutevera.NdiBherizebhabhu.”348 Uye, zvakare, vanotaura zvimwe chetezvo, “Imwe mhandoyehuroi. Kuvuka,” vachiMuisa zvakare pamuchinjikwawekunyadziswa. Muchinjikwa upi? Kunyadziswa kupi? ShokoraKe rakasimbiswa; vachiita dambe naRo, vachiudza vanhu kutiNdidhiyabhore. Vachiita chimwe chinhu, nokudana…

Page 55: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 55

349 Akati, “Vanodana mabasa matsvene aMwari ‘mweyawetsvina uri kuzviita,’ hapana kuregererwa nokuda kwazvo.”350 Kuita chinyadziso Shoko raKe, vachiedza kuRifumuravachiti ndeRenhema kana kuti kupengereka, “Musaendakwariri. Musaenda kumisangano yacho.” Uh-huh.351 Chii chavanoita nokuita zvakadaro? Vanotora zvipikirizvavo zvedzidziso yesangano. Ndizvo chaizvo. Ava vadzidzisivanovhima mufaro wenyika, vemunyika, vasina humwari,vanopenga nesangano, vanotora zvipikiri zvesangano vorovereraMwanakomana waMwari nazvo, patsva, kubva pamapurupitiavo.352 Ko vanozviitirei? “Vanoda kurumbidzwa nevanhu,”madhigirii avanogona kupiwa nekereke, “kudarika kudakwavanoita Shoko raMwari.” Ndinovapomera mhosva.Havakwanise kufanana nenyika, nokuti vaka…Havakwanisekufanana neShoko, nokuti vakatofanana nenyika nechekare.Vakatozviita kare. Zuva rehunyengeri ratigere mariri! Handizvohere izvi…353 Ko Karivhari imwe haina kukwanira here Ishe wangu? Seimuchiita zvakadai? Imi munofanirwa kunge muchiMuda, imimunoziva kuti iRi iShoko raKe, imi munogona kuverengaZvakazarurwa chitsauko 22, inoti, “Ani naani anobvisainzwi rimwe chete kana kuwedzera inzwi rimwe chete,”ko munozviitireiko? Karivhari imwe chete haina herekuMukwanira?354 Ndiri kuMumiririra. Ndiri gweta raKe, uye ndinokupomeraineShoko raMwari. Shandurai nzira dzenyu kana kuti munoendakugehena. Masangano enyu achaputsika. Ndinokupomeraipamberi peMutongi, ndizvozvo, imi, nezvimiro zvenyuzvehumwari, nehunyengeri. Zvino sei muchiUti…KoKarivhariimwe chete haina kukwana here?355 Sokutaura kwakaita Petro, “Madzibaba enyu emasangano,”Petro akakupomerai ne…Akati, “Ndeupi wemadzibabaenyu asina kuita izvi?” Stefani akaita chinhu chimwechete: “Nemawoko ane utsinye makaroverera MuchindaweUpenyu.” Ko Jesu haana kutaura here, pachaKe, “Ndeupiwemadzibaba enyu asina kuisa vaporofita mumabwiro?Zvino imi mozoanatsiridza mushure mezvo”? Ndizvo chaizvozvakaitwamunhu akarurama zvichidzikamumazera ose!356 Saka ndinopomera vanhu vakakwenenzverwa, bokarinoenda kukereke rinoramba Kristu rezuva rino. Imi, nezvimirozvenyu zvehumwari, munoroverera Kristu wangu kechipiri,muchiudza vanhu, kuti, “MaShoko aya ndeerimwe zuva, uyehaAsi ezuva rino.” Ndinokupomerai. Mune mhosva yekuparamhosva imwe chete yavaiva nayo, pazuva rekurovererwa.Tendeukaimudzokere kunaMwari, kana kuti moparara.

Page 56: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

56 SHOKO RAKATAURWA

357 Uye zvakare ndinoti, “Pano,” makereke, “ivo,” vadzidzisi,“vanoroverera,” nekumhura, “Iye,” Shoko. Mwari ave netsitsi!Regai ndizvitaure zvakare. Zvinogona kunge zvavhenganiswapatepi. “Pano,” makereke, “ivo,” vafundisi, “vanoroverera,”nokumhura, “Iye,” Shoko. Ndokusaka zvadzokorora:

Pakati pematombo aipamuka nematengamatema

Muponesi wangu akakotamisa musoro waKeakafa,

Asi chidzitiro chokuzarura chakazarura nziraYekumifaro yeDenga nezuva risingagumi.

358 Ndinozvitaura patepi ino, nekuungano iyi. Ndinozvitaurandiri pasi pekufemera kweMweya Mutsvene. Ndiyani arikudivi raShe, ngaauye pasi peShoko iri! Mwari zvirokwazvovachaunza chizvarwa chino chakaipa, chisingadi Kristu,chinoramba Kristu mukutongwa, nokuda kwekumhura,kurovererwa kweShoko Rake rakaratidzwa. Vari kuuyapaKutongwa. Ndinochipomera! “Ndiyani ari kudivi raShe,”Mosesi akadaro, “regai auye kwandiri,” apo Shongwe yeMotoyainge yakarembera ipapo seumbowo. Ndiyani ari kudivi raShe,ngaatore Shoko, oramba chitendwa chake, zvino ogotevera JesuKristumazuva ose. Zvino ndichasangana newemangwanani.

Ngatikotamisei misoro yedu zvino tinamate.359 O Ishe Mwari, Mupi weUpenyu Husingaperi neMunyoriweShoko iri, Uyo akamutsa zvakare Ishe Jesu kuvafi, Uyoakanyatsozviratidza pamberi pechi—chizvarwa chevanhuvasingatendi. Zvanga zvakareba, mangwanani ano. Vazhinjivagara muno. Kereke yakazara. Vanhu vakamira munzvimbodzakapoteredza. Uye matepi ari kugadzirwa, kuti aende pasirose, munzvimbo dzakasiyana-siyana. Vashumiri vachazvinzwamukamuri yavo yokuverengera. Ndinovanamatira, Ishe. Itai kutimaShoko aya awire pakadzika mumoyo, acheke zvakadzika,acheke achibvisa nyika yose. Kuitira kuti vagotaura sa…360 Mushumiri muduku uyu zasi muKentucky, akauya kwandirinerimwe zuva, ndokuti, “Pandakanga ndiri kunzwa aye MazeraManomwe eKereke, ndakanzwa achidanidzira kuti, ‘Ibvaipamidhuri yeBhabhironi,’” ndokuti, “ndakazvisiya ndokubudandichienda. Handizivi kuti ndoendepi kana kuti ndoitei, asindakasiya ndikaenda.” Ngahuropafadzwe hushingi hwemurumeuyuwechidiki, nemudzimai, nevana vaviri kana vatatu.361 Mwari, dai vakawanda vawana nzira yavo kuShokoraMwari, nzira yoga yeHupenyu, nokuti Iye iShoko.Ndinonamatira mumwe nomumwe, Baba. Dzimwe nguvamukutaura zvinhu izvi, hazvisi muhutsinye; zviri murudo,nokuti rudo rwunogadzirisa. Uye ndinonamata, Mwari,kuti vanhu vachanzwisisa kuti ndizvo zvazviri, kuti zvirikuitirwa kuti zvigadzirise. Imi Maifanira kugadzirisa,

Page 57: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 57

ndokuvanamatira pamuchinjikwa, muchiti, “Baba, varegererei.Ivo, vakapofomara, ha—havasi kungoziva zvavari kuita.”

362 Ndinonamatira vashumiri ava vari kuroverera Shokozvakare, kubudikidza nokutora zvitendwa zvavo nemasanganonedzidziso, vachizvitora panzvimbo yeShoko reHupenyu.Uyezve, pamberi pevanhu, va—vanotsoropodza Chokwadichemazvirokwazvo icho chiri kusimbiswa naMwari kutiiChokwadi chaKe. Tinovanamatira, Baba, kuti MuchavadanapaSvusvuro yeMuchato zvakare. Uye dai vakauya panguvaino, uye vakasawana zvikonzero, nokuti ndinocherechedzakuti kudana kwekupedzisira kunogona kunge kwakatoitikakare. Nguva inogona kunge yakatopera zvino. Ndinovimba kutihaisati.

363 Ropafadzai ungano duku iyi iri pano, mazana mashomaevanhu vakaungana pano mangwanani ano, zuva rino ririkupisa, vagara muno kwenguva yakareba, mushumiro, kudayemaawa maviri kana kudarika, uye vachiteerera. Havanakumboenda. Varamba vakagara vachiteerera. Vakawanda vavovanga vakamirira kudya kwavo, uye madzimai vakamira nevanavavo, uye vakamirira. Vari kubatirira kuShoko rose.

364 Ishe, ndinoziva zvichaitika kwandiri neZuva reKutongwakana ndikatsautsa vanhu ava. Ndiri kunyatsoziva, Ishe,kunyatsoziva zvandiri kunzwa. Kuti, ndiri kuedza kuenda navokuShoko, uye nokuvaita kuti vararame neShoko, nokuvaudzakuti Muri “mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi,” kutiMweya Mutsvene mukuru ndiJesu Kristu, angori muchimirocheMweya Mutsvene, Munhu mumwe chete. Makataura kudaro.“Kwechinguvana nyika haizoNdionizve; asi muchaNdiona,nokuti Ndichange ndinemi, kunyange mamuri.” Uye ndinozivakuti uyu ndiMi, Ishe. Uye tinoKutendai, nokuti tinoKuonaimuchiita chinhu chimwe chete pakati pedu.

365 Tinozvipira nhasi, takabengenuka, tinozviita muungano inonemumatepi. Ishe, panguva iyo ino, dai murume nemudzimaiwese, mukomana nemusikana, uyo ari—uyo aripo pano, kanaakamira kunze, kana achanzwa patepi, dai isu panguva inotazvichenesa zvizere nokuzvipira zvizere pakushumiraMwari.

366 Fambai pamusoro peungano, Ishe, muSimba, mugopodzavarwere. Vati vanga vaine mukomana muduku akaremara agerenechekuno uku. Itai kuti Mweya Mutsvene mukuru uya…Tinoziva, kungogara muHupo hwaKe sezvazviri izvi, Unozviita.Kana Mukangogona kupfuura nemuredhiyo neterevhizheni,kunze nemunyika, muchipodza varwere, “Makatuma ShokoreNyu Rikavapodza,” Munogona kuita chinhu chimwe chetepane ino nguva. Ndinonamata, Mwari, kuti Mugopodza munhuwese ari kurwara, chirema chose, wese ari kutambudzwa, panonevachanzwamaShoko aya.Mwari, zviitei. Ndiri kuvanamatira.

Page 58: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

58 SHOKO RAKATAURWA

367 Ne—nerudo rwaKristu mumoyo mangu pamwenokunzwira vane zvishuwo, ndinovaunza, Ishe, kwaMuri,paartari yechipiriso, apo mutumbi une Ropa weGwayanaurere seyananiso yezvivi zvedu nezvirwere, urere ipapo.Ndinokumbirisa tsitsi kuvanhu. Ndinoda kumira sezvakaitaMosesi, ndiri pamukaha kwavari, Ishe, ndoti, “Mwari, ivainetsitsi kwavari, kwavari, kwechinguvanazve, uye mugovapamumwe mukana.” Musa—musazviita iye zvino, Ishe. Regai—regai Evhangeri ipfuurire mberi zvishoma.368 Va—vapomerwa, Ishe. Ndinonamata kuti tsitsi nenyashadzenyu huru dzicha—dzichatambanukira kumunhuwekupedzisira uyo ane zita rake riri muBhuku. Uye ndinozivakuti dzichazviita. Hazvina kuoma kunamata zvinopesananeShoko renyu reHumwari, kana kupesana—kana kupesanane…neShoko reHumwari, ndizvo zvandiri kureva, Ishe; Shokorakavimbiswa, Shoko rakasimbiswa, Shoko rakatemera vanhuava kumashure uko nyika isati yavambwa. Hazvina—hazvinakuoma ku—kunamata kuti Mugoponesa avo vane mazita arimuBhuku, nokuti ndinoziva kuti Muchazviita. Jesu akataurakudaro, “Vose vaNdakapiwa naBaba vachauya.” Uye hakunamunhu anokwanisa kuuya kunze kwekunge akapiwa.369 Iye zvino ndinonamata, Mwari, kwese kunowira maShokoaya, kwese patepi nevari pano, kuti Mweya Mutsvene ugodanamunhu wose akatemerwa iye zvino, kubva kumavambo enyikaapo mazita avo akaiswa muBhuku reGwayana reHupenyu.Dai vakanzwa Inzwi raMwari richitaura nhasi, muInzwi duku,rakanyarara, duku zasi mumoyo wavo, richiti, “Iyi ndiyo Nzira,fambamaIri.” Zviitei, Baba.Ndazvikumbira nemuZita raJesu.370 Uye pari zvino takakotamisa misoro yedu muno muungano.Kana uchitenda kuti ichi iChokwadi, uye iwe—iwe…ndaisa,ndaisa ruwoko rwangu pamahengechepfu akaradzikwa pano,pamwe namapasuru evanorwara nevanotambudzwa. Ndiri kudakukubvunzai mubvunzo, mukuperera zvino.371 Handiuye zasi kuno kuzongonzwikwa. Nda—nda—ndaneta.Ndarukutika. Handichisiri muduku sezvandaimbova, uye ndi—uye ndinoziva kuti mazuva edu ave mashoma. Uye ndinozivakuti ndinofanira kuisa chinhu chiduku chose chandingagona,kuHumambo hwaMwari. Ndinofanira kuparidza nguva dzosepandinowanamukana. Ndinofanira kudaro, ndinofanira kuendazvisinei kuti ndinonzwa kudaro here kana kuti kwete.372 Ndinouya pano nokuda kwekuti ndi—ndinonzwa kuzviita.Ndi—ndinoda kuzviita. Ndinokudai. Uye handitaure zvinhuzvakakwasharara uye zvakaoma, kuti—kuti…nokuda kwekutindinoda. Pane—pane chiri kupfakanyika mukati mangu. Chinhuichochi chakasimbiswa ndicho chinhu chinondimanikidzakuita zvinhu izvi. Ndinozvitaura nemutsa, nerudo. Handirevikunge ndichitsiura madzimai edu nevarume vedu. Handirevi

Page 59: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 59

kuita zvakadaro, hama, hanzvadzi. Ndinongorevera kukuunzaipanzvimbo ya—yakapinza, uko kwamunogona kuonakugadzirisa uye neshamhu yaShe, kuti munofanira kupindamukati zvino. Usasiya zvakadaro; unogona kuzomirira nguvayakarebesa.373 Zvino imi munoda kuuya kudivi raShe, nokuzvipirakuzere mumoyo menyu, muhupo muungano zvino, kanamunyika kuchange kuine matepi; ungadaro here, misoroyenyu yakakotamiswa…Usasimudza mawoko ako kanausiri kurevesa. Iye zvino kana uri kunyatsorevesa, uchidakuuya kunaShe, nehupenyu hwakacheneswa, haungasimudzaruwoko rwako here iye zvino. Iwe, Ishe vakuropafadze. Urikuzvichenesa patsva kuna Kristu, kuedza kutakura kushorwa.Unoti, “Ndinoda nhasi kutakura kushorwa.”374 Ndine mawoko angu maviri mudengawo, zvakare. Ini,ndinoda kutora kushorwa kwaJesu Kristu pandiri. Nomufarondinotakura munembo wekuti “muumburuki mutsvene,” cherochaungada kuzvidana. Ndinochipfeka ndichidada, nokutikuitira Ishe. Ndinoupfeka ndichidada.375 Hamungadiwo here mose kuita zvimwe chete? Simudzaimawoko enyu, muchiti, “Nenyasha dzaMwari, ndi—ndi—ndinoda…ndiri…” Vadzidzi vakadzoka, vakafunga kutikwaiva kuremekedzwa kukuru kutakura kushorwa kweZitaraKe. Kana kuti, unoda kutakura kushorwa kwemumwemutambi wekuHollywood, kanawo mumwe wepaterevhizheni,kana imwe nhengo yekereke, kanawo zvimwe? Kana kuti, unodahere kushorwa kweShoko raJesu Kristu? “Ndipei kushorwakweShoko, Ishe. Ndinoziva kuti Akatakura kushorwa kweShokoraMwari. Regai ndikutakurewo, zvakare, Ishe.”

Uye muchinjikwa uyu wakayereswandichautakura

Kusvikira rufu rwandisunungura,Zvino ndoenda kumusha, kunopfeka korona.

376 Pachave nekorona yedu rimwe ramazuva. Iri kugadzirwa iyezvino. Kana upenyu huno hwepanyika hwapera, zvino tinozozivakuti zvichange zvanaka.377 Iye zvino hapana nzvimbo yekuunza vanhu vakapoteredzaartari. Rega chigaro chako, ipapo pauri, ive artari. “Vosevakatenda…” Patiri kunamata.378 Baba voKudenga, zvaratidzika kwandiri sokunge potseruwoko rwese rwemuduku nemukuru, rwanga rwakasimuka,muungano ino. Uye ndinonamata kuti, nguva dzose apotepi icharidzwa, kuti vanhu vachaisa mawoko avo mudenga,zvino vopfugama mukamuri; baba naamai voenda vonobatanamawoko mumwe nomumwe, voti, “Mudiwa, tanga tirinhengo dzekereke kwenguva yakareba zvakakwana. NgatiuyeikunaKristu.” Zviitei, Ishe.

Page 60: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

60 SHOKO RAKATAURWA

379 Ropafadzai vanhu ava vari pano. Ndinonamata kutiMuvape,Ishe, hupenyu hwakayereswa. Vazhinji vavo, Ishe, vanhuvakanaka. Ava—ava vanhu veNyu; havasati vangoziva Chokwadibedzi. Uye ndinonamata kuti Mugovaratidza Chokwadi cheNyu,Ishe. “Shoko reNyu iChokwadi.”380 Sezvamakataura munaJohane, ndinofunga zvimwe kudachitsauko 17, Makati, “Vachenesei, Baba, kubudikidzaneChokwadi. Shoko reNyu iChokwadi.”381 Uye Iro zvakare, Shoko reNyu, richingori Chokwadi.Ragara nguva dzose riri Chokwadi, nokuti NdiMwari. Uyendinonamata, Mwari, kuti mugovachenesa kubudikidzaneChokwadi. Zvichireva kuti, kuchenesa, kucheneswa kubvakuzvitendwa zvose nemasangano. Vachenesei kubva kuzvinhuzvose zvenyika, kuhupenyu hwakacheneswa hweShoko.Zviitei, Ishe. Vave veNyu zvino. Makavimbisa kuzviita. Zvinosemuranda weNyu, ndinoisa munamato ndichivamiririra.NemuZita raJesu Kristu.382 Iye zvino takakotamisa misoro yedu, ngatiimbei chimbo ichitichienderera mberi nokunamata.

Jesu akabhadhara zvose,Zvose kwaAri…(Zvifungei izvozvo!)Chivi…

383 Nezuro ndakanga ndiri pane imwe nzvi—nzvimbo, zvinomumwe murume akanga ari kundiyera kuitira sutu iyo imwehama muno mukereke yakanga yanditengera. Akati, “Sutuyenyu yanga ichiratidzika sokunge inopisa, zvino ndakutengeraiinotonhorera.”384 Zvino ndakaenda kuti inochekwa, zino iye ndokuti, “Ko,bendekete rako rekurudyi rakadembera pasi. Unofanira kungewakambotakuramutoro wairemamumwemusi.”385 Zvino ndakafunga, “Hongu, mutoro wechivi. Asi Jesuakabhadhara zvose.” Teererai patiri kuchiimba.

Jesu akabhadhara…zvose,Zvino zvose, hupenyu hwangu hwose, kwaArindi…

Chii chakanga chaitwa nechivi?

Chivi chakanga chasiya dzvanga dzvuku,Akachishamba chikachena semazaya echando.

386 Mwari, ivaiwo netsitsi kwatiri. Senguva ino yakadzamayekufunga, regai Shoko risinine zvakadzika, Ishe, kumoyo. Regaivanhu, kunyange vanonoka kusvusvuro yavo…Asi, Ishe, Izvizvinodarika zvokudya. Uhu Hupenyu. “Shoko raNgu ndichochokudya,” Makadaro. Uye ndicho icho mweya yedu ine nzarairi kudya pachiri.

Page 61: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA 61

387 Iye zvino titorei, Ishe, tiumbei. Ishe, nditorei pamwechete navo. Ndinoda kuenda navo. Ndave kuenda kuKarivharizvino, Ishe, nokutenda. Ndave kuenda neungano ino. Iyezvino chingondiumbai zvakare, Ishe. Ndakakanganisa. Nguvadzakawanda dzandaka…388 Pano nguva shoma yapfuura ndakanga ndave kuda kuregazvokuparidza. Vanhu vakanga vasisanditeereri. Vaingorambavachiita chinhu chimwe chete, zvino ini—ini ndokuwodzwamoyo. Ndakazvichepesa. O Mwari! Misi yeSvondo mishomayakapfuura, paya paMakandipa chiratidzo chiya kunzeuko, kwete…uye mukuverenga Bhaibheri, zvino ndokuonaMakaudza Mosesi, sezvakanga zvakangoita chiroto chiya, kutipaiva negomowo, zvakare, uye raizova chiratidzo kwaari. Uyezvadaro kumagumo chaiko kwazvo, kuziva kuti nda—ndakangandasiya vanhu vanorwara vakawanda; shumiro isingori bedzimuchiporofita, asi mukudzidzisa Shoko, ne—nekunamatiravanorwara. Makaita kuti murume afe ndokudonha ipo panochaipo pasi, zvino ndokumudzosa kuupenyu, kusimbisa kutichaive chokwadi. Munogara nguva dzose Muchisimbisa ShokoreNyu.389 Iye zvino, Ishe, Risimbisei iye zvino pandiri pamberipeChigaro cheNyu choushe. Torai mumwe nomumwe wevanhuava, Ishe, buditsai nyika kubva matiri. Nditorei, Ishe, apotiri muHupo hweNyu. Chingotorai nyika, svinai moyo yedu,Mwari, iye zvino. Bvisai nyika nehanyn’a yenyika kurenesu. Itai kuti tive Makristu akacheneswa, O Mwari, tivenerudo nemutsa nokutapira, tichibereka muchero weMweya.Hamungazviiti here, Ishe? Tiri pamberi peChigaro cheNyuchoushe. Chivi chakasiya dzvanga dzvuku panesu tose, asi RopareNyu rinokwanisa kuchibvisa, Ishe, nokuchiita kuti chichenesemazaya echando. Zviitei, apo patiri kumirira paMuri. Titorei;tiri veNyu; chenesai hupenyu hwedu kwaMuri. NemuZita raJesuKristu, zviitei, Ishe, kunemumwe nomumwewedu.390 Svinai moyo wangu, Ishe. Ndiri kuona kukanganisa kwangukwese. Ndiri kuona mhosho dzangu. Mwari, kubva panguvaino, ndiri kuedza kurarama zvakanakisisa sokukwanisa kwangu,kuKubatsirai. Ndiri kuda kuenda, ndiri kuda kuchenesa upenyuhwangu patsva kwaMuri, ipo panomangwanani ano.391 Mushure mokuunza kupomera uku kuchipikisa shamwaridzangu—dzangu vashumiri kunze uko, uye nokutofanira kutaurazvinhu izvi zvakaomarara, asi, Ishe, ndazviita nokufemerakweNyu. Ndiri kunzwa kuti Mandiudza kuti ndizviite. Iye zvinozvabva pamapfudzi angu, Ishe. Ndi—ndiri kufara kuti zvabva.Regai vaite nazvo sokuda kwavo, Baba. Ndinonamata kutivagozvigamuchira. Ndinonamata kutimugovaponesa vose, Ishe.392 Dai pakauya rumutsiriro rwevakarurama, uye neSimbaguru rigouya mukati meKereke paInenge yoda kuenda. Ini…

Page 62: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

62 SHOKO RAKATAURWA

Hazvina kuoma kuzvinamatira, nokuti Makazvivimbisa.Uye takatarisira, Ishe, pakudhonza kuya kwechitatu ukokwatinoziva kuti kuchatiitira zvinhu zvikuru pakati pedu.393 Ndiri wenyu, Ishe. Ndinozviradzika paartari ino,ndakangozvichenesa sokuziva kwandinoita kuzviitira. Bvisainyika kwandiri, Ishe. Bvisai kwandiri zvinhu zvinoparara;ndipeiwo zvinhu zvisingaparare, Shoko raMwari. Daindakwanisa kurarama pedyosa neShoko iri, kusvikira Shokorinenge rave mandiri, uye neni ndave Mushoko. Zviitei, Ishe.Dai ndikasambofa ndatsauka ndichibva paRiri. Dai ndikabataMunondo uya waMambo zvakasimba, nokuUbatisisa uri pedyo.Zviitei, Ishe.394 Tiropafadzei pamwe chete. Tiri varanda veNyu, apo patirikuzvichenesa kwaMuri mangwanani ano, patsva, mumoyo yedu.Tiri veNyu, nemuZita raJesuKristu, mukushumira.

Jesu…Mwari vakuropafadzei! Hama Neville.

Page 63: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

KUPOMERA MHOSVA SHO63-0707M(The Indictment)

Mharidzo iyi neHama William Marrion Branham, yakaparidzwa kwokutanganeChirungu Svondo mangwanani, 7 Chikunguru, 1963, paBranham TabhenakerimuJeffersonville, Indiana, U.S.A., yakazotorwa kubva patepi yaka rhekodwandokuzodhindhwa muChirungu pasina chakamurwa. Kuturikirwa ukumuchiShona kwakazodhindhwa nokugoverwa neve Voice Of God Recordings.

SHONA

©2015 VGR, ALL RIGHTS RESERVED

VOICE OF GOD RECORDINGS, ZIMBABWE OFFICE

8 ST. ANNES ROAD, AVONDALE, HARARE, ZIMBABWE

VOICE OF GOD RECORDINGS

P.O. BOX 950, JEFFERSONVILLE, INDIANA 47131 U.S.A.www.branham.org

Page 64: SHO63-0707M Kupomera Mhosva VGRdownload.branham.org/pdf/SHO/SHO63-0707M The Indictment VGR.pdf · KUPOMERAMHOSVA 3 11 Uye zvino, Edith, neshanduko iyi ye—ye—yemakore manomwe

Chiziviso chekodzero

Kodzero dzose dzakachengetedzwa. Bhuku iri rinokwanisa kudhindhwa papirinda yekumba kuti ushandise uri iwe pachako kana kugovera kunze, usingatengesi, semudziyo wekuparadzira Evhangeri yaJesu Kristu. Bhuku iri harigoni kutengeswa, kudhindhwa akawanda, kuiswa pawebhusaiti, kana kuwana mumuchina waringachengeterwa, kuturikirwa mune mimwe mitauro, kana kushandiswa kukumbira mari pasina mvumo yakanyorwa nevekuVoice Of God Recordings®.

Kuwana umwe umboo kana zvimwewo zviripo zvingawanikwa, tapota nyorerai:

Voice of God RecoRdinGsP.o. Box 950, JeffeRsonVille, indiana 47131 U.s.a.

www.branham.org